Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa VaGaratiya, VaEfeso, VaFiripi, Uye VaKorose

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa VaGaratiya, VaEfeso, VaFiripi, Uye VaKorose

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa VaGaratiya, VaEfeso, VaFiripi, Uye VaKorose

ANZWA nezvekutsauswa kwevamwe vaKristu pakunamata kwechokwadi nevamwe vaJudha, muapostora Pauro anonyora tsamba ine simba ku“ungano dzeGaratiya.” (VaG. 1:2) Tsamba yacho yakanyorwa pakati pa50 C.E. na52 C.E., ine mazano akasimba uye inokurudzira.

Makore gumi pashure pokunyorwa kwaVaGaratiya, ava muRoma so“musungwa nemhaka yaKristu Jesu,” Pauro anonyorera ungano dzaiva muEfeso, Firipi, neKorose, achida kuvapa mazano anovaka uye kuvakurudzira murudo. (VaEf. 3:1) Nhasi tinogona kubatsirwa nokuteerera mashoko ari mumabhuku eBhaibheri aVaGaratiya, VaEfeso, VaFiripi, uye VaKorose.—VaH. 4:12.

‘KUNZI TAKARURAMA’—SEI?

(VaG. 1:1–6:18)

Sezvo vaikurudzira chitendero chechiJudha vaida kuti Pauro anzi haasi kuziva, iye anodzivirira kuva kwake muapostora nokurondedzera nhoroondo yekwaakabva. (VaG. 1:11–2:14) Achipokana nedzidziso dzavo dzenhema, Pauro anonyora shoko rine simba rokuti: “Munhu haanzi akarurama nokuda kwemabasa omutemo, asi nokungotenda muna Kristu Jesu.”—VaG. 2:16.

Kristu ‘akasunungura nokutenga vaya vari pasi pomutemo’ akavaita kuti vave norusununguko, anodaro Pauro. Anokurudzira vaGaratiya zvakasimba achiti: “Mirai makasimba, uye musazvirega muchisungwazve pajoko rouranda.”—VaG. 4:4, 5; 5:1.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

3:16-18, 28, 29—Sungano yaAbrahamu ichiri kushanda here? Ichokwadi ichiri kushanda. Sungano yoMutemo yaiwedzera kwete kuti yaitsiva sungano yaMwari naAbrahamu. Saka sungano yaMwari naAbrahamu yakaramba ichishanda pashure pokunge Mutemo ‘wabviswa.’ (VaEf. 2:15) Zvakapikirwa mauri zvinopfuudzirwa ku“mwana” wechokwadi waAbrahamu, Kristu Jesu, uyo anova ndiye mukuru we“vanhu vaKristu.”

6:2—“Mutemo waKristu” chii? Mutemo uyu une zvose zvakadzidziswa naJesu uye zvaakarayira. Unonyanya kusanganisira murayiro wo“kudanana.”—Joh. 13:34.

6:8—‘Tinodyara nokuda kwomudzimu’ sei? Tinoita izvi nokurarama nenzira inoita kuti mudzimu waMwari ushande matiri zvakasununguka. Kudyara nokuda kwomudzimu kunosanganisira kushanda nemwoyo wose mabasa anoita kuti mudzimu mutsvene unyatsoshanda.

Zvatinodzidza:

1:6-9. Vakuru vechiKristu havafaniri kuverengera panomuka zvinetso muungano. Vachinyatsoshandisa Magwaro kubatsira munhu, vanogona kukurumidza kuona kuti uku kufunga kwenhema.

2:20. Rudzikinuro chipo chakapiwa mumwe nomumwe wedu naMwari. Tinofanira kudzidza kuruona saizvozvo.—Joh. 3:16.

5:7-9. Shamwari dzakaipa dzinogona ‘kutidzivisa kuti tirambe tichiteerera chokwadi.’ Kuchenjera kusiyana neshamwari dzakadaro.

6:1, 2, 5. Vaya vane “zvinodiwa zvomudzimu” vanogona kutibatsira kutakura mutoro, wakadai sokunge paine zviri kutinetsa kana kuti zvinorema zvinenge zvakonzerwa nokunge tadarika tisingazivi. Zvisinei, mitoro ine chokuita nokunamata kwedu, tinofanira kuzvitakurira.

