Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Haazosiyi Vakavimbika Vake

Jehovha Haazosiyi Vakavimbika Vake

Jehovha Haazosiyi Vakavimbika Vake

“[Jehovha] haazosiyi vakavimbika vake. Vachachengetedzwa nokusingagumi.”—PIS. 37:28.

1, 2. (a) Zvii zvakaitika muzana remakore rechigumi B.C.E. zvaiedza vashumiri vaMwari kana vakavimbika? (b) Jehovha akarinda vakavimbika vake mumamiriro ezvinhu matatu api?

IZANA remakore rechigumi B.C.E. uye inguva yokuita chisarudzo. Kupiwa karusununguko kwaita madzinza aIsraeri okuchamhembe anga asiri kugutsikana kwaita kuti vanhu vomunyika iyi vasarwisana. Jerobhoamu, mambo wavo achangogadzwa, anokurumidza kusimbisa umambo hwake nokutanga chitendero chinofanira kupindwa nomunhu wose. Anoti vaanotonga vanofanira kumuteerera pane zvose. Vashumiri vaJehovha vakatendeka vachaita sei? Vacharamba vakavimbika kuna Mwari wavanonamata here? Vakawanda vanodaro, uye Jehovha anovatarisira zvavanoramba vakatendeka kwaari.—1 Madz. 12:1-33; 2 Mak. 11:13, 14.

2 Mazuva ano vashumiri vaMwari vari kuedzwawo kuti vakavimbika here. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Svinurirai, rindai. Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.” Zvingaita here kuti tibudirire ‘kumurwisa, takasimba pakutenda?’ (1 Pet. 5:8, 9) Ngatimboongororai zvakaitika pamutambo wokugadzwa kwaMambo Jerobhoamu muna 997 B.C.E. uye kuti tingadzidzei pazviri. Munguva iyi yakaoma, vashumiri vaJehovha vakatendeka vaidzvinyirirwa. Vairaramawo nevanhu vakaramba kutenda asi vachiita mabasa avo akaoma. Mumamiriro ezvinhu ose aya, Jehovha haana kusiya vakavimbika vake, uye nhasi haazovasiyiwo.—Pis. 37:28.

Pavanenge Vachidzvinyirirwa

3. Nei Mambo Dhavhidhi akanga asingadzvinyiriri paaitonga?

3 Ngatimboongororai kuti Jerobhoamu akava mambo zvinhu zvakamira sei. Zvirevo 29:2 inoti: “Kana munhu akaipa achitonga, vanhu vanogomera.” Paitonga Mambo Dhavhidhi muIsraeri yekare, vanhu vakanga vasingagomeri. Dhavhidhi akanga asina kukwana, asi aive akavimbika kuna Mwari achivimba naye. Dhavhidhi akanga asingadzvinyiriri. Jehovha akaita sungano naDhavhidhi achiti: “Imba yako noumambo hwako zvichava zvakasimba nokusingagumi pamberi pako; chigaro chako choumambo chichava chakasimba kwazvo nokusingagumi.”—2 Sam. 7:16.

4. Zvikomborero zvakawanikwa panguva yaitonga Soromoni zvaibva pakuitei?

4 Utongi hwemwanakomana waDhavhidhi Soromoni, hwakatanga huine runyararo huchibudirira zvokuti hwainyatsofananidzira Kutonga Kwemakore Chiuru kwaKristu. (Pis. 72:1, 17) Kare ikako hapana kana dzinza rimwe chete pamadzinza gumi nemaviri aIsraeri raiva nechikonzero chokupanduka. Zvisinei, Soromoni nevanhu vaaitonga vane zvavaifanira kuita kuti vazokomborerwa. Jehovha akanga audza Soromoni kuti: “Kana uchizofamba mumirau yangu woita zvandakatonga, wochengeta mirayiro yangu yose nokufamba mairi, ndichaitawo shoko rangu kwauri randakaudza baba vako Dhavhidhi; ndichagara pakati pevanakomana vaIsraeri, uye handizosiyi vanhu vangu vaIsraeri.”—1 Madz. 6:11-13.

