Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sarudza Kushumira Jehovha Uchiri Muduku

Sarudza Kushumira Jehovha Uchiri Muduku

Sarudza Kushumira Jehovha Uchiri Muduku

“Rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakaitwa kuti uve nechokwadi nazvo”—2 TIM. 3:14.

1. Jehovha anoona sei basa rinoitwa neZvapupu zvake zvechiduku?

BASA dzvene rinoitwa nevechiduku rinokosha zvikuru kuna Jehovha zvokuti akafuridzira uprofita hune chokuita navo. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Vanhu vako vachazvipa nomwoyo unoda pazuva raunoenda neuto rako rehondo kunorwa. Mukubwinya kwoutsvene, kubva muchibereko chemambakwedza, une boka rako remajaya akaita semadonhwe edova.” (Pis. 110:3) Chokwadi, Jehovha anokoshesa zvikuru vechiduku vanoda kumushumira.

2. Nhasi vechiduku vanotarisana nezvinhu zvipi zviri munyika zvine chokuita neramangwana ravo?

2 Imi vechiduku vari muungano yechiKristu, makazvitsaurira kuna Jehovha here? Vakawanda vangaona zvakaoma kusarudza kuti vashumire Mwari wechokwadi. Nyanzvi dzezvemabhizimisi, vadzidzisi, uye dzimwe nguva vamwe vanhu vomumhuri neshamwari vanokurudzira vechiduku kuti vaite zvinangwa zvokuunganidza pfuma. Vechiduku pavanoita zvinangwa zvine chokuita nokunamata, nyika inowanzovaseka. Asi chokwadi ndechokuti kushumira Mwari wechokwadi ndiyo nzira yakanaka zvikuru yamungatevera muupenyu. (Pis. 27:4) Panyaya iyi, fungai mibvunzo mitatu inoti: Nei uchifanira kushumira Mwari? Ungabudirira sei somunhu akazvitsaurira kuna Mwari pasinei nokuti vamwe vangataurei kana kuti vangaitei? Mikana ipi yakanaka yebasa dzvene yaungazowana?

Kushumira Jehovha Ndicho Chinhu Chakanaka Chaungaita

3. Zvinhu zvakasikwa naJehovha zvinofanira kuita kuti tinzwe sei?

3 Nei uchifanira kushumira Mwari mupenyu wechokwadi? Zvakazarurwa 4:11 inopa chikonzero chikuru ichiti: “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” Jehovha ndiye Musiki anoshamisa wezvinhu zvose zviripo. Chokwadi nyika yakanaka kwazvo! Miti, maruva, mhuka, nyanza, makomo, nemapopoma, zvose zvakasikwa naJehovha. Pisarema 104:24 rinoti: “Nyika izere nezvinhu zvakaitwa [naMwari].” Zvechokwadi tinogona kuonga kuti norudo Jehovha akatipa muviri nepfungwa zvinoita kuti tinakidzwe nenyika nezvinhu zvakanaka zviri mairi! Kuonga nomwoyo wose zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa hakuiti kuti tide kumushumira here?

4, 5. Zvinhu zvipi zvakaitwa naMwari zvakaita kuti Joshua aswedere pedyo naJehovha?

4 Chimwe chikonzero chokushumira Jehovha chinowanika mumashoko akataurwa naJoshua mutungamiriri wevaIsraeri. Ava pedyo nokufa, Joshua akaudza vanhu vaMwari kuti: “Munonyatsoziva nemwoyo yenyu yose nemweya yenyu yose kuti hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu.” Nei Joshua aigona kutaura izvi?—Josh. 23:14.

5 Somwana akakurira muIjipiti, Joshua anofanira kunge aiziva chipikirwa chaJehovha chokupa vaIsraeri nyika yavo pachavo. (Gen. 12:7; 50:24, 25; Eks. 3:8) Uye Joshua akanga achizviona Jehovha paakatanga kuzadzika chipikirwa ichocho nokuunza Matambudziko Gumi pavaIjipiti uye kumanikidza Farao akanga akaoma musoro kuti arege vanakomana vaIsraeri vachienda. Joshua aiva pane vaya vakanunurwa nepaGungwa Dzvuku uye akanga akatarisa gungwa iroro paraimedza Farao neuto rake. Pavaifamba rwendo rurefu no“murenje guru uye rinotyisa” reSinai, Joshua akaona kuti Jehovha aipa sei vaIsraeri zvinhu zvose zvavaida. Hapana kana mumwe chete akafa nenyota kana nenzara. (Dheut. 8:3-5, 14-16; Josh. 24:5-7) Pakasvika nguva yokuti vaIsraeri vakurire marudzi evaKenani aiva nesimba ndokutora zvinhu zvomuNyika Yakapikirwa, Joshua akaona kuti Mwari waainamata nevamwe vaIsraeri akavatsigira sei pabasa iri.—Josh. 10:14, 42.

