Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsirai Makwai Anorasika

Batsirai Makwai Anorasika

Batsirai Makwai Anorasika

“Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu ranga rarasika.”—RUKA 15:6.

1. Jesu akaratidza sei kuti mufudzi ane rudo?

MWANAKOMANA waJehovha akaberekwa ari mumwe oga, Jesu Kristu, anonzi “mufudzi mukuru wemakwai.” (VaH. 13:20) Magwaro akagara ataura nezvokuuya kwake, uye aiva Mufudzi asina kufanana nevamwe aitsvaka “makwai akarasika” aIsraeri. (Mat. 2:1-6; 15:24) Uyezve, sezvingaita mufudzi wemakwai chaiwo, uyo angafa achiedza kudzivirira makwai ake, Jesu akafa sechibayiro chorudzikinuro kuti abatsire vanhu vakaita semakwai vaizoshandisa chibayiro chake.—Joh. 10:11, 15; 1 Joh. 2:1, 2.

2. Chii chingava chakaita kuti vamwe vaKristu vanete?

2 Zvinosuwisa kuti vamwe vaiita sevanokoshesa chibayiro chaJesu vakazvitsaurira kuna Mwari iye zvino vakarega kuwadzana neungano yechiKristu. Zvichida kuora mwoyo, kurwara, kana kuti zvimwewo, zvakatonhodza kushingaira kwavaimboita zvikaita kuti vasaita basa. Zvisinei, vanofanira kuva muboka raMwari kuti vanyatsonzwa vakazorora uye vachifara sezvakataurwa naDhavhidhi muPisarema rechi23. Somuenzaniso, akaimba kuti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa.” (Pis. 23:1) Vaya vari pakati pemakwai aMwari hapana chavanoshayiwa panyaya dzokunamata, asi vaya vakabuda havasi kufambirwa zvakanaka nezvinhu. Ndiani angavabatsira? Vangabatsirwa sei? Chii chaizvo chingaitwa kuti vabatsirwe kudzoka kuboka?

Ndiani Angavabatsira?

3. Jesu akaratidza sei basa riripo pakununura makwai aMwari akarasika?

3 Kununura makwai aMwari akarasika kunoda kuti tishande nemwoyo wose. (Pis. 100:3) Jesu akaenzanisira izvi paakati: “Kana mumwe munhu akava nemakwai zana uye rimwe rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe mumakomo akaenda kunotsvaka rarasika racho here? Kana akariwana, chokwadi ndinokuudzai, anofara kwazvo pamusoro paro kupfuura pamusoro pemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika. Saizvozvowo hachisi chinhu chinodiwa naBaba vangu vari kudenga kuti mumwe wevaduku ava aparare.” (Mat. 18:12-14) Ndiani angabatsira vanhu vakaita semakwai vanenge varasika vachibva muboka?

4, 5. Vakuru vanofanira kuona sei boka raMwari?

4 Vakuru vechiKristu pavanenge vachida kubatsira vanenge varasika, vanofanira kuyeuka kuti boka raMwari iungano yevanhu vakazvitsaurira kuna Jehovha, ‘makwai emafuro aMwari,’ anokosha. (Pis. 79:13) Makwai iwayo anoda kutarisirwa zvakanaka, uye izvi zvinoreva kuti vafudzi vane rudo vanofanira kufarira gwai rimwe nerimwe. Kuashanyira kwavanoita vachiafudza noushamwari kunobatsira chaizvo. Kukurudzirwa kwaanoitwa nevafudzi kunoabatsira mune zvokunamata uye kunoita kuti ade kudzoka kuboka.—1 VaK. 8:1.

5 Vafudzi veboka raMwari vane basa rokutsvaka makwai akarasika uye kuedza kuabatsira. Muapostora Pauro akayeuchidza vakuru vechiKristu vemuungano yeEfeso yekare nezvebasa ravo rokufudza, paakati: “Zvichenjererei imi neboka rose, ramakagadzwa pariri nomudzimu mutsvene kuti muve vatariri varo, kuti mufudze ungano yaMwari, yaakatenga neropa roMwanakomana wake.” (Mab. 20:28) Uyewo, muapostora Petro akakurudzirawo varume vakuru vakazodzwa achiti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; musingaitiri kuda pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose; musingazviiti madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari, asi muchiva mienzaniso kuboka.”—1 Pet. 5:1-3.

