Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorwa naJohani naJudha

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorwa naJohani naJudha

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorwa naJohani naJudha

TSAMBA nhatu dzomuapostora Johani, dzingangodaro dzakanyorwa muna 98 C.E. kuEfeso, ndedzimwe dzinoumba mabhuku okupedzisira eMagwaro akafuridzirwa. Tsamba dzacho mbiri dzokutanga dzinokurudzira vaKristu kuti varambe vachifamba muchiedza uye varwise kuramba kutenda. Mutsamba yechitatu, Johani haangotauri nezvokufamba muchokwadi asiwo anokurudzira vaKristu kuti vashandire pamwe.

Mutsamba yaakanyora ari kuParestina, munenge muna 65 C.E., Judha, munun’una waJesu wokwaamai anonyevera vaKristu vaainamata navo nezvevakaipa vakanga vapinda muungano, uye anotaura zvavangaita kuti vasafurirwa navo. Kunyatsofunga mashoko ari mutsamba nhatu dzaJohani netsamba yaJudha kungatibatsira kuramba takasimba pakutenda pasinei nezvipingamupinyi zvatingasangana nazvo.—VaH. 4:12.

RAMBAI MUCHIFAMBA MUCHIEDZA, MURUDO, NOMUKUTENDA

(1 Johani 1:1–5:21)

Tsamba yokutanga yaJohani, yaakanyorera vose vaiva pamwe naKristu, ine zano rokubatsira vaKristu kuti varwise kuramba kutenda uye varambe vakasimba vachitsigira chokwadi nokururama. Anosimbisa kuti zvinokosha kufamba muchiedza, murudo uye mukutenda.

“Kana tiri kufamba muchiedza iye [Mwari] zvaari muchiedza,” anonyora kudaro Johani, “tinogovana isu pachedu.” Uye sezvo Mwari ari rudo, muapostora wacho anoti: “Ngatirambei tichidanana.” “Rudo rwaMwari” zvarunoita kuti “tichengete mirayiro yake,” tinokunda nyika no“kutenda” muna Jehovha Mwari, Shoko rake, uye Mwanakomana wake.—1 Joh. 1:7; 4:7; 5:3, 4.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:2; 4:10—Jesu “chibayiro chokuyananisira” pakudini? Kuyananisira zvinoreva “kugutsa.” Jesu akapa upenyu hwake sechibayiro chokuyananisira mupfungwa yokuti izvozvo zvakaita kuti agutse zvaidiwa nomutemo wokururamisira kwakakwana. Nemhaka yechibayiro ichocho, Mwari aigona kunzwira ngoni, uye kukanganwira zvivi zvevaya vaitenda muna Jesu.—Joh. 3:16; VaR. 6:23.

2:7, 8—Murayiro upi uri kunzi naJohani murayiro “wekare” uyewo “mutsva”? Johani ari kutaura nezvomurayiro une chokuita nokuda hama kunosanganisira kuzvipira. (Joh. 13:34) Anotaura nezvawo achiti “wekare” nokuti Jesu akautaura makore anopfuura 60 Johani asati anyora tsamba yake yokutanga yakafuridzirwa. Saka, vaainamata navo vaiuziva “kubvira pakutanga” kwoupenyu hwavo sevaKristu. Murayiro wacho “mutsva” pakuti unopfuura ‘kungoda mumwe wako sezvaunozvida,’ uye unoti unofanira kuda zvokuzvipira.—Revh. 19:18; Joh. 15:12, 13.

3:2—Zvii “zvisati zvaratidzwa pachena” kuvaKristu vakazodzwa, uye ndiani wavachaona “sezvaakaita”? Havasati varatidzwa zvavachange vakaita pavanenge vamutswa kudenga vaine miviri yomudzimu. (VaF. 3:20, 21) Zvisinei, vanoziva kuti “chero panguva ipi zvayo [Mwari] yaachazoratidzwa pachena [va]chafanana naye, nokuti [va]chamuona sezvaakaita,” kureva kuti “ari Mudzimu.”—2 VaK. 3:17, 18.

