Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Maziso Ako Ngaarambe Ari pamubayiro

Maziso Ako Ngaarambe Ari pamubayiro

Maziso Ako Ngaarambe Ari pamubayiro

“Ndiri kuvavarira kuti ndiwane mubayiro.”—VAF. 3:14.

1. Muapostora Pauro akavimbiswa mubayiro wei?

MUAPOSTORA Pauro, aizivikanwawo saSauro wokuTaso, aibva mumhuri yakabudirira. Akadzidziswa chitendero chemadzitateguru ake nomudzidzisi weMutemo aiva akakurumbira ainzi Gamarieri. (Mab. 22:3) Pauro aifanira kuzoshanda basa rainzi repamusoro muupenyu hwake; asi akasiya chitendero chake akava muKristu. Akatanga kutarisira mubayiro woupenyu husingagumi hwaaiva avimbiswa, hwokuva mambo uye mupristi asingafi muUmambo hwaMwari hwokudenga. Umambo ihwohwo huchatonga pasi rinenge rava paradhiso.—Mat. 6:10; Zvak. 7:4; 20:6.

2, 3. Pauro aikoshesa zvakadini mubayiro woupenyu hwokudenga?

2 Kuratidza kuti Pauro aikoshesa chaizvo mubayiro iwoyo, akati: “Zvinhu zvakanga zviri pfuma kwandiri, izvi ndakazviona sokurasikirwa nokuda kwaKristu. Chokwadi, nokuda kwaizvozvo, zvechokwadi ndinoonawo zvinhu zvose sokurasikirwa kana ndichienzanisa nokukosha kukuru kwokuziva Kristu Jesu Ishe wangu. Ndakabvuma kurasikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake uye ndinozviona semarara mazhinji.” (VaF. 3:7, 8) Zvinhu zvinokosheswa nevakawanda zvakadai sechinzvimbo, pfuma, basa, mukurumbira, Pauro akazviona semarara pashure pokunge adzidza chokwadi nezvechinangwa chaJehovha nokuda kwevanhu.

3 Kubva panguva iyoyo, Pauro akanga ava kunyanya kukoshesa zivo inokosha yaJehovha naKristu, iyo Jesu akataura nezvayo paainyengetera kuna Mwari achiti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Joh. 17:3) Chido chaPauro chomwoyo wose chokuwana upenyu husingagumi chinooneka mumashoko ake akanyorwa pana VaFiripi 3:14, anoti: “Ndiri kuvavarira kuti ndiwane mubayiro wokudanwa kumusoro naMwari achishandisa Kristu Jesu.” Kureva kuti maziso ake akaramba ari pamubayiro woupenyu husingagumi kumatenga ari mumwe wevaizotonga muhurumende yoUmambo hwaMwari.

Kurarama Nokusingaperi Pasi Pano

4, 5. Mamiriyoni ari kuita zvinodiwa naMwari mazuva ano achapiwa mubayiro wei?

4 Ruzhinji rwevanosarudza kuita zvinodiwa naMwari runoshandira mubayiro unokosha woupenyu husingagumi munyika itsva yaMwari. (Pis. 37:11, 29) Jesu akasimbisa kuti tariro iyi ndeyechokwadi. Akati: “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mat. 5:5) Jesu pachake ndiye mukuru pane vachagara nhaka yenyika, sezvinoratidzwa nePisarema 2:8, uye achange achitonga nevamwe 144 000 kudenga. (Dhan. 7:13, 14, 22, 27) Vanhu ivavo vakaita semakwai vachange vachigara pasi pano ‘vachagara nhaka Umambo hwavakagadzirirwa kubvira pakuvambwa kwenyika.’ (Mat. 25:34, 46) Uye tine chivimbo chokuti izvi zvose zvichabudirira nokuti Mwari, uyo akazvivimbisa, ‘haangamborevi nhema.’ (Tito 1:2) Tinogonawo kuva nechivimbo chakaita sechaiva naJoshua chokuti zvakapikirwa naMwari zvichazadzika paakaudza vaIsraeri kuti: “Hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu. Hapana kana shoko rimwe chete rawo rakakundikana.”—Josh. 23:14.

5 Upenyu hwomunyika itsva yaMwari hunenge husina kuita sehwatiri kurarama iye zvino husingagutsi. Hunenge hwakasiyana chaizvo nehuripo: kusina hondo, utsotsi, urombo, kusaruramisira, kurwara, uye kufa. Panguva iyoyo vanhu vachange vava noutano hwakakwana uye vachararama panyika inenge yava paradhiso. Upenyu ihwohwo huchange huchigutsa kupfuura chero zvatingafungidzira. Chokwadi, panguva iyoyo zuva rimwe nerimwe vanhu vachange vachifara kwazvo. Uyu ndiwo unonzi mubayiro chaiwo!

