Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudza Jehovha Nokuzvibata Zvine Chiremerera

Kudza Jehovha Nokuzvibata Zvine Chiremerera

Kudza Jehovha Nokuzvibata Zvine Chiremerera

“Basa rake [Jehovha] ndiko kukudzwa nokubwinya.”—PIS. 111:3.

1, 2. (a) Ungatsanangura sei shoko rokuti “chiremerera”? (b) Mibvunzo ipi ichakurukurwa munyaya ino?

PAAKANZI atsanangure shoko rokuti “chiremerera,” Madison, mumwe musikana ane makore gumi akabva angoti, “Kupfeka zvakanaka.” Musikana uyu angava aisaziva kuti Bhaibheri rinotaura nezvaMwari richiti ‘akapfeka kukudzwa’ kana kuti chiremerera. (Pis. 104:1) Kuvanhu, kuratidza chiremerera dzimwe nguva kungasanganisira kupfeka zvakanaka. Somuenzaniso, muapostora Pauro aida kuti vakadzi vechiKristu “vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vaine mwero nepfungwa dzakanaka, vasingaruki bvudzi nendarama kana nemaparera kana kupfeka nguo dzinodhura kwazvo.” (1 Tim. 2:9) Asi kuzvibata zvine chiremerera kuti tikudze Jehovha maererano ‘nokukudzwa uye kubwinya kwake’ hakugumiri ipapo.—Pis. 111:3.

2 MuBhaibheri, shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “kukudzwa,” [kana kuti chiremerera] rinogonawo kushandurwa kuti “kubwinya,” “uchangamire,” “mbiri” uye “kuremekedzwa.” Maererano netsanangudzo yerimwe duramashoko, “chiremerera” zvinoreva “zvaunoita nezvauri zvinoita kuti vanhu vangokukudza voga.” Uye hapana munhu anokodzera kukudzwa kupfuura Jehovha. Naizvozvo, sevashumiri vake vakazvitsaurira tinofanira kutaura uye kuzvibata zvine chiremerera. Zvisinei, nei vanhu vachikwanisa kuzvibata zvine chiremerera? Chiremerera nokubwinya kwaJehovha zvinooneka sei? Chiremerera chaMwari chinofanira kutiita kuti tiite sei? Jesu Kristu angatidzidzisei nezvokuzvibata zvine chiremerera? Uye tingaratidza sei chiremerera chakafanana nechaMwari?

Nei Tichigona Kuzvibata Zvine Chiremerera?

3, 4. (a) Isu tinofanirawo kuita sei nechiremerera chakaiswa patiri? (b) Pisarema 8:5-9 rinoprofita nezvaani? (Ona mashoko omuzasi.) (c) Ndivanaani vakapiwa chiremerera naJehovha munguva dzakapfuura?

3 Vanhu vose vanokwanisa kuzvibata zvine chiremerera nokuti vakasikwa nomufananidzo waMwari. Jehovha akapa munhu wokutanga chiremerera nokumupa basa rokutarisira pasi. (Gen. 1:26, 27) Kunyange vanhu pavakanga vasisina kukwana, Jehovha akadzokorora basa ravaifanira kuzoita pasi pano. Saka Mwari achiri ‘kushongedza’ vanhu nokukudzwa uye nechiremerera. (Verenga Pisarema 8:5-9.) * Chiremerera chakaiswa patiri chinoda kuti isuwo tiite zvinokudzwa, kureva kuti tirumbidze zita guru raJehovha tichimutya nokumuremekedza.