5, 6. Chii chakaitika nemhaka yokusavimbika kwaSoromoni kuna Mwari?

5 Paakanga akwegura, Soromoni haana kuramba akatendeka kuna Jehovha uye akatanga kunamata vamwe vamwari. (1 Madz. 11:4-6) Zvishoma nezvishoma, Soromoni akarega kuteerera mitemo yaJehovha ndokutanga kudzvinyirira. Kudzvinyirira kwacho kwakanga kwakakura zvokuti paakafa, vanhu vakanyunyuta nezvake kumwanakomana wake akamutsiva, Rehobhoamu, vachikumbira kuti avarerutsire. (1 Madz. 12:4) Jehovha akaita sei naSoromoni paakava asina kutendeka?

6 Bhaibheri rinotiudza kuti: “Jehovha akatsamwira Soromoni kwazvo, nokuti mwoyo wake wakanga watsauka pana . . . Mwari waIsraeri, iye akanga azviratidza kwaari kaviri.” Jehovha akati kuna Soromoni: “Zvawaita izvi, ukasachengeta sungano yangu nemirau yangu yandakakurayira, chokwadi ndichabvarura umambo ndichihubvisa kwauri, uye ndichahupa mushandi wako.”—1 Madz. 11:9-11.

7. Kunyange zvazvo Jehovha akaramba Soromoni, akatarisira sei vakavimbika vake?

7 Jehovha akazotuma muprofita Ahija kuti azodze munhu aizovanunura. Jerobhoamu ndiye munhu iyeye aizovanunura, murume aiva nemano aishanda mumuzinda waMambo Soromoni. Kunyange zvazvo Jehovha akaramba akavimbika kusungano yoUmambo yaakaita naDhavhidhi, akabvumira kuti madzinza 12 akamurwe kuva mapoka maviri. Madzinza gumi aizotongwa naJerobhoamu; maviri aizoramba achitongwa nedzinza raDhavhidhi, rakanga rava kumiririrwa naMambo Rehobhoamu. (1 Madz. 11:29-37; 12:16, 17, 21) Jehovha akaudza Jerobhoamu kuti: “Kana ukateerera zvose zvandichakurayira, wofamba munzira dzangu, woita zvakarurama pamberi pangu nokuchengeta mirau yangu nemirayiro yangu, sezvakaitwa nomushumiri wangu Dhavhidhi, ndichavawo newe, uye ndichakuvakira imba inogara nguva refu, sokuvakira kwandakaita Dhavhidhi, uye ndichakupa Israeri.” (1 Madz. 11:38) Jehovha akabatsira vanhu vake uye akaita kuti vanunurwe pakudzvinyirirwa kwavaiitwa.

8. Miedzo ipi inodzvinyirira vanhu vaMwari nhasi?

8 Mazuva ano udzvinyiriri hwakazara. “Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza,” inodaro Muparidzi 8:9. Makaro anoitwa mune zvokutengeserana nouori hwevatongi zvingaita kuti vakawanda vave nenhamo yemari. Vatungamiriri vehurumende, vemabhizimisi, uye vezvitendero ndivo vanotova pamberi pakuita zvakaipa. Kufanana nomunhu aive akarurama Roti, vanhu vaMwari vakavimbika nhasi “[vano]tambudzika kwazvo nokusazvibata kwakanyanyisa kwevanhu va[no]zvidza mutemo.” (2 Pet. 2:7) Uyezve, patinoedza kurarama sezvinodiwa naMwari takanyarara zvedu, tinowanzotambudzwa nevatongi vanozvikudza.—2 Tim. 3:1-5, 12.

9. (a) Chii chakatoitwa naJehovha kuti anunure vanhu vake? (b) Nei tingava nechokwadi chokuti Jesu achagara akavimbika kuna Mwari?