6. Chii chichakubatsira kuti uve nechido chokushumira Mwari?

6 Joshua aiziva kuti Jehovha akanga achengeta zvaakanga avimbisa. Saka Joshua akazivisa kuti: “Ini neimba yangu, tichashumira Jehovha.” (Josh. 24:15) Ko iwe? Paunofunga zvinhu zvakavimbiswa naMwari wechokwadi zvaakatozadzika uye zviya zvaachazadzika, unonzwa uchida kumushumira sezvakaita Joshua here?

7. Nei kubhabhatidzwa mumvura riri danho rinokosha raunofanira kutora?

7 Kufungisisa mabasa aJehovha okusika uye kufunga zvipikirwa zvake zvakavimbika nezvinoshamisa hakufaniri kungokuita kuti uzvitsaurire kuna Jehovha chete asiwo kunofanira kuita kuti uratidze kuzvitsaurira ikoko nokunyudzwa mumvura. Kubhabhatidzwa idanho rinokosha rinofanira kutorwa nevaya vanoda kushumira Mwari. Izvi zvinojekeswa naJesu, Muenzaniso wedu. Asati atanga kuita basa rake saMesiya, akaenda kuna Johani Mubhabhatidzi kuti anobhabhatidzwa. Nei Jesu akatora danho iroro? “Handina kuburuka ndichibva kudenga kuzoita zvandinoda,” akazoti, “asi zvinodiwa naiye akandituma.” (Joh. 6:38) Kuti aratidze kuti akanga achizvipa kuti aite kuda kwaBaba vake, Jesu akabhabhatidzwa.—Mat. 3:13-17.

8. Nei Timoti akasarudza kunamata Mwari, uye ungafanira kuitei?

8 Chimbofungawo nezvaTimoti, muKristu wechiduku akazopiwa basa rakawanda naJehovha nedzimwe ropafadzo dzakawanda. Nei Timoti akasarudza kunamata Mwari wechokwadi? Bhaibheri rinotiudza kuti ‘akadzidza zvinhu uye akaitwa kuti ave nechokwadi nazvo.’ (2 Tim. 3:14) Kana wakadzidza Shoko raMwari uye wakaitwa kuti uve nechokwadi chokuti zvarinodzidzisa ndezvechokwadi, wakangofanana naTimoti. Iye zvino unofanira kusarudza zvokuita. Wadii wataura nevabereki vako uchivaudza zvaunoda kuita? Ivo nevakuru veungano vanogona kukubatsira kuti unzwisise zvinodiwa neMagwaro kuti ubhabhatidzwe.—Verenga Mabasa 8:12.

9. Vamwe vanganzwa sei kana ukabhabhatidzwa?

9 Kana ukabhabhatidzwa, iri richava danho rakanaka pakutanga kushumira Mwari wechokwadi. Nokutora danho iri, unopinda mumujaho wokumhanya daro refu une mubayiro woupenyu husingaperi uye mufaro unowanika iye zvino unobva pakuita kuda kwaMwari. (VaH. 12:2, 3) Uchaitawo kuti vomumhuri yako vanotova mumujaho uyu neshamwari dzako dzomuungano yechiKristu vafare. Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti uchaita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Verenga Zvirevo 23:15.) Chokwadi, vamwe vangasanzwisisa uye vanganetseka kuti nei wakasarudza kunamata Jehovha. Vangatokushora. Asi unogona kukunda miedzo iyi.

Vamwe Pavanokubvunza Kana Kuti Pavanokushora

10, 11. (a) Vanhu vangakubvunza mibvunzo ipi kana wasarudza kushumira Mwari? (b) Ungadzidzei pamapinduriro aiita Jesu mibvunzo ine chokuita nokunamata kwechokwadi?

10 Kusarudza kwawakaita kushumira Jehovha kungaita kuti vokuchikoro, vavakidzani, kana kuti voukama vavhiringidzike. Vangakubvunza kuti nei wakasarudza kuita izvi uye vangakubvunza zvaunotenda. Unofanira kuvapindura sei? Kutaura zvazviri, unofanira kuongorora mafungiro uye manzwiro ako kuti ugone kutsanangura zvikonzero nei wakasarudza izvozvo. Uye pakupindura mibvunzo pamusoro pezvaunotenda, muenzaniso upi waunogona kutevedzera unopfuura waJesu?

