Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chichaitika Mune Ramangwana?

Chii Chichaitika Mune Ramangwana?

Chii Chichaitika Mune Ramangwana?

NEI MHINDURO YACHO ICHIKOSHA? Zvinotarisirwa nomunhu mangwana zvine zvazvinoita pane zvaari kuita nhasi. Somuenzaniso, vaya vasina tariro yeramangwana vangava nemaonero okuti: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” (1 VaKorinde 15:32) Maonero akadaro anowanzoita kuti vadyise, vararadze, uye vazvidye mwoyo, kwete kuti vave nepfungwa dzakagadzikana.

Kutaura zvazviri, kudai ramangwana raizoiswa mumaoko evanhu, hapana kwataizosvika. Mhepo, mvura uye ivhu zviri kukanganiswa zvisina mukare akamboona. Vanhu vava kugara vachityira kuti pangangova nehondo yenyukireya uye kuti vangangorwiswa nemagandanga. Mabhiriyoni evanhu mupasi rose ari kutambura nezvirwere uye urombo. Asi pane zvikonzero zvine musoro zvokuti vave netariro.

Vanhu zvavasingagoni kufanotaura nezveramangwana, Jehovha Mwari anotaura nezvake pachake sa“Iye ari kuzivisa zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare.” (Isaya 46:10) Jehovha anotaura kuti ramangwana richange rakaita sei?

Zvinotaura Bhaibheri

Jehovha haazoregi nyika kana kuti zvinhu zvipenyu zviri panyika zvichiparara zvachose. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinopikira kuti Mwari ‘achaparadza vaya vanoparadza nyika.’ (Zvakazarurwa 11:18) Achishandisa Umambo hwake, kana kuti hurumende yake yokudenga, Jehovha achabvisa uipi panyika odzorera zvaakanga akaronga pakutanga. (Genesisi 1:26-31; 2:8, 9; Mateu 6:9, 10) Ndima dzeBhaibheri dzinotevera dzinotipa nzwisa yeramangwana, dzichitsanangura zviitiko zvichabatsira munhu wose ari panyika.

Pisarema 46:8, 9. “Uyai, onai mabasa aJehovha, maitiro aakaita zviitiko zvinokatyamadza panyika. Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika. Anotyora uta uye anogura-gura pfumo; anopisa ngoro nomoto.”

Isaya 35:5, 6. “Panguva iyoyo maziso emapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzematsi dzichavhurwa. Panguva iyoyo munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono, rurimi rwembeveve ruchashevedzera ruchifara. Nokuti mvura ichange yatubuka murenje, uye hova mubani rerenje.”

Isaya 65:21, 22. “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya.”

Dhanieri 2:44. “Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”

Johani 5:28, 29. “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [raJesu] vobuda.”

Zvakazarurwa 21:3, 4. “Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”

Zvinoita Kuti Mhinduro dzeBhaibheri Dzikuzorodze Chaizvo

Pakutanga, zvataurwa pamusoro apa zvinoita sokurota. Asi zvinhu izvi zvakavimbiswa naMwari, kwete nevanhu. Uye Jehovha Mwari ‘haamborevi nhema.’—Tito 1:2.

Kana ukadzidza kuvimba nezvipikirwa zvaMwari woteerera mitemo yake, uchagara wakagadzikana pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma zvikuru. Hauzombotadziswi kugadzikana mupfungwa nehondo, urombo, zvirwere, kunyange zvinetso zvokukwegura kana kuti rufu. Nei? Nokuti unenge uchivimba kuti Umambo hwaMwari huchabvisa nhamo dzose idzi.

Ungava sei netariro yakadaro yeramangwana? Unofanira ‘kuchinjwa pfungwa dzako kuti uedze, uzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.’ (VaRoma 12:2) Ungangoda humwe uchapupu hwokuti zvipikirwa zveBhaibheri zvakavimbika. Kuongorora uchapupu ihwohwo kunenge kuri kufira zviripo. Zvinhu zvishoma muupenyu zvichaita kuti tigadzikane mupfungwa.

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Shoko raMwari rinotii nezveramangwana?

Isaya 35:5

Isaya 35:6

Johani 5:28, 29