Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Basa Rokuvaka Rinoita Kuti Jehovha Arumbidzwe

Basa Rokuvaka Rinoita Kuti Jehovha Arumbidzwe

Basa Rokuvaka Rinoita Kuti Jehovha Arumbidzwe

“Ndiri kurota here ini? Handina kumbofungidzira kuti taizova nenzvimbo yakanaka kudai yokuti tiungane uye tirumbidze Jehovha. Chiizve chimwe chandichada?”—MARIA, wokuMEXICO.

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA vanhu vanoda kuungana pamwe chete kuti vadzidze Shoko raMwari, Bhaibheri. (Pisarema 27:4; VaHebheru 10:23-25) Uye vanonyanya kunakidzwa pavanoungana panzvimbo dzokunamatira dzakanaka. Mumakore mashomanana apfuura vakavaka zviuru zvenzvimbo itsva dzokunamatira, dzinonzi Dzimba dzoUmambo, munyika gumi nefararira pasi rose.

Chii chakaita kuti pave nebasa rokuvaka rose iri? Ndivanaani vanoriita? Uye basa rokuvaka iri rinobatsira sei vanoriita? Kuti tipindure mibvunzo iyi, chimbofunga zvave zvichiitika kuMexico uye kuBelize.

Kunodiwa Zviuru zveDzimba dzoUmambo Itsva!

Kare, Zvapupu zvaJehovha muMexico zvaiungana kuti zvinamate chero pazvainge zvawana, kuseri kwedzimba, mudzimba dzeZvapupu, mudzimba dzokuchengetera zvinhu, mumagaraji kana kuti mudzimba dzokurenda. Panguva iyi, Zvapupu zvakatendeka izvi zvaigara zvichifunga kuti zvaizova zvakanaka kudai zvaizovaka Dzimba dzoUmambo.

Pakazosvika 1994, muMexico maiva neZvapupu 388 000. Kutsvakurudza kwakaitwa gore iroro kwakaratidza kuti, kuti vanhu vose ava vawane nzvimbo yavo yokunamatira, paizofanira kuvakwa Dzimba dzoUmambo itsva 3 300. Iri raizova basa rakakura chaizvo!

Dzimwe ungano dzaikwanisa dzakanga dzatotanga kuzvivakira Dzimba dzoUmambo. Asi mumakore mashanu akatevera, zvakava pachena kuti taifanira kuvaka dzimba dzakawanda nemhaka yokuwanda kweungano, uye taifanira kukurumidza kudzivaka. Basa iri riri kuitwa sei?

Mapoka Anofambira Enyanzvi Dzakazvipira

Muna 1999 chirongwa chitsva chokuvaka chakaparurwa. Mapoka Okuvaka Dzimba dzoUmambo akatanga kuumbwa muMexico yose. Vanhu vaiva Zvapupu zvaJehovha vaibva mumativi ose enyika iyi vakazvipira kushanda muchirongwa ichi uye vazhinji vacho vaiva nounyanzvi hwokuvaka. Parizvino, muMexico mune mapoka 35 akadai uye kuBelize kune rimwe chete.

Mapoka Okuvaka Dzimba dzoUmambo aya anowanzova nevanhu vasere vakazvipira, varume nevakadzi vanoita basa iri nguva dzose vasingabhadharwi. Boka rimwe nerimwe revanhu ava vakazvipira vanofara rinofamba munzvimbo nenzvimbo munyika iyi richitungamirira mabasa okuvaka. Mumwe nomumwe anoshanda maawa masere kubva Muvhuro kusvika Chishanu uyewo mumwe Mugovera vanoshanda, mumwe havashandi. Rugwaro rweBhaibheri runokurukurwa na7:00 mangwanani, vobva vadya zvokudya zvemangwanani. Vose vanoita nomwoyo wose chero zvavanenge vakumbirwa kuti vaite. Somuenzaniso, vakadzi vanoshanda nevarume pamabasa akadai sokupurasita, kuisa matiles, uye kupenda.

Ungano iri kuvakirwa imba yacho inobatsira nokupa pokugara, kuwacha mbatya uye kubikira vanhu ava vakazvipira vanenge vauya kuzovabatsira. Kuwedzera pabasa rokuvaka iri, vanhu vakazvipira ava neZvapupu zveungano iyoyo vanonakidzwa nokushamwaridzana pamisangano yechiKristu uye pavanenge vari mubasa rokuparidzira pasuo nesuo.

