Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzisa Vana Vako

Mako Haana Kukanda Mapfumo Pasi

Mako Haana Kukanda Mapfumo Pasi

MAKO ndiye akanyora rimwe remabhuku mana eBhaibheri anotaura nezvoupenyu hwaJesu. Ndiro bhuku pfupi uye riri nyore kuverenga pane ose. Mako aiva ani? Unofunga kuti aiziva Jesu here?— * Ngationei kuti Mako akasangana nemiedzo ipi yakaoma uye kuti nei asina kumbokanda mapfumo pasi kuti arambe ari muKristu.

Mako anozotanga kutaurwa nezita muBhaibheri pashure pokunge Mambo Herodhi Agripa aisa muapostora Petro mujeri. Humwe usiku ngirozi yakasunungura Petro, uye akabva angoenda kumba kwaMariya, amai vaMako, vaigara muJerusarema. Petro akabudiswa mujeri makore anenge gumi pashure pokuurayiwa kwaJesu paPaseka ya33 C.E.—Mabasa 12:1-5, 11-17.

Unoziva here kuti nei Petro akaenda kumba kwaMariya?—Pamwe nokuti aiziva vomumhuri make uye aiziva kuti vadzidzi vaJesu vaiitira misangano kumba kwake. Hama yaMako inonzi Bhanabhasi yakanga yava nenguva iri mudzidzi, kubvira panenge paMutambo wePendekosti ya33 C.E. Bhaibheri rinotaura kuti panguva iyoyo akapa vadzidzi vatsva chipo. Saka Jesu angadaro aiziva Bhanabhasi, pamwe chete nehama yake Mariya nomwanakomana wake Mako.—Mabasa 4:36, 37; VaKorose 4:10.

MuEvhangeri yake, Mako akanyora kuti usiku hwakasungwa Jesu, paiva nerimwe jaya raiva rakangopfeka nguo “pamuviri waro.” Vavengi pavakabata Jesu, Mako akanyora kuti jaya racho rakatiza. Unofunga kuti jaya racho raiva ani?—Ehe, ringangodaro raiva Mako! Saka Jesu nevaapostora vake pavakabvapo usiku ihwohwo, zviri pachena kuti Mako akangokanda nguo pamuviri ndokutevera.—Mako 14:51, 52.

Zviri pachena kuti Mako akanga akasimba zvikuru pakunamata. Angangodaro aivepo pakadururwa mudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E., uye aishamwaridzana chaizvo nevashumiri vaMwari, vakadai saPetro. Asiwo akaperekedza hama yake Bhanabhasi, uyo akabatsira Sauro nokuudza Petro kuti aiva ani makore matatu pashure pokunge Jesu azviratidza kuna Sauro. Kwapera makore, Bhanabhasi akaenda kuTaso kuti anotsvaka Sauro ikoko.—Mabasa 9:1-15, 27; 11:22-26; 12:25; VaGaratiya 1:18, 19.

Muna 47 C.E., Bhanabhasi naSauro vakasarudzwa kuti vaite basa roumishinari. Vakaenda naMako, asi akazovasiya ndokudzokera kuJerusarema uye hazvitaurwi kuti akazviitirei. Sauro, uyo akazozivikanwa nezita rake rechiRoma rokuti Pauro, akatsamwa nazvo. Uye haana kuzvikanganwa nokuti aiti Mako akanga akanganisa zvikuru.—Mabasa 13:1-3, 9, 13.

Pauro naBhanabhasi pavaidzoka kubva kurwendo rwavo rwoumishinari, vakataura kuti vakanga vabudirira zvikuru. (Mabasa 14:24-28) Papera mwedzi yakati kuti, vaviri ava vakaronga kushanyirazve vadzidzi vatsva kwavainge vamboparidzira. Bhanabhasi aida kuenda naMako, asi unoziva here kuti Pauro aifungei?—“Haana kufunga kuti zvakanga zvakakodzera” nokuti Mako akanga ambovasiya achidzokera kumusha. Chokwadi zvakazoitika zvakasuruvarisa Mako!

Pakaita mvongamvonga, uye pashure ‘pokutsamwirana kwazvo,’ Pauro naBhanabhasi vakaparadzana. Bhanabhasi akaenda naMako kuKupro, uye Pauro akasarudza Sirasi ndokushanyirazve vadzidzi vatsva sezvaakanga amboronga. Zvinofanira kunge zvakarwadza Mako nokuti akanga aparadzanisa Pauro naBhanabhasi!—Mabasa 15:36-41.

Hatizivi kuti nei Mako akanga ambovasiya achidzokera kumusha. Anofanira kunge aiona zvakakodzera kuti adaro. Chero zvazvingava, zviri pachena kuti Bhanabhasi aiziva kuti akanga asingazozviitizve. Uye akanga akarurama. Mako haana kukanda mapfumo pasi! Akazoita basa roumishinari naPetro kuBhabhironi kwaiva kure nokumusha. Petro akatumira kwaziso ari ikoko achiti: “Uye Mako mwanakomana wangu anokukwazisaiwo.”—1 Petro 5:13.

Chokwadi Petro naMako vaiva noukama hwemukombe nechirongo pavaishumira Mwari! Izvi tinozvionawo patinoverenga Evhangeri yaMako. Munhoroondo yacho Mako anobudisa maonero aPetro sezvo aivapo pazvaiitika. Somuenzaniso, enzanisa nyaya dzedutu rakaitika muGungwa reGarireya. Mako anotaura nzvimbo yakanga yakarara Jesu muchikepe uye kuti akanga akatsamira pai, zvinhu zvainzwisiswa nomubati wehove akaita saPetro. Tadii kuzvionera toga nokuverenga pamwe chete uye toenzanisa nyaya dzeBhaibheri idzi dziri pana Mateu 8:24; Mako 4:37, 38; uye Ruka 8:23?

Pave paya Pauro asungwa ari muRoma, akarumbidza Mako kuti akanga amutsigira nokuvimbika. (VaKorose 4:10, 11) Uye Pauro paakasungwazve ikoko, akanyorera Timoti achimukumbira kuti auye naMako, achitsanangura kuti: “Anondibatsira pakushumira.” (2 Timoti 4:11) Chokwadi, Mako akanakidzwa neropafadzo dzokushumira Mwari nokuti haana kukanda mapfumo pasi!

^ ndima 3 Kana uri kuverenga nomwana, dheshi iyi inokuyeuchidza kuti umbomira wokurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.