6. Nei makwai aMwari achinyanya kuda kutarisirwa nevafudzi mazuva ano?

6 Vafudzi vechiKristu vanofanira kutevedzera Jesu, “mufudzi akanaka.” (Joh. 10:11) Ainyatsofarira makwai aMwari uye akasimbisa kuti kuatarisira kunokosha chaizvo paakaudza Simoni Petro kuti ‘adyise makwayana ake.’ (Verenga Johani 21:15-17.) Kunyanya mazuva ano, makwai anofanira kutarisirwa nokuti Dhiyabhorosi ari kuwedzera kushanda nesimba kuti atsause vaya vakazvitsaurira kuna Mwari. Satani anoshandisa matisina kusimba uye nyika kutsausa makwai aJehovha kuti aite zvakaipa. (1 Joh. 2:15-17; 5:19) Vakaneta ndivo vari pangozi yakakura, saka ndivo vanoda kubatsirwa kuitira kuti vateerere zano rokuti ‘vafambe maererano nomudzimu.’ (VaG. 5:16-21, 25) Kuti tibatsire makwai akadaro, zvinoda kuti tivimbe naMwari nokunyengetera, titungamirirwe nomudzimu wake uye kuti tishandise Shoko rake nounyanzvi.—Zvir. 3:5, 6; Ruka 11:13; VaH. 4:12.

7. Zvinokosha zvakadini kuti vakuru vafudze vanhu vakafanana nemakwai vavanotarisira?

7 Mufudzi wemuIsraeri yekare aishandisa mudonzvo kana kuti mubhadha murefu une kumusoro kwakakombama kuti atungamirire makwai ake. Makwai paaipinda kana kubuda mudanga, ‘aipfuura nepasi pomudonzvo’ zvichiita kuti mufudzi aaverenge. (Revh. 27:32; Mika 2:12; 7:14) Saizvozvowo, mufudzi wechiKristu anofanira kunyatsoziva boka raMwari raari kutarisira. (Enzanisa naZvirevo 27:23.) Saka kufudza ndeimwe yenyaya dzinokosha dzinokurukurwa nevakuru. Izvi zvinosanganisira kuita urongwa hwokubatsira makwai akarasika. Jehovha pachake akati aizotsvaka makwai ake oatarisira. (Ezek. 34:11) Saka Mwari anofara kana vakuru vakatora matanho akadai kuti vabatsire makwai anenge akarasika kuti adzoke kuboka.

8. Vakuru vangabatsira sei gwai rinenge rarasika?

8 Mumwe watinonamata naye akashanyirwa nemufudzi weboka raMwari paanenge achirwara anofara uye anokurudzirwa. Ndiwo manzwiro anoitawo gwai rinenge richirwara mune zvokunamata parinoshanyirwa. Vakuru vangaverengera munhu akaneta magwaro, kukurukura naye nyaya iri mumabhuku edu, dzimwe pfungwa dzakakurukurwa pamisangano, uye kunyengetera pamwe naye, nezvimwewo zvakadaro. Vangamuudza kuti hama dzose dzingafara kumuona achidzoka kumisangano yeungano. (2 VaK. 1:3-7; Jak. 5:13-15) Zvinobatsira chaizvo kushanyira vakaneta, kuvafonera kana kuvanyorera tsamba! Mufaro womufudzi wechiKristu ane tsitsi unokura kana akabatsira rimwe gwai rinenge rarasika.

Tose Tinogona Kubatsira

9, 10. Nei ungati vakuru havasi ivo chete vanofanira kuva nehanya nemakwai anenge arasika?

9 Nemhaka yokuti tiri kurarama panguva yakabatikana uye inonetsa, tingasaona kuti mumwe watinonamata naye ari kutsauka kubva muungano. (VaH. 2:1) Asi Jehovha anoda makwai ake chaizvo. Rimwe nerimwe rinokosha kwaari, sezvinongoita nhengo imwe neimwe yomuviri. Saka tose zvedu tinofanira kuratidza kuti tinofarira hama dzedu uye kuti tine hanya nadzo zvechokwadi. (1 VaK. 12:25) Une maonero akadaro here?