4 Jehovha akapa chimwe chiremerera zvikurukuru vaya vanomuitira basa dzvene. Mwari akapa Abheri chiremerera nokugamuchira chibayiro chake, achiramba chomukoma wake Kaini. (Gen. 4:4, 5) Mosesi akaudzwa kuti ‘aise kukudzwa kwake’ kana kuti chiremerera pana Joshua, murume aizomutsiva pakutungamirira vaIsraeri. (Num. 27:20) Bhaibheri parinotaura nezvemwanakomana waDhavhidhi, Soromoni, rinoti: “Jehovha akaramba achikudza Soromoni kwazvo vaIsraeri vose vachizviona uye akamupa rukudzo rukuru rusina kumbova namambo chero upi zvake waIsraeri akamutangira.” (1 Mak. 29:25) Mwari achapa chiremerera chisina vamwe kuvaKristu vakazodzwa vachamutswa, avo vakazivisa nokutendeka “kukudzwa kwokubwinya kwoumambo hwake.” (Pis. 145:11-13) Paanenge achikudza Jehovha saizvozvo, mazana akazanirana ari kungoramba achiwedzera e“mamwe makwai” aJesu ari kuitawo basa rakazonaka uye rine chiremerera.—Joh. 10:16.

Chiremerera Uye Kubwinya kwaJehovha Zvinooneka

5. Chiremerera chaJehovha chakakura zvakadini?

5 Achiimba rumwe rwiyo rwunosiyanisa ukuru hwaMwari nouduku hwomunhu, munyori wepisarema Dhavhidhi akati: “Haiwa Jehovha Ishe wedu, zita renyu iguru sei panyika pose, imi mune kukudzwa kunorondedzerwa kumusoro kwematenga!” (Pis. 8:1) Kubvira kare “matenga nenyika” zvisati zvasikwa kusvikira chinangwa chaMwari chokuti nyika yose iite paradhiso chazadzika, vanhu vose vaitwa kuti vave vakakwana, kubvira kusingagumi kusvikira kusingagumi, Jehovha Mwari ndichangamire uye ane chiremerera pakati pezvinhu zvose.—Gen. 1:1; 1 VaK. 15:24-28; Zvak. 21:1-5.

6. Nei munyori wepisarema akati Jehovha akapfeka kukudzwa?

6 Munyori wepisarema aitya Mwari anofanira kuve aishamiswa kwazvo paaiona denga rakati zii rizere nenyeredzi, rakati ndandanda “nezvishongo”! Achishamiswa nokuti Mwari ‘akatatamura matenga sejira retende,’ munyori wepisarema akarondedzera Jehovha seakapfeka kukudzwa kana kuti chiremerera nemhaka younyanzvi hwake hunoshamisa hwokusika. (Verenga Pisarema 104:1, 2.) Chiremerera nokubwinya kwoMusiki asingaoneki, ane simba zvinoratidzwa nemabasa ake anooneka.

7, 8. Uchapupu hupi hwechiremerera nokubwinya kwaJehovha hwatinoona kudenga?

7 Somuenzaniso, chimbofunga nezveboka renyeredzi rinonzi Gwara Renzou. Muboka iri rine nyeredzi dzakawanda zvikuru, zuva, nezvimwewo, pasi redu rinoita sechinhu chidukuduku kungofanana netsanga yejecha riri pamhenderekedzo yegungwa yakangoita ziendanakuenda. Pafunge, boka rimwe chete rakadaro rine nyeredzi dzinopfuura mabhiriyoni zana! Dai waizoverenga nyeredzi imwe pasekondi yoga yoga usingazorori kwamaawa 24 pazuva, zvaizokutorera makore 3 000 kuti usvike pamabhiriyoni zana.

8 Kana Gwara Renzou roga riine nyeredzi mabhiriyoni zana, zvakadini nemamwe mapoka enyeredzi? Vanoongorora nyeredzi vanofungidzira kuti Gwara Renzou ringava rimwe remapoka enyeredzi ari pakati pemabhiriyoni 50 kusvika ku125. Nyeredzi dziriko dzose ingani? Chokwadi kuzvifunga kunotenderedza musoro. Asi Jehovha “anoverenga nyeredzi kuti ingani; anodzishevedza dzose nemazita adzo.” (Pis. 147:4) Uchiona Jehovha akapfeka chiremerera nokubwinya zvakadaro, haunzwi uchida kurumbidza zita rake guru here?