6, 7. (a) Jesu akaratidza sei zvatinogona kutarisira kuti zvichaitika munyika itsva yaMwari? (b) Kunyange vakafa vachapiwa upenyu hutsva sei?

6 Jesu paaiva pasi pano, mudzimu mutsvene wakamupa simba rokuti aite zvinhu zvinoshamisa zvichazoitika pasi pose patinenge tava munyika itsva. Somuenzaniso, Jesu akaudza mumwe murume akanga ava nemakore 38 akaoma rutivi kuti afambe. Bhaibheri rinoti murume wacho akafamba. (Verenga Johani 5:5-9.) Mune mumwe muenzaniso, Jesu akaona “munhu akanga ari bofu kubvira pakuberekwa” akamuporesa. Murume wacho aimbova bofu paakazobvunzwa nezveakanga amuporesa, akapindura kuti: “Kubvira kare hazvina kumbonzwika kuti munhu akasvinudza maziso omunhu akaberekwa ari bofu. Kudai munhu uyu aisabva kuna Mwari, hapana chinhu chaaimbogona kuita.” (Joh. 9:1, 6, 7, 32, 33) Jesu akakwanisa kuita zvose izvi nokuti akanga apiwa simba racho naMwari. Kwose kwaaienda, Jesu “akaporesa vaya vaida kurapwa.”—Ruka 9:11.

7 Jesu aisangokwanisa kuporesa vairwara nevaiva vakaremara chete, asi aikwanisawo kumutsa vakafa. Somuenzaniso, kamwe kasikana kaiva nemakore 12 kakanga kafa, izvo zvakashungurudza vabereki vako zvikuru. Asi Jesu akati: “Musikana, ndinoti kwauri, Muka!” Uye akamuka! Ungafungidzira here kuti vabereki vacho nevamwe vaivapo vakanzwa sei? (Verenga Mako 5:38-42.) Munyika itsva yaMwari, vanhu vachange “vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo” pachamutswa mabhiriyoni evanhu, nokuti “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mab. 24:15; Joh. 5:28, 29) Ava vachapiwa upenyu hutsva netariro yokuramba vachirarama kubvira panguva iyoyo, kunyange nokusingaperi.

8, 9. (a) Mukutonga kwaKristu kwemakore ane chiuru, chii chichaitika kuchivi chakagarwa nhaka kuna Adhamu? (b) Vakafa vachatongerwa mabasa api?

8 Vanhu vanenge vamutswa vachapiwa mukana wokuwana upenyu husingaperi. Havazotongerwi zvivi zvavakaita vasati vafa. (VaR. 6:7) Mukutonga kwaKristu kwemakore ane chiuru, vanhu vanoteerera vachange vachitongwa noUmambo vachashandisirwa chibayiro chorudzikinuro kuti vave vakakwana, vozopedzisira vasununguka pazvose zvinokonzerwa nechivi chaAdhamu. (VaR. 8:21) Jehovha “chokwadi achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.” (Isa. 25:8) Shoko raMwari rinotiwo ‘mipumburu ichavhurwa,’ kuratidza kuti vaya vachange vari vapenyu panguva iyoyo vachadzidziswa zvinhu zvitsva. (Zvak. 20:12) Pasi parinenge richichinjwa kuitwa paradhiso, “vagari vomunyika inobereka vachadzidza kururama.”—Isa. 26:9.

9 Vanomutswa havazotongerwi zvivi zvavakagara nhaka kuna Adhamu, asi zvavanosarudza kuita ivo pachavo. Zvakazarurwa 20:12 inoti: “Vakafa vakatongwa nezvinhu zviya zvakanga zvakanyorwa mumipumburu maererano nemabasa avo,” kureva zvavanozoita vamutswa. Uyu muenzaniso wakaisvonaka wokururamisira, mutsa uye rudo zvaJehovha! Uyezve, zvinhu zvaivarwadza pavakamborarama munyika ino yekare “hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.” (Isa. 65:17) Havazoshungurudzwi nezvinhu zvakaipa zvomunguva yakapfuura, sezvo vanenge vadzidza zvinhu zvitsva zvinovaka uye vava noupenyu hwakazara nezvinhu zvakanaka. Vachakanganwa zvakaitika kare izvozvo. (Zvak. 21:4) Izvi ndizvo zvichaitikawo ku“boka guru,” richapukunyuka Amagedhoni.—Zvak. 7:9, 10, 14.

