Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoda Kuva Munhu Worudzii?

Unoda Kuva Munhu Worudzii?

Unoda Kuva Munhu Worudzii?

MUNE rimwe guta riri muPhilippines, mukuru wemapurisa akabvunza mumwe piyona kuti, “Murume uyu wakamuiteiko kuti achinje mararamiro ake?” Achinongedza murwi wemapepa waiva padhesiki rake akawedzera kuti: “Unoziva here kuti dzose idzi imhosva dzaakapara? Watibvisira rimwe rematambudziko anga achititemesa musoro muguta rino.” Murume aitaurwa nezvake aiva chidhakwa chaifarira zvokungorwa. Chii chakaita kuti achinje upenyu hwake zvakadaro? IBhaibheri, Shoko raMwari rakafurudzirwa.

Vazhinji vanokoshesa zano romuapostora Pauro rokuti ‘vabvise unhu hwekare hwaitsinhirana nowaimbova mufambiro wavo, vopfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari.’ (VaEf. 4:22-24) Kupfeka unhu hutsva inzira inoita kuti tive vaKristu, pasinei nokuti tinofanira kuchinja zvinhu zvikuru kana zviduku.

Zvisinei, kuchinja mararamiro edu uye kufambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa anongova mavambo. Patinonyudzwa mumvura, tinenge tafanana nedanda rangotanga kuvezwa rava kuratidza kuti chii chiri kuda kugadzirwa. Zvinooneka kuti chii chiri kuda kuvezwa, asi pane basa rakawanda richiri kuda kuitwa. Muvezi wacho achiri kufanira kuchikwenenzvera kuti chinhu chacho chibude zvakanaka. Patinobhabhatidzwa tinenge tava neunhu hunoita kuti tikwanise kuva vashumiri vaMwari. Kunyange zvakadaro panenge pachine zvakawanda zvatinofanira kugadziridza paunhu hwedu. Tinofanira kuramba tichihunatsiridza nokuchinja hunenge husina kunaka.

Kunyange Pauro akaona paine zvaaifanira kugadziridza. Akabvuma kuti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.” (VaR. 7:21) Pauro ainyatsoziva zvaari uye zvaaida kuva. Zvakadini nesu? Tinofanirawo kuzvibvunza kuti: ‘Ndine chido chokuita sei? Ndiri munhu worudzii? Uye ndinoda kuva munhu worudzii?’

Ndine Chido Chokuita Sei?

Kana tichigadziridza imba yasakara, hazvina kukwana kungoipenda kunze chete idzo nhungo dzakaora. Kungodzisiya dzakadaro kunogona kuzounza dambudziko mune remangwana. Saizvozvowo hazvina kukwana kungoita setakarurama. Tinofanira kunyatsozviongorora toona unhu hwatinofanira kugadzirisa. Tikasadaro, unhu hwekare hunodzoka. Saka tinotofanira kuzviongorora. (2 VaK. 13:5) Tinofanira kuziva tumiitiro tusina kunaka totwugadzirisa. Jehovha anotibatsira kuti tibudirire kuita izvi.

Pauro akanyora kuti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa chero ripi zvaro rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, uye mapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo.” (VaH. 4:12) Zvakanyorwa muBhaibheri, Shoko raMwari rakafuridzirwa, zvine simba rokuchinja upenyu hwedu. Rinodzika mukati-kati medu, sokunge kuti rapinda mumwongo, mukati-kati memapfupa edu. Rinoratidza pane pfungwa dzedu nevavariro, richibudisa pachena zvatiri chaizvo nechomukati kana tichizvienzanisa nezvatinoratidzika nechokunze kana kuti zvatinofunga kuti ndizvo zvatiri. Zvechokwadi Shoko raMwari rinotibatsira kuti tikwanise kuziva zvatiri!

Patinogadziridza imba yasakara, zvingasava zvakakwana kungotsiva zvinhu zvinenge zvaparara. Kuziva zvamboita kuti zviparare kunotibatsira kutora matanho anoita kuti zvimwe zvisazoparare zvakare. Saizvozvowo kuziva zvatinokanganisa uye chinozvikonzera kunogona kutibatsira kuti tisazonyanya kukanganisa. Pane zvakawanda zvinoita kuti tive nounhu hwatinahwo. Zvimwe zvacho maonerwo atinoitwa nevatakagarisana navo, pfuma yatiinayo, zvakatipoteredza, tsika dzekwatakakurira, vabereki vedu, vanhu vatinotamba navo, uye chitendero chedu. Kunyange mapurogiramu eterevhizheni namafirimu atinoona, uye zvinhu zvatinozvivaraidza nazvo, zvine zvazvinoita paunhu hwedu. Kuziva zvinhu zvinokanganisa unhu hwedu kunotibatsira kuti zvisanyanya kuhukanganisa.

