Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raRuka

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raRuka

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raRuka

EVHANGERI yaMateu inozivikanwa kuti yakanga yanyorerwa zvikurukuru vaJudha, uye yaMako, yakanyorerwa vakanga vasiri vaJudha. Zvisinei, Evhangeri yaRuka yakanyorerwa vanhu vemarudzi ose. Zvarakanyorwa munenge muna 56-58 C.E., bhuku raRuka inhoroondo yakakwana youpenyu noushumiri hwaJesu.

Achinyora zvinhu sachiremba ane hanya uye anongwarira, Ruka anodonongodza “zvinhu zvose nenzira yakarurama kubvira pakutanga” uye anotaura zvinhu zvakaitika mumakore 35, kubvira muna 3 B.C.E. kusvika kuna 33 C.E. (Ruka 1:3) Inoda kusvika 60 muzana yemashoko ari muEvhangeri yaRuka haawaniki mune dzimwe Evhangeri.

USHUMIRI HWEPAKUTANGA

(Ruka 1:1–9:62)

Apedza kurondedzera nezvokuzvarwa kwaJohani Mubhabhatidzi uye kwaJesu, Ruka anotiudza kuti Johani anotanga ushumiri hwake mugore rechi15 rokutonga kwaTibheriyo Kesari, kureva kuti, kutanga kwegore ra29 C.E. (Ruka 3:1, 2) Jesu anobhabhatidzwa naJohani gore iroro rava kunopera. (Ruka 3:21, 22) Panozosvika gore ra30 C.E., ‘Jesu anodzokera kuGarireya uye anotanga kudzidzisa mumasinagogi avo.’—Ruka 4:14, 15.

Jesu anotanga kuita basa rake rokuparidzira muGarireya. Anoudza boka revanhu kuti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta.” (Ruka 4:43) Anodana Simoni mubati wehove nevamwe. Anoti: “Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.” (Ruka 5:1-11; Mat. 4:18, 19) Vaapostora 12 vana Jesu murwendo rwake rwechipiri rwokuparidza muGarireya. (Ruka 8:1) Murwendo rwechitatu, anotuma vaapostora 12 “kunoparidza umambo hwaMwari nokuporesa.”—Ruka 9:1, 2.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:35—Zai raMariya rakashanda here pakubata kwake pamuviri? Kuti mwana waMariya ave muzukuru chaiye wemadzitateguru ake akadai saAbrahamu, Judha, naDhavhidhi, sokuvimbisa kwakanga kwaita Mwari, zai rake raifanira kushandawo pakubata kwake pamuviri. (Gen. 22:15, 18; 49:10; 2 Sam. 7:8, 16) Zvisinei, mudzimu mutsvene waJehovha wakashandiswa mukutamisa upenyu hwakakwana hwoMwanakomana waMwari uye kuita kuti Mariya abate pamuviri. (Mat. 1:18) Zvinoita sokuti zvaizobvisa kusakwana kwaiva muzai raMariya uye kubvira pakutanga chaipo zvaizodzivirira mwana aiva mudumbu pazvinhu zvipi nezvipi zvinokonzerwa nokusakwana.

1:62—Zekariya akava chimumumu uye matsi here? Kwete. Kutaura kwake ndiko kwakangokanganiswa chete. Vamwe vakabvunza vachishandisa “zviratidzo” kuti aizoda kutumidza mwana wacho zita rokuti ani asi vakaita izvi kwete nokuti Zekariya aiva matsi. Angangove akanzwa zvakanga zvataurwa nomudzimai wake nezvokupa mwanakomana wavo zita. Zvichida vamwe vakabvunza Zekariya nezvazvo vachishandisa zviratidzo. Sezvo kuri kutaura kwake chete kwaifanira kugadziriswa zvinoratidza kuti Zekariya akanga achiri kunzwa.—Ruka 1:13, 18-20, 60-64.

