Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Svinurira”

“Svinurira”

“Svinurira”

“Kuguma kwezvinhu zvose kwaswedera pedyo. . . . Svinurira kunyengetera.”—1 PET. 4:7.

1. Chii chaiva musimboti wezvaidzidziswa naJesu?

UMAMBO hwaMwari ndiwo waiva musimboti wezvaidzidziswa naJesu Kristu paaiva pasi pano. Jehovha achashandisa Umambo ihwohwo kureverera uchangamire hwake uye kutsvenesa zita rake. Ndokusaka Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengetere kuna Mwari vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mat. 4:17; 6:9, 10) Hurumende iyoyo yoUmambo yava kubva yogumisa nyika yaSatani yobva yaona kuti kuda kwaMwari kuri kuitwa here munyika yose. Sezvakafanoziviswa naDhanieri, Umambo hwaMwari “huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu [huripo iye zvino], uye ihwo huchamira nokusingagumi.”—Dhan. 2:44.

2. (a) Vateveri vaKristu vaizoziva sei kuti Jesu akanga ava kutonga saMambo? (b) Chiratidzo ichi chaizorevei zvekare?

2 Kuuya kwoUmambo hwaMwari zvakwaikosha chaizvo kuvateveri vaJesu, vakamubvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” (Mat. 24:3) Paizofanira kuva nechiratidzo chinooneka sezvo kuvapo kwaKristu musimba roUmambo kwaisazooneka nevaya vari pasi pano. Chiratidzo chacho chaizoumbwa nezvinhu zvakasiyana-siyana zvakafanotaurwa muMagwaro. Naizvozvo, vateveri vaJesu vaizenge vari vapenyu panguva yacho vaigona kuziva kuti akanga atanga kutonga kudenga. Chiratidzo ichi chaizorevawo kutanga kwenguva inonzi muBhaibheri “mazuva okupedzisira” enyika ino, anova ndiwo atiri maari.—2 Tim. 3:1-5, 13; Mat. 24:7-14.

Svinurira Mazuva Okupedzisira

3. Nei zvakanzi vaKristu vaizofanira kusvinurira?

3 Muapostora Petro akanyora kuti: “Kuguma kwezvinhu zvose kwaswedera pedyo. Ivai nepfungwa dzakanaka, uye ivai vakasvinurira kunyengetera.” (1 Pet. 4:7) Vateveri vaJesu vaizofanira kusvinurira, vongwarira zviitiko zvenyika zvaizoratidza kuti ava kutonga saMambo. Kusvinurira kwacho kwaizofanira kuwedzera mugumo wenyika ino yakaipa pawainge wava kusvika. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Rambai makarinda, nokuti hamuzivi pachauya tenzi wemba, [kuzotonga nyika yaSatani].”—Mako 13:35, 36.

4. Taura kusiyana kwakaita maonero evanhu vari munyika yaSatani neevashumiri vaJehovha. (Taurawo zviri mubhokisi.)

4 Vanhu vakawanda vari kutongwa naSatani, uye havasi kurinda vachitarira kuti zviitiko zvenyika zvinorevei. Havazivi kuti Kristu ava kutonga saMambo. Asi vateveri vaKristu vechokwadi vakasvinurira uye vanoziva zvinonyatsorehwa nezvanga zvichiitika muzana remakore rakapfuura. Kubvira muna 1925, Zvapupu zvaJehovha zvanga zvichiziva kuti Hondo Yenyika I nezvakazoitika mushure mayo uchapupu hwakasimba hwokuti Kristu akatanga kutonga saMambo kudenga muna 1914. Saka mazuva okupedzisira enyika ino yakaipa inotongwa naSatani akanga atanga. Vanhu vakawanda vanocherechedza, kunyange zvazvo vasingazivi zvazvinoreva, vanoziva kusiyana kwakaita nguva yakanga isati yatanga Hondo Yenyika I uye nguva yayakazotanga kusvika iye zvino.—Ona bhokisi rinoti “Nguva Yokusagadzikana Yakatanga.”

