Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba yaJakobho uye dzaPetro

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba yaJakobho uye dzaPetro

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba yaJakobho uye dzaPetro

MAKORE anoda kusvika 30 pashure pePendekosti ya33 C.E., mudzidzi Jakobho, munun’una waJesu wokwaamai, anonyorera tsamba “kumadzinza ane gumi nemaviri” evaIsraeri vomudzimu. (Jak. 1:1) Anoinyorera kuti avakurudzire kuva vakasimba pakutenda uye kutsungirira pavanenge vachiedzwa. Anovapawo zano rokugadzirisa zvinhu zvisina kumira zvakanaka mudziungano.

Mambo Nero weRoma ava kuda kuzotanga kutambudza vaKristu muna 64 C.E., muapostora Petro anovanyorera tsamba yake yokutanga, achivakurudzira kuti vamire vakasimba pakutenda. Mutsamba yechipiri yaakanyora achangopedza yokutanga, Petro anokurudzira vaanonamata navo kuita zviri muShoko raMwari uye anovanyevera nezvezuva raJehovha riri kuuya. Chokwadi, tinogona kubatsirwa kana tikaita zviri mutsamba dzaJakobho naPetro.—VaH. 4:12.

MWARI ANOPA UCHENJERI VAYA ‘VANOKUMBIRA VAINE KUTENDA’

(Jak. 1:1–5:20)

Jakobho anonyora kuti: “Anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo, nokuti paanotenderwa achagamuchira korona youpenyu.” Jehovha anopa uchenjeri hwokutsungirira miedzo kune vaya ‘vanoramba vachikumbira vaine kutenda.’—Jak. 1:5-8, 12.

Vaya vanova “vadzidzisi” muungano vanofanirawo kuva nokutenda nouchenjeri. Ataura kuti rurimi “inhengo duku” inogona ‘kusvibisa muviri wose,’ Jakobho anonyevera nezvetsika dzenyika dzingakanganisa ukama hwomunhu naMwari. Anotaurawo matanho anofanira kutorwa nomunhu anorwara pakunamata kuti apore.—Jak. 3:1, 5, 6; 5:14, 15.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:13—Nei zvichinzi “ngoni dzinofara kwazvo nokukunda pakutongwa”? Patichazvidavirira kuna Mwari, achatarisa kuti isu taiitira vamwe ngoni here obva atikanganwira achishandisa chibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake. (VaR. 14:12) Izvi hazvifaniri here kuita kuti tive nengoni zvikuru muupenyu hwedu?

4:5—Pano Jakobho akatora mashoko murugwaro rupi? Jakobho haana kutora mashoko aya mune imwe ndima. Zvisinei, angadaro akatora mashoko aya akafuridzirwa papfungwa iri mumagwaro akadai saGenesisi 6:5; Gen8:21; Zvirevo 21:10; uye VaGaratiya 5:17.

5:20—“Uyo anodzora mutadzi panzira yokukanganisa kwake” achaponesa mweya waani? MuKristu anodzora mutadzi panzira yake anoponesa mweya womunhu anopfidza kuti ukama hwake naMwari husakanganisika uye asaparadzwa nokusingaperi. Munhu anenge achibatsira mutadzi seizvi “achafukidza zvivi zvizhinji” zvomutadzi iyeye.

Zvatinodzidza:

1:14, 15. Chivi chinokonzerwa nechido chisina kunaka. Saka hatifaniri kurega zvido zvisina kunaka zvichikura nokuramba tichifunga nezvazvo. Asi tinofanira ‘kuramba tichifunga’ zvinhu zvinovaka uye kuzadza pfungwa dzedu nemwoyo yedu nazvo.—VaF. 4:8.

2:8, 9. ‘Kusarurana’ hakuenderani no“mutemo wamambo” worudo. Naizvozvo, vaKristu vechokwadi havasarurani.

2:14-26. ‘Tinoponeswa nokutenda,’ kwete “nokuda kwemabasa” oMutemo waMosesi kana kuti aya atinoita sevaKristu. Kutenda kwedu hakufaniri kuva kutenda kwepamuromo chete. (VaEf. 2:8, 9; Joh. 3:16) Kunofanira kuita kuti tide kuita zvinodiwa naMwari.

3:13-17. Chokwadi “uchenjeri hunobva kumusoro” hunopfuura uchenjeri “hwepanyika, hwemhuka, hwoudhimoni!” Tinofanira ‘kuramba tichitsvaka uchenjeri hwaMwari sepfuma yakavanzwa.’—Zvir. 2:1-5.

