Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mamishinari Anofananidzwa Nemhashu

Mamishinari Anofananidzwa Nemhashu

Kupedza Kudzidza Kwekirasi Yegiriyedhi Yechi124

Mamishinari Anofananidzwa Nemhashu

MWEDZI mitanhatu yoga yoga, Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi chinoita purogiramu yokupedza zvidzidzo inokokwa mhuri yose yeBheteri yeUnited States. Musi waMarch 8, 2008, vaenzi vaibva kunyika dzinopfuura 30 vakabatana nemhuri yeBheteri kuzoona kupedza zvidzidzo kwekirasi yechi124 yeChikoro cheGiriyedhi. Vose 6 411 vaivepo vakafara nevadzidzi vacho pazuva iri rinokosha zvikuru kwavari.

Sachigaro wepurogiramu yacho, Stephen Lett weDare Rinodzora, akatanga purogiramu yacho nehurukuro yaiva nomusoro waiti, “Endai Nemhashu Dzokufananidzira dzaJehovha.” Zvakazarurwa 9:1-4 inoenzanisa boka duku revaKristu vakazodzwa vakatangazve kuita basa raMwari muna 1919 neboka guru remhashu rakatanga kushanda. Vadzidzi vacho vakayeuchidzwa kuti senhengo dze“mamwe makwai,” vakazviisa muboka iri remhashu dzokufananidzira.—Joh. 10:16.

Lon Schilling, imwe nhengo yeDare Rebazi rokuUnited States, akazopawo hurukuro yaiti: “Batsiranai Kuita Zvakanaka.” Yaitorerwa pamuenzaniso womuBhaibheri waAkwira naPrisira (kana kuti Priska), vamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakanga vakaroorana. (VaR. 16:3, 4) Vose 56 vaiva mukirasi iyi vaiva vakaroorana. Vakayeuchidzwa kuti kana vachizobudirira semamishinari, vaifanira kuramba vachidanana zvikuru. Bhaibheri hapana parinombotaura nezvaAkwira risingatauri nezvomudzimai wake Prisira. Saka muapostora Pauro neungano vaivaona semhuri. Saizvozvowo, mamishinari akaroorana mazuva ano anofanira kushanda pamwe chete, kunamata pamwe chete, uye kutarisana nezvinetso zvokushanda kune imwe nyika pamwe chete, kureva kuti vanofanira kubatsirana kuita zvakanaka.—Gen. 2:18.

Hurukuro yakatevera yaiva nomusoro waiti, “Ita Zvakanaka Uchitevedzera Kunaka kwaJehovha,” yakapiwa naGuy Pierce weDare Rinodzora. Hama Pierce vakatsanangura kuti kuva munhu akanaka hakungorevi kurega kuita zvakaipa. Munhu akanaka anoitira vamwe zvakanaka. Jehovha Mwari akanaka zvikuru. (Zek. 9:16, 17) Kunaka kwaMwari norudo rwake zvinotikurudzira kuitira vamwe zvinhu zvakanaka. Hama Pierce vakagumisa hurukuro yavo nokurumbidza vadzidzi vachiti: “Manga muchiita zvakanaka. Tinovimba mucharamba muchitevedzera Mwari nokuita zvakanaka mumabasa ose zvawo amuchapiwa naJehovha Mwari.”

Michael Burnett, aimbove mumishinari asi achangobva kugadzwa somudzidzisi weGiriyedhi, akazopa hurukuro yaiti, “Ipfeke Sorundanyara Pakati Pemaziso Ako.” Vachiita sevakapfeka “rundanyara” pakati pemaziso avo, vaIsraeri vaifanira kuramba vachiyeuka kununurwa kunoshamisa kwavakaitwa naJehovha muIjipiti. (Eks. 13:16) Vadzidzi vakakurudzirwa kuyeuka mirayiridzo yakawanda yavakapiwa paChikoro cheGiriyedhi sezvinonzi vanenge vakaipfeka sorundanyara pakati pemaziso avo. Hama Burnett vakasimbisa kukosha kwokuzvininipisa uye kushandisa mazano emuBhaibheri pakugadzirisa zvavanenge vakanganisirana nemamwe mamishinari uye nevamwe.—Mat. 5:23, 24.