5. Nei zvichikosha kuti tirambe takasvinurira?

5 Kwemakore angada kusvika zana, zviitiko zvinotyisa zvanga zvichiitika munyika yose zvinoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira. Kwasara nguva shomanana chete kuti Jehovha audze Kristu kuti atungamirire mauto ake engirozi ane simba pakurwisa nyika yaSatani. (Zvak. 19:11-21) VaKristu vechokwadi vanoudzwa kuti varambe vakarinda. Saka tinofanira kunyanya kurinda iye zvino patiri kutarisira kuguma kwenyika ino. (Mat. 24:42) Tinofanira kugara takarinda uye pane basa ratiri kufanira kuita munyika yose tichitungamirirwa naKristu.

Basa Rinofanira Kuitwa Munyika Yose

6, 7. Basa rokuparidza Umambo rafambira mberi sei mumazuva ano okupedzisira?

6 Basa rinofanira kuitwa nevashumiri vaJehovha rakafanotaurwa kuti chimwe chezvinhu zvinoumba chiratidzo chokuti tiri mumazuva okupedzisira enyika ino yakaipa. Jesu akarondedzera basa iri raizoitwa munyika yose paakataura zvinhu zvakasiyana-siyana zvaizoitika munguva yomugumo. Paakataura uprofita hwake, akataurawo mashoko anokosha okuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”—Mat. 24:14.

7 Funga nezvezvimwe zvine chokuita nouprofita uhwu hwakataurwa naJesu. Pakatanga mazuva okupedzisira muna 1914, vanhu vaiparidza mashoko akanaka vaiva vashomanana zvikuru. Iye zvino vawanda chaizvo. Kwava neZvapupu zvaJehovha zvinopfuura 7 000 000 zvinoparidza munyika yose, zviri muungano dzinopfuura 100 000. Vamwe vanhu 10 000- 000 vakaungana neZvapupu zvaJehovha muna 2008 paChirangaridzo chorufu rwaKristu. Vanhu ava vakawedzera nekure kupfuura vegore rainge rapfuura.

8. Nei kushorwa kusingatadzisi basa redu rokuparidza kuti ribudirire?

8 Chokwadi Umambo hwaMwari huri kunyatsoparidzirwa kumarudzi ose mugumo wenyika ino usati wauya! Izvi zviri kuitwa pasinei nokuti Satani ndiye “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (2 VaK. 4:4) Ndiye ari kutungamirira zvose zvematongerwo enyika, zvitendero uye zvokutengeserana zvenyika ino pamwe nezvainoshandisa pakuparadzira mashoko. Saka chii chinoita kuti basa rokuparidza ribudirire zvinoshamisa kudai? Rinotsigirwa naJehovha. Basa rokuparidza Umambo rinofambira mberi zvinoshamisa pasinei nezviri kuedza kuitwa naSatani kuti arimise.

9. Nei kubudirira kwatinoita pakunamata kunganzi chishamiso?

9 Kubudirira kwebasa rokuparidza nokuwedzera kuri kuita vanhu vaJehovha kungarondedzerwa sechishamiso. Dai pasina rutsigiro rwaMwari, runosanganisira kutungamirira uye kudzivirira kwaanoita vanhu vake, basa rokuparidza ringadai risiri kuitwa. (Verenga Mateu 19:26.) Tinogona kuva nechokwadi kuti sezvo mudzimu mutsvene waMwari uchishanda pamwoyo yevanhu vakasvinurira vane chido chokumushumira, basa iri rokuparidza richaitwa kusvikira pakupedzisira, “uye zvadaro kuguma kuchasvika.” Nguva iyoyo yava pedyo zvikuru.