10 Kunyange zvazvo riri basa revakuru kutsvaka uye kubatsira makwai anenge arasika, vatariri vechiKristu havasi ivo chete vane hanya nevavanonamata navo vanenge varasika. Vamwe vangabatsirana nevafudzi ava. Tinogona kukurudzira uye kubatsira hama dzedu nehanzvadzi kuti dzidzoke kuboka, uye ndizvo zvatinofanira kuita. Tingadzibatsira sei?

11, 12. Mukana upi waungava nawo wokubatsira munhu anenge aneta mune zvokunamata?

11 Dzimwe nguva vakuru vangaronga kuti vaparidzi voUmambo vane ruzivo vadzidze Bhaibheri nevakaneta vanenge vati vanoda kubatsirwa. Chinangwa chinenge chiri chokuti vavabatsire kumutsidzira “rudo rwa[va]iva narwo pakutanga.” (Zvak. 2:1, 4) Vatinonamata navo ava vanovakwa uye vanosimbiswa mune zvokunamata nokudzidza zvimwe zvakabuda pavaiva vamborega kuwadzana neungano.

12 Kana vakuru vakakukumbira kudzidza nomumwe waunonamata naye anoda kubatsirwa mune zvokunamata, nyengetera kuti Jehovha akutungamirire uye akukomborere. Chokwadi, “isa mabasa ako kuna Jehovha uye zvirongwa zvako zvichasimbiswa kwazvo.” (Zvir. 16:3) Fungisisa dzimwe ndima dzeBhaibheri uye pfungwa dzinosimbisa kutenda dzaungazoshandisa pakubatsira vanoda kubatsirwa mune zvokunamata. Funga nezvomuenzaniso wakanaka wemuapostora Pauro. (Verenga VaRoma 1:11, 12.) Pauro aiva neshungu dzokuona vaKristu vokuRoma kuitira kuti avape chimwe chipo chomudzimu kuti vasimbe. Aishuva kuti vazokurudzirana. Handiwo maonero atinofanira kuva nawo patinenge tichida kubatsira makwai anenge abuda muboka raMwari here?

13. Ungakurukura chii nemunhu akaneta?

13 Pamunenge muchikurukura, ungabvunza kuti, “Makadzidza sei chokwadi?” Mubatsire kuyeuka kufara kwaaiita paaishumira Jehovha, uchimukurudzira kutaura zvaimufadza pamisangano, mubasa rokuparidzira uye pamagungano. Taura zvinofadza zvamakanakidzwa nazvo pamaishanda pamwe chete mubasa raJehovha. Taura mufaro wauri kuwana pakuswedera pedyo naJehovha. (Jak. 4:8) Ratidza kuti unoonga kutarisira kunoita Mwari vanhu vake, zvikuru nokutinyaradza kwaanoita mumatambudziko edu uye kutipa tariro.—VaR. 15:4; 2 VaK. 1:3, 4.

14, 15. Zvingabatsira kuyeuchidza vakaneta nezvezvikomborero zvipi zvavaimbova nazvo?

14 Zvingabatsira kuti uyeuchidze munhu akaneta zvimwe zvikomborero zvaaimbova nazvo paaiwadzana neungano. Somuenzaniso, aiva nechikomborero chokuwedzera kuziva Shoko raMwari uye zvinangwa zvake. (Zvir. 4:18) Hapana mubvunzo kuti zvaiva nyore kwaari kuti adzivise miedzo yokuita chivi ‘paaifamba maererano nomudzimu.’ (VaG. 5:22-26) Somugumisiro, hana yakachena yaiita kuti asununguke kunyengetera kuna Jehovha uye ave ‘norugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose runorinda mwoyo yedu nesimba redu rokufunga.’ (VaF. 4:6, 7) Ramba uchiyeuka pfungwa idzi, mufarire nomwoyo wose, uye nepose paunogona napo kurudzira norudo hama kana hanzvadzi kuti idzoke kuboka.—Verenga VaFiripi 2:4.

