Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba “Mudzimu Wenyika”

Ramba “Mudzimu Wenyika”

Ramba “Mudzimu Wenyika”

“Takagamuchira, kwete mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari.”—1 VAK. 2:12.

1, 2. (a) Nei tushiri tunonzi kamujana twaiiswa mumigodhi yokuBritain? (b) VaKristu vari kutarisana nengozi yei?

MUNA 1911, vakuru vakuru veBritain vakagadza mutemo waizodzivirira upenyu hwevashandi vomumigodhi yemarasha. Mugodhi mumwe nomumwe waifanira kuva netushiri tuviri twunonzi kamujana. Vaitwuitisei? Kana mugodhi ukabatira moto, vanunuri vaizopinda mumugodhi vainatwo. Twushiri utwu tunokurumidza kukanganiswa nemhepo inokuvadza, yakadai secarbon monoxide. Kana mhepo yokufema yava nomuchetura, tushiri twacho tunotanga kusagadzikana, kunyange kutodonha patunenge twakamhara. Izvi zvaibva zvavanyevera. Carbon monoxide haioneki uye hainhuwi, asi inouraya nokuita kuti masero matsvuku eropa atadze kufambisa okisijeni mumuviri. Dai pasina twushiri utwu twaivanyevera, vanunuri vaigona kufenda vozofa vasingatombozivi kuti vafema mhepo ine muchetura.

2 Panyaya dzokunamata, vaKristu vari mumamiriro ezvinhu akaita seevashandi ivavo vomumugodhi. Pakudini? Jesu paakati vadzidzi vake vaparidze mashoko akanaka munyika yose, aiziva kuti akanga ari kuvatuma munyika ine ngozi, inotongwa naSatani uye ine mudzimu wenyika. (Mat. 10:16; 1 Joh. 5:19) Jesu ainetseka chaizvo nezvevadzidzi vake zvokuti usiku hwokupedzisira asati afa, akanyengetera kuna Baba vake achiti: “Handikukumbirii kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nokuda kweakaipa.”—Joh. 17:15.

3, 4. Jesu akanyeverei vadzidzi vake, uye nei tichifanira kuva nehanya nazvo?

3 Jesu akanyevera vateveri vake nezvengozi ingaguma yaita kuti varare pakunamata. Zvaakataura zvinokosha kwatiri, sezvo tiri kurarama kumagumo enyika ino. Akakurudzira vadzidzi vake achiti: “Rambai makamuka, . . . kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye kumira pamberi poMwanakomana womunhu.” (Ruka 21:34-36) Zvisinei, zvinofadza kuti Jesu akavimbisawo kuti baba vake vaizovapa mudzimu mutsvene kuti uvayeuchidze nokuvabatsira kuramba vakamuka uye vakasimba.—Joh. 14:26.

4 Zvakadini nesu mazuva ano? Mudzimu mutsvene iwoyo uchiri kukwanisa kutibatsira here? Kana zvakadaro, tinofanira kuitei kuti tiuwane? Mudzimu wenyika chii, uye unoshanda sei? Tingabudirira sei kuramba mudzimu wenyika ino?—Verenga 1 VaKorinde 2:12.

Mudzimu Mutsvene Kana Kuti Mudzimu Wenyika?

5, 6. Mudzimu mutsvene ungatiitirei, asi tinofanira kuitei kuti tiuwane?

5 Mudzimu mutsvene hauna kungopiwa vanhu vomuzana remakore rokutanga chete. Unowanikawo nhasi, uye mudzimu waMwari unogona kutipa simba rokuita zvakarurama nokutisimbisa kuti tiite basa rake. (VaR. 12:11; VaF. 4:13) Unogonawo kuita kuti tive nounhu hwakanaka, hwakadai sorudo, mutsa, uye runako, izvo zvinoumba “chibereko chomudzimu.” (VaG. 5:22, 23) Zvisinei, Jehovha Mwari haamanikidzi vanhu vasingadi mudzimu wake mutsvene.

6 Saka zvingava zvakanaka kuti tizvibvunze kuti, ‘Ndingaitei kuti ndiwane mudzimu mutsvene?’ Bhaibheri rinoratidza kuti pane zvinhu zvakati wandei zvatinogona kuita. Danho rinokosha riri nyore kuukumbira kuna Mwari. (Verenga Ruka 11:13.) Rimwe danho rinobatsira nderokudzidza zano riri muShoko raMwari rakafuridzirwa nomudzimu uye kuita zvatinenge tadzidza. (2 Tim. 3:16) Hazvirevi hazvo kuti munhu wose anongoverenga Bhaibheri anogamuchira mudzimu mutsvene. Asi muKristu ane chido paanodzidza Shoko raMwari, anogona kupedzisira ava nemafungiro uye manzwiro anodzorwa neShoko rakafuridzirwa. Zvinokosha kuti tibvume kuti Jehovha akagadza Jesu kuti ave mumiririri wake uye amushandise kupa mudzimu wake mutsvene. (VaK. 2:6) Saizvozvo, tinoda kuti upenyu hwedu huenderane nomuenzaniso waJesu nedzidziso dzake. (1 Pet. 2:21) Patinoedza nepatinogona napo kuita saKristu, tichawana mudzimu mutsvene.