‘KUUNGANIDZA ZVINHU ZVOSE MUNA KRISTU’

(VaEf. 1:1–6:24)

Achisimbisa chinonyanya kukosha pakubatana kwechiKristu mutsamba yaakanyorera vaEfeso, Pauro anotaura nezvekutarisira “zvinhu panonyatsokwana nguva yakatarwa . . . aunganidzezve zvinhu zvose muna Kristu, zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri panyika.” Kristu akapa “zvipo zviri varume” kuti vose ‘vasvike pakubatana mukutenda.’—VaEf. 1:10; 4:8, 13.

VaKristu vanofanira “kupfeka unhu hutsva” kuti vakudze Mwari uye vabatane nevamwe, ‘vazviise pasi pomumwe nomumwe vachitya Kristu.’ Vanofanirawo “kumira [v]akasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi” kubudikidza nokupfeka nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo mune zvokunamata.—VaEf. 4:24; 5:21; 6:11.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:4-7—VaKristu vakazodzwa vakagara vagadzwa sei vasati vatomboberekwa? Vakafanogadzwa seboka, kwete kuti mumwe nomumwe wavo. Izvi zvakaitika nyika inotadza isati yavapo. Uprofita huri pana Genesisi 3:15, uhwo hwakaziviswa pasina kana munhu anotadza akanga ati anambwa, hunosanganisira chinangwa chaMwari chokuva nevamwe vateveri vaKristu vaaizotonga navo kudenga.—VaG. 3:16, 29.

2:2—Mudzimu wenyika wakafanana nemhepo pakuita sei, uye simba rawo riri pai? “Mudzimu wenyika”—pfungwa yokuda kuzvimiririra uye yokusada kuteerera—uri kwose kwose sezvakaita mhepo yatinofema. (1 VaK. 2:12) Simba rawo rinobva pakuti unonyengetedza uye haudzokeri shure.

2:6—VaKristu vakazodzwa vangava sei “munzvimbo dzokudenga” pavanenge vachiri pasi pano? Mashoko okuti “nzvimbo dzokudenga” pano haasi kureva nhaka yavakapikirwa yokudenga. Asi kuti anoreva kuti mune zvokunamata vanhu vakakwidziridzwa zvichibva pakuti ‘vakaiswa chisimbiso nomudzimu mutsvene uya wakapikirwa.’—VaEf. 1:13, 14.

Zvatinodzidza:

4:8, 11-15. Jesu Kristu “akaenda nenhapwa,” kureva kuti akatora varume munyika yaSatani akavapa kuungano yechiKristu sezvipo kuti ivakwe. Tinogona kukura “norudo muzvinhu zvose muna Kristu” nokuteerera uye kuzviisa pasi pevaya vari kutitungamirira uye kushanda pamwe chete nourongwa hweungano.—VaH. 13:7, 17.

5:22-24, 33. Mukadzi anofanira kuzviisa pasi pomurume wake uye kumuremekedza. Anozviita nokuratidza “mudzimu wakanyarara uye munyoro” uye nokuedza kumukudza paanotaura zvakanaka nezvake uye kushanda pamwe naye kuti zvaanenge asarudza kuita zvibudirire.—1 Pet. 3:3, 4; Tito 2:3-5.

5:25, 28, 29. Sezvo iye pachake ‘achipa zvokudya’ muviri wake, murume anofanira kuitira mudzimai wake zvaanoda—kumuriritira, kumurezvawo, uye kumubatsira pakunamata. Anofanira kumuda achipedza nguva yakakwana naye uye achimubata nomutsa achitaura naye zvakanaka.

6:10-13. Kuti tirwisane nemadhimoni, tinofanira kuisa mwoyo wedu wose pakupfeka nhumbi dzokurwa nadzo dzatinopiwa naMwari.

“FAMBA ZVAKANAKA NOMUITIRO IWOYU”

(VaF. 1:1–4:23)

Tsamba yakanyorerwa vaFiripi naPauro rudo rwoga rwoga. Anoti: “Izvi ndizvo zvandinoramba ndichinyengeterera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchiwanda nezivo yakarurama uye noungwaru hwakazara.” Achivabatsira kuti vasapedzisira vava kunyanya kuzvivimba, anovakurudzira achiti: “Rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera.”—VaF. 1:9; 2:12.

