Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha “Mupukunyutsi” Wedu

Jehovha “Mupukunyutsi” Wedu

Jehovha “Mupukunyutsi” Wedu

“Jehovha achavabatsira, ovapukunyutsa.”—PIS. 37:40.

1, 2. Ndechipi chokwadi chinokosha nezvaJehovha chinotinyaradza nokutisimbisa?

MIMVURI hairambi iri panzvimbo imwe chete. Zuva parinenge richifamba, mimvuri inofambawo uye inochinja. Zvisinei, Musiki wedenga nenyika haachinji. (Mar. 3:6) Bhaibheri rinoti, “Ivo havambochinji sokufamba kunoita mumvuri.” (Jak. 1:17) Kuziva kuti Jehovha haachinji kunotinyaradza uye kunotisimbisa zvechokwadi, kunyanya patinowirwa nemiedzo yakaoma nematambudziko. Nei?

2 Sezvatakaona munyaya yakapfuura, Jehovha aiva “Mupukunyutsi” kuvanhu vanotaurwa muBhaibheri. (Pis. 70:5) Haachinji uye anoita zvaanenge ataura; nokudaro vanomunamata mazuva ano vane chikonzero chakanaka chokuvimba kuti “achavabatsira, ovapukunyutsa.” (Pis. 37:40) Mazuva ano Jehovha ari kupukunyutsa sei vashumiri vake? Angakupukunyutsa sei iwe pachako?

Kununurwa Pavavengi

3. Nei tingava nechokwadi chokuti vavengi havazotadzisi vanhu vaJehovha kuparidza mashoko akanaka?

3 Nyangwe Satani akatambudza Zvapupu zvaJehovha zvakadini, haazombozvitadzisi kunamata Jehovha oga nokuti ndiye akakodzera kunamatwa. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti: “Chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri, uye uchapa mhosva rurimi chero rupi zvarwo ruchakurwisa pakutongwa.” (Isa. 54:17) Vavengi vakaedza kutadzisa vanhu vaMwari kuita basa ravo rokuparidza, asi zvakakona. Ngatimbokurukurai mienzaniso miviri.

4, 5. Muna 1918 vanhu vaJehovha vakatambudzwa sei, asi chii chakazoitika?

4 Muna 1918, vafundisi vakatambudza chaizvo vanhu vaJehovha vachiitira kuti varege basa ravo rokuparidza. Musi waMay 7, hurumende yakatumira masamanisi okusunga J. F. Rutherford, uyo aitungamirira basa rokuparidza munyika yose panguva iyoyo, uye okusunga vamwe vakati wandei vaiva kudzimbahwe. Mwedzi miviri isati yakwana, Hama Rutherford nevamwe vavo vakareverwa nhema vachinzi vaiva nemhosva yokupanduka, uye vakatongerwa kugara mujeri kwenguva yakareba. Vavengi ava vakanga vabudirira here kushandisa matare kuti atadzise basa rokuparidza zvachose? Kana!

5 Yeuka vimbiso yaJehovha yokuti: “Chero chombo . . . chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri.” Zvinhu zvakangoerekana zvachinja, uye musi waMarch 26, 1919, pava nemwedzi mipfumbamwe Hama Rutherford nevamwe vavo vapiwa mitongo, hama dzakanga dzasungwa dzakabudiswa pabhadharwa mari yechibatiso. Gore rakatevera racho, musi waMay 5, 1920, zvakazonzi havana mhosva. Hama dzacho dzakashandisa rusununguko rwadzo kuti dzirambe dzichiita basa roUmambo. Chii chakazoitika? Kubvira panguva iyoyo, vanhu vakaramba vachiwedzera! Mbiri yose yezvakazoitika inoenda ku“Mupukunyutsi.”—1 VaK. 3:7.

6, 7. (a) Paitungamirirwa Germany nevaNazi, Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa zvakadini, asi chii chakazoitika? (b) Zviri kuitika kuZvapupu zvaJehovha mazuva ano zvinoratidzei?

6 Iye zvino ngatikurukurei muenzaniso wechipiri. Muna 1934, Hitler akapika kuti aizotsakatisa Zvapupu zvaJehovha muGermany. Uye airevesa. Vakawanda vakasungwa uye vakaiswa mumajeri. Zviuru zveZvapupu zvakashungurudzwa; mazana akaurayirwa mumisasa yevasungwa. Hitler akabudirira here kuita zvaakanga ataura kuti aizotsakatisa Zvapupu? Akaita kuti basa rokuparidza mashoko akanaka riregwe muGermany here? Kana! Panguva yaaitambudza hama dzedu, dzairamba dzichiparidza muchivande. Pakakundwa hurumende yevaNazi, vakashandisa rusununguko rwavo kuti varambe vachiparidza. Iye zvino, muGermany mune vazivisi voUmambo vanopfuura 165 000. “Mupukunyutsi” akaitazve zvaakavimbisa, zvokuti: “Chero chombo . . . chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri.”