10. (a) Upenyu munyika itsva yaMwari huchange hwakaita sei? (b) Ungaitei kuti maziso ako arambe ari pamubayiro?

10 Munyika itsva yaMwari, vanhu vachakwanisa kurarama vasingacharwarizve kana kufa. “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isa. 33:24) Pakupedzisira, vachange vava kugara munyika itsva iyoyo vachamuka mangwanani oga oga vaine utano hwakakwana, vachitarisira rimwe zuva rakaisvonaka. Vachatarisira kuita basa rinogutsa, uye kuwadzana nevanhu vanovada nemwoyo wose. Upenyu hwakadaro chokwadi mubayiro wakaisvonaka! Wadii wavhura Bhaibheri rako uone uprofita huri pana Isaya 33:24 uye 35:5-7? Imbofungidzira uripo. Izvozvo zvichakubatsira kuti maziso ako arambe ari pamubayiro.

Kuvarairwa Tokanganwa Mubayiro

11. Rondedzera matangiro akanaka okutonga kwaSoromoni.

11 Kana tangodzidza nezvomubayiro, tinofanira kushanda nesimba kuti tirambe takautarira nokuti tingavarairwa toukanganwa. Somuenzaniso, Soromoni paakava mambo weIsraeri yekare, akanyengetera kuna Mwari achizvininipisa kuti apiwe kunzwisisa noungwaru kuitira kuti atonge vanhu vaMwari zvakarurama. (Verenga 1 Madzimambo 3:6-12.) Somugumisiro, Bhaibheri rinoti, “Mwari akaramba achipa Soromoni uchenjeri nokunzwisisa uye mwoyo unonzwisisa zvakanga zvakawanda kwazvo.” Kutaura zvazviri, “uchenjeri hwaSoromoni hwakanga huchipfuura kwazvo uchenjeri hweVokumabvazuva vose uye huchipfuura uchenjeri hwose hweIjipiti.”—1 Madz. 4:29-32.

12. Jehovha akanyeverei kune vaya vaizova madzimambo muIsraeri?

12 Zvisinei, Jehovha akanga ambonyevera kuti munhu wose anova mambo “haafaniri kuzviwanzira mabhiza” uye kuti “haafaniri kuzviwanzirawo madzimai, kuti mwoyo wake urege kutsauka.” (Dheut. 17:14-17) Kuwanza mabhiza kwaizoratidza kuti mambo akanga ava kuvimba kuti mauto ndiwo aizodzivirira nyika pane kuvimba naJehovha, Mudziviriri. Uye kuwanza madzimai kwaizova nengozi nokuti vamwe vavo vangadaro vaibva mumarudzi echihedheni akanga akamupoteredza ainamata vanamwari venhema, uye madzimai iwayo aigona kutsausa mambo pakunamata Jehovha kwechokwadi.

13. Soromoni akakanganwa sei zvaakanga apiwa?

13 Soromoni haana kuteerera nyevero idzi. Asi akaita zvacho zvakanga zvarambidzwa madzimambo naJehovha. Akaunganidza zviuru zvemabhiza nevatasvi vawo. (1 Madz. 4:26) Akavawo nemadzimai 700 nevarongo 300, vakawanda vacho vaibva mumarudzi echihedheni akanga akamupoteredza. Madzimai aya akatsausa “mwoyo wake kuti atevere vamwe vanamwari; uye mwoyo wake hauna kuva wakakwana kuna Jehovha.” Soromoni akabatanidzwa mukunamata kwenhema kwaisemesa kwaiitwa nemarudzi echihedheni kwaakadzidziswa nemadzimai ake okune dzimwe nyika. Izvi zvakaita kuti Jehovha ati ‘aizobvarura umambo’ achihubvisa kuna Soromoni.—1 Madz. 11:1-6, 11.

14. Kusateerera kwaSoromoni nokwerudzi rwaIsraeri kwakaguma nei?

14 Soromoni akakanganwa kuti aiva neropafadzo yaikosha zvikuru yokumiririra Mwari wechokwadi. Mambo uyu akanyura mukunamata kwenhema. Nokufamba kwenguva, rudzi rwose rwakasiya kunamata kwechokwadi, rwukaguma rwaparadzwa muna 607 B.C.E. Kunyange zvazvo vaJudha vakazopedzisira vava kunamatazve nenzira yechokwadi, kwapera mazana emakore Jesu akazivisa kuti: “Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.” Izvozvo ndizvo chaizvo zvakaitika. Jesu akazivisa kuti: “Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.” (Mat. 21:43; 23:37, 38) Nemhaka yokuti rudzi urwu rwakanga rusina kutendeka, rwakarasikirwa neropafadzo yokumiririra Mwari wechokwadi. Muna 70 C.E., mauto eRoma akaparadza Jerusarema netemberi, uye vaJudha vakawanda vakanga vasara vakava varanda.

