Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Imba Yenyu Ngairambe Iri “Tambo Yakakoswa Netambo Nhatu”

Imba Yenyu Ngairambe Iri “Tambo Yakakoswa Netambo Nhatu”

Imba Yenyu Ngairambe Iri “Tambo Yakakoswa Netambo Nhatu”

“Tambo yakakoswa netambo nhatu haingakurumidzi kudambuka.”—MUP. 4:12.

1. Ndiani akabatanidza vanhu vaviri vokutanga?

APEDZA kusika zvinomera nemhuka, Jehovha Mwari akaumba munhu wokutanga, Adhamu. Mwari akazoita kuti Adhamu abatwe nehope huru, uye akashandisa imwe mbabvu yaAdhamu kuti amusikire mubatsiri akakwana. Paakamuona, Adhamu akati: “Zvino iri ipfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu.” (Gen. 1:27; 2:18, 21-23) Jehovha akaratidza kuti akafarira zvaakanga aita izvi, akabatanidza vanhu vaviri vokutanga uye akataura kuti aizovakomborera.—Gen. 1:28; 2:24.

2. Satani akapesanisa Adhamu naEvha sei?

2 Zvinosuwisa kuti urongwa hwaMwari hwomuchato husati hwatombodii, hwakashorwa. Hwakashorwa sei? Chimwe chisikwa chakaipa chakazonzi Satani, chakanyengera Evha kuti adye muchero womuti mumwe chete wavakanga varambidzwa semhuri. Adhamu akazobatanawo nomudzimai wake pakusateerera, izvo zvaireva kupandukira kodzero yaMwari yokutonga. (Gen. 3:1-7) Jehovha paakavabvunza zvavakanga vaita, zvakava pachena kuti vakanga vatotanga kutosvorana. Adhamu akapomera mudzimai wake achiti: “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, andipa muchero womuti wacho ndikadya.”—Gen. 3:11-13.

3. Vamwe vaJudha vakanga vava nemaonero api asiri iwo?

3 Kubvira ipapo, kwemazana emakore Satani ari kushandisa manomano kupesanisa vane dzimba dzavo. Somuenzaniso, pane dzimwe nguva akaita kuti vatungamiriri vezvitendero vatsigire pfungwa dzisiri dzomuMagwaro panyaya dzokuroorana. Vamwe vatungamiriri vechiJudha vairerutsa mitemo yaMwari, vachibvumira kuti varume varambire vakadzi vavo zvikonzero zvenhando zvakadai sokuwanza munyu mumuriwo. Asi Jesu akati: “Munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve, akaroora mumwe, iye anoita upombwe.”—Mat. 19:9.

4. Nhasi uno urongwa hwekuroorana hwarasa gwara sei?

4 Satani achiri kushingairira kuparadza dzimba dzevanhu. Ungochani, kubika mapoto, uye kurambana nyore-nyore zviri kuratidza kuti ari kubudirira zvikuru. (Verenga VaHebheru 13:4.) SevaKristu tingaita sei kuti tisapedzisira tava nemaonero asiri iwo anoita vanhu vakawanda muchato? Ngatimbokurukurai zvimwe zvinoita kuti imba yevanhu isvike pakutsvuka chin’ai, vachifara.

Jehovha Ngaarambe Ari Mumba Menyu

5. Mashoko okuti “tambo yakakoswa netambo nhatu” anorevei paanenge achishandiswa pavanhu vakaroorana?

5 Kuti imba itsvuke chin’ai, Jehovha anofanira kuva pakati pevanhu vacho. Shoko rake rinoti: “Tambo yakakoswa netambo nhatu haingakurumidzi kudambuka.” (Mup. 4:12) Mashoko okuti “tambo yakakoswa netambo nhatu” ndeokufananidzira. Muenzaniso uyu paunenge uchishandiswa pavanhu vakaroorana, unoreva kuti murume nomudzimai ndidzo tambo dzokutanga, uye Jehovha Mwari ndiye yechitatu yacho inenge iri pakati. Kubatanidzwa naMwari kunoita kuti mukadzi nomurume vasimbe zvokukwanisa kutarisana nematambudziko, uye ndizvo zvinoita kuti vanyatsofara.

6, 7. (a) VaKristu vangaitei kuti vave nechokwadi chokuti Mwari ri mukati memba yavo? (b) Chii chinonyanya kuyemurwa neimwe hanzvadzi pamurume wayo?

6 Vanhu vakaroorana vangaitei kuti vave nechokwadi chokuti imba yavo yakafanana netambo yakadaro? Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba achiti: “Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu, mutemo wenyu uri mukati mangu.” (Pis. 40:8) Saizvozvowo kuda kwatinoita Mwari kunoita kuti timushumire nemwoyo wakakwana. Saka, murume nomukadzi vanofanira kuva noukama hwakanaka naJehovha vachifarira kuita kuda kwake. Vanhu vakaroorana vanofanirawo kusimbisana pakuda kwavanoita Mwari.—Zvir. 27:17.