9 Zvisinei, pane chinhu chatiine chokwadi nacho: Jehovha haazosiyi vakavimbika vake! Funga nezvematanho aakatotora kuti atsive vatongi venyika vane uori. Umambo hwaMesiya waMwari huri kutungamirirwa naKristu Jesu hwakatotangwa. Jesu Kristu anga achitonga kudenga kwemakore anoda kusvika zana. Munguva pfupi iri kuuya achanunura zvachose vaya vanotya zita raMwari. (Verenga Zvakazarurwa 11:15-18.) Jesu akatoratidza kuti akavimbika kuna Mwari kusvikira pakufa. Haazomboodzi mwoyo vaanotonga, sezvakaitwa naSoromoni.—VaH. 7:26; 1 Pet. 2:6.

10. (a) Tingaratidza sei kuti tinokoshesa Umambo hwaMwari? (b) Patinenge tichisangana nemiedzo, tingava nechivimbo chei?

10 Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo ichapedza udzvinyiriri hwose. Isu tinoramba takazvipira kuna Jehovha Mwari noUmambo hwake. Tichiisa chivimbo chedu chakazara muUmambo, tinoramba zvinhu zvose zviri munyika zvisingadiwi naMwari uye tinoshingaira kuita mabasa akanaka. (Tito 2:12-14) Tinoedza kuramba tisina ruvara rwenyika ino. (2 Pet. 3:14) Pasinei nemiedzo yatingasangana nayo iye zvino, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatidzivirira kuti tisakanganiswa pakunamata. (Verenga Pisarema 97:10.) Uyezve, Pisarema 116:15 inotivimbisa kuti: “Chinhu chinokosha kuna Jehovha ndirwo rufu rwevakavimbika vake.” Vashumiri vaJehovha vanokosha chaizvo kwaari zvokuti haazovaregi vachiparara vose panguva imwe chete.

Pavanenge Vachirarama Nevanhu Vakaramba Kutenda

11. Zvakafamba sei kuti Jerobhoamu ave munhu asina kuvimbika?

11 Kutonga kwaMambo Jerobhoamu kungadai kwakasunungura vanhu vaMwari. Pane kudaro, zvaakaita zvakatovaedza kuti vakanga vakavimbika kuna Mwari here. Asingagutsikani nokukudzwa uye chinzvimbo zvaakanga atopiwa, Jerobhoamu akatanga kutsvaka nzira dzokuita nadzo kuti arambe aine chinzvimbo chake. Akafunga kuti: “Kana vanhu ava vakaramba vachienda kunopa zvibayiro muimba yaJehovha iri kuJerusarema, mwoyo yevanhu ava ichatodzokerawo kunashe wavo, Rehobhoamu mambo waJudha; uye vachandiuraya, vodzokera kuna Rehobhoamu mambo waJudha.” Saka Jerobhoamu akatanga chitendero chitsva chokunamata mhuru mbiri dzendarama. “Akabva aisa imwe kuBheteri, uye imwe yacho akaiisa kuDhani. Chinhu ichi chakaita kuti vanhu vatadze, uye vanhu vakatanga kuenda pamberi peyaiva kuDhani. Zvino akatanga kuvaka imba yenzvimbo dzakakwirira uye kugadza vapristi achivatora pavanhuwo zvavo, vakanga vasiri vevanakomana vaRevhi.” Jerobhoamu akatoita kuti kuve nezuva romutambo we“vanakomana vaIsraeri” raicherechedzwa, uye akatanga ku“pisira zvinopiwa paatari kuti akwidze utsi hwezvibayiro.”—1 Madz. 12:26-33.

12. Vanhu vaMwari vakavimbika vokuumambo hwokuchamhembe vakaitei Jerobhoamu paakatanga kuti vanhu vanamate mhuru muIsraeri?