“Kutambudzika Kukuru”

10. Jesu akarondedzera sei kutambudzika kukuru kuri kuuya?

10 Mugumo wenyika ino yakaipa uchaitika panguva inonzi “kutambudzika kukuru.” (Zvak. 7:14) Bhaibheri haritauri kuti ichange iri nguva yakareba sei, asi Jesu akati: “Panguva iyoyo pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” (Mat. 24:21) Patinofunga nezvokutambudzika kwatoita nyika ino, kwakadai seHondo Yenyika II, panofungidzirwa kuti pakafa vanhu mamiriyoni 50 kusvika ku60, kutambudzika kukuru kuri kuuya kunofanira kunge kwakatonyanya kuipa. Kuchapera pahondo yeAmagedhoni. Jehovha ndipo paachaunza mauto ake kuti aparadze zvose zvine chokuita nenyika yaSatani.—Zvak. 16:14, 16.

11, 12. Chii chicharatidza kuti kutambudzika kukuru kwatanga?

11 Uprofita hweBhaibheri hahutauri musi chaiwo uchatanga kutambudzika kukuru, kunyange zvazvo huchitaura chiitiko chicharatidza kuti kwatanga. Chiitiko ichocho kuparadzwa kwezvitendero zvose zvenhema nemasimba ezvematongerwo enyika. Muuprofita hweBhaibheri huri muzvitsauko 17 ne18 zvaZvakazarurwa, chitendero chenhema chinofananidzwa nehure rakaita unzenza nevezvematongerwo enyika vepasi pano. Zvakazarurwa 17:16 inoratidza kuti munguva pfupi iri kuuya vezvematongerwo enyika ‘vachavenga hure uye vachariparadza nokuripfekenura, uye vachadya nhengo dzaro dzine nyama uye vachariroromesa nomoto.’

12 Pachasvika nguva yokuti izvozvo zviitike, Mwari ‘achaisa izvi mumwoyo mavo [vatongi venyika] kuti vaite kufunga kwake,’ vaparadze zvitendero zvenhema zvose. (Zvak. 17:17) Saka zvinogona kunzi kuparadzwa uku kunobva kuna Mwari. Ndiwo mutongo waachapa chitendero chinonyengera chava nenguva yakareba chichidzidzisa zvinopesana nezvinodiwa naMwari uye chakatambudza vashumiri vake. Vakawanda vari munyika havasi kutarisira kuparadzwa kwechitendero chenhema kuri kuuya. Asi vashumiri vaJehovha vakatendeka vari kuzvitarisira. Uye mumazuva ano okupedzisira, vanga vachiudza vanhu nezvazvo.

13. Chii chinoratidza kuti chitendero chenhema chichakurumidza kuguma?

13 Vanhu vachashamiswa zvikuru kuona chitendero chenhema chichiparadzwa. Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti kunyange “madzimambo epanyika” achazivisa nezvokuparadzwa ikoko, achiti: “Maiwe, maiwe, . . . nokuti raparadzwa muawa imwe chete!” (Zvak. 18:9, 10, 16, 19) Kushandiswa kunoitwa mashoko okuti “muawa imwe chete” neBhaibheri kunoratidza kuti izvi zvichakurumidza kuitika.

14. Vavengi vaJehovha pavachazorwisa vashumiri vake, Mwari achaitei?

14 Tinonzwisisa kuti pashure pokunge chitendero chenhema chaparadzwa, vanhu vaJehovha, vanga vachizivisa nezvemutongo wake, vacharwiswa. (Ezek. 38:14-16) Pavanotanga kurwiswa, vanhu vanenge vachivarwisa vachafanira kunangana naJehovha, uyo anovimbisa kuti achadzivirira vanhu vake vakatendeka. Jehovha anozivisa kuti: “Ndichataura ndiine godo, ndiri mumoto wokushatirwa kwangu kukuru. . . . Uye vachaziva kuti ndini Jehovha.” (Verenga Ezekieri 38:18-23.) Mwari anozivisa muShoko rake kuti: “Anokugunzvai [vashumiri vake vakatendeka] anogunzva mboni yeziso rangu.” (Zek. 2:8) Saka vavengi vake pavachatanga kurwisa vashumiri vake vari munyika yose, Jehovha achapindira. Achatanga kuvarwisa kusvikira panoperera kutambudzika kukuru paAmagedhoni. Kristu achatungamirira mauto engirozi ane simba kuparadza nyika yaSatani sezvinenge zvatongwa naJehovha.