Mibayiro Yokuzvipira

Vanhu vakazvipira ava vanonzwa sei nezvebasa ravari kuita? Daniel, ave akazvipira kwemakore anopfuura matatu anoti, “Hadzisi nhema kuti tinoshanda tichibandwa nezuva uye tichitonhorwa, tinodya zvatisina kujaira, tinogara tichingotama, tinogara kure nevomumhuri dzedu, uye kakawanda hatina zvokushandisa zvemazuva ano zvinoita kuti upenyu huve nyore. Asi zvose izvi hatimbozviverengi kana tave kuenzanisa nezvikomborero zvatinowana.”

Ndezvipi zvimwe zvezvikomborero zvacho? Vanhu vakazvipira vakawanda vanodzidzisana unyanzvi hutsva hwokuvaka. Asi mumwe akazvipira anonzi Carlos, mutariri werimwe boka rakakura, anotaura chikomborero chaanoti ndicho chinonyanya kukosha. Anoti, “Tava mhuri ine vanhu 20. Tinodya tose, tinoshanda tose, tinodzidza tose, tinonyengetera tose. Tava noushamwari hwomusika nomugoti.”

Mapoka okuvaka aya anova noushamwari hwakasimba nevomuungano dzaanobatsira. José, akavawo muchirongwa chokuvaka dzimba dzinopfuura 100, anoti: “Zvinofadza kuona misodzi yokufara uye kunyemwerera kokuonga kunoitwa nehama padzinoona Imba yoUmambo yadzo itsva yadzaiita zvokurota yavapo.” Anowedzera kuti: “Tinofara kuziva kuti kutenda kwevamwe kunosimbiswa nezvishoma zvatinenge taita pakuti imwe imba yokunamata kwakachena ivakwe.”

Basa Rinoshamisa

Nzvimbo dzokunamatira idzi hadzisi dzemaoresa kana kuti dzokushamisira. Asi Dzimba dzoUmambo idzi dzakavakwa zviri nyore, zvichiita kuti basa rokuvaka rikurumidze kupera uye risadhura. Pose pazvinobvira, vanoshandisa zvinhu zvokuvakisa zvomunzvimbo iyoyo uye vanovaka semavakirwo anoitwa ikoko. Nenzira iyi, imba itsva inogona kupera kuvakwa muvhiki nhanhatu chete!

Kubvira muna 2007, ungano dzose dziri muBelize dzakanga dzava neDzimba dzoUmambo itsva 17. MuMexico, dzimba dzinopfuura 1 400 dzakavakwa kubvira muna 1999!

Kunyange zvazvo basa rakawanda rakaitwa, mushando uchiripo. (Mateu 9:37) Nhamba yeZvapupu zvomuMexico yawedzera kupfuura 600 000, vose vachiungana katatu pavhiki kuti vadzidziswe Shoko raMwari. Saka, pachiri kudiwa Dzimba dzoUmambo itsva dzinenge 2 000. Kudai basa iri revanhu vakazvipira kuvaka raiitwa nevanhu chete, ringadai risina kusvika pariri. Asi sezvatinongoona, kana Jehovha Mwari achibatsira, “zvinhu zvose zvinobvira.”—Mateu 19:26.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

“Vanoita Zvavanotaura”

Ungano yeZvapupu zvaJehovha zvomunharaunda iyoyo haisiyo yoga inobatsirwa nebasa rokuvaka Imba yoUmambo. Somuenzaniso, pakanga pachivakwa imwe Imba yoUmambo muBelize, mumwe murume ane mudzimai aipinda chechi yePentecostal akamuudza kuti kana Zvapupu zvaJehovha zvapedza kuvaka “chechi” yazvo, aizoda kupinda nazvo. Chii chakaita kuti ade kudaro? Akati: “Ndinoona kuti Mwari anavo. Havarwisani pavanenge vachishanda pamwe chete. Vanoita zvavanotaura.”

[Mufananidzo]

Imba yoUmambo yokuOrange Walk, kuBelize

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 23]

Basa Riri Kuitwa Munyika Yose

Mapoka Okuvaka Dzimba dzoUmambo akarongwa munyika 120. Dzimwe nyika shomanana dzine vanhu vakazvipira vanoshanda zvakaoma mubasa iri dzakarongwa pasi apa:

Angola, Bolivia, Croatia, Dominican Republic, Ethiopia, Fiji, Ghana, Hong Kong, India, Jamaica, Kazakhstan, Liberia, Moldova, Nigeria, Papua New Guinea, Rwanda, Tuvalu, Ukraine, Venezuela, Zambia.

[Mifananidzo]

Imba yoUmambo yokuTlaxcala, kuMexico

Imba yoUmambo yokuAcapulco, kuMexico

[Mufananidzo uri peji 23]

Nhengo dzeBoka Rokuvaka Dzimba dzoUmambo kuMexico