7 Zviri kuitika kuZvapupu zvaJehovha mazuva ano uchapupu hwokuti Jehovha haazomboregi vanhu vake vose vachiparadzwa panguva imwe chete. (Pis. 116:15) Asi zvakadini nomumwe nomumwe wedu? Jehovha achakupukunyutsa iwe pachako sei?

Zvakadini Nokudzivirirwa Panyama?

8, 9. (a) Tinoziva sei kuti Jehovha haavimbisi kuti achabva atidzivirira patinenge tichida kukuvadzwa kana kuurayiwa? (b) Tinofanira kubvumei?

8 Mumwe nomumwe wedu anoziva kuti Jehovha haavimbisi kuti achabva atidzivirira patinenge tichida kukuvadzwa kana kuurayiwa. Tinoona zvinhu semaonerwo azvaiitwa nevaHebheru vatatu vakatendeka vakaramba kukotamira chifananidzo chendarama chaMambo Nebhukadhinezari. Majaya iwayo aitya Mwari haana kufunga kuti Jehovha aizoita chishamiso chokuvadzivirira kuti vasakuvadzwa. (Verenga Dhanieri 3:17, 18.) Zvakazoitika ndezvokuti Jehovha akavanunura pamarimi evira romoto waipfuta kwazvo. (Dhan. 3:21-27) Zvisinei, kunyange makarekare iwayo, kashoma vanhu pavaiitirwa zvishamiso zvokuti vanunurwe. Vashumiri vaJehovha vakawanda vakatendeka vakaurayiwa nevaivavenga.—VaH. 11:35-37.

9 Zvakadini nemazuva ano? Zvaari “Mupukunyutsi,” chokwadi Jehovha anogona kununura vanhu mumamiriro ezvinhu akaoma. Zvinoita here kuti panenge paitika chimwe chinhu titi Jehovha apindira kana kuti haana? Aiwa. Kunyange zvakadaro, munhu anenge apona murutsva angati Jehovha ndiye amubatsira. Kungava kuzvitutumadza kana vamwe vakamurambira zvaanenge ataura. Asiwo tinobvuma kuti vaKristu vakawanda vakatendeka vakatambudzwa kusvikira vafa, sezvakaitika munguva yevaNazi. Vamwe vakafa zvinorwadza chaizvo. (Mup. 9:11) Tingabvunza kuti, ‘Jehovha akatadza here kuva “Mupukunyutsi” wevakatendeka ivavo vakadimburirwa upenyu hwavo panzira?’ Hazvingambodaro.

10, 11. Nei munhu asina zvaanokwanisa kuita kuti asafa, asi Jehovha anogona kuitei nezvazvo?

10 Chimbofunga izvi: Munhu haana zvaanogona kuita kuti asafa, nokuti hapana munhu “angapukunyutsa mweya wake paruoko rweSheori,” kana kuti Hadhesi, guva revanhu vose. (Pis. 89:48) Zvakadini naJehovha? Imwe hanzvadzi yakapona panguva yaiurayiwa vanhu nevaNazi inoyeuka zvayakaudzwa naamai vayo vaiva Chapupu vachiinyaradza payakarasikirwa nevadiwa vaiva mumisasa yevasungwa. Vakati: “Haufungi kuti kudai rufu rwaizoramba ruripo, zvaizoreva kuti rwakasimba kupfuura Mwari?” Zvechokwadi, rufu harungamboenzaniswi neTsime roupenyu rine masimba ose! (Pis. 36:9) Vose vaya vari muSheori, kana kuti muHadhesi vanoyeukwa naJehovha, uye achapukunyutsa mumwe nomumwe wavo.—Ruka 20:37, 38; Zvak. 20:11-14.

11 Asi Jehovha ane chokuita zvakananga noupenyu hwevanamati vake vakatendeka nhasi. Iye zvino ngatikurukurei nzira nhatu dzaari “Mupukunyutsi” wedu zvechokwadi.

Kudzivirirwa Pakunamata

12, 13. Nei kudzivirirwa pakunamata kuchikosha zvikuru, uye Jehovha anotidzivirira sei pakunamata?

12 Jehovha anotidzivirira pakunamata, zvinova ndizvo zvinokosha. Zvatiri vaKristu vechokwadi, tinonzwisisa kuti pane chimwe chinhu chinokosha kupfuura upenyu hwatiinahwo iye zvino. Pazvose zvatiinazvo, ukama hwedu naJehovha ndihwo hunokosha. (Pis. 25:14; 63:3) Pasina ukama ihwohwo, upenyu hwatiinahwo hahukoshi uye tingasava netariro yeramangwana.

