Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuparidza Pamisika

Kuparidza Pamisika

Kuparidza Pamisika

PAAIVA muguta reAtene, muapostora Pauro aienda kumusika mazuva ose kunoparidza mashoko akanaka nezvaJesu. (Mab. 17:17) Pauro akasarudza kuenda kumusika nokuti ndiko kwaiswera vanhu vokuAtene.

Papfuura makore anenge 2 000, uye vanhu vaJehovha vachiri kuenda kumusika kunoparadzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Nei? Nokuti kunowanika vanhu vakawanda. Mazuva ano, nzvimbo ine zvitoro zvakawanda ndiyo inganzi musika. Zvimwe Zvapupu zvakawaridza mabhuku eBhaibheri patafura, pashure pokunge zvawana mvumo kumuridzi kana kuti kuna maneja wenzvimbo yacho.

Somuenzaniso, pane imwe nzvimbo ine zvitoro zvakawanda yokuNew Jersey, U.S.A., zvimwe Zvapupu zvakaronga mabhuku zvaiyevedza paine chikwangwani chaiti “Vanhu Vangawirirana Sei Mumhuri?” Zvakabudirira here? Muzuva rimwe chete, vakagovera mabhuku 153 mumitauro mitanhatu.

Mumwe mukadzi akasvika pavainge vakaronga mabhuku acho akanyatsoteerera tsanangudzo yakapiwa nechimwe Chapupu. Mukadzi wacho akabvuma kuti zvinokosha kuti tifunge nezvaMwari muupenyu hwedu uye mumhuri yedu. Akatora mabhuku anotevera: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.

Ava masikati, mumwe murume akapfuura nepaiva pakarongwa mabhuku acho nokuti aida kupinda muchitoro chaiva pedyo. Akakwezvwa nebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku. Hanzvadzi yaiva yakamirapo yakaona kuti airatidza kuti arifarira. Yakamubvunza kuti: “Pane ramada here?” Akagutsurira uye akanongedza bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku. Hanzvadzi yacho yakamupa bhuku racho, raakanga ava kutosvoverera. Akati ane vana vatatu. Vakakurukura zvakawanda uye murume wacho akati anokurukura nevana vake kamwe chete pavhiki. Vaviri vevana vake vava mazera okuyaruka. Achivhura-vhura bhuku racho, akati zvaizova nyore kuti azopota achirishandisa pakukurukura kwavaiita semhuri. Muparidzi wacho akamuratidzawo Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, achimuvimbisa kuti iye nomudzimai wake vaizobatsirwa chaizvo nemazano anoshanda pakuita zvisarudzo semhuri. Murume wacho akarifarira, akasiya chipo chemari, uye akabvuma kuti mumwe munhu azovashanyira.

Zvapupu zvacho zvakanzwa sei nezvezuva ravakapedza vachiparidza panzvimbo yacho? “Ndakanakidzwa chaizvo nenzira iyi yokuparidza,” yakadaro imwe hanzvadzi. “Ndanga ndisati ndambozviita!” Imwezve hanzvadzi yakati: “Jehovha anoti mashoko akanaka achaparidzwa kunzvimbo dziri kure zvikuru pasi pano. Nhasi, muno muParamus, New Jersey, mashoko akanaka aya anzwika nevanhu vanotaura mitauro yakasiyana-siyana. Zvanga zvichinakidza kubatanawo nevamwe mubasa iri panzvimbo ino. Munhu wose ariita afara. Manheru hapana anga achada kubva.”

Ungawedzera nzira dzaunoparidza nadzo mashoko akanaka here? Nzira yatinonyanya kushandisa ndeyokuenda paimba neimba. (Mab. 20:20) Zvisinei, ungafunga nezvokuparidza pamusika kana kuti panzvimbo ine zvitoro zvakawanda here?