Manzwiro Atinofanira Kuita

15. Kuziva kuti mugumo wenyika ino wava pedyo kunofanira kuita kuti tiite sei?

15 Kuziva kuti mugumo wenyika ino yakaipa wava kusvika kunofanira kuita kuti tiite sei? Muapostora Petro akanyora kuti: “Zvinhu zvose izvi zvazvichanyungudutswa kudaro, imi munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari!” (2 Pet. 3:11) Mashoko iwayo anoratidza kuti tinofanira kungwarira kuti tive nechokwadi chokuti mufambiro wedu unoenderana nezvinodiwa naMwari uye kuti upenyu hwedu hunosanganisira mabasa okuzvipira kuna Mwari, anoratidza kuti tinoda Jehovha. Mabasa akadaro anosanganisira kuita zvatinogona mubasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo mugumo usati wasvika. Petro akanyorawo kuti: “Kuguma kwezvinhu zvose kwaswedera pedyo. . . . Ivai vakasvinurira kunyengetera.” (1 Pet. 4:7) Tinoswedera pedyo naJehovha uye tinoratidza kuti tinomuda nokugara tichinyengetera kwaari, tichimukumbira kuti atitungamirire achishandisa mudzimu wake mutsvene nesangano rake romunyika yose.

16. Nei tichifanira kunyatsoomerera pazano raMwari?

16 Munguva dzino dzinonetsa, tinofanira kunyatsoomerera pazano reShoko raMwari, rokuti: “Rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera, muchizvitengera nguva yakakodzera, nokuti mazuva akaipa.” (VaEf. 5:15, 16) Iye zvino zvinhu zvakaipa zvazara kupfuura zvazvaiva zvakaita kare. Satani akaronga zvinhu zvakawanda zvinoita kuti vanhu vasaita zvinodiwa naJehovha kana kuti zvokungoti avatsause. Sevashumiri vaMwari, tinozviziva, uye hatidi kurega chero chinhu chipi zvacho chichikanganisa kuvimbika kwedu kuna Mwari. Tinozivawo zvichaitika munguva pfupi iri kuuya, uye tinovimba naJehovha nezvinangwa zvake.—Verenga 1 Johani 2:15-17.

17. Tsanangura kuti vachapona paAmagedhoni vachaita sei panomutswa vakafa.

17 Chipikirwa chaMwari chinoshamisa chaakaita kuti amutse vakafa chichazadzika, nokuti “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mab. 24:15) Cherechedza kuti chipikirwa ichocho hachina mubvunzo, nokuti chinoti: “Kuchava nokumuka”! Hapana mubvunzo kuti izvi zvichaitika, nokuti Jehovha ndiye akazvitaura! Isaya 26:19 inovimbisa kuti: “Vakafa venyu vachararama. . . . Mukai mushevedzere muchifara, imi vagari vari muguruva! . . . Nyika icharegawo vaya vasina simba vari murufu vachiberekwa.” Mashoko iwayo akatanga kuzadziswa pakadzorerwa vanhu vaMwari vekare kunyika yavo, izvo zvinotipa chivimbo chokuti achanyatsozadziswa munyika itsva. Vanhu vachafara zvokufara zviya sezvo vanenge vamutswa vachasanganazve nehama neshamwari! Chokwadi nyika yaSatani yasvika kwamvura yacheka makumbo, uye nyika itsva yaMwari yadongorera. Apa ndipo pazvinokosha kuti tirambe takasvinura!

Unoyeuka Here?

• Chii chaiva musimboti wezvaidzidziswa naJesu?

• Basa rokuparidza Umambo rapararira zvakadini iye zvino?

• Nei zvichikosha kuti tirambe takasvinura?