Tazviongorora, tingazvifurira toti, ‘Ndakazvarwa ndakadaro.’ Uku kutadza kufunga. Achitaura nezvevamwe vaive muungano yeKorinde vaimbova zvifeve, ngochani, zvidhakwa, nevamwe vakadaro, Pauro akati: “Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita. Asi makagezwa mukachena . . . nomudzimu waMwari wedu.” (1 VaK. 6:9-11) Tichibatsirwa nomudzimu mutsvene waJehovha, isuwo tinogona kubudirira kuchinja panenge pasina kuita zvakanaka.

Chimbofunga nezvemumwe murume anonzi Marcos, * anogara kuPhilippines. Achitaura nezvemarererwo aakaita, Marcos akati: “Vabereki vangu vaigara dzichingova nharo. Ndosaka ndakapanduka ndiine makore 19.” Marcos akazova tsotsi remakoko achiita zvokuba aine zvombo, uye achiita zvokubheja. Aiva muchikwata chaida kumanikidza imwe ndege kuti ichinje kwayaienda, kunyange zvazvo zvisina kuzobudirira. Marcos akaramba achiita zvakaipa kunyange aroora. Akapedzisira adyiwa zvinhu zvose zvaaive nazvo panjuga. Izvi zvichangoitika, Marcos akabatana nomudzimai wake pakudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Pakutanga aiona seaisakodzera kuva Chapupu. Zvisinei, kuita zvaaidzidza uye kupinda misangano kwakamubatsira kusiya mararamiro ake ekare. Iye zvino ava muKristu akabhabhatidzwa anogara achidzidzisa vamwe kuti ivowo vangachinja sei.

Unoda Kuva Munhu Worudzii?

Tingafanira kuchinja zvinhu zvipi kuti tinatsiridze unhu hwedu hwechiKristu? Pauro anopa vaKristu zano rokuti: “Bvisai zvose pamuri zvinoti, hasha, kutsamwa, zvinhu zvakaipa, kutuka, uye bvisai kutaura kunonyadzisa mumiromo yenyu. Musareverana nhema. Pfekenurai unhu hwekare nemabasa ahwo.” Muapostora wacho anoenderera mberi achiti: “Mupfeke unhu hutsva, huri kuitwa hutsva maererano nomufananidzo woUya akahusika.”—VaK. 3:8-10.

Naizvozvo chinangwa chedu chikuru ndechokubvisa unhu hwekare topfeka hutsva. Unhu hupi hwatinofanira kuva nahwo kuti tiite izvi? Pauro anoti: “Pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu. Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo. Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.” (VaK. 3:12-14) Kushanda nesimba kuti tive nounhu uhwu kuchatibatsira ku“diwa zvikuru naJehovha nevanhu.” (1 Sam. 2:26) Paaiva pasi pano, Jesu akaratidza unhu hwaMwari zvaishamisa. Kana tikadzidza uye tikatevedzera muenzaniso waKristu, tinogona kufanana naye tova “vatevedzeri vaMwari.”—VaEf. 5:1, 2.

Imwe nzira yatingaziva nayo zvatinofanira kuchinja ndeyokudzidza nezvevamwe vanhu vari muBhaibheri, tichiona kuti unhu hupi hwavaiva nahwo hunoyemurika nohusingayemuriki. Somuenzaniso, funga nezvaJosefa, mwanakomana waJakobho. Pasinei nokuitirwa zvakaipa, Josefa haana kumbochinja unhu hwake uye aiva nomwoyo wakanaka. (Gen. 45:1-15) Asi Absaromu mwanakomana waMambo Dhavhidhi akazviita somunhu aiva nehanya nevanhu zvikuru uye akarumbidzwa nokuda kworunako rwake. Zvisinei, chokwadi ndechokuti aiva mutengesi uye mhondi. (2 Sam. 13:28, 29; 14:25; 15:1-12) Kuzviita munhu akanaka uye kuva norunako hazviiti kuti munhu afarirwe.

Tinogona Kubudirira

Kuti tivandudze unhu hwedu tova vakanaka kuna Mwari, tinofanira kuongorora zvatiri mumwoyo. (1 Pet. 3:3, 4) Kuti tichinje, zvinoda kuti tizive unhu hwedu husina kunaka nezvinohukonzera uyewo kuva nounhu hunodiwa naMwari. Tinogona kuva nechivimbo here chokuti zvatinoita kuti tivandudze zvichabudirira?

Zvechokwadi Jehovha anogona kutibatsira kuchinja panenge pasina kuita zvakanaka. Tinogonawo kunyengetera sezvakaita munyori wepisarema kuti: “Sikai mwoyo wakachena mandiri, haiwa Mwari, muise mafungiro matsva mandiri, akasimba.” (Pis. 51:10) Tinogona kukumbira mudzimu waMwari kuti ushande matiri uchiwedzera chido chedu chokuti tinyatsorarama zvinoenderana nezvaanoda. Zvechokwadi tinogona kubudirira kuva vanhu vanoyemurwa naJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Harisi iro zita rake chairo.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Zvakakwana here kupenda kunze kweimba yaparadzwa nedutu?

[Mufananidzo uri papeji 5]

Unhu hwako hwaita sohwaKristu here?