7 Kana mutemo waMwari uri mukati-kati memwoyo yedu, tichava nokutenda, tariro, rudo uye zvichatibatsira kuti tinyatsoti kwatikwati. (1 VaK. 13:13) Mumwe muKristu anonzi Sandra, ava nemakore 50 akaroorwa anoti: “Chandinonyanya kuyemura pamurume wangu kundibatsira kwaanoita mune zvokunamata nemazano anobva muBhaibheri aanondipa uye kuti anoda Jehovha kupfuura zvaanondiita.” Varume, madzimai enyu angataura nezvenyu achidarowo here?

8. Chii chinofanira kuitwa nomurume nomudzimai kuti vawane “mubayiro wakanaka”?

8 Munogara muchiisa zvinhu zvokunamata uye zvine chokuita noUmambo pakutanga mumba menyu here? Uyezve unoona wawakaroorana naye seshamwari yako pakunamata Jehovha here? (Gen. 2:24) Mambo akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete, nokuti vane mubayiro wakanaka pabasa ravo rakaoma.” (Mup. 4:9) Zvechokwadi murume nomudzimai vanofanira kushanda nesimba kuti vawane “mubayiro wakanaka” wokusvika pakuchembedzana vachidanana uye vachikomborerwa naMwari.

9. (a) Varume vane basa rokuitei? (b) Maererano naVaKorose 3:19, murume anofanira kubata sei mudzimai wake?

9 Zvinoitwa nomurume nomukadzi kuti vararame vachitevedzera zvinodiwa naMwari ndizvo zvinoratidza kana Mwari ari mumba mavo. Ibasa revarume kuriritira mhuri uye kuitungamirira pakunamata. (1 Tim. 5:8) Vanokurudzirwawo kuti vave nehanya nemafungiro anoita madzimai avo. Pana VaKorose 3:19 panoti: “Imi varume, rambai muchida madzimai enyu uye musaatsamwira kwazvo.” Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakatsanangura mashoko okuti ku“atsamwira kwazvo” ichiti anosanganisira “kuvataurira magaramwoyo, kuvarova, kusavada, kusava nehanya navo, kusavapa zvavanoda, kusavadzivirira uye kusavabatsira.” Zviri pachena kuti maitiro akadaro haana kukodzera mumba yevaKristu. Zvinoitira nyore mukadzi kuzviisa pasi pomurume wake kana iye ari musoro wemhuri wakanaka.

10. Vakadzi vechiKristu vanofanira kuona sei varume vavo?

10 Madzimai echiKristu anoda kuti Jehovha arambe ari mumba mawo anofanirawo kuita zvinodiwa naMwari. Muapostora Pauro akati: “Madzimai ngaazviise pasi pevarume vawo sokunaShe, nokuti murume ndiye musoro womudzimai wake, Kristu zvaari musoro weungano.” (VaEf. 5:22, 23) Satani akanyengera Evha, achitsigira nhema dzokuti munhu anogona kurarama achifara asingatungamirirwi naMwari. Pfungwa yokuda kuzvimiririra iri kunyatsooneka mudzimba dzakawanda. Zvisinei, vakadzi vanoda Mwari havaoni kuzviisa pasi pevarume vavo vane rudo sechinhu chakaipa. Vanoyeuka kuti Jehovha akaita kuti Evha ave “mubatsiri” womurume wake, uye zviri pachena kuti iri ibasa raikudzwa naMwari. (Gen. 2:18) Mukadzi anoita izvozvo nemwoyo wose “ikorona” chaiyo kumurume wake.—Zvir. 12:4.

11. Imwe hama yakati chii chinobatsira mhuri yayo?

11 Chimwe chinobatsira vakaroorana kuti vaite kuti Mwari arambe ari mumba mavo kudzidza Shoko raMwari pamwe chete. Gerald, ava nemakore 55 akaroora anoti, “Chinhu chinokosha zvikuru chinoita kuti mhuri ifare kuverenga uye kudzidza Bhaibheri pamwe chete.” Anowedzera kuti, “Kuita zvinhu pamwe chete, zvikurukuru zvine chokuita nokunamata kunoita kuti vakaroorana vanyatsoti kwatikwati uye vave pedyo naJehovha.” Kudzidza Bhaibheri kunobatsira mhuri kuramba ichiziva zvinodiwa naJehovha, kuva noukama hwepedyo naye, uye kuramba ichifambira mberi.