• Chii chinokukurudzira pane zvakavimbiswa pana Mabasa 24:15?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 16, 17]

NGUVA YOKUSAGADZIKANA YAKATANGA

Muna 2007 Alan Greenspan akanyora bhuku rinonzi The Age of Turbulence: Adventures in a New World. Kwemakore anenge 20, aive sachigaro weUnited States Federal Reserve Board, dare rinotarisira mashandiro ebhengi guru renyika iyoyo. Greenspan anonyanya kutaura nezvomusiyano unoshamisa wezvakanga zvakaita nyika gore ra1914 risati rasvika nezvayakazova achiti:

“Kana tichiongorora nyaya dzose dzezvaiitika gore ra1914 risati rasvika, zvinoratidza kuti panguva iyoyo nyika yakanga ichifambira mberi pakugarisana murunyararo uye pakugadzira zvinhu zvokuti zvaiita sokuti vanhu vaizopedzisira vasvika pakukwana. Muzana remakore rechi19 vanhu vakanga vakanda pasi nyaya yokutengesa nhapwa. Nyaya yokurwisana kusina musoro yaiita seyadzikira. . . . Muzana remakore rechi19 rose kugadzirwa kwezvinhu kwakanga kwafambira mberi pasi pose, zvokuti pakava nenjanji, nhare, magetsi, mabhaisikopo, motokari, nemidziyo yemumba yatisingagoni kuverenga tikapedza. Unyanzvi hwokurapa, kuvandudzwa kwezvokudya, uye kuwanda kwemvura yakachena zvakaita kuti vanhu vararame kwemakore akawanda . . . Kwose kwose vanhu vaingofunga kuti izvi hazvichadzokeri shure.”

Asi . . “Hondo Yenyika I yakanyonganisa kugarisana kwevanhu murunyararo uye kufambira mberi kwezvigadzirwa kupfuura Hondo Yenyika II, iyo yakatoparadza zvinhu nokuuraya vanhu vakawanda, zvokuti yokutanga yakabva yadzima pfungwa dzaiva nevanhu. Handikanganwi zvakanga zvakaita zvinhu Hondo Yenyika I isati yatanga, apo remangwana revanhu raiita serisina dambudziko kana mugumo. Nhasi zviri kuoneka zvakasiyana nokure nezvakanga zvakaita zvinhu muzana remakore rapfuura, asi zviri kuitika iye zvino ndicho chokwadi chaicho. Kurwisana, ugandanga, kukanganisika kwemamiriro okunze, uye kungonyuka kwamasangano anoda kumiririra kodzero dzevanhu zvichachinja kufambira mberi kuri kuita zvinhu mazuva ano sezvakaita Hondo Yenyika I panyika yaimbovapo here? Hapana anogona kupindura mubvunzo iwoyo nechivimbo.”

Greenspan anoyeuka kuti paakanga achiri kuyunivhesiti mumwe muzvinafundo weEconomics anonzi Benjamin M. Anderson (1886-1949) akamboti: “Vaya vakanga vakura uye vava kuziva Hondo Yenyika I isati yatanga vanoyeuka zvainakidza nezvenguva iyoyo. Mazuva iwayo paive nepfungwa yokusatya iyo isina kuzombovapozve.”—Economics and the Public Welfare.

Pfungwa iyoyo inotaurwawo mubhuku rinonzi A World Undone, rakanyorwa naG. J. Meyer, rikabudiswa muna 2006. Mune mashoko anoti: “Zvinhu zvinoitika munhoroondo yevanhu zvinowanzonzi ‘zvinochinja zvinhu zvose.’ Chokwadi izvi ndizvo zvakaitwa neHondo Huru [1914-1918]. Zvechokwadi hondo iyoyo yakachinja zvinhu zvose: kwete miganhu yenyika chete, kwete hurumende kana kuti zvakazoguma zvaita dzimwe nyika, asi kunyange maonero akatanga kuita vanhu nyika uye ivo pachavo kubva panguva iyoyo. Zvakaita sokuti pakava nemukaha unoparadzanisa nguva yakazovapo hondo yapera neyaivapo isati yatanga.”

[Mufananidzo uri papeji 18]

PaAmagedhoni, Jehovha achatuma mauto engirozi dzine simba kuti arwise