Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Jesu—Namata Mwari Nenzira Yaanoda

Tevedzera Jesu—Namata Mwari Nenzira Yaanoda

Tevedzera Jesu—Namata Mwari Nenzira Yaanoda

Norudo Mwari anokoka vanhu “vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi” kuti vamunamate. (Zvak. 7:9, 10; 15:3, 4) Vanenge vabvuma vanoona “kufadza kwaJehovha.” (Pis. 27:4; 90:17) Kufanana nomunyori wepisarema, vanodanidzira vachirumbidza Mwari vachiti: “Ngatinamatei tikotame; ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu.”—Pis. 95:6.

Kunamata Kwaikosheswa naMwari Zvikuru

Semwanakomana akaberekwa ari woga waMwari, Jesu aiva nomukana wakakwana wokudzidza mafungiro aBaba vake uye zvavanoda nezvavasingadi. Saka Jesu aigona kunyatsoudza vanhu nechivimbo nzira yokunamata kwechokwadi. Akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.”—Joh. 1:14; 14:6.

Jesu akaratidza zvakakwana kuti chii chinonzi kuzviisa pasi paBaba vake. Akati: “Handiiti chinhu chandinozvitangira ndoga; asi ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba.” Ndokubva azoti: “Ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.” (Joh. 8:28, 29) Jesu akafadza Baba vake sei?

Imwe nzira yaakafadza nayo Baba vake ndeyokuzvipira zvakakwana kwavari, unova ndiwo musimboti wokunamata Mwari. Jesu akanyatsoratidza kuti haasiyani naBaba vake nokuvateerera uye kuita kuda kwavo, kunyange pazvaive zvakamuomera. (VaF. 2:7, 8) Chainyanya kukosheswa naJesu pakunamata kwake ibasa rokudzidzisa vanhu, zvokuti aitonzi Mudzidzisi nevanhu vanotenda nevasingatendi. (Mat. 22:23, 24; Joh. 3:2) Uyezve Jesu akashanda nesimba achida kubatsira vamwe. Kuzvipira kwake kwaiita kuti asare asina nguva yakawanda yokuita zvakewo, asi ainakidzwa nokushumira vamwe. (Mat. 14:13, 14; 20:28) Pasinei nokuti aigara akabatikana, Jesu akanga asingashayi nguva yokutaura naBaba vake vokudenga achinyengetera. (Ruka 6:12) Mwari aikoshesa zvokukoshesa zviya kunamata kwaJesu!

Kuoma Kwazvakaita Kunyatsofadza Mwari

Jehovha aicherechedza mufambiro weMwanakomana wake uye akataura kuti waimufadza. (Mat. 17:5) Zvisinei Satani Dhiyabhorosi, akacherechedzawo kutendeka kwaJesu. Saka Satani haana kuzombomusiya. Achidei? Pakanga pasati pambova nomunhu akanga ateerera Mwari zvakakwana, akamunamata zvizere. Jehovha aikodzera kunamatwa, saka Dhiyabhorosi aida kutadzisa Jesu.—Zvak. 4:11.

Achida kusvibisa kunamata kwaJesu, Satani akamuedza. Akaenda naye “kugomo refu refu, akamuratidza umambo hwose hwenyika nokubwinya kwahwo.” Akabva ati: “Ndichakupa zvinhu zvose izvi kana ukawira pasi wongondinamata kamwe chete.” Jesu akapindura sei? Akati: “Ibva, Satani! Nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.’” (Mat. 4:8-10) Jesu aiziva kuti kunamata Satani kwaiva kunamata chifananidzo kunyange kana mubayiro wacho wairatidza kuva wakakura. Akanga asingatombodi kana nepaduku pose kunamata mumwe munhu asiri Jehovha.