7. Mudzimu wenyika unoita kuti vanhu vaite sei?

7 Mudzimu wenyika wakasiyana newaMwari pakuti unoita kuti vanhu varatidze unhu hwaSatani. (Verenga VaEfeso 2:1-3.) Mudzimu wenyika unoshandisa nzira dzakati wandei. Sezvinooneka pavanhu vakawanda vakatipoteredza mazuva ano, unokurudzira kupandukira mitemo yaMwari. Unotsigira “kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu.” (1 Joh. 2:16) Unoita kuti munhu aite mabasa enyama, akadai soufeve, kunamata zvidhori, kuita zvemidzimu, godo, kufufutirwa nehasha, uye udhakwa. (VaG. 5:19-21) Uye unokurudzira kutaura kwokuramba kutenda kunopesana nezvinhu zvitsvene. (2 Tim. 2:14-18) Zvinototi zviitike chete kuti munhu akazvirega achishandiswa nomudzimu wenyika, anobva afananawo naSatani.

8. Chisarudzo chipi chatinofanira kuita tose?

8 Hapana kwatingaenda kusina mudzimu wenyika. Mumwe nomumwe anofanira kusarudza kuti chii chaacharega chichitungamirira upenyu hwake—mudzimu mutsvene kana kuti mudzimu wenyika. Vaya vari kutongwa nomudzimu wenyika vanogona kuzvisunungura vorega mudzimu mutsvene uchivatungamirira. Asiwo vaya vanga vachitungamirirwa nemudzimu mutsvene vanogona kupedzisira vava kudzorwa nomudzimu wenyika. (VaF. 3:18, 19) Ngatikurukurei kuti tingaramba sei mudzimu wenyika.

Kurumidza Kuona Kuti Zvaipa

9-11. Zvii zvingaratidza kuti tava kukanganiswa nomudzimu wenyika?

9 Vashandi vomumugodhi vokuBritain vambotaurwa vaipindamo notushiri kuti tukurumidze kuvanyevera kuti pane mhepo ine muchetura. Mushandi aiti akaona kashiri kachidonha pakaiva kakamhara, aiziva kuti pake papera obva abudamo. Panyaya dzokunamata, ndezvipi zvimwe zvingakurumidza kutinyevera kuti tava kukanganiswa nomudzimu wenyika?

10 Zvichida patakatanga kudzidza chokwadi chiri muShoko raMwari ndokutsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha, taiverenga Bhaibheri nechido. Tingadaro tainyengetera nomwoyo wose uye kakawanda. Uye taifarira kupinda misangano yeungano, tichiona mumwe nomumwe sewaitizorodza pakunamata, sezvinoita nzvimbo ine mvura kumunhu ane nyota ari mugwenga. Izvozvo zvaitibatsira kusiya mudzimu wenyika uye kutambira kure nawo.

11 Tichiri kuedza kuverenga Bhaibheri zuva roga roga here? (Pis. 1:2) Tiri kunyengetera nomwoyo wose uye nguva dzose here? Tinoda misangano yeungano, tichipinda yose vhiki yoga yoga here? (Pis. 84:10) Kana kuti hatichaiti zvimwe zvakanaka zvataiita? Tinobvuma kuti tingava nezvakawanda zvokuita, uye zvingatiomera kuramba tichiita zvose zvatinofanira kuita pakunamata. Asi kana nokufamba kwenguva takarega zvimwe zvakanaka zvataiita, hakungava kuti tiri kukanganiswa nomudzimu wenyika here? Tichaedza nepatinogona kuti titangezve zvataiita here?

‘Usamboremerwa’

12. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti ‘vachenjerere’ ani, uye nei?

12 Zvii zvimwe zvatingaita kuti tirambe mudzimu wenyika? Jesu paakarayira vadzidzi vake kuti “rambai makamuka,” akanga achangobva kuvanyevera nezvedzimwe ngozi. “Zvichenjererei,” akadaro, “kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro rikangoerekana rakusvikirai pakarepo seriva.”—Ruka 21:34, 35.

13, 14. Mibvunzo ipi ingava yakanaka kuti tizvibvunze nezvokudya nokunwa?

