Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vanoramba Vachitevera Gwayana”

“Vanoramba Vachitevera Gwayana”

“Vanoramba Vachitevera Gwayana”

“Ava ndivo vanoramba vachitevera Gwayana pasinei nokwarinoenda.”—ZVAK. 14:4.

1. Vadzidzi vaJesu vechokwadi vakanzwa sei nezvokumutevera?

JESU ava nemakore anenge maviri achiita ushumiri hwake, akanga “achidzidzisa pakanga pakaungana vanhu muKapenaume.” Ataura zvavakanga vasingafungiri, “vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera kuzvinhu zvavakasiya uye vakanga vasingachafambizve naye.” Jesu paakabvunza vaapostora vake 12 kana vaida kuendawo, Simoni Petro akapindura achiti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi; uye takatenda tikasvika pakuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” (Joh. 6:48, 59, 60, 66-69) Vadzidzi vaJesu vechokwadi vakaramba vachimutevera. Pavakazozodzwa nomudzimu mutsvene, vakaramba vachitungamirirwa naJesu.—Mab. 16:7-10.

2. (a) “Muranda akatendeka, akangwara,” kana kuti “mutariri akatendeka” ndiani? (b) Muranda uyu aratidza sei muenzaniso wakanaka woku“tevera Gwayana”?

2 Chii chatingataura nezvevaKristu vakazodzwa vemazuva ano? Paaiprofita nezve“chiratidzo chokuvapo [kwake] nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva” yedu, Jesu akataura nezveboka revateveri vake vakazodzwa nomudzimu vari pasi pano achivati “muranda akatendeka, akangwara,” kana kuti “mutariri akatendeka.” (Mat. 24:3, 45; Ruka 12:42) Boka romuranda raratidza muenzaniso wakanaka woku“tevera Gwayana pasinei nokwarinoenda.” (Verenga Zvakazarurwa 14:4, 5.) Nhengo dzaro dzinoramba dziri mhandara pakunamata nokuti hadzizvisvibisi nokutenda uye kuita zvinoitwa ne“Bhabhironi Guru,” mubatanidzwa wezvitendero zvenhema zvose. (Zvak. 17:5) ‘Mumiromo yavo hamuna kuwanikwa dzidziso dzenhema’ uye vanoramba ‘vasina gwapa’ renyika yaSatani. (Joh. 15:19) Munguva yemberi, vakazodzwa vachiri pasi pano va“chatevera” Gwayana kusvika kudenga chaiko.—Joh. 13:36.

3. Nei zvichikosha kuti tivimbe neboka romuranda?

3 Jesu akagadza muranda akatendeka, akangwara kuti atarisire “veimba yake,” kureva kuti mumwe nomumwe ari muboka romuranda, “kuti avape zvokudya zvavo panguva yakakodzera.” Akagadzawo muranda wacho “pazvinhu zvake zvose.” (Mat. 24:45-47) “Zvinhu zvake” zvinosanganisira “boka guru” re“mamwe makwai” riri kuramba richiwedzera. (Zvak. 7:9; Joh. 10:16) Mumwe nomumwe weava vakazodzwa ne“mamwe makwai” haafaniri kuvimba nomuranda akagadzwa kuti avatarisire here? Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tivimbe neboka romuranda. Zvinonyanya kukosha zvacho ndeizvi: (1) Jehovha anovimba neboka romuranda. (2) Jesu anovimbawo nomuranda. Ngationgororei uchapupu hunoratidza kuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vanovimba zvakakwana nomuranda akatendeka, akangwara.

Jehovha Anovimba Nomuranda

4. Nei tichigona kuvimba nezvokudya zvokunamata zvatinopiwa nomuranda akatendeka, akangwara?

4 Funga nezvechinoita kuti boka romuranda akatendeka, akangwara rikwanise kutipa zvokudya zvokunamata zvinogutsa, panguva yakakodzera. “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo,” anodaro Jehovha. Anowedzera kuti: “Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.” (Pis. 32:8) Chokwadi, Jehovha ndiye anotungamirira muranda. Naizvozvo tinogona kuva nechivimbo chakazara mukubatsirwa kunzwisisa Magwaro, uye kutungamirirwa kwatinoitwa nomuranda.