9, 10. Kupiwa kwatakaitwa chingwa kunokudza sei uchenjeri hwoMusiki wedu?

9 Ngatichibvisai pfungwa dzedu kumatenga anoshamisa titarise chinhu chakajairika chakadai sechingwa. Jehovha “muiti wedenga nenyika” uyewo “anopa vane nzara zvokudya [chingwa].” (Pis. 146:6, 7) “Kukudzwa nokubwinya” kwaMwari kunooneka pamabasa ake makuru, kusanganisira kutipa kwaakaita zvinomera zvinogadzirisa chingwa. (Verenga Pisarema 111:1-5.) Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera vachiti: “Tipei nhasi zvokudya zvedu [chingwa chedu] zvanhasi.” (Mat. 6:11) Chingwa ndicho chaitorwa sesadza makarekare munyika dzakawanda, kusanganisira muIsraeri. Kunyange zvazvo chingwa chichitorwa sechinhu chiri nyore kubika, kusangana kunoita zvinhu zvinochibika hakusi nyore kunzwisisa.

10 Panguva dzainyorwa Bhaibheri, vaIsraeri vaishandisa gorosi kana kuti bhari nemvura kubika chingwa. Dzimwe nguva mbiriso yaishandiswa pakubika chingwa. Zvinhu zvishomanana izvozvo zvinovhengana-vhengana zvobudisa makemikari anoshamisa anoshanda pamwe chete. Hazvinyatsonzwisisiki kuti makemikari acho anosangana sei. Uye kugayiwa kunoitwa chingwa mumuviri ndechimwe chishamiso. Ndosaka munyori wepisarema akaimba achiti: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Ose zvawo makaaita nouchenjeri”! (Pis. 104:24) Unonzwawo uchida kurumbidza Jehovha saizvozvo here?

Chiremerera Uye Kubwinya kwaMwari Zvinoita Kuti Uite Sei?

11, 12. Kufungisisa zvinhu zvakasikwa naMwari kungaita kuti tiite sei?

11 Hatifaniri hedu kuva noruzivo rwenyeredzi kuti tiyevedzwe nematenga usiku kana rwemakemikari kuti tinakirwe nechingwa. Zvisinei, kuti tinzwisise kubwinya kweMusiki wedu, tinofanira kuwana nguva yokufungisisa mabasa emaoko ake. Kufungisisa kwakadaro kunotibatsira sei? Sezvatinongoitwa nokufungisisa mamwe mabasa aJehovha.

12 Achiimba nezvemabasa makuru aJehovha aakaitira vanhu vake, Dhavhidhi akati: “Kubwinya kunokudzwa kwokuremekedzwa kwenyu nezvinhu zvemabasa enyu anoshamisa ndizvo zvandichafungisisa.” (Pis. 145:5) Tinoratidza kukoshesa mabasa aya patinodzidza Bhaibheri uye kuva nenguva yokufungisisa zvatinoverenga mariri. Kufungisisa zvatinoverenga kunoita kuti tiite sei? Kunowedzera kukoshesa kwatinoita chiremerera chaMwari nokubwinya kwake. Saka hatingambotadzi kubatana naDhavhidhi mukukudza Jehovha tichiti: “Ndichazivisa nezvoukuru hwenyu.” (Pis. 145:6) Kufungisisa mabasa aMwari akaisvonaka kunofanira kusimbisa ukama hwedu naJehovha, kwoita kuti tishingaire uye titsunge kuudza vamwe nezvake. Uri kushingaira kuzivisa mashoko akanaka uye kubatsira vanhu kukoshesa chiremerera, kubwinya, uye uchangamire zvaJehovha Mwari here?

Jesu Anoratidza Chiremerera chaMwari Zvakakwana

13. (a) Maererano naDhanieri 7:13, 14, Jehovha akapei Mwanakomana wake? (b) Jesu ndiMambo anobata sei vanhu vaanotonga?