13 Tinotenda Jehovha kuti anotibatsira pane zvose zvatinoda kuti tirambe tiine ukama hwepedyo naye. Tinobatsirwa neShoko rake, mudzimu wake mutsvene, uye ungano yake yomunyika yose. Tingashandisa sei zvakanaka zvinhu zvose izvi? Kana tikadzidza Shoko rake nguva dzose uye tichishingaira, tichasimbisa kutenda kwedu uye tichaita kuti tariro yedu ive yakajeka. (VaR. 15:4) Kana tikanyengeterera mudzimu wake nomwoyo wose, tichabatsirwa kuti tikunde miedzo uye tisaita zvinhu zvisina kutsarukana. (Ruka 11:13) Kana tikaita zvinenge zvichitaurwa neboka romuranda mumabhuku eBhaibheri uye kumisangano nemagungano, tichagutswa ‘nezvokudya zvokunamata panguva yakakodzera.’ (Mat. 24:45) Zvinhu zvakadaro zvinotidzivirira pakunamata uye zvinotibatsira kuti tirambe tiri pedyo naMwari.—Jak. 4:8.

14. Rondedzera chakaitika chinoratidza kuti Jehovha anodzivirira pakunamata.

14 Kuti tione kuti Jehovha anodzivirira sei pakunamata, ngatifungei nezvevabereki vakataurwa mundima yokutanga yenyaya yakapfuura. Kwapera mazuva mashomanana mwanasikana wavo Theresa achishayikwa, vakagamuchira mashoko anorwadza: Akanga apondwa. * Baba vacho vanoyeuka kuti: “Ndakanga ndanyengetera kuna Jehovha kuti amudzivirire. Handidi kureva nhema, paakawanikwa akapondwa, pakutanga ndakazvibvunza kuti nei minyengetero yangu isina kupindurwa. Ndinozviziva hangu kuti Jehovha haavimbisi kuti achaita chishamiso chokudzivirira mushumiri wake mumwe nomumwe. Ndakaramba ndichinyengeterera kuti ndinzwisise. Ndinonyaradzwa nokuziva kuti Jehovha anodzivirira vanhu vake pakunamata, kureva kuti anotipa zvatinoda kuti tidzivirire ukama hwedu naye. Kudzivirirwa kwakadaro ndiko kunonyanya kukosha, nokuti kune chokuita neramangwana redu risingagumi. Mupfungwa iyoyo, Jehovha akadzivirira Theresa; paakafa akanga achimushumira akatendeka. Ndinozorodzwa nokuziva kuti ramangwana rake riri mumaoko aJehovha ane rudo.”

Kutsigirwa Paurwere

15. Jehovha angatibatsira nenzira dzipi patinenge tichirwara?

15 Jehovha anogona kutitsigira “pamubhedha wourwere,” sezvaakaita Dhavhidhi. (Pis. 41:3) Kunyange zvazvo panguva ino Jehovha asiri kupukunyutsa mupfungwa yokuita zvishamiso zvokuporesa, anotibatsira. Sei? Zvinotaurwa muShoko rake zvingatibatsira kusarudza nokuchenjera marapirwo uye dzimwewo nyaya. (Zvir. 2:6) Tingawana mashoko anobatsira uye mazano anoshanda munyaya dzinobudiswa muNharireyomurindi uye muAwake! dzinokurukura nezvechirwere chedu chaicho. Achishandisa mudzimu wake, Jehovha angatipa “simba rinopfuura renguva dzose” kuti tibudirire mumamiriro edu ezvinhu uye kuti tirambe takatendeka pasinei nezvingaitika. (2 VaK. 4:7) Zvose izvi zvinobatsira zvinoita kuti tisanyanya kushushikana nezvechirwere chedu zvokusvika pakukanganwa ukama hwedu naJehovha.

16. Imwe hama yakakwanisa sei kurarama nourwere hwayo?

16 Funga nezvehama yechiduku yakataurwa mundima yokutanga yenyaya yakapfuura. Muna 1998, akabatwa chirwere chinonzi amyotrophic lateral sclerosis, kana kuti ALS, chakaita kuti agume aoma rutivi zvachose. * Ari kurarama sei nourwere hwake? Anotsanangura kuti: “Pane dzimwe nguva pandinomborwadziwa uye kushungurudzwa nokufunga kuti hapana imwe nzira yokupukunyuka nayo paurwere uhwu kunze kwokufa. Pose pandinonzwa zvava kundikunda, ndinonyengetera kuti Jehovha andipe zvinhu zvitatu: mwoyo wakagadzikana, kushivirira, uye kutsungirira. Ndinoona kuti Jehovha ari kupindura minyengetero iyoyo. Mwoyo wakagadzikana unoita kuti ndifunge nezvezvinhu zvinonyaradza, zvakadai sokuti ndichanzwa sei munyika itsva pandichange ndava kukwanisa kufamba, kunakirwa nezvokudya, uye kutaura nevomumhuri yangu zvakare. Kushivirira kunondibatsira kuti ndisaora mwoyo pandinokundikana kuita zvimwe zvinhu nemhaka yokuoma rutivi. Kutsungirira kunondibatsira kuramba ndakatendeka uye ndichikoshesa ukama hwangu naJehovha. Chokwadi ndinonzwisisa manzwiro aiita Dhavhidhi, nokuti ndinoona kuti Jehovha ari kunditsigira pamubhedha wangu wourwere.”—Isa. 35:5, 6.