Pauro anokurudzira vaya vakura zvakakwana kuti vavavarire “kuti [va]wane mubayiro wokudanwa kumusoro naMwari.” Anoti: “Kusvikira patasvika tichienda mberi, ngatirambei tichifamba zvakanaka nomuitiro iwoyu.”—VaF. 3:14-16.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:23—“Zvinhu zviviri” zvipi zvaishaya Pauro kuti angasarudza chipi, uye “kusunungurwa” kupi kwaaida? Nemhaka yezvaaiva ari, Pauro aishaya kuti angada zvipi pane zviviri zvaigona kuitika kwaari: kuramba ari mupenyu kana kuti kufa. (VaF. 1:21) Asingatauri kuti aizosarudza zvipi, anotaura chido chake—“kusunungurwa uye kuva pamwe chete naKristu.” (VaF. 3:20, 21; 1 VaT. 4:16) “Kusunungurwa” panguva yokuvapo kwaKristu kwaizoita kuti Pauro awane mubayiro waainge agadzirirwa naJehovha.—Mat. 24:3.

2:12, 13—Mwari anoita sei kuti ‘tide uye tiite’? Mudzimu mutsvene waJehovha unogona kushanda mumwoyo yedu nepfungwa woita kuti chido chedu chokuti tiite nepatinogona napo mubasa rake chikure. Saka tine chinotibatsira ‘sezvatinoshandira kuponeswa kwedu.’

Zvatinodzidza:

1:3-5. Kunyange zvazvo vaiva varombo, vaFiripi muenzaniso wakanaka kwatiri pakuva norupo.—2 VaK. 8:1-6.

2:5-11. Sezvinoratidzwa nomuenzaniso waJesu, kuzvininipisa hakurevi kuti hauzivi zvauri kuita asi kuti kuchenjera. Uyezve, Jehovha anokwidziridza vanozvininipisa.—Zvir. 22:4.

3:13. “Zvinhu zviri shure” zvingava zvinhu zvakaita sebasa roumbozha, kunzwa wakachengeteka nokuti unobva mumhuri yakapfuma, kana kuti zvivi zvatakaita kare zvatakapfidza ‘tikagezwa tikachena.’ (1 VaK. 6:11) Tinofanira kukanganwa zvinhu izvi, kureva kuti kurega kufunga nezvazvo, to“sveerera zvinhu zviri mberi.”

KU“DZIKAMISWA PAKUTENDA”

(VaK. 1:1–4:18)

Mutsamba yaanonyorera vaKorose, Pauro anofumura maonero asina kunaka evadzidzisi venhema. Anoti kuponeswa hakubvi pakuita zvinodiwa noMutemo, asi ‘kuramba vari pakutenda.’ Pauro anokurudzira vaKorose kuti “rambai muchifamba muri pamwe na[Kristu], makadzika midzi, muchivakwa maari uye muchidzikamiswa pakutenda.” Kudzikamiswa ikoko kwaifanira kuita kuti vaite sei?—VaK. 1:23; 2:6, 7.

Pauro anonyora kuti, “kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana. Uyewo, rugare rwaKristu ngarudzore mumwoyo menyu.” Muapostora wacho anovaudza kuti: “Zvose zvamunoita, zviitei nomweya wose sokunge munoitira Jehovha, kwete vanhu.” Achitaura nezvevaya vari kunze kweungano, iye anoti: “Rambai muchifamba nokuchenjera” kwavari.—VaK. 3:14, 15, 23; 4:5.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:8—“Zvinhu zvokutanga zvenyika” zvakanyeverwa nezvazvo naPauro zvii? Izvi zvinhu zvenyika yaSatani, zvinhu zvinoiumba, zvinoitungamirira, kana kuikurudzira. (1 Joh. 2:16) Zvinosanganisira uzivi, kunyanya kuda pfuma, uye zvitendero zvenhema zviri munyika ino.

4:16—Nei tsamba yakanyorerwa vaRaodhikiya isiri muBhaibheri? Zvingadaro nokuti tsamba yacho yakanga isina mashoko atinoda mazuva ano. Kana kuti ingava yaidzokorora dzimwe pfungwa dziri mune dzimwe tsamba dzakafuridzirwa.

Zvatinodzidza:

1:2, 20. Rudzikinuro, urongwa hwaMwari hwomutsa usina kukodzera kuwanwa, runogona kuita kuti hana yedu inzwe isina mhaka uye kuita kuti tive norugare mumwoyo.

2:18, 23. “Kuzvininipisa kwokunyepedzera,” kureva kuda kufadza vamwe zvichida nokuramba zvinhu zvenyama kana kuti kuzvinyima, kunoratidza kuti munhu ari ‘kuzvitutumadza nemafungiro ake enyama.’