5:5-8—Mvura, ropa, uye mudzimu zvinopupurira sei kuti “Jesu ndiye Mwanakomana waMwari?” Mvura yakamupupurira pakuti Jesu paakabhabhatidzwa mumvura, Jehovha pachake akataura kuti aimufarira soMwanakomana wake. (Mat. 3:17) Ropa raJesu kana kuti upenyu hwake, hwakapiwa kuti “ave rudzikinuro runoenzanirana navose,” rakaratidzawo kuti Jesu Mwanakomana waMwari. (1 Tim. 2:5, 6) Uye mudzimu mutsvene wakapupurira Jesu kuti Mwanakomana waMwari pawakaburuka uchiuya paari paakabhabhatidzwa, uchiita kuti akwanise kupota “nomunyika iyoyo yose achiita zvakanaka uye achiporesa vose vakanga vakadzvinyirirwa naDhiyabhorosi.”—Joh. 1:29-34; Mab. 10:38.

Zvatinodzidza:

2:9-11; 3:15. Kana muKristu akarega munhu kana chero chinhu chipi zvacho chichikanganisa kuda kwaanoita hama dzake, ari kufamba murima rezvokunamata, asingazivi kwaari kuenda.

RAMBA ‘UCHIFAMBA MUCHOKWADI’

(2 Johani 1–13)

Johani anotanga tsamba yake yechipiri nemashoko okuti: “Murume mukuru, kuna amai vakasarudzwa uye kuvana vavo.” Anofarira kuti akaona “kuti vamwe vana [vake] vari kufamba muchokwadi.”—2 Joh. 1, 4.

Avakurudzira kuti varambe vaine rudo, Johani anonyora kuti: “Izvi ndizvo zvinoreva rudo, kuti tirambe tichifamba maererano nemirayiro yake.” Johani anoyambirawo nezve“munyengeri uye munhu anopesana naKristu.”—2 Joh. 5-7.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1, 13 —“Amai vakasarudzwa” ndiani? Johani angadaro ari kureva mukadzi ainzi Kyria, shoko rechiGiriki rinoreva kuti “amai.” Kana kuti angave ari kushandisa dimikira kutaura nezveimwe ungano asingadi kuti vazivikanwe nevaivatambudza. Kana zviri izvozvo, vari kunzi vana inhengo dzeungano iyoyo uye “vana vomunun’una” wavo vaizoreva vanhu vomune imwe ungano.

Zvatinodzidza:

24. Kuti tiponeswe, zvinokosha kuti tizive “chokwadi,” kureva dzidziso dzose dzechiKristu dziri muBhaibheri, uye kuita zvadzinotaura.—3 Joh. 3, 4.

8-11. Kana tichida kuramba tichiitirwa “mutsa usina kukodzera kuwanwa, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba uye zvinobva kuna Jesu Kristu,” uyewo kuramba tichiwadzana zvine rudo nevatinonamata navo, tinofanira ‘kuzvichenjerera’ pakunamata uye kurega kuwadzana nevaya ‘vasingarambi vari mudzidziso yaKristu.’—2 Joh. 3.

IVAI “VASHANDI PAMWE CHETE MUCHOKWADI”

(3 Johani 1–14)

Tsamba yechitatu yaJohani yakanyorerwa shamwari yake Gayo. Anonyora kuti: “Handina chikonzero chikuru chokuonga chinopfuura zvinhu izvi, kuti ndinzwe kuti vana vangu vari kuramba vachifamba muchokwadi.”—3 Joh. 4.

Johani anorumbidza Gayo kuti ari “kuita basa rakatendeka” pakubatsira hama dziri kushanya. “Isu tinosungirwa kuti tigamuchire vanhu vakadaro zvakanaka,” anodaro muapostora wacho, “kuti tive vashandi pamwe chete muchokwadi.”—3 Joh. 5-8.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

11 —Nei vamwe vanhu vachiita zvakaipa? Vamwe havaoni Mwari nemaziso avo okunzwisisa nokuti havana kusimba pakunamata. Zvavasingagoni kumuona nemaziso avo chaiwo, vanoita sezvinonzi iye haavaoni.—Ezek. 9:9.