13 Imbofunga nezvenyevero iyoyo. Jesu akati pane chakaipa nokudya nokunwa here? Aiwa! Aiziva mashoko aSoromoni, okuti: “Ndava kuziva kuti hapana chinhu chiri nani kwavari [vanakomana vevanhu] kupfuura kuti munhu afare uye aite zvakanaka muupenyu; uyewo kuti munhu wose adye, anwe, uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma. Icho chipo chaMwari.” (Mup. 3:12, 13) Asi Jesu aiziva kuti mudzimu wenyika unokurudzira kusazvidzora pazvinhu izvozvo.

14 Tingaita sei kuti mudzimu wenyika usapofumadza pfungwa dzedu panyaya dzezvakaipira kudyisa kana kuti kudhakwa? Tingazvibvunza kuti: ‘Pandinoverenga zano riri muBhaibheri kana kuti mumabhuku edu nezvokudyisa, ndinoita sei? Ndinowanzorerutsa ndichiti harikoshi kana kuti rakanyanyooma, zvichida ndichipa tuzvikonzero twokuzvipembedza here? * Ndinoona sei mazano anotaura nezvokunwa doro zvine mwero, ndokunge ndichitomborinwa, uye kurega “kunwira kudhakwa”? Ndinorerutsa zano rakadaro, ndichiona sokuti harishandi kwandiri here? Kana vamwe vakati vari kunetseka nezvokunwa kwandinoita, ndinoramba kana kutsamwa here? Ndinokurudzira vamwe kuti vasakoshesa zano reBhaibheri iroro here?’ Mapinduriro achaita munhu mibvunzo iyi ndiwo anoratidza kuti ari kukanganiswa nomudzimu wenyika here kana kuti kwete.—Enzanisa naVaRoma 13:11-14.

Usavhungwa Nokuzvidya Mwoyo

15. Jesu akanyevera kuti tisaitei zvinowanzoitwa nevanhu?

15 Imwe nhanho inokosha pakuramba mudzimu wenyika inosanganisira kusanyanyozvidya mwoyo. Jesu aiziva kuti sezvo tiri vanhu vasina kukwana, tinowanzozvidya mwoyo nezvezvinhu zvatinoda kuti tirarame. Akaudza vadzidzi vake nenzira yorudo kuti: “Regai kuzvidya mwoyo.” (Mat. 6:25) Zvinonzwisisika kuti tine hanya nenyaya dzinokosha, dzakadai sokufadza Mwari, kuita mabasa echiKristu, uye kuriritira mhuri yedu. (1 VaK. 7:32-34) Saka tingadzidzei panyevero yaJesu?

16. Mudzimu wenyika uri kuita kuti vakawanda vaite sei?

16 Mudzimu wenyika zvaunonyanya kusimbisa kuti munhu ashamisire nezvaainazvo, unoita kuti vakawanda vazvidye mwoyo zvikuru, zvinotozokanganisa utano hwavo. Nyika inoda kuti tifunge kuti kana tiine mari hapana chichatiwana uye kuti tinozonzi tiri munhu pane vamwe kana tiine zvinhu zvakawanda uye zvakanaka, kwete kuti kana tiine unhu hwechiKristu. Vaya vanonyengerwa nemashoko aya vanofondoka kuti vawane pfuma uye vanogara vachingodokwairira zvinhu zvichangoburwa, zvikuru, uye zvemberi. (Zvir. 18:11) Kuona pfuma zvisina kunaka kudaro kunoita kuti munhu azvidye mwoyo zvovhunga kufambira mberi kwake pakunamata.—Verenga Mateu 13:18, 22.

17. Tingaita sei kuti tisavhungwa nokuzvidya mwoyo?

17 Tinogona kurega kuvhungwa nokuzvidya mwoyo kana tikateerera murayiro waJesu wokuti: “Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo [hwaMwari] nokururama kwake.” Jesu anotivimbisa kuti kana tikaita izvi, zvinhu zvinokosha kwatiri zvichawedzerwa. (Mat. 6:33) Tingaratidza sei kuti tinotenda vimbiso iyi? Imwe nzira ndeyokutanga kutsvaka kururama kwaMwari, kureva kuti kutevera mitemo yaMwari yezvakarurama panyaya dzemari. Somuenzaniso, hatirevi nhema kuti tisabhadhara mitero kana kuti kunyange kureva tunhema “tuduku” patinenge tichiita mabhizimisi edu. Tinoedza nepatinogona napo kubhadhara mari dzatinenge tichifanira kubhadhara, tichiita kuti ‘Hungu wedu ave Hungu’ panyaya dzokubhadhara zvikwereti. (Mat. 5:37; Pis. 37:21) Kuvimbika kwakadaro kungasapfumisa, asi kunoita kuti munhu afarirwe naMwari, ave nehana yakachena, uye asanyanya kuzvidya mwoyo.

