Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Dziva resimbi yakanyunguduswa repatemberi yaSoromoni raiva rakakura sei?

Nhoroondo iri pana 1 Madzimambo 7:26 inotaura nezvedziva racho kuti raipinda “mabhati zviuru zviviri” zvemvura yaishandiswa nevapristi, asi nhoroondo iri pana 2 Makoronike 4:5 inotaura kuti raipinda “mabhati zviuru zvitatu.” * Izvi zvakaita kuti vamwe vataure kuti musiyano uyu wakakonzerwa nokukanganisa kwakaitwa nevakanyora nhoroondo yaMakoronike.

Zvisinei, Shanduro yeNyika Itsva inotibatsira kunzwisisa kupindirana kunoita ndima mbiri idzi. Madzimambo Wokutanga 7:26 inoti: “Raipinda mabhati zviuru zviviri.” Ona kuti 2 Makoronike 4:5 inoti: “Somudziyo, raigona kupinda mabhati zviuru zvitatu.” Saka 2 Makoronike 4:5 inotaura nezvemakuriro akanga akaita dziva repatemberi, kureva mvura yaigona kupinda mariri, asi 1 Madzimambo 7:26 inotaura nezvokuwanda kwemvura yaigara ichiiswa mudziva racho repatemberi. Nemamwe mashoko, raisazadzwa kusvika pamuromo. Zvinoita sokuti mabhati zviuru zviviri emvura ndiwo chete aigara achidirwamo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 “Mabhati zviuru zviviri” akaenzana nemarita 44 000 uye “mabhati zviuru zvitatu” akaenzana nemarita 66 000.

Nei Jesu naPetro vakabhadhara mutero wepatemberi nemari imwe chete?

Muzuva raJesu, munhurume wose wechiJudha ane makore 20 aifanira kubhadhara mutero wepatemberi wepagore wemadrakema maviri. Mari iyi yaiva yakaenzana nomubhadharo wokushanda mazuva maviri. Pakabvunzwa nezvomutero uyu, Jesu akaudza Petro kuti: “Enda kugungwa, ukande chirauro, utore hove inotanga kubuda, uye paunoshamisa muromo wayo, uchawana mari yesitateri. Tora iyoyo uvape nokuda kwangu newe.”—Mateu 17:24-27.

Nyanzvi dzakawanda dzinofunga kuti mari yesitateri iri kutaurwa pano yaiva madrakema mana. Mari iyi yaikwana kubhadhara mutero wepatemberi wevanhu vaviri. Mari yemadrakema mana yainyanya kushandiswa uye yaiva nyore kuwana kupfuura yemadrakema maviri. The New Bible Dictionary rinoti: “Zvinoita sokuti vaJudha vaigara vachibhadhara mutero wepaTemberi vari vaviri vaviri.”

Uyezve, munhu aida kubhadhara mutero womunhu mumwe chete aifanira kubhadhara imwe mari kuti mari yake ichinjwe. Mari yacho yaigona kunge yakawanda ne8 muzana. Zvisinei, vaya vaibhadharira vanhu vaviri vakanga vasingabhadhari mari iyi yaiwedzerwa. Saka kunyange papfungwa duku iyi, nhoroondo yakanyorwa naMateu inowirirana nezvaigara zvichiitwa munguva yaJesu.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Mari yemadrakema mana yakawedzerwa kukura