5. Chii chinoratidza kuti mudzimu mutsvene uri kupa boka romuranda simba?

5 Jehovha anokomborerawo boka romuranda nomudzimu wake mutsvene. Kunyange zvazvo mudzimu waJehovha usingaoneki, zvaunobereka pane vaya vanawo zviri pachena. Funga nezvezvakakwanisa kuitwa neboka romuranda akatendeka, akangwara pakuita basa rokuparidza munyika yose nezvaJehovha Mwari, Mwanakomana wake, uye Umambo. Vanamati vaJehovha vari kushingaira kuzivisa shoko roUmambo muzvitsuwa nenyika dzinopfuura 230. Izvi hazvipi uchapupu husingarambiki hwokuti mudzimu waMwari ndiwo uri kupa simba muranda iyeye here? (Verenga Mabasa 1:8.) Boka romuranda parinenge richipa vanhu vaJehovha vari munyika yose zvokudya, rinofanira kuita zvisarudzo zvinokosha. Parinosarudza, uye parinoita zvarinenge rasarudza, boka romuranda rinoratidza rudo, unyoro, uye zvimwe zvibereko zvomudzimu.—VaG. 5:22, 23.

6, 7. Jehovha anovimba nomuranda akatendeka zvakadini?

6 Kuti tione kuti Jehovha anovimba zvakadini nomuranda akatendeka, ngatifungei nezvezvaakavimbisa nhengo dzomuranda. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Bhosvo richarira, vakafa vachamutswa vasingachaori, uye isu tichachinjwa. Nokuti ichi chinoora chinofanira kupfeka kusaora, uye ichi chinofa chinofanira kupfeka kusafa.” (1 VaK. 15:52, 53) Vateveri vaKristu vakazodzwa, vanoshumira Mwari vakatendeka uye vanofa nemiviri inoora, havangomutswi vari zvisikwa zvomudzimu zvine upenyu husingaperi chete. Vanoitwa kuti vasazofa, kureva kuti vanoramba vachirarama uye vanenge vasingazokwanisi kuparadzwa. Uyezve, vanoitwa kuti vave nemiviri isingaori, zvichida inozvitsigira yoga. Zvakazarurwa 4:4 inorondedzera vanenge vamutswa ava ichiti vakagara pazvigaro zvoumambo vaine korona dzendarama mumisoro yavo. VaKristu vakazodzwa vachakudzwa nokugadzwa semadzimambo. Asi pane zvimwe zvinoratidza kuti Mwari anovimba neboka iri.

7 “Nguva yokuroora kweGwayana yasvika uye mudzimai waro agadzirira. Chokwadi, abvumirwa kushonga nguo yerineni inopenya, yakachena, yakanaka kwazvo, nokuti rineni yakanaka kwazvo inomirira mabasa akarurama evatsvene,” inodaro Zvakazarurwa 19:7, 8. Jehovha akasarudza vaKristu vakazodzwa kuti vazova mwenga woMwanakomana wake. Kusaora, kusafa, umambo, ‘kuroorwa neGwayana’—zvose izvi zvipo zvinoshamisa! Uchapupu hwakasimba hwokuti Mwari anovimba nevakazodzwa, “vanoramba vachitevera Gwayana pasinei nokwarinoenda.”

Jesu Anovimba Nomuranda

8. Jesu anoratidza sei kuti anovimba nevateveri vake vakazodzwa nomudzimu?

8 Uchapupu hupi hunoratidza kuti Jesu anovimba zvakazara nevateveri vake vakazodzwa nomudzimu? Pausiku hwokupedzisira hwaaiva pasi pano, Jesu ane zvaakavimbisa vaapostora vake 11 vakatendeka. “Imi ndimi makaramba muneni mumiedzo yangu,” akavaudza kudaro, “uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu, kuti mudye nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugare pazvigaro zvoumambo kuti mutonge madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri.” (Ruka 22:28-30) Sungano yakaitwa naJesu nevaapostora 11 inoshandawo kuvaKristu vakazodzwa vose vane 144 000. (Ruka 12:32; Zvak. 5:9, 10; 14:1) Jesu aizoita sungano yokuzotonga pamwe chete navo muUmambo kudai akanga asingavimbi navo here?

9. “Zvinhu zva[Kristu] zvose” zvinosanganisirei?

9 Uyezve, Jesu Kristu akagadza muranda akatendeka, akangwara kuti atarisire “zvinhu zvake zvose,” kureva zvose zvine chokuita noUmambo pasi pano. (Mat. 24:47) Zvinhu izvi zvinosanganisira zvivako nemidziyo iri padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha, mahofisi emapazi ari munyika dzakasiyana-siyana, uye Dzimba Dzemagungano neDzimba dzoUmambo dziri munyika yose. Zvinosanganisirawo basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi. Pane munhu angaita kuti munhu waasingavimbi naye atarisire zvinhu zvake zvinokosha here?