18. Jesu akatisiyira muenzaniso upi wakanaka, uye tinobatsirwa sei nokuutevedzera?

18 Kutanga kutsvaka Umambo kunosanganisira kuziva zvinhu zvinokosha muupenyu. Ngatimbofungai nezvomuenzaniso waJesu. Dzimwe nguva aipfeka nguo yakanaka. (Joh. 19:23) Aidya nokunwa waini achitandara neshamwari dzakanaka. (Mat. 11:18, 19) Asi zvinhu zvaaiva nazvo kana kuti varaidzo handizvo zvainyanya kukosha muupenyu hwake. Chainyanya kukosheswa naJesu kuita kuda kwaJehovha. (Joh. 4:34-36) Upenyu hunonakidza kana tikatevedzera muenzaniso waJesu! Tinofara kana tikabatsira vanhu vakaora mwoyo kuti vanyaradzwe neMagwaro. Tinodiwa uye tinotsigirwa neungano. Uye tinoita kuti mwoyo waJehovha ufare. Kana tichiisa zvinokosha pakutanga, pfuma nemafaro hazvizovi vanatenzi vedu. Asi vashandi, kana kuti zvinhu zvinotibatsira kunamata Jehovha. Uye kana tikashingaira mubasa rinotsigira Umambo hwaMwari, hatizonyanyi kukanganiswa nomudzimu wenyika.

Ramba Uine “Kufunga Kwomudzimu”

19-21. Tingaramba sei tiine “kufunga kwomudzimu,” uye nei tichifanira kudaro?

19 Munhu anotanga afunga asati aita chinhu. Zvinhu zvinonzi nevakawanda hazvina pfungwa zvinowanzobva pakufunga kwenyama. Saka muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti tinofanira kungwarira mafungiro edu. Akanyora kuti: “Vaya vanoita maererano nenyama vanoisa pfungwa dzavo pazvinhu zvenyama, asi vaya vanoita maererano nomudzimu pazvinhu zvomudzimu.”—VaR. 8:5.

20 Tingaita sei kuti mafungiro edu nezvatinoita zvisakanganiswa nomudzimu wenyika? Tinofanira kuita kuti pfungwa dzedu dzive nesefa, toedza nepatinogona napo kusagamuchira zvinotaurwa nenyika. Somuenzaniso, patinenge tichisarudza varaidzo, hatidi kuti pfungwa dzedu dzisvibiswe nemapurogiramu anokurudzira unzenza kana kuti zvechisimba. Tinoziva kuti mudzimu waMwari, mutsvene uye wakachena, hauzogari mupfungwa dzakasviba. (Pis. 11:5; 2 VaK. 6:15-18) Uyezve, tinokumbira kuti mudzimu waMwari uve mupfungwa dzedu nokugara tichiverenga Bhaibheri, kunyengetera, kufungisisa, uye kupinda misangano. Uye tinoshanda nomudzimu iwoyo patinogara tichiita basa rokuparidza.

21 Chokwadi, tinofanira kuramba mudzimu wenyika nezvido zvenyama zvaunokurudzira. Kuita izvozvo kunotibatsira nokuti sokutaura kunoita Pauro, “kufunga kwenyama kunoreva rufu, asi kufunga kwomudzimu kunoreva upenyu norugare.”—VaR. 8:6.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Kudyisa kunobva pamafungiro emunhu uye maonero aanoita zvokudya, kazhinji kacho ari okukara. Saka muviri womunhu hausiwo unoratidza kuti anodyisa, asi maonero aanoita zvokudya. Munhu angava nomuviri uri pakati nepakati, kana kuti akaonda, asi achidyisa. Uyewo, dzimwe nguva kunyanya kufuta kunenge kuri kurwara kana kuti ndezvokuzvarwa nazvo. Nyaya iri pakuti munhu wacho anonyanya kukara here, pasinei nokuti akaonda kana akafuta.—Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri muNharireyomurindi yaNovember 1, 2004.

Unoyeuka Here?

• Kuti tiwane mudzimu mutsvene, tinofanira kuitei?

• Ndedzipi dzimwe nzira dzatingakanganiswa nadzo nomudzimu wenyika?

• Tingaramba sei mudzimu wenyika?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Nyengeterera mudzimu mutsvene usati waenda kubasa kana kuti kuchikoro

[Mifananidzo iri papeji 23]

Tinofanira kuita kuti pfungwa dzedu dzirambe dzakachena, kuita mabhizimisi edu nokuvimbika, uye kudya nokunwa zvine mwero