2:1, 2—“Kunyoresa uku kwokutanga” kunobatsira sei kuziva nguva yakaberekwa Jesu? Paitonga Kesari Agasto, kwakava nokunyoresa kunopfuura kumwe chete, kwokutanga kwakaitwa muna 2 B.C.E. zvichizadzika mashoko ari pana Dhanieri 11:20 uye kwechipiri muna 6 kana kuti 7 C.E. (Mab. 5:37) Kwiriniyo aiva gavhuna weSiriya panguva yokunyoresa kwose uku, uye zviri pachena kuti akava gavhuna kaviri. Kutaura kunoita Ruka nezvokunyoresa kwokutanga kunoratidza kuti Jesu akaberekwa muna 2 B.C.E.

2:35—“Bakatwa refu” raizobvoora sei mweya waMariya? Izvi zvinoreva kurwadziwa kwaizoita Mariya paaizoona ruzhinji rwevanhu ruchiramba Jesu kuti ndiMesiya uye kurwadziwa kwaaizoita paaiona mwanakomana wake achifa zvinorwadza.—Joh. 19:25.

9:27, 28—Nei Ruka achiti kuchinja chitarisiko kwakaitika “mazuva masere” pashure pokunge Jesu avimbisa vamwe vadzidzi vake kuti ‘vaisazomboravira rufu’ kusvikira vachizomuona muUmambo hwake, asi Mateu naMako vanoti kwakaitika “kwapera mazuva matanhatu”? (Mat. 17:1; Mako 9:2) Zviri pachena kuti Ruka anowedzera mazuva maviri, zuva rakataura Jesu vimbiso yacho, uye zuva raakashanduka chitarisiko.

9:49, 50—Nei Jesu asina kudzivisa mumwe murume aidzinga madhimoni, kunyange zvazvo murume wacho akanga asingamuteveri? Jesu haana kudzivisa murume wacho nokuti ungano yechiKristu yakanga isati yatangwa. Saka wakanga usiri mutemo kuti murume wacho atevere Jesu kuti atende muzita raJesu uye adzinge madhimoni.—Mako 9:38-40.

Zvatinodzidza:

1:32, 33; 2:19, 51. Mariya akachengeta mumwoyo make zviitiko nemashoko akazadzika uprofita. Tinokoshesa here zvakafanotaurwa naJesu nezvo“kuguma kwemamiriro ezvinhu,” tichienzanisa zvaakataura nezviri kuitika mazuva ano?—Mat. 24:3.

2:37. Zvaiitwa naAna zvinotidzidzisa kuti tinofanira kunamata Jehovha nguva dzose, ‘kuramba tichinyengetera,’ uye ‘tichiungana’ pamisangano yechiKristu.—VaR. 12:12; VaH. 10:24, 25.

2:41-50. Josefa aikoshesa zvinhu zvokunamata muupenyu hwake uye aitarisira mhuri yake kunyama uye mune zvokunamata. Akaratidza misoro yemhuri muenzaniso wakanaka mune izvi.

4:4. Zuva harifaniri kudarika tisina kudzidza nezvaMwari.

6:40. Mudzidzisi weShoko raMwari anofanira kuratidza muenzaniso wakanaka kune vaanodzidzisa. Anofanira kushandisa zvaanotaura.

8:15. Kuti ‘tichengete shoko tobereka zvibereko nokutsungirira,’ tinofanira kunzwisisa, kukoshesa, uye kuramba tichiwana zivo yeShoko raMwari. Tinofanira kufungisisa tichinyengetera patinenge tichiverenga Bhaibheri nemabhuku anoritsanangura.

USHUMIRI HWOKUPEDZISIRA HWAKAITWA NAJESU

(Ruka 10:1–24:53)

Jesu anofanotuma vamwe vadzidzi 70 mumaguta nenzvimbo dzomuJudhiya. (Ruka 10:1) Anofamba “muguta neguta uye mumusha nomusha, achidzidzisa.”—Ruka 13:22.