Satani angasaedza kutipa umambo hwose hwenyika nembiri yahwo kuti tisiye kunamata. Asi achiri kuedza kuvhiringa vaKristu vechokwadi kuti vasanamata Mwari. Dhiyabhorosi anoda kuti tinamate mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu.—2 VaK. 4:4.

Kristu Jesu akaramba akatendeka kusvikira parufu. Nokuita izvozvo Jesu akapa Jehovha mbiri nenzira isina kumboitwa kana nomunhu upi zvake. SevaKristu vechokwadi nhasi, tinoedza kutevedzera upenyu hwaJesu hwokutendeka nokukoshesa kunamata Musiki wedu kupfuura zvinhu zvose. Zvechokwadi ukama hwakanaka naMwari ndicho chinhu chatinokoshesa kupfuura zvose.

Zvikomborero Zvokunamata Nenzira Inodiwa

Kutsigira “kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa” mukuona kwaMwari kunounza zvikomborero zvakawanda. (Jak. 1:27) Somuenzaniso, mazuva ano atiri kurarama vanhu vakawanda vava “vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza,” uye “vasingadi zvakanaka.” (2 Tim. 3:1-5) Zvisinei, muimba yaMwari zvakatinakira pakuti tiri kuwadzana nevanhu vakachena, vanhu kwavo vanoedza kutevedzera mitemo yaMwari pakumunamata. Izvozvo hazvizorodzi here?

Chimwe chikomborero chokuramba tisina kusvibiswa nenyika ino ndechokuva nehana yakachena. Tinoda kuramba tiine hana yakachena nokutevedzera mitemo yaMwari yakarurama uye kuteerera mitemo yaKesari isingapesani neyaMwari.—Mako 12:17; Mab. 5:27-29.

Kunamata nemweya wose kunounza zvimwe zvikomborero. Patinogara tichiita kuda kwaMwari, upenyu hwedu hunova nechinangwa uye hunogutsa. Panzvimbo pokuti, “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa, tine tariro yokuzorarama nokusingaperi munyika inenge iri paradhiso.—1 VaK. 15:32.

Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti vaya vanoramba vakachena pamberi paJehovha vacha“buda mukutambudzika kukuru.” Nhoroondo yacho inoti “Iye agere pachigaro choumambo achatambanudza tende rake pamusoro pavo.” (Zvak. 7:13-15) Hapana mumwe angagara pachigaro choumambo kunze kwaJehovha Mwari, Munhu anokudzwa kupfuura vanhu vose. Edza kufungidzira kunakidza kwazvichaita paachakugamuchira somueni mutende rake, achikutarisira nokukudzivirira kuitira kuti pasava nechinokukuvadza! Uye kunyange iye zvino ane zvimwe zvaanoita kuti atidzivirire nokutitarisira.

Uyezve vose vanonamata nenzira inodiwa naMwari vanonzi vari kutungamirirwa “kuzvitubu zvemvura youpenyu.” Zvitubu izvi zvinozorodza zvinomiririra zvinhu zvose zvatinopiwa naJehovha kuti tiwane upenyu husingaperi. Achishandisa rudzikinuro rwaKristu, “Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.” (Zvak. 7:17) Vanhu vachabatsirwa kuti vave vakakwana, zvokuti vaya vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano vachafara zvavasati vamboita. Kunyange iye zvino, vanamati vaMwari vanoshevedzera nomufaro, vachitenda Jehovha nomwoyo wose uye vachimunamata pamwe chete nevaya vari kudenga vanoimba kuti: “Jehovha Mwari, Wemasimbaose, mabasa enyu makuru uye anoshamisa. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo asingagumi. Chokwadi ndiani asingazokutyii, Jehovha, nokukudza zita renyu, nokuti imi moga makavimbika? Nokuti marudzi ose achauya achizonamata pamberi penyu, nokuti mirayiro yenyu yakarurama yakaratidzwa pachena.”—Zvak. 15:3, 4.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Chii chatiri kupiwa naSatani kuti tisiye kunamata kwedu?