Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chinangwa Choupenyu Ndechei?

Chinangwa Choupenyu Ndechei?

Chinangwa Choupenyu Ndechei?

NEI MHINDURO YACHO ICHIKOSHA? Zvinhu zvishoma zvinoshungurudza vanhu kupfuura pfungwa yokuti upenyu hahuna zvahunoreva, hahuna chinangwa. Ukuwo, munhu ane chinangwa chakajeka muupenyu akashinga. Mumwe musayendisiti anonzi Viktor E. Frankl, akapukunyuka pakaitika Holocaust akanyora kuti: “Ndinoshinga kutaura kuti munyika hamuna chinhu chingabatsira munhu kubuda mumuromo meshumba chingapfuura kuziva kuti upenyu hune chinangwa.”

Zvisinei, pane zvakawanda zvinotaurwa nezvenyaya iyi zvinopikisana. Vakawanda vanofunga kuti panyaya yokusarudza chinangwa choupenyu zviri kwaari muridzi wejira kufuga kana kuwarira. Asiwo, vamwe vanodavira kuti munhu akashanduka-shanduka vanodzidzisa kuti hakuna chinonzi chinangwa chaicho choupenyu.

Kutaura zvazviri, nzira ine musoro zvikuru yokuziva nayo chinangwa choupenyu ndeyokubvunza Mupi Woupenyu, Jehovha Mwari. Chimboona zvinotaurwa neShoko rake panyaya yacho.

Zvinotaura Bhaibheri

Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jehovha Mwari aiva nechinangwa chaicho paakasika murume nomukadzi. Jehovha akarayira vabereki vedu vokutanga zvinotevera.

Genesisi 1:28. “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”

Mwari aiva nechinangwa chokuti Adhamu naEvha nevana vavo vaite kuti nyika yose ive paradhiso. Akanga asina kuronga kuti vanhu vakwegure uye vafe; uyewo akanga asingadi kuti vanhu vakanganise zvakavapoteredza. Zvisinei, nemhaka yokutadza kusarudza kwakaitwa nevabereki vedu vokutanga, takagara nhaka chivi norufu. (Genesisi 3:2-6; VaRoma 5:12) Kunyange zvakadaro, chinangwa chaJehovha hachina kuchinja. Munguva pfupi iri kuuya nyika ichava paradhiso.—Isaya 55:10, 11.

Jehovha akatisika tiine simba nenjere dzokuita chinangwa chake. Haana kutisika kuti tizviraramire tisingatungamirirwi naye. Ona kuti chinangwa chaMwari nokuda kwedu chinorondedzerwa sei mundima dzeBhaibheri dzinotevera.

Muparidzi 12:13. “Pashure pokunge zvinhu zvose zvanzwiwa, mhedziso yenyaya yacho ndeiyi: Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake. Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.”

Mika 6:8. “Jehovha anodei kwauri kunze kwokuti ururamisire, ude mutsa uye uve nomwero pakufamba naMwari wako?”

Mateu 22:37-39. “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’”

Zvinoita Kuti Mhinduro dzeBhaibheri Dzikuzorodze Chaizvo

Kuti muchina wakaoma kushandisa ushande zvakanaka, unofanira kushandiswa zvawakagadzirirwa uye maererano nezvinotaurwa nomunhu akaugadzira. Saizvozvowo, kuti tisakuvara pakunamata, mupfungwa, unhu hwedu kana kuti mumuviri, tinofanira kurarama nenzira yatakasikwa nayo noMusiki wedu. Chimbofunga kuzorodzwa kwatinoitwa nokuziva chinangwa chaMwari pazvinhu zvoupenyu zvinotevera.

Pavanosarudza zvinokosha, vakawanda mazuva ano vanozvipira kuunganidza pfuma. Zvisinei, Bhaibheri rinoyambira kuti, “Vaya vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo nomukuchiva zvinhu zvizhinji zvoupenzi nezvinokuvadza.”—1 Timoti 6:9, 10.

Asiwo vaya vanodzidza kuda Mwari pane kuda mari vanoziva zvinoita kuti vagutsikane. (1 Timoti 6:7, 8) Vanonzwisisa kuti zvinokosha kuti vashande nesimba uye vanoziva kuti vanofanira kuzviriritira. (VaEfeso 4:28) Asi vanokoshesawo yambiro yaJesu yokuti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.”—Mateu 6:24.

Naizvozvo, pane kunyanya kukoshesa basa ravo kana kuti kutsvaka pfuma, vaya vanoda Mwari vanonyanya kukoshesa kuita zvaanoda. Vanoziva kuti kana vakanyanya kukoshesa kuita zvinodiwa naJehovha Mwari, iye achavatarisira. Kutaura zvazviri, Jehovha anonzwa kuti anofanira kuvatarisira.—Mateu 6:25-33.

Pavanenge vachiita zvinhu nevamwe vanhu, vakawanda vanoda kuti zvavo zvitange. Mazuva ano, nyika haina rugare, zvichinyanya kukonzerwa nokuti vakawanda vava vanhu “vanozvida, . . . vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.” (2 Timoti 3:2, 3) Kana mumwe munhu akavaodza mwoyo kana kuti akasabvumirana nemaonero avo, vanofufutirwa ‘nehasha uye vanotsamwa nokupopota nokutuka.’ (VaEfeso 4:31) Pane kuzorodza pfungwa, kusazvidzora kwakadaro kunongo“mutsa kukakavara.”—Zvirevo 15:18.

Kusiyana naizvozvo, vaya vanoteerera murayiro waMwari wokuda vavakidzani vavo sezvavanozviita ‘vanoitirana mutsa, vachinzwirana tsitsi kwazvo, uye vachikanganwirana nomwoyo wose.’ (VaEfeso 4:32; VaKorose 3:13) Kunyange vakasavabatwa zvakanaka nevamwe, vanoedza kutevedzera Jesu, uyo asina “kutanga kutukawo” paakanga achitukwa. (1 Petro 2:23) Kufanana naJesu, vanonzwisisa kuti kushandira vamwe kunogutsa, kunyange vaya vasingaongi zvavanenge vari kuitirwa. (Mateu 20:25-28; Johani 13:14, 15; Mabasa 20:35) Jehovha Mwari anopa mudzimu wake mutsvene kune vaya vanotevedzera Mwanakomana wake, uye mudzimu uyu unoita kuti vanyatsozorodzwa muupenyu hwavo.—VaGaratiya 5:22.

Zvisinei, maonero aunoita ramangwana angakubatsira sei kuti uve nepfungwa dzakagadzikana?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Munhu anoda kuva nechinangwa chaicho muupenyu

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jesu anotidzidzisa kuti tingava sei nepfungwa dzakagadzikana