Mazuva mashanu Paseka yomuna 33 C.E. isati yaitwa, Jesu anopinda muJerusarema akatasva mwana wembongoro. Nguva yasvika yokuti mashoko aakaudza vadzidzi vake azadzike anoti: “Mwanakomana womunhu anofanira kutambura zvinhu zvizhinji, orambwa nevarume vakuru nevapristi vakuru nevanyori, ourayiwa, ozomutswa pazuva rechitatu.”—Ruka 9:22, 44.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

10:18—Jesu akanga achirevei paakaudza vadzidzi 70 kuti: “Ndatotanga kuona Satani atowa semheni achibva kudenga”? Jesu akanga asiri kutaura kuti Satani akanga atodzingwa kudenga. Izvi hazvina kuitika kutozosvikira nguva pfupi Kristu agadzwa saMambo wokudenga muna 1914. (Zvak. 12:1-10) Kunyange zvazvo tisingagoni kutaura tiine chokwadi, zviri pachena kuti kutaura kwakaita Jesu zviitiko zvomunguva yemberi sokunge kuti zvakatoitika, akanga achisimbisa kuti zvechokwadi zvaizoitika.

14:26—Vateveri vaKristu vanofanira ‘kuvenga’ hama dzavo mupfungwa ipi? MuBhaibheri, ‘kuvenga’ kunogona kureva kuda munhu kana kuti chimwe chinhu zvishoma pane chimwe. (Gen. 29:30, 31) VaKristu vanofanira ‘kuvenga’ hama dzavo mupfungwa yokuvada zvishoma pane kuda kwavanoita Jesu.—Mat. 10:37.

17:34-37—“Makondo” ndivanaani uye “mutumbi” waanounganira chii? Vaya ‘vachaendwa navo,’ kana kuti vachanunurwa, vanofananidzwa nemakondo anoona zviri kure. “Mutumbi” waanounganira ndiKristu wechokwadi pakuvapo kwake kusingaoneki uye zvokudya zvine chokuita nokunamata zvinopiwa makondo acho naJehovha.—Mat. 24:28.

22:44—Nei Jesu akarwadziwa zvikuru? Izvi zvakaitika nokuda kwezvikonzero zvakawanda. Jesu ainetseka kuti kufa kwake setsotsi kwaizozvidza sei Jehovha Mwari nezita rake. Uyezve, Jesu ainyatsoziva kuti upenyu hwake husingagumi uye remangwana revanhu vose zvaizokonzerwa nokuramba kwake akatendeka.

23:44—Rima remazuva matatu rakakonzerwa nokuora kwezuva here? Kwete. Kuora kwezuva kunongoitika panguva yokugara kwomwedzi, kwete pajenaguru, sepanguva yePaseka. Rima rakaitika musi wokufa kwaJesu raiva chishamiso chakabva kuna Mwari.

Zvatinodzidza:

11:1-4. Kana tikaenzanisa mirayiridzo iyi nemashoko akatisiyanei zvishoma omunyengetero wokuenzanisira wakapiwa muMharidzo yepaGomo mwedzi 18 yakanga yadarika, tinoona zviri pachena kuti minyengetero yedu haifaniri kuva yokungodzokorora mashoko akafanana.—Mat. 6:9-13.

11:5, 13. Kunyange zvazvo Jehovha achida kupindura minyengetero tinofanira kuramba tichinyengetera.—1 Joh. 5:14.

11:27, 28. Mufaro wechokwadi unobva pakuita zvinodiwa naMwari takatendeka kwete paukama hwemhuri dzedu kana kuti pakuunganidza pfuma.

11:41. Tinofanira kupa zvipo zvengoni zvichibva pamwoyo uye norudo.

12:47, 48. Munhu ane zvakawanda zvaanotarisirwa kuita asi otadza kuzviita ane mhosva huru pane asingazivi kana kuti asingatombonzwisisi zvaanofanira kuita.

14:28, 29. Tinenge takachenjera kana tikararama maererano nezvatinowana.

22:36-38. Jesu haana kukumbira vadzidzi vake kuti vatakure zvombo zvokuzvichengetedza kana kuti zvokuzvidzivirira nazvo. Asi kuva kwavo nezvombo pausiku hwaakatengeswa kwakaita kuti Jesu akwanise kuvadzidzisa chidzidzo chinokosha chokuti: “Vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.”—Mat. 26:52.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Josefa akaratidza misoro yemhuri muenzaniso wakanaka

[Mufananidzo uri papeji 32]

Ruka akanyora nhoroondo yakakwana youpenyu noushumiri hwaJesu