Kupiwa Zvokudya

17. Jehovha akativimbisa kuti achatiitirei, uye vimbiso iyi inorevei?

17 Jehovha anovimbisa kuti achatitarisira pane zvatinoda. (Verenga Mateu 6:33, 34 naVaHebheru 13:5, 6.) Izvozvo hazvirevi kuti zvatinoda zvichangonyuka kana kuti tinofanira kuramba kushanda. (2 VaT. 3:10) Vimbiso iyoyo inoreva kuti: Kana tikatanga kutsvaka Umambo hwaMwari muupenyu hwedu uye tichida kushanda kuti tiwane chouviri, tinogona kuvimba kuti Jehovha achatibatsira kuwana zvatinoda muupenyu. (1 VaT. 4:11, 12; 1 Tim. 5:8) Anogona kutipa zvatinoda nenzira dzatisingatarisiri, zvichida achishandisa watinonamata naye angatiyamura kana kuti kutipa basa.

18. Tsanangura zvakaitika zvinoratidza kuti tinogona kupiwa zvokurarama nazvo patinenge tisisina chokubata.

18 Funga nezvaamai vasina murume vakataurwa mundima yokutanga yenyaya yakapfuura. Amai ava nomwanasikana wavo pavakatamira kune imwe nzvimbo, vakatambura kuti vawane basa. Vanotsanangura kuti: “Ndaibuda mubasa romumunda mangwanani, masikati ndoswera ndichitsvaka basa. Ndinoyeuka rimwe zuva pandakaenda kunotenga mukaka. Ndakamira ndikatarisa miriwo yaivapo, asi ndakanga ndisina mari yokuti ndiitenge. Handisati ndamboora mwoyo zvakadaro muupenyu hwangu. Pandakadzokera kumba ndichibva kunotenga musi iwoyo, ndakawana vheranda rangu rokuseri razara nemasaga emiriwo yemarudzi ose. Paiva nezvokudya zvaizotikwanira mwedzi yakawanda. Ndakangochema, ndikatenda Jehovha.” Pasina nguva hanzvadzi iyi yakazoziva kuti masaga acho akanga asiyiwa neimwe hama yomuungano yairima miriwo. Yakazonyorera hama iyi ichiti: “Kunyange ndakakutendai chaizvo musi uya, ndakatendawo Jehovha kuti akashandisa mutsa wenyu kuti andiyeuchidze kuti anondida.”—Zvir. 19:17.

19. Pakutambudzika kukuru, vashumiri vaJehovha vachava nechivimbo chei, uye tinofanira kutsunga kuitei iye zvino?

19 Zviri pachena kuti zvakaitwa naJehovha makarekare uye zvaari kuita mazuva ano zvinotipa chikonzero chokuvimba naye soMubatsiri wedu. Munguva pfupi iri kutevera tichada kubatsirwa naJehovha zvatisati tamboita panouya kutambudzika kukuru panyika yaSatani. Asi vashumiri vaJehovha vachakwanisa kuvimba naye zvizere. Vachakwanisa kusimudza misoro yavo vachifara, vachiziva kuti kununurwa kwavo kwava pedyo. (Ruka 21:28) Iye zvino, pasinei nokuti miedzo ipi yatinotarisana nayo, ngatitsungei kuvimba naJehovha tichiziva kuti Mwari wedu asingachinji zvechokwadi ndiye “Mupukunyutsi” wedu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Ona nyaya inoti “Coping With an Unspeakable Tragedy,” iri muAwake! yaJuly 22, 2001, mapeji 19-23.

^ ndima 16 Ona nyaya inoti “Sustained by My Faith—Living With ALS,” iri muAwake! yaJanuary 2006, mapeji 25-29.

Unoyeuka Here?

• Jehovha angapukunyutsa sei vaya vane upenyu hwakadimburirwa panzira?

• Nei kudzivirirwa pakunamata kuri iko kunonyanya kukosha?

• Vimbiso yaJehovha yokuti achatarisira zvatinoda inorevei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Hama Rutherford neshamwari dzavo, vakasungwa muna 1918, vakazosunungurwa, uye vakanzi havana mhosva

[Mufananidzo uri papeji 10]

Jehovha anogona kutitsigira “pamubhedha wourwere”