3:18. Mbeu yemashoko akanaka oUmambo “inodyarwa murugare nokuda kwevaya vanoita kuti pave norugare.” Zvinokosha kuti tiite kuti pave norugare uye tisazvikudza, tisava nenharo, kana kuita zvoupengo.

‘MIRAI MAKASIMBA PAKUTENDA’

(1 Pet. 1:1–5:14)

Petro anoyeuchidza vaanonamata navo ‘nezvetariro yavo mhenyu’ yenhaka yokudenga. “Muri ‘dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene,’” Petro anovaudza kudaro. Ataura zano rakananga nezvokuzviisa pasi, anovarayira vose kuti vave ‘nokufunga kwakafanana, vachinzwirana ngoni, vachidanana kwazvo sehama, vachinzwirana tsitsi kwazvo, vachizvininipisa.’—1 Pet. 1:3, 4; 2:9; 3:8.

Sezvo “kuguma kwezvinhu [mamiriro ezvinhu echiJudha] kwaswedera pedyo,” Petro anoudza hama kuti ‘dzive nepfungwa dzakanaka, uye dzisvinurire kunyengetera.’ Anovaudza kuti: ‘Svinurirai, rindai. Rwisai Satani, makasimba pakutenda.’—1 Pet. 4:7; 5:8, 9.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

3:20-22—Kubhabhatidzwa kunotiponesa sei? Vaya vanoda kuponeswa vanofanira kubhabhatidzwa. Zvisinei, kubhabhatidzwa pachako hakuponesi. Vanhu vanoponeswa “pachishandiswa rumuko rwaJesu Kristu.” Munhu anoda kubhabhatidzwa anofanira kuva nokutenda kuti chinongoita kuti aponeswe ndechokuti Jesu akafa achizvibayira, akamutswa, uye “ari kuruoko rworudyi rwaMwari,” uye ane simba pane vapenyu nevakafa. Kubhabhatidzwa kwakavakirwa pakutenda kwakadaro ndiko kunoenderana ne“mweya misere, yakatakurwa yakachengeteka nomumvura.”

4:6—“Vakafa” vakaziviswa “mashoko akanaka” ndivanaani? Ava ndevaya ‘vakafa mukudarika kwavo nomuzvivi zvavo,’ kana kuti vakafa mukuti vakanga vasati vava noukama naMwari, kureva kuti vakanga vasati vanzwa mashoko akanaka. (VaEf. 2:1) Zvisinei, vava nokutenda mumashoko akanaka, vakatanga ‘kurarama,’ kureva kuti kuva noukama naMwari.

Zvatinodzidza:

1:7. Kuti kutenda kwedu kukoshe zvikuru, kunofanira kuva kuya kwakaedzwa. Chokwadi kutenda kwakasimba zvakadaro “kunochengetedza mweya uri mupenyu.” (VaH. 10:39) Hatifaniri kudzokera shure panoedzwa kutenda kwedu.

1:10-12. Ngirozi dzaida kunyatsotarira chokwadi chakadzama chezvokunamata chainyorwa nevaprofita vaMwari vekare nezveungano yevaKristu vakazodzwa uye dzaida kuchinzwisisa. Zvisinei, zvinhu izvi zvakazongova pachena Jehovha paakatanga kuva neungano. (VaEf. 3:10) Hatifaniri kutevera muenzaniso wengirozi toedza kunyatsotsvaka “zvinhu zvakadzama zvaMwari” here?—1 VaK. 2:10.

2:21. Tinofanira kutevedzera Muenzaniso wedu Jesu Kristu, togadzirira kutambura kunyange kusvika pakufa kuitira kuti titsigire uchangamire hwaJehovha.

5:6, 7. Patinokanda kuzvidya mwoyo kwedu pana Jehovha, anotibatsira kuramba tichikoshesa kunamata kwechokwadi muupenyu hwedu pane kunyanya kunetseka kuti mangwana kuchaitikei.—Mat. 6:33, 34.

“ZUVA RAJEHOVHA RICHAUYA”

(2 Pet. 1:1–3:18)

“Uprofita hahuna kumbounzwa chero panguva ipi zvayo nevanhu,” anonyora kudaro Petro, “asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.” Kunyatsoteerera shoko rouprofita kungabatsira kutidzivirira pa“vadzidzisi venhema” nevamwe vanhu vangatikanganisa.—2 Pet. 1:21; 2:1-3.