12 Saka vanhu vaMwari vaiva vakavimbika vokuumambo hwokuchamhembe vaizoitei? Sezvakaitwa nemadzitateguru avo akanga akatendeka, vaRevhi vaigara mumaguta avakanga vapiwa mundima youmambo hwokuchamhembe havana kutomboita zvokuverengera. (Eks. 32:26-28; Num. 35:6-8; Dheut. 33:8, 9) Vachisiya nhaka dzavo, vakatamisa mhuri dzavo kuti dziende kumaodzanyemba kuJudha, kwavaigona kunoramba vachinamata Jehovha vasingavhiringidzwi. (2 Mak. 11:13, 14) Vamwe vaIsraeri vaimbogara muJudha vakasarudza kuramba vachigara ikoko pane kutama vachidzokera kumusha kwavo. (2 Mak. 10:17) Jehovha akava nechokwadi chokuti pagare paine mukana wokuti vanoda zvavo kudzokera pakunamata kwechokwadi vadzoke, kuitira ku- ti zvizvarwa zvaizouya zvokuumambo hwokuchamhembe zvizokwanisawo kusiya kunamata mhuru zvodzokera kuJudha.—2 Mak. 15:9-15.

13. Mazuva ano, vakaramba kutenda vari kuedza sei vanhu vaMwari?

13 Vakaramba kutenda nezvavanodzidzisa vanovhiringidza vanhu vaMwari mazuva ano. Vamwe vatongi vakaedza kutanga chitendero chehurumende, vomanikidza vavanotonga kuti vachipinde. Vafundisi vechiKristudhomu nevamwe vanhu vanozvikudza vakaedza kuzviita vapristi. Zvisinei, vakazodzwa vanoumba “upristi hwoumambo” vanowanika pakati pevaKristu vechokwadi chete.—1 Pet. 2:9; Zvak. 14:1-5.

14. Tinofanira kuita sei pane zvinoitwa nevakaramba kutenda?

14 Kufanana nevaRevhi vomuzana remakore rechigumi B.C.E., vanhu vaMwari vakavimbika nhasi havanyengedzwi nevakaramba kutenda. Vakazodzwa neshamwari dzavo vaKristu vanokurumidza kudzivisa uye kuramba pfungwa dzevakaramba kutenda. (Verenga VaRoma 16:17.) Kunyange zvazvo tichifara kuzviisa pasi pemasimba ehurumende munyaya dzenyika uye tichiramba tisina divi ratinotsigira munharo dzinoitwa munyika, tinoramba takavimbika kuUmambo hwaMwari. (Joh. 18:36; VaR. 13:1-8) Tinoramba nhema dzinotaurwa nevaya vanozviti vanoshumira Mwari asi vachimuzvidza nomufambiro wavo.—Tito 1:16.

15. Nei tichifanira kuvimbika ku“muranda akatendeka, akangwara”?

15 Fungawo kuti Jehovha akaita kuti vanhu vakatendeka vakwanise kuita sevari kubuda munyika yakaipa, vachipinda muparadhiso yezvokunamata yaakaita kuti ivepo. (2 VaK. 12:1-4) Mwoyo yedu ichifashukira nokuonga, tinoramba tiri pedyo ne“muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakakodzera.” Kristu akagadza muranda uyu “pazvinhu zvake zvose.” (Mat. 24:45-47) Naizvozvo, kunyange kana iwe ukasanyatsonzwisisa zvimwe zvinenge zvaitwa neboka romuranda, hachisi chikonzero chokuti uzvirambe kana kuti udzokere kunyika yaSatani. Asi kuvimbika kuchaita kuti uzvininipise womirira Jehovha kuti ajekese nyaya yacho.

Pavanenge Vachiita Basa raMwari

16. Muprofita wokuJudha akatumwa kunoita basa rei?

16 Jehovha akashora Jerobhoamu kuti akanga aramba kutenda. Akatuma muprofita aibva kuJudha kuti aende kuchamhembe kuBheteri onoona Jerobhoamu paaishanda paatari yake. Muprofita wacho aifanira kuudza Jerobhoamu mashoko okutongwa kwaaizoitwa akamusiya apera simba. Hapana mubvunzo kuti raiva basa rakaoma.—1 Madz. 13:1-3.