12, 13. (a) Nei kunyengetera pamwe chete kuchikosha kwazvo kune vakaroorana? (b) Ndeapi mamwe mabasa echiKristu achabatsira kusimbisa imba?

12 Vakaroorana vanofara vanonyengeterawo pamwe chete. Murume ‘paanodurura mwoyo’ wake achinyatsodoma zvavanoda chaizvo semhuri, mhuri yavo ichatoti isimbe. (Pis. 62:8) Somuenzaniso, kana vakaroorana vakateterera kune Wemasimbaose kuti avabatsire, zvichavaitira nyore kumbosendeka kusawirirana kwavo. (Mat. 6:14, 15) Zvakakodzera kuti vose vabatsirane kuita zvavanenge vanyengeterera, uye ‘varambe vachishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose.’ (VaK. 3:13) Yeuka kuti munyengetero unoratidza kuti tinovimba naMwari. Mambo Dhavhidhi akati: “Maziso ezvinhu zvose anotarira kwamuri aine tariro.” (Pis. 145:15) Patinonyengetera kuna Mwari tiine tariro, zvinotidya mwoyo zvinova zvishoma, tichiziva kuti ‘ane hanya nesu.’—1 Pet. 5:7.

13 Chimwezve chichabatsira vakaroorana kuti vaite kuti Jehovha arambe ari mumba mavo kupinda misangano yeungano uye kushanda vose muushumiri. Pamisangano yedu, vakaroorana vanodzidza kurwisa “manomano” anoshandiswa naSatani kuparadza mhuri. (VaEf. 6:11) Murume nomukadzi vanogara vachishanda vose muushumiri vanodzidza kuva ‘vakasimba, vasingazununguki.’—1 VaK. 15:58.

Panomuka Zvinetso

14. Zvinhu zvipi zvingaita kuti mumba musadyiwa rinopisa?

14 Ichokwadi kuti pfungwa dzataurwa pamusoro apa ungadaro wakatombodzinzwa, asi wadii kudzikurukura nomumwe wako muchibudirana pachena? Onai kana paine zvimwe zvinoda kunyatsogadziridzwa. Zvisinei, Bhaibheri rinobvuma kuti kunyange vaya vana Mwari mumba mavo “vachava nedambudziko munyama yavo.” (1 VaK. 7:28) Kunyange dzimba dzevashumiri vaMwari vakatendeka dzinogona kukanganiswa nemhaka yokusakwana, kunyengera kwenyika ino ine vanhu vasingateereri, uye manomano aDhiyabhorosi. (2 VaK. 2:11) Asi Jehovha anotibatsira kuti tikurire matambudziko akadaro. Zvechokwadi, tinogona kubudirira. Murume akatendeka Jobho akarasikirwa nezvipfuwo zvake, vashandi vake, uye vana vake. Asi Bhaibheri rinoti: “Pazvinhu zvose izvi Jobho haana kutadza kana kutaura chinhu chisina kukodzera kuna Mwari.”—Job. 1:13-22.

15. Vanhu vanowanzoita sei kana zvinhu zvaoma, uye vakaroorana vangaita sei kana zvikadaro?

15 Asi mudzimai waJobho akati kwaari: “Uchakabata zvakasimba kuvimbika kwako here? Tuka Mwari, ufe!” (Job. 2:9) Zvechokwadi kana nhamo yarova kana kuti zvinhu zvakora muto musoro unogona kutenderera zvoita kuti munhu ataure asina kufunga. “Kudzvinyirira kungaita kuti munhu akachenjera aite sebenzi,” akadaro murume akachenjera. (Mup. 7:7) Kana mumwe wako akataura mashoko anokurwadza nokuti zvinhu zvaoma kana kuti ‘adzvinyirirwa,’ iwe edza kuramba wakadzikama. Kumupindurawo zvinorwadza kungaita kuti mumwe wenyu kana kuti mese mutaure zvinhu zvingatokuchidzira dambudziko racho. (Verenga Pisarema 37:8.) Saka usaisa mumusoro mashoko “okuvhurumuka” angava akonzerwa nokuti munhu ane shungu kana kuti aora mwoyo.—Job. 6:3.

16. (a) Mashoko aJesu ari pana Mateu 7:1-5 anoshanda sei pavanhu vakaroorana? (b) Nei vanhu vakaroorana vasingafaniri kungotarira divi rimwe chete?