14 —Vari kunzi “shamwari” ndivanaani? Mundima ino shoko rokuti “shamwari” haringorevi vanhu vanowirirana chete. Johani anorishandisa kureva vaanonamata navo.

Zvatinodzidza:

4. Vanhu vari muungano vakasimba pakunamata vanofara chaizvo pavanoona kuti vaduku “vari kuramba vachifamba muchokwadi.” Uye vabereki vanofara zvokufara zviya pavanobudirira kubatsira vana vavo kuti vafarire zvokunamata!

5-8. Vatariri vanofambira, mamishinari, vaya vanoshanda mumisha yeBheteri, nevaya vanoita basa roupiyona ndevamwe vanoshanda nesimba vachiitira hama dzavo nokuti vanodzida uye vanoda Jehovha. Tinofanira kutevedzera kutenda kwavo, uye zvakakodzera kuti tivatsigire norudo.

9-12. Tinofanira kutevedzera muenzaniso waDhemetriyo akanga akatendeka kwete waDhiyotrefesi aichera vamwe.

“RAMBAI MURI MURUDO RWAMWARI”

(Judha 1–25)

Judha anorondedzera vaya vari kupinda muungano achiti “vagunun’uni, vanyunyuti pamusoro pomugove wavo muupenyu, vanoita maererano nokuchiva kwavo.” Va“notaura zvinhu zvokuzvikudza, asi vachiyemura vanhu.”—Jud. 4, 16.

VaKristu vangaita sei kuti vasafurirwa? Judha anonyora kuti: “Vadiwa, yeukai mashoko akambotaurwa nevaapostora vaShe wedu Jesu Kristu.” Anowedzera kuti: “Rambai muri murudo rwaMwari.”—Jud. 17-21.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

3, 4 —Nei Judha akakurudzira vaKristu kuti va“rwire kwazvo kutenda”? Nokuti ‘vanhu vasingadi Mwari vakanga vaverevedza vachipinda muungano.’ Vanhu ava vakanga vari ‘kuchinja mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari kuti vazvipembedze kuita unzenza.’

20, 21 —Tingaitei kuti ‘tirambe tiri murudo rwaMwari?’ Pane zvinhu zvitatu zvatinogona kuita: (1) kuzvivaka ‘pakutenda kwedu kutsvenetsvene’ nokushingaira kudzidza Shoko raMwari uye kushingaira kuita basa rokuparidza; (2) kunyengetera “nomudzimu mutsvene,” kana kuti zvinoenderana nezvaunotaura; uye (3) kuva nokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, chinoita kuti tive noupenyu husingaperi.—Joh. 3:16, 36.

Zvatinodzidza:

5-7. Vakaipa vangapukunyuka kutonga kwaJehovha here? Maererano nemienzaniso mitatu yakanyorwa naJudha yokuyambira, hazviiti.

8-10. Tinofanira kutevedzera muenzaniso wengirozi huru Mikayeri toremekedza vaya vakanzi naMwari vatungamirire.

12. Vakaramba kutenda vanonyepedzera kuva norudo vane ngozi pakutenda kwedu sezvakaita matombo ari pasi pemvura ane ngozi kuzvikepe kana kuti kune vanoshambira. Vadzidzisi venhema vanoita sevane rupo, asi vakaita semakore asinganayi pakuti havana zvavanoziva nezvokunamata. Vanhu vakadaro vakaita semiti isingabereki yakafa mukupera kwematsutso. Vachaparadzwa, sezvinoitwa miti inodzurwa. Kana takachenjera hatifaniri kutombowadzana nevakaramba kutenda.

22, 23. VaKristu vechokwadi vanovenga zvakaipa. Vanhu vakasimba pakunamata vari muungano, kunyanya vatariri vakagadzwa, vanobatsira “vamwe vasina chokwadi” kuti vavaponese mumoto wokuparadzwa kusingaperi.

[Mifananidzo iri papeji 28]

Mvura, mudzimu, uye ropa zvakapupurira kuti “Jesu ndiye Mwanakomana waMwari”