15. Taura mienzaniso yevarume vakavarairwa vakakanganwa kuti zvaikosha zvechokwadi ndezvipi.

15 Judhasi Iskariyoti aiva mumwe wevaapostora 12 vaJesu. Judhasi akanzwa dzidziso dzakaisvonaka dzaJesu uye akaona zvishamiso zvaakaita achibatsirwa nomudzimu mutsvene waMwari. Asi Judhasi haana kurinda mwoyo wake. Ndiye aichengeteswa bhokisi remari naJesu nevaapostora 12. Asi “aiva mbavha uye aiva nebhokisi remari uye aigara achitora mari dzaiiswa mariri.” (Joh. 12:6) Aiva nemakaro zvokuti akazoronga nevapristi vakuru vaiva nounyengeri kuti atengese Jesu nezvidimbu 30 zvesirivha. (Mat. 26:14-16) Mumwe akavarairwa akabvisa maziso pamubayiro ndiDhemasi, aiparidza pamwe chete nomuapostora Pauro. Dhemasi haana kurinda mwoyo wake. Pauro akati: “Dhemasi akandisiya nokuti akada mamiriro ezvinhu epanguva ino.”—2 Tim. 4:10; verenga Zvirevo 4:23.

Zvatinodzidza Somunhu Mumwe Nomumwe

16, 17. (a) Uya anotishora ane simba rakadini? (b) Chii chingatibatsira kukurira chero chingashandiswa naSatani kutirwisa?

16 Vashumiri vaMwari vose vanofanira kufungisisa mienzaniso yakanyorwa muBhaibheri, nokuti tinoudzwa kuti: “Zvino zvinhu izvi zvakavawira semienzaniso, uye zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu tasvikirwa nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (1 VaK. 10:11) Iye zvino tiri kurarama mumazuva okupedzisira enyika ino yakaipa.—2 Tim. 3:1, 13.

17 Satani Dhiyabhorosi, “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,” anoziva kuti “ane nguva pfupi” yasara. (2 VaK. 4:4; Zvak. 12:12) Achaita zvose zvaanogona kuti anyengere vashumiri vaJehovha kuti vasave vaKristu vakatendeka. Satani ndiye ari kudzora nyika ino, kusanganisira zvainoshandisa pakuparadzira mashoko. Zvisinei, Jehovha anopa vanhu vake “simba rinopfuura renguva dzose,” rinoita kuti vamukunde. (2 VaK. 4:7) Tinogona kuvimba nesimba iri rinobva kuna Mwari kuti richatibatsira kutsungirira chero chingashandiswa naSatani kutirwisa. Saka tinokurudzirwa kugara tichinyengetera, tiine chivimbo chokuti Jehovha ‘achapa vaya vanomukumbira mudzimu mutsvene.’—Ruka 11:13.

18. Tinofanira kuona sei nyika ino?

18 Tinokurudzirwawo nokuziva kuti Satani nenyika yake yose vachaparadzwa munguva pfupi iri kuuya asi vaKristu vechokwadi vachapukunyuka. “Nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Joh. 2:17) Tichifunga nezveizvi, hungava upenzi chaihwo kuti mumwe wevashumiri vaMwari afunge kuti pane chinhu chiri munyika ino chingakosha kupfuura ukama hwake naJehovha! Nyika ino iri kudzorwa naSatani yakaita sengarava yava kuda kunyura. Jehovha akapa vashumiri vake vakatendeka ungano yechiKristu kuti iite ‘sekaigwa’ kanovanunura. Sezvavanonanga kunyika itsva, vanogona kuvimba nechipikirwa ichi, chokuti: “Vanoita zvakaipa vachaparadzwa, asi vaya vanotarisira kuna Jehovha ndivo vachagara nhaka yenyika.” (Pis. 37:9) Naizvozvo, maziso ako ngaarambe ari pamubayiro uyu wakaisvonaka!

Unoyeuka Here?

• Pauro ainzwa sei nezvomubayiro waakavimbiswa?

• Vaya vachararama nokusingaperi pasi pano vachatongerwa mabasa api?

• Iye zvino zvii zvaungaita zvinoratidza kuchenjera?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 12, 13]

Paunoverenga nhoroondo dzeBhaibheri unombofungidzira uchiwana mubayiro here?