17. Jehovha akadzivirira sei mutumwa wake?

17 Jerobhoamu akaviruka nehasha paakanzwa mutongo wakanga wapiwa naJehovha. Akatambanudzira mumiririri waMwari ruoko rwake, ndokushevedzera kuvarume vaiva pedyo achiti: “Imi, mubatei!” Vanhu vasati vamubata, “ruoko rwake rwaakanga amutambanudzira rwakabva rwaoma, uye haana kukwanisa kurudzosa kwaari. Atari yacho yakatsemuka zvokuti madota ane mafuta akarasika achibva paatari.” Jerobhoamu aitofanira kukumbira muprofita wacho kuti akumbire kuti Jehovha amunzwire nyasha uye kuti ruoko rwake rwakanga rwaoma ruporeswe. Muprofita akanyengetera uye ruoko rwake rwakaporeswa. Saka Jehovha akadzivirira mutumwa wake kuti asakuvadzwa.—1 Madz. 13:4-6.

18. Jehovha anotirinda sei sezvatinomuitira basa dzvene tisingatyi?

18 Patinoita basa rokuparidza Umambo nokuita kuti vanhu vave vadzidzi takavimbika, dzimwe nguva tinosangana nevanhu vasina ushamwari, kana kuti vane utsinye. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Asi hatimbofaniri kurega izvozvo zvichiita kuti tidzikire kushingaira kwatinoita muushumiri. Sezvakaita muprofita uyu womuzuva raJerobhoamu, tine “ropafadzo yokumuitira [Jehovha] basa dzvene nokusatya nokuvimbika.” * (Ruka 1:74, 75) Kunyange zvazvo tisingatarisiri kuti Jehovha apindire zvinoshamisa mazuva ano, achiri kutirinda uye kutitsigira seZvapupu zvake achishandisa mudzimu wake mutsvene nengirozi. (Verenga Johani 14:15-17; Zvakazarurwa 14:6.) Mwari haazombosiyi vaya vanoramba vachitaura shoko rake vasingatyi.—VaF. 1:14, 28.

Jehovha Acharinda Vakavimbika Vake

19, 20. (a) Nei tingava nechokwadi chokuti Jehovha haazombotisiyi? (b) Mibvunzo ipi ichakurukurwa munyaya inotevera?

19 Jehovha ndiMwari wedu akavimbika. (Zvak. 15:4; 16:5) “Akavimbika mumabasa ake ose.” (Pis. 145:17) Uye Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Acharinda nzira yevanhu vake vakavimbika.” (Zvir. 2:8) Pavanosangana nemiedzo, pfungwa dzevakaramba kutenda kana kuti pavanoita basa rakaoma, vanhu vaMwari vakavimbika vanogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha ari kuvatungamirira uye kuvatsigira.

20 Iye zvino izvi ndizvo zvaunofanira kufunga nezvazvo: Chii chichandibatsira kuramba ndakavimbika kuna Jehovha pasinei nemiedzo yandingasangana nayo? Nemamwe mashoko, ndingaita sei kuti ndirambe ndakavimbika kuna Mwari?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Kuti muprofita uyu anoramba achiteerera Jehovha here kana kuti kwete uye zvinozoitika kwaari zvichakurukurwa munyaya inotevera.

Ungapindura Sei?

• Jehovha akaratidza sei kuti haasiyi vakavimbika vake pavanodzvinyirirwa?

• Tinofanira kuita sei kune vakaramba kutenda nezvavanodzidzisa?

• Jehovha anorinda sei vakavimbika vake pavanenge vachiita ushumiri hwechiKristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 5]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

UMAMBO HWOKUCHAMHEMBE (Jerobhoamu)

Dhani

SHEKEMU

Bheteri

UMAMBO HWOKUMAODZANYEMBA (Rehobhoamu)

JERUSAREMA

[Mufananidzo]

Jehovha haana kusiya vakavimbika vake Jerobhoamu paakatanga kuti vanamate mhuru

[Mufananidzo uri papeji 3]

Soromoni nevanhu vaaitonga vane zvavaifanira kuita kuti vazokomborerwa