11 Vatungamiriri vechitendero chechiJudha pavakabvunza Jesu nezvokumutswa kwevakafa, akaita kuti vafunge nezvorugwaro rwavakanga vasina kumbofunga nezvarwo. (Eks. 3:6; Mat. 22:23, 31-33) Mumwe munyori paakamubvunza kuti ndoupi waiva murayiro mukuru, Jesu akashandisa ndima dzeBhaibheri dzakakodzera. Murume wacho akaonga mhinduro yaJesu. (Revh. 19:18; Dheut. 6:5; Mako 12:28-34) Kushandisa Magwaro kwaiita Jesu uye matauriro aaiita zvakaita kuti pave no“kupesana . . . pamusoro pake pakati peboka revanhu,” uye vanhu vaimushora havana kukwanisa kumukuvadza. (Joh. 7:32-46) Paunopindura mibvunzo ine chokuita nokutenda kwako, shandisa Bhaibheri uye pindura “nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Pet. 3:15) Kana usingazivi mhinduro, bvuma kuti hauzivi uye vaudze kuti uchanotsvakurudza. Pava paya, tsvakurudza nyaya yacho uchishandisa Watch Tower Publications Index kana Watchtower Library iri paCD-ROM kana muinazvo. Kana ukagadzirira zvakanaka ‘uchaziva mapinduriro aunofanira kuita.’—VaK. 4:6.

12. Nei usingafaniri kuodzwa mwoyo nokutambudzwa?

12 Ungabvunzwa mimwe mibvunzo yakawanda nezvokusarudza kwawakaita kushumira Mwari uye zvinhu zvaunotenda. Chokwadi, muvengi waMwari, Satani Dhiyabhorosi, ndiye anodzora nyika. (Verenga 1 Johani 5:19.) Haungatarisiri kurumbidzwa kana kufarirwa nomunhu wose, uye ungashorwa. Vamwe vanhu ‘vangakutuka,’ uye vangaramba vachidaro. (1 Pet. 4:4) Asi yeuka kuti hausi woga. Jesu Kristu akatambudzwawo. Muapostora Petro akatambudzwawo, uye akanyora kuti: “Vadiwa, musashamiswa nomoto [kutambura] uri kubvira pakati penyu, zviri kuitika kwamuri kuti muedzwe, sokunge kuti chinhu chitsva chiri kukuwirai. Asi, rambai muchifara zvamunogoverana kutambura kuzhinji kwaKristu.”—1 Pet. 4:12, 13.

13. Nei vaKristu vachigona kufara pavanenge vachitambudzwa?

13 Kutsungirira paunenge uchitambudzwa kana kuti uchishorwa nokuti uri muKristu kunoita kuti ufare. Nei? Nokuti kufarirwa nenyika kunoratidza kuti uri kurarama maererano nezvinodiwa naSatani kwete naMwari. Jesu akanyevera kuti: “Mune nhamo, pose apo vanhu vose vanotaura zvakanaka nezvenyu, nokuti zvinhu zvakadai ndizvo zvakaita madzitateguru avo kuvaprofita venhema.” (Ruka 6:26) Kutambudzwa kunoratidza kuti Satani nenyika yake vakakutsamwira nokuti unoshumira Jehovha. (Verenga Mateu 5:11, 12.) Uye “kuzvidzirwa zita raKristu” chimwe chinhu chinoita kuti ufare—1 Pet. 4:14.

14. Zvinhu zvipi zvakanaka zvingaitika kana munhu akaramba akatendeka kuna Jehovha pasinei nokuti anenge achitambudzwa?

14 Paunoramba wakatendeka kuna Jehovha pasinei nokushorwa, pane zvinhu zvina zvakanaka zvinoitika. Unopupurira pamusoro paMwari noMwanakomana wake. Kutsungirira kwako wakatendeka kunokurudzira hama nehanzvadzi dzako dzechiKristu. Vamwe vanocherechedza vasingazivi Jehovha vangakurudzirwa kumutsvaka. (Verenga VaFiripi 1:12-14.) Uye sezvaunoona kuti Jehovha anopa sei simba rokutsungirira miedzo, unobva wawedzera kumuda.

“Suo Guru” Rakakuzarukira

15. Muapostora Pauro akazarurirwa “suo guru” ripi?

15 Nezvoushumiri hwake muEfeso, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndakazarurirwa suo guru rebasa.” (1 VaK. 16:8, 9) Waiva musuo webasa guru rokuparidza mashoko akanaka uye rokuita vadzidzi muguta iroro. Nokupinda nepasuo iroro, Pauro akabatsira vanhu vakawanda kudzidza nezvaJehovha uye kumunamata.

16. Vakazodzwa vasara vakapinda sei nepa“suo rakavhurika” muna 1919?

16 Muna 1919 Jesu Kristu akakwidziridzwa akaisa “suo rakavhurika” pamberi pevakazodzwa vasara. (Zvak. 3:8) Vakapinda nepasuo iroro ndokutanga kuparidza mashoko akanaka vachidzidzisa chokwadi cheBhaibheri nokushingaira kupfuura zvakaitika kare. Ushumiri hwavo hwakaguma nei? Iye zvino mashoko akanaka asvika munyika yose, uye vanhu vanenge mamiriyoni manomwe vane tariro yokuwana upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari.