13 Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, aishingaira kuzivisa mashoko akanaka uye aikudza Baba vake vokudenga vane chiremerera. Jehovha akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga chiremerera chisina vamwe nokumupa ‘ushe noumambo.’ (Verenga Dhanieri 7:13, 14.) Asi Jesu haasi munhu anozvikudza. Anotova Mutongi anonzwira tsitsi, anonzwisisa zvisingakwanisi kuitwa nevaanotonga uye anovaremekedzawo. Ngatimbokurukurai muenzaniso wokuti Jesu saMambo aizogadzwa akabata sei vanhu vaaisangana navo, kunyanya vaya vaiita sevasingadiwi uye vasingafarirwi.

14. Vanhu vaiva nemaperembudzi vaionekwa sei makarekare muIsraeri?

14 Kare vanhu vaiva nemaperembudzi vaiwanzofa vayaura kwenguva yakareba. Nhengo dzomuviri dzaibata chirwere zvishoma nezvishoma. Kurapa munhu ane maperembudzi kwainzi kwakaoma sokumutsa munhu akafa. (Num. 12:12; 2 Madz. 5:7, 14) Vane maperembudzi vainzi havana kuchena uye vaisemwa vachiiswa kwavo voga. Pavaisvika pane vanhu, vaifanira kushevedzera vachiti: “Handina kuchena, handina kuchena!” (Revh. 13:43-46) Munhu ane maperembudzi akanga akafanana nomunhu akafa. Maererano nezvinyorwa zvavanarabhi, munhu aiva nemaperembudzi aisafanira kuswedera pedyo nevanhu neanenge mamita maviri. Zvinonzi munhu aiva nemaperembudzi aiti akaonekwa kunyange achiri kure, mutungamiriri wechitendero aimupotsera nematombo kuti agarire kure.

15. Jesu akabata sei mumwe munhu aiva nemaperembudzi?

15 Zvisinei, tinoshamiswa nezvakaitwa naJesu kune mumwe munhu aiva nemaperembudzi akauya kwaari achikumbira kurapwa. (Verenga Mako 1:40-42.) Panzvimbo pokumudzinga, Jesu akanzwira tsitsi murume uyu aizvidzwa uye akamuremekedza. Chakangoonekwa naJesu aiva munhu ainzwisa urombo aida kuporeswa. Arwadziwa mwoyo, Jesu haana kungogumira pakunzwa tsitsi chete. Akatambanudza ruoko rwake, akabata munhu wacho, akamuporesa.

16. Wadzidzei pamabatiro aiita Jesu vamwe vanhu?

16 Sevateveri vaJesu, tingatevedzera sei maratidziro aiita Jesu chiremerera chaBaba vake? Imwe nzira ndeyokunzwisisa kuti vanhu vose vanofanira kukudzwa nokuremekedzwa, pasinei nezvavari, utano hwavo kana kuti zera ravo. (1 Pet. 2:17) Zvikurukuru vaya vanotungamirira vakadai sevarume, vabereki, uye vakuru veungano, vanofanira kupa vaya vavanotungamirira chiremerera uye kuvabatsira kuti varambe vachizviremekedza. Bhaibheri rinoratidza kuti izvi ndizvo zvinofanira kuitwa nevaKristu vose parinoti: “Pakudanana sehama, dananai kwazvo. Pakukudzana, tungamiriranai.”—VaR. 12:10.

Kuratidza Chiremerera Pakunamata

17. Tingadzidzei muMagwaro nezvokuratidza chiremerera patinonamata Jehovha?

17 Chiremerera chinotonyanya kukosha patinenge tichinamata Jehovha. “Chenjerera tsoka dzako pose paunoenda kuimba yaMwari wechokwadi,” inodaro Muparidzi 5:1. Mosesi naJoshua vakanzi vabvise hwashu dzavo pavaiva panzvimbo tsvene. (Eks. 3:5; Josh. 5:15) Vaifanira kuita izvi vachiratidza ruremekedzo kana kuti rukudzo. Vapristi vechiIsraeri vaifanira kupfeka zvikabudura zverineni “kuti vafukidze nyama yavo isina kufukidzwa.” (Eks. 28:42, 43) Izvi zvaiita kuti vasafukura nhengo dzakavandika pavaishumira paatari. Mumwe nomumwe womumhuri yomupristi aifanira kuratidza chiremerera chaMwari.