15 Ngatitii mukuru ari kushanyira vanhu achivafudza. Angakurudzira murume nomudzimai vakaneta kuti vayeuke nguva yavakatanga kudzidza chokwadi cheShoko raMwari. Chokwadi chacho chainzwisisika, chaigutsa, uye chaisunungura pakunamata! (Joh. 8:32) Mwoyo yavo yakafashukira nokuonga zvavaidzidza nezvaJehovha, rudo rwake, uye zvinangwa zvake zvinoshamisa! (Enzanisa naRuka 24:32.) Vayeuchidze nezvoukama hwepedyo naJehovha uye ropafadzo yakaisvonaka yokunyengetera ine vaKristu vakazvitsaurira. Kurudzira nemwoyo wose vakaneta kuti vagamuchirezve “mashoko akanaka anokudzwa aMwari anofara,” Jehovha.—1 Tim. 1:11.

Ramba Uchivaratidza Rudo

16. Taura muenzaniso unoratidza kuti zvinoitwa kubatsira munhu akaneta zvinoshanda zvechokwadi.

16 Mazano ataurwa mundima dzapfuura anonyatsoshanda here? Ehe anoshanda. Somuenzaniso, mumwe akava muparidzi woUmambo aine makore 12 akazoneta ava nemakore 15. Zvisinei, akazotangazve kushingaira, uye ava nemakore anopfuura 30 ari mubasa renguva yakazara. Kubatsirwa kwaakaitwa nomumwe mukuru wechiKristu ndiko kwakanyanya kuita kuti atangezve kushingaira. Anotenda chaizvo kubatsirwa ikoko kwaakaitwa!

17, 18. Unhu hupi huchaita kuti ubatsire mumwe munhu akabuda mudanga remakwai aMwari?

17 Rudo ndirwo rwunoita kuti vaKristu vabatsire vakaneta kudzoka kuungano. Jesu akati nezvevateveri vake: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:34, 35) Rudo ndirwo rwunoratidza kuti ava ndivo vaKristu vechokwadi. Rudo irworwo harufaniri kuratidzwa vaKristu vakabhabhatidzwa vakaneta here? Zvechokwadi vanofanira kudiwa! Asi kuvabatsira kungada kuti tiratidze unhu hwakasiyana-siyana hwechiKristu.

18 Kana uchizobatsira munhu akatsauka paboka raMwari, unofanira kuratidza unhu hwakaita sei? Pane kuratidza rudo chete, ungadawo kuratidza tsitsi, mutsa, unyoro, uye mwoyo murefu. Pamwe pacho pangadawo kuti ukanganwire. Pauro akanyora kuti: “Pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu. Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo. Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.”—VaK. 3:12-14.

19. Nei kubatsira vanhu vakafanana nemakwai kuti vadzoke muungano kuri kushandira zviripo?

19 Nyaya yokudzidza inotevera iri mumagazini ino ichakurukura zvinowanzoita kuti vamwe vasiye boka remakwai aMwari. Icharatidzawo kuti vaya vanenge vadzoka vangatarisira kubatwa sei. Sezvauchadzidza nyaya iyoyo wodzora pfungwa dzako pane ino iyi, iva nechivimbo chokuti zvose zvaunoita uchiedza kubatsira vanhu vakaita semakwai kuti vadzoke muboka rechiKristu kushandira zviripo. Munyika ino yatichiri, vanhu vakawanda vanopedza upenyu hwavo hwose vachiedza kuunganidza pfuma, asi kuponesa munhu mumwe chete chaiye kunokosha kupfuura mari yose iri panyika pano. Jesu akasimbisa izvi mumuenzaniso wake wegwai rakarasika. (Mat. 18:12-14) Gara uchiyeuka pfungwa iyoyo paunoedza nemwoyo wose kubatsira makwai aJehovha akarasika aanoda kuti adzoke.

Ungapindura Sei?

• Vafudzi vechiKristu vanofanira kuitirei vanhu vakafanana nemakwai akasiya boka?

• Ungakwanisa sei kubatsira vaya vasingachawadzani neungano?

• Unhu hupi hungaita kuti ubatsire vaya vakasiya boka?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vafudzi vechiKristu vanoedza norudo kubatsira vaya vakarasika kubva muboka raMwari