Mark Noumair, ava nemakore ari mudzidzisi weGiriyedhi, akapa hurukuro yaiti, “Uchaimbirwa Rwiyo Rupi?” Makarekare vanhu vaiva netsika yokuimba vachipemberera kana vakunda muhondo. Rumwe rwiyo rwakadaro rwakafumura vemadzinza aRubheni, Dhani uye Asheri rwuchiti vaiva neusimbe, asi vedzinza raZebhuruni vakarumbidzwa nokuda kwavo kuzvipira. (Vat. 5:16-18) Kungofanana nemashoko erwiyo, zvinoitwa nomuKristu wose zvinopedzisira zvazivikanwa nevamwe. Kushingaira kunoita munhu mubasa raMwari uye kuvimbika nokutsungirira kumirayiridzo yesangano zvichafadza Jehovha uye uchava muenzaniso kune dzimwe hama. Vamwe vari muungano zvavanoteerera rwiyo rwokufananidzira runonyorwa nezviito zvedu, vanokurudzirwa kutevedzera muenzaniso wedu.

Sezvo chikoro chacho cheGiriyedhi chichisanganisira kuparidza, kirasi iyi yechi124 yakapedza maawa anenge 3 000 mubasa rokuparidzira. Pahurukuro yaSam Roberson, weDhipatimendi Rezvikoro Zvesangano, yaiva nomusoro waiti, “Kubvuma Kutungamirirwa Nomudzimu Mutsvene,” vadzidzi vakarondedzera zvakaitika pavaiva muushumiri, vachitoedzesera maitikiro akaita zvimwe zvacho. Pashure pezvakaitika zvinokurudzira izvi, Patrick LaFranca, imwe nhengo yeDare Rebazi rokuUnited States, akabvunzurudza vamwe vakambopinda chikoro cheGiriyedhi vava kushumira munyika dzakasiyana-siyana. Vadzidzi vaivapo vakaonga mazano anoshanda avakawana kuhama idzi.

Anthony Morris, weDare Rinodzora akapa hurukuro yokupedzisira yaiti, “Yeuka, Zvinhu Zvinooneka Ndezvenguva Duku.” Magwaro anotikurudzira kuisa pfungwa dzedu pazvikomborero zvatichapiwa naJehovha pane kufunga nezvematambudziko enguva duku atingadaro tichisangana nawo. (2 VaK. 4:16-18) Urombo hwakanyanyisa, kusaruramisira, udzvinyiriri, urwere, uye rufu zvinhu zvatinotarisana nazvo tose nhasi. Mamishinari anogona kusangana nemamwe mamiriro ezvinhu aya anosuwisa. Asi kuyeuka kuti zvinhu izvi ndezvenguva duku kuchatibatsira kuramba takasimba pakunamata uye tiine tariro.

Purogiramu yacho yakapedziswa nokuenda pachikuva kwevose vakanga vapedza zvidzidzo ndokutanga kuteerera mashoko omuonekedzo aHama Lett. Vakavakurudzira kusaora mwoyo vachiti: “Kana Jehovha achititsigira hatizokandi mapfumo pasi panyaya yokutendeka.” Vakakurudzira mamishinari matsva kuti vave semhashu, vachifambira mberi mubasa raJehovha uye vachiramba vachishingaira, vakavimbika, uye vachiteerera nokusingaperi.

[Bhokisi riri papeji 30]

MAMIRIRO AKANGA AKAITA KIRASI YACHO

Nyika dzavakabva: 7

Nyika dzavakatumirwa kwadziri: 16

Vadzidzi vose: 56

Avhareji yezera: 33,8

Avhareji yemakore muchokwadi: 18,2

Avhareji yemakore mubasa renguva yakazara: 13,8

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kirasi Yechi124 Yevakapedza Kudzidza Pachikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pamazita akarongwa pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichidzokera shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Nicholson, T.; Main, H.; Senge, Y.; Snape, L.; Vanegas, C.; Pou, L. (2) Santana, S.; Oh, K.; Lemaitre, C.; Williams, N.; Alexander, L. (3) Woods, B.; Stainton, L.; Huntley, E.; Alvarez, G.; Cruz, J.; Bennett, J. (4) Williamson, A.; González, N.; Zuroski, J.; Degandt, I.; May, J.; Diemmi, C.; Tavener, L. (5) Lemaitre, W.; Harris, A.; Wells, C.; Rodgers, S.; Durrant, M.; Senge, J. (6) Huntley, T.; Vanegas, A.; Pou, A.; Santana, M.; Bennett, V.; Tavener, D.; Oh, M. (7) Zuroski, M.; Rodgers, G.; Diemmi, D.; Nicholson, L.; Alvarez, C.; Snape, J. (8) Harris, M.; González, P.; Main, S.; Woods, S.; Stainton, B.; Williamson, D.; Durrant, J. (9) Cruz, P.; Degandt, B.; Williams, D.; Wells, S.; Alexander, D.; May, M.

[Mufananidzo uri papeji 32]

Chikoro cheGiriyedhi chiri paWatchtower Educational Center