18. Chiremerera chinoratidzwa sei pakunamata kwedu Jehovha?

18 Saka chiremerera pakunamata chinosanganisira rukudzo noruremekedzo. Kuti tikudzwe tinofanira kuita zvinhu zvinoremekedzeka. Chiremerera ichi hachifaniri kuva chokubata kumeso. Hachifaniri kuonekwa nevanhu chete asi naMwari, kureva kuti chichibva pamwoyo. (1 Sam. 16:7; Zvir. 21:2) Nguva dzose tinofanira kuzvibata zvine chiremerera panzira yatinofunga nayo, ukama hwedu nevamwe, kunyange maonero atinozviita. Chokwadi, zvinhu zvose zvatinotaura nezvatinoita zvinofanira kuratidza chiremerera. Panyaya yokuzvibata, mupfekero, uye kushambidzika, tinofanira kufunga mashoko omuapostora Pauro okuti: “Hatimbopi chero chikonzero chipi zvacho chokugumbuka, kuti ushumiri hwedu hurege kuwanirwa mhosva; asi munzira dzose tinoratidza kuti tiri vashumiri vaMwari.” (2 VaK. 6:3, 4) Tinoshongedza “dzidziso yoMuponesi wedu, iye Mwari, muzvinhu zvose.”—Tito 2:10.

Ramba Uchizvibata Zvine Chiremerera Sezvinodiwa naMwari

19, 20. (a) Ndeipi nzira yakanakisisa yokuremekedza vamwe? (b) Tinofanira kutsunga kuitei panyaya yokuzvibata zvine chiremerera?

19 VaKristu vakazodzwa, avo vari “nhume dzinomiririra Kristu,” vanozvibata zvine chiremerera. (2 VaK. 5:20) “Mamwe makwai” ayo anovatsigira nokuvimbika, inhume dzine chiremerera dzoUmambo hwaMesiya. Mumiririri kana kuti nhume anotaura zvine chiremerera achimiririra hurumende yake. Saka tinofanira kutaura zvine chiremerera uye noushingi tichitsigira Umambo, hurumende yaMwari. (VaEf. 6:19, 20) Uye patinoudza vamwe “mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani,” tinenge tisingavapiwo chiremerera here?—Isa. 52:7.

20 Tinofanira kutsunga kupa Mwari mbiri kubudikidza nokuzvibata zvinoenderana nechiremerera chake. (1 Pet. 2:12) Ngatigarei tichimuremekedza zvakadzama, tichiremekedza kunamatwa kwake, uye vamwe vatinonamata navo. Uye dai Jehovha, uyo akapfeka kukudzwa nokubwinya, akafadzwa nekumunamata zvine chiremerera kwatinoita.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 MuPisarema rechi8 Dhavhidhi anoprofita nezvemunhu akakwana Jesu Kristu.—VaH. 2:5-9.

Ungapindura Sei?

• Kunzwisisa kubwinya kwechiremerera chaJehovha kunofanira kuita kuti tiite sei?

• Tingadzidzei nezvechiremerera pamabatiro akaita Jesu mumwe munhu aiva nemaperembudzi?

• Tingakudza sei Jehovha zvine chiremerera?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 12]

Jehovha akapa sei Abheri chiremerera?

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mabasa aJehovha makuru anooneka kunyange pakutipa kwaakaita chingwa

[Mufananidzo uri papeji 15]

Wadzidzei nezvechiremerera pamabatiro akaita Jesu munhu aiva nemaperembudzi?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kunamata kune chiremerera kunosanganisira kukudza Jehovha