17. Unogona sei kupinda nepa“suo guru rebasa”?

17 “Suo guru rebasa” richakazarukira vashumiri vaJehovha vose. Vaya vanopinda nepariri vanowana mufaro uye kugutsikana sezvavanoshanda zvikuru mubasa rokuparidza mashoko akanaka. Imi vashumiri vaJehovha vechiduku, munokoshesa sei ropafadzo isingaenzaniswi nedzimwe yokubatsira vamwe kuti ‘vatende mashoko akanaka’? (Mako 1:14, 15) Makambofunga kushanda sapiyona wenguva dzose kana kuti sapiyona webetsero here? Kuvaka Dzimba dzoUmambo, kushanda paBheteri, uye kuva mamishinari, yose iyi mikana inogona kuzarukira vakawanda venyu. Sezvo nguva iri kuperera nyika yaSatani yakaipa, kuita mabasa aya ane chokuita noUmambo kwava chinhu chinoda kuitwa nokukurumidza zvikuru zuva nezuva. Uchapinda nepa“suo guru” nguva ichiripo here?

“Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka”

18, 19. (a) Chii chakabatsira Dhavhidhi kuti ave nechido chakasimba chokushumira Jehovha? (b) Chii chinoratidza kuti Dhavhidhi haana kuzvidemba kuti akashumira Mwari?

18 Munyori akafuridzirwa wepisarema akakumbira vamwe kuti ‘varavire vaone kuti Jehovha akanaka.’ (Pis. 34:8) Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare paakanga achiri kakomana kaifudza makwai, Jehovha akamununura pazvikara zvomusango. Mwari akamutsigira paakarwisana naGoriyati uye akamununura mune mamwe matambudziko akawanda. (1 Sam. 17:32-51; Pis. 18 mashoko okusuma) Nokuti Mwari ane mutsa mukuru une rudo, Dhavhidhi akakurudzirwa kunyora kuti: “Imi makaita zvinhu zvizhinji, haiwa Jehovha Mwari wangu, iwo mabasa enyu anoshamisa nepfungwa dzenyu kwatiri; hapana angaenzaniswa nemi.”—Pis. 40:5.

19 Dhavhidhi akasvika pakuda Jehovha zvikuru uye aida kumurumbidza nomwoyo wose nepfungwa dzake dzose. (Verenga Pisarema 40:8-10.) Makore zvaakapfuura, Dhavhidhi haana kumbozvidemba kuti akapedza upenyu hwake achinamata Mwari wechokwadi. Aikoshesa zvikuru kurarama akazvipira kuna Mwari uye izvi zvaimupa mufaro usingawaniki mune zvimwe zvinhu. Akwegura, Dhavhidhi akati: “Muri tariro yangu, haiwa Changamire Ishe Jehovha, munhu wandinovimba naye kubvira ndichiri muduku. Kunyange ndakwegura uye ndachena musoro, haiwa Mwari, musandisiya.” (Pis. 71:5, 18) Kuvimba kwaiita Dhavhidhi naJehovha uye ushamwari hwake naye zvakasimba, kunyange zvazvo simba rake raiderera.

20. Nei kushumira Mwari iri nzira yakanaka yokuti utevere muupenyu hwako?

20 Upenyu hwaJoshua, hwaDhavhidhi, uye hwaTimoti hunopa humwe uchapupu hwokuti kushumira Jehovha ndiyo nzira yakanaka yokuti mutevere muupenyu. Zvinhu zvakanaka zvaunowana kwenguva pfupi zvinowaniswa nemabasa enyika ino hazvitombosviki pazvinhu zvakanaka zvaunowana zvechigarire kubva ‘pakushumira Jehovha nomwoyo wose nomweya wose.’ (Josh. 22:5) Kana usati wazvitsaurira kuna Jehovha mumunyengetero, zvibvunze kuti, ‘Chii chiri kunditadzisa kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha?’ Kana wakatobhabhatidzwa uchinamata Jehovha, ungada kuwedzera mufaro wako muupenyu here? Kana zvakadaro wedzera ushumiri hwako, uye ramba uchifambira mberi mune zvokunamata. Nyaya inotevera icharatidza kuti ungakura sei mune zvokunamata nokutevedzera muenzaniso womuapostora Pauro.

Ungapindura Sei?

• Taura zvikonzero zviviri nei tichifanira kushumira Mwari.

• Chii chakabatsira Timoti kuti asarudze kushumira Mwari?

• Nei uchifanira kuramba wakasimba paunotambudzwa?

• Mikana ipi yokushumira Mwari ingakuzarukira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kushumira Jehovha ndiyo nzira yakanaka zvikuru muupenyu

[Mufananidzo uri papeji 19]

Unogona kupindura mibvunzo ine chokuita nezvaunotenda here?