10. Chii chinoratidza kuti Jesu Kristu ane vateveri vake vakazodzwa?

10 Kwasara nguva pfupi kuti akwire kudenga, Jesu akanga amutswa akazviratidza kuvadzidzi vake vakatendeka uye akavavimbisa kuti: “Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 28:20) Jesu akaita zvaakavimbisa here? Mumakore 15 akapfuura, nhamba yeungano dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose yakawedzera kubva pa70 000 ikapfuura 100 000, kuwedzera neinopfuura 40 muzana. Zvakadini nevadzidzi vatsva vakawedzera? Vadzidzi vanenge mamiriyoni 4,5 vakabhabhatidzwa mumakore 15 apfuura, avhareji yevanopfuura 800 pazuva. Uku kuwedzera kunoshamisa uchapupu huri pachena hwokuti Kristu ari kutungamirira vateveri vake vakazodzwa pamisangano yavo yeungano uye ari kuvatsigira mubasa ravo rokuita kuti vanhu vave vadzidzi.

Muranda Wacho Akatendeka Uye Akangwara

11, 12. Muranda akaratidza sei kuti akatendeka uye akangwara?

11 Sezvo Jehovha Mwari naJesu Kristu vachivimba zvakazara nomuranda akatendeka, akangwara, isuwo hatifaniri kuvimba naye here? Muranda akaratidza kuti akatendeka pabasa raakanzi aite. Somuenzaniso, magazini yeNharireyomurindi yava nemakore anenge 130 ichibudiswa. Misangano uye magungano eZvapupu zvaJehovha anoramba achitivaka pakunamata.

12 Muranda akatendeka akangwarawo pakuti haaiti zvinhu zvokuchenjeresa, achimhanyira mberi kwaJehovha, uyewo haasariri shure kana zvinodiwa naJehovha zvakajeka panyaya yacho. Somuenzaniso, kusiyana nevafundisi vezvitendero zvenhema vanobvumira nerweseri kana kuti pachena maitiro evanhu vasingadi Mwari vari munyika ino, muranda anonyevera nezvengozi dziri munyika ino yaSatani. Muranda anokwanisa kunyevera nokuchenjera uye panguva yakakodzera nokuti ari kukomborerwa naJehovha Mwari naJesu Kristu. Saka tinofanira kuvimba nomuranda zvakakwana. Asi tingaratidza sei kuti tinovimba nomuranda akatendeka, akangwara?

“Enda” Nevakazodzwa Sezvavanotevera Gwayana

13. Maererano nouprofita hwaZekariya, tingaratidza sei kuti tinovimba nomuranda akatendeka, akangwara?

13 Bhuku reBhaibheri raZekariya rinotaura nezve“varume gumi” vanoenda ku“muJudha” voti: “Tichaenda nemi.” (Verenga Zekariya 8:23.) “MuJudha” zvaari kunzi “nemi,” zvinoratidza kuti ari kumiririra boka. Mazuva ano, anomiririra vaKristu vakazodzwa vasara pasi pano, “Israeri waMwari.” (VaG. 6:16) “Varume gumi vanobva mumitauro yose yemarudzi” vanomiririra boka guru remamwe makwai. Sezvo vaKristu vakazodzwa vachitevera Jesu kwose kwaanoenda, boka guru rinoperekedza muranda akatendeka, akangwara kana kuti ‘rinoenda naye.’ Vaya veboka guru havambofaniri kunyara kutaura kuti ishamwari dzevaya ‘vanogoverana pamwe chete kudanwa kwokudenga.’ (VaH. 3:1) Jesu haanyari kudana vakazodzwa kuti “hama” dzake.—VaH. 2:11.

14. Hama dzaKristu dzingatsigirwa sei nenzira yokuvimbika?

14 Jesu Kristu anoona rutsigiro runopiwa hama dzake soruri kupiwa iye. (Verenga Mateu 25:40.) Saka vaya vane tariro yokurarama pasi pano vangatsigira sei hama dzaKristu dzakazodzwa nomudzimu? Zvikurukuru nokuvabatsira basa rokuparidza Umambo. (Mat. 24:14; Joh. 14:12) Kunyange zvazvo nhamba yevakazodzwa vari pasi pano yanga ichidzikira mumakumi emakore akapfuura, nhamba yemamwe makwai iri kuwedzera. Vaya vane tariro yokurarama pasi pano pavanoita basa rokuparidza, kana vachikwanisa voshumira sevaparidzi venguva yakazara, vanotsigira vakazodzwa nomudzimu pakuita basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Hatifaniriwo kukanganwa mikana yokutsigira basa iri nokupa zvipo zvemari munzira dzakasiyana-siyana.

15. MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuita sei paanowana zvokudya zvokunamata zvinobva kumuranda panguva yakakodzera uye muranda paanoita zvisarudzo zvine chokuita nesangano redu?

15 Iwe somuKristu unoona sei zvokudya zvokunamata zvatinopiwa panguva yakakodzera nomuranda akatendeka achishandisa mabhuku eBhaibheri uye misangano yechiKristu? Tinozvidya tichionga tobva taita zvatinodzidza here? Tinoita sei kana muranda akaita zvisarudzo zvine chokuita nesangano redu? Kana tikateerera nechido zvatinenge taudzwa, tinopa uchapupu hwokuti tine kutenda muurongwa hwaJehovha.—Jak. 3:17.

16. Nei vaKristu vose vachifanira kuteerera hama dzaKristu?

16 “Makwai angu anoteerera inzwi rangu,” akadaro Jesu, “uye ini ndinoaziva, uye anonditevera.” (Joh. 10:27) Ndizvo zvinoita vaKristu vakazodzwa. Zvakadini nevaya ‘vanoenda’ navo? Ivavawo vanofanira kuteerera Jesu. Vanofanirawo kuteerera hama dzake. Nokuti ndidzo dzakapiwa basa rinokosha rokutarisira vanhu vaMwari pakunamata. Kuteerera inzwi rehama dzaKristu kunosanganisirei?

17. Kuteerera boka romuranda kunosanganisirei?

17 Mazuva ano muranda akatendeka, akangwara anomiririrwa neDare Rinodzora, rinotungamirira uye rinoronga kuti basa rokuparidza Umambo riitwe munyika yose. Nhengo dzeDare Rinodzora vakuru vane ruzivo, vakazodzwa nomudzimu. Ndivo vanonzi ‘vari kutitungamirira.’ (VaH. 13:7) Vatariri vakazodzwa ava vane “zvizhinji zvokuita mubasa raShe,” nokuti vanotarisira vazivisi voUmambo vanoda kusvika 7 000 000 vari muungano dzinopfuura 100 000 dziri munyika yose. (1 VaK. 15:58) Kuteerera boka romuranda kunoreva kunyatsoshanda pamwe chete neDare raro Rinodzora.

Vaya Vanoteerera Muranda Vakakomborerwa

18, 19. (a) Vaya vanoteerera muranda akatendeka, akangwara, vanokomborerwa sei? (b) Tinofanira kutsunga kuitei?

18 Kubvira paakagadzwa, muranda akatendeka, akangwara ari “kuita kuti vazhinji vave vakarurama.” (Dhan. 12:3) Ava vanosanganisira vaya vane tariro yokupukunyuka pachaparadzwa nyika ino yakaipa. Kuva nezita rakanaka naMwari uku chokwadi chikomborero!

19 Munguva yemberi, ‘guta dzvene, Jerusarema Idzva, kureva vanhu 144 000, parichaburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake,’ chii chichaitika kune vaya vanenge vakateerera inzwi romuranda? “Mwari pachake achava navo,” rinodaro Bhaibheri. “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvak. 21:2-4) Saka ngatiedzei nepatinogona napo kuteerera Kristu nehama dzake dzakazodzwa nomudzimu dzatinogona kuvimba nadzo.

Wadzidzei?

• Chii chinoratidza kuti Jehovha anovimba nomuranda akatendeka, akangwara?

• Chii chinoratidza kuti Jesu Kristu anonyatsovimba neboka romuranda?

• Nei zvakakodzera kuti tivimbe nomutariri akatendeka?

• Tinoratidza sei kuti tinovimba nomuranda?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 25]

Unoziva here kuti ndiani akasarudzwa naMwari kuti achazova mwenga woMwanakomana wake?

[Mifananidzo iri papeji 26]

Jesu Kristu akaita kuti muranda akatendeka, akangwara, atarisire “zvinhu zvake”

[Mufananidzo uri papeji 27]

Patinoita basa rokuparidza, tinotsigira vakazodzwa nomudzimu