16 Vanhu vakaroorana vanofanira kuona zvinhu sezvazviri. Mumwe angacherechedza kamwe katsika kasingafadzi pane mumwe wake ofunga kuti, ‘Ndichamuchinja.’ Norudo uye mwoyo murefu, ungakwanisa kubatsira mumwe wako zvishoma nezvishoma. Zvisinei, usakanganwa kuti Jesu akafananidza munhu anongotsvaka tuzvikanganiso twomumwe wake nomunhu anoona “kabanzu” kari muziso rehama yake achitadza kuona “danda” riri muziso make. Jesu akatikurudzira kuti: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo.” (Verenga Mateu 7:1-5.) Izvi hazvirevi kuti wongoti pfavava uchiona dzimwe tsika dzisingaiti. Robert, ava nemakore anoda kusvika 40 akaroora anoti: “Kubudirana pachena uye kubvuma zviri kunzi nemumwe ugadzirise zvinotoda kuti vanhu vakaroorana vachinje zvimwe zvinhu muupenyu hwavo.” Saka usangotarira divi rimwe chete. Panzvimbo pokungonetseka nezvezvaunofunga kuti dai mumwe wako achinja, dzidza kufarira zvakanaka zvaari kuita iye zvino.Mup. 9:9.

17, 18. Nhamo padzinotimomotera, tingakumbira kubatsirwa naani?

17 Miedzo ingauya panochinja mamiriro ezvinhu muupenyu. Zvinhu zvingatanga kuoma kana pava nevana. Mwana kana kuti baba kana amai vangarwara zvakaipa. Vabereki vakwegura vangada kutarisirwa. Vana vayaruka vangaenda kunogara kure. Kumwe kuchinja kungakonzerwa nokuita mamwe mabasa echiKristu. Kuchinja kwose uku kunogona kuvhiringidza rudo rwenyu.

18 Kana mumba menyu muine dambudziko ramunofunga kuti hamuchagoni, mungaita sei? (Zvir. 24:10) Shingirirai! Hapana chinhu chinodiwa naSatani kupfuura kuona mumwe wevanhu vaMwari achisiya kunamata kwakachena. Vakatozodaro vari murume nomudzimai, anobva atomera zenze. Saka, itai zvose zvamunogona kuti imba yenyu irambe iri tambo yakakoswa netambo nhatu. Bhaibheri rine nhoroondo dzakawanda dzevanhu vakaramba vakatendeka pasinei nemiedzo yakakura. Somuenzaniso Dhavhidhi akambodurura mwoyo wake kuna Jehovha, achiti: “Ndinzwirei nyasha, haiwa Mwari, nokuti munhuwo zvake . . . anoramba achindidzvinyirira.” (Pis. 56:1) Wati wambodzvinyirirwa ‘nomunhuwo zvake’ here? Ungava uri kudzvinyirirwa nomumwe munhu wausingagari naye kana kuti waunogara naye, yeuka kuti: Dhavhidhi akawana simba rokutsungirira, iwewo unogona kudaro. “Ndakabvunza Jehovha, iye akandipindura,” akadaro Dhavhidhi. “Akandinunura pazvinhu zvose zvaindityisa.”—Pis. 34:4.

Zvimwe Zvikomborero

19. Tingarwisana sei naSatani?

19 Munguva ino yomugumo, vanhu vakaroorana vanofanira ‘kuramba vachinyaradzana nokuvakana.’ (1 VaT. 5:11) Usakanganwa kuti Satani anoti isu tinoteerera Jehovha kana paine zvatiri kuda. Achaedza zvose zvaanogona kusanganisira kuparadzanisa vakaroorana, kuti vasiye kuvimbika kwavo kuna Mwari. Kuti timurwise tinofanira kuvimba naJehovha zvizere. (Zvir. 3:5, 6) Pauro akanyora kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.”—VaF. 4:13.

20. Kuita kuti Mwari arambe ari mumba menyu kunounza zvikomborero zvipi?

20 Zvikomborero zvokuva naMwari mumba menyu zvakawanda. Ndizvo zvakaonekwa naJoel, ava nemakore 51 akaroora. Anoti: “Ndinogara ndichitenda Jehovha nokundipa kwaakaita mudzimai uye kufara kwatinogara tichiita. Mudzimai wangu ishamwari yangu yepamwoyo.” Chii chinomboita kuti vadanane zvakadaro? “Tinogara tichiedza kuva nomutsa, kushivirirana uye kudanana.” Hapana mumwe wedu angabva anyatsozvigona tichiri munyika ino yakaipa. Asi, ngatishandei nesimba kuti tishandise zvinotaurwa neBhaibheri toita kuti Jehovha arambe ari mumba medu. Kana tikadaro, imba yedu ichava ‘tambo yakakoswa netambo nhatu isingakurumidzi kudambuka.’—Mup. 4:12.

Unoyeuka Here?

• Zvinorevei kuva naJehovha mumba menyu?

• Vanhu vakaroorana vanofanira kuita sei kana zvinhu zvaoma?

• Tinoziva sei kana Mwari ari pakati pevakaroorana?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kunyengetera pamwe chete kunobatsira vakaroorana kutarisana nematambudziko