“Mumazuva okupedzisira vaseki vachauya nokuseka kwavo,” anonyevera kudaro Petro. Asi “zuva raJehovha richauya sembavha.” Petro anopedzisa tsamba yake nezano rakanaka kune vaya ‘vanomirira uye vanoramba vachinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva iroro.’—2 Pet. 3:3, 10-12.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:19—“Nyamasase” ndiani, anobuda rini, uye tinoziva sei kuti izvi zvaitika? “Nyamasase” ndiJesu Kristu paanenge ava Mambo woUmambo hwaMwari. (Zvak. 22:16) Muna 1914, Jesu akabuda zvinhu zvose zvakasikwa zvakatarira ari Mambo Mesiya, achizivisa kutanga kwezuva idzva. Kuchinja chitarisiko kwakaita kuti kukudzwa kwaJesu uye simba rake roUmambo rifanoonekwa, zvichiratidza kuti shoko raMwari rouprofita rakavimbika. Kuteerera shoko iroro kunovhenekera mwoyo yedu, uye tinobva taziva kuti Nyamasase yabuda.

2:4—“Tatarosi” chii, uye ngirozi dzakapanduka dzakakandwa mairi rini? Tatarosi inzvimbo yakaita sejeri inoendeswa zvisikwa zvomudzimu chete, kwete vanhu. Pfungwa dzevarimo dzinenge dziri murima panyaya yezvinangwa zvaMwari zvakajeka. Vaya vari muTatarosi havana tariro yeramangwana. Muzuva raNoa Mwari akakandira ngirozi dzisina kuteerera muTatarosi, uye dzicharamba dzirimo kusvikira dzaparadzwa.

3:17—Petro airevei paakati “zvamunofanoziva”? Petro aireva kufanoziva, kana kuti kuziva zvinhu zvisati zvaitika, kwaakapiwa iye nevamwe vanyori veBhaibheri nokufuridzirwa kwavakaitwa. Sezvo zvaisareva kuti vaizongoramba vachiziva, kufanoziva hakuna kuita kuti vaKristu vokutanga vazive zvose zvaizoitika munguva yemberi. Vakangoziva zvishomanana chete pane zvaizoitika.

Zvatinodzidza:

1:2, 5-7. Kunze kwokutibatsira kuwedzera “zivo yakarurama pamusoro paMwari naJesu,” kushanda kwedu nesimba kuti tive nounhu hwakaita sokutenda, kutsungirira, uye kuzvipira kuna Mwari kungaita kuti tisava “vanhu vasingaiti basa kana kuti vasina zvibereko pamusoro pezivo.”—2 Pet. 1:8.

1:12-15. Kuti tirambe ‘takamira zvakasimba muchokwadi,’ tinofanira kuramba tichiwana zviyeuchidzo pamisangano yeungano, pakudzidza tiri toga, uye pakuverenga Bhaibheri.

2:2. Tinofanira kungwarira kuti mufambiro wedu usazvidzisa Jehovha nesangano rake.—VaR. 2:24.

2:4-9. Tichifunga nezvezvaakaita kare, tinogona kuva nechokwadi chokuti “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari, uye kuchengetera vanhu vasina kururama zuva rokutongwa kuti vaparadzwe.”

2:10-13. Kunyange zvazvo “vanokudzwa,” kureva vakuru vechiKristu, dzimwe nguva vachikanganisawo, hatifaniri kutaura zvakaipa nezvavo.—VaH. 13:7, 17.

3:2-4, 12. Kunyatsoteerera “mashoko akambotaurwa nevaprofita vatsvene nomurayiro waShe uye Muponesi” kuchatibatsira kuramba tichifunga kuti zuva raJehovha rava pedyo.

3:11-14. Sezvo ‘tichimirira uye tichiramba tichinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha,’ tinofanira (1) kuva ‘vatsvene pamabasa,’ tichiva noutsanana, nepfungwa dzakachena, netsika dzakachena, uye tichinamata zvakachena; (2) kugara tichiita mabasa anoratidza “kuzvipira kuna Mwari,” akadai sokuparidza Umambo nokudzidzisa vanhu; (3) kugara unhu hwedu netsika ‘zvisina ruvara,’ zvisina kusvibiswa nenyika; (4) kuva ‘tisina gwapa’ tichiita zvinhu zvose nevavariro yakanaka; uye (5) kuva ‘norugare’ naMwari, nehama dzedu dzechiKristu, uye nevamwe vanhu.