Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Akakodzera Kurumbidzwa Nesu Tose

Jehovha Akakodzera Kurumbidzwa Nesu Tose

Jehovha Akakodzera Kurumbidzwa Nesu Tose

“Rumbidzai Jah!”—PIS. 111:1.

1, 2. Shoko rokuti “Hareruya” rinorevei, uye rinoshandiswa sei muMagwaro echiKristu echiGiriki?

“HARERUYA!” Iri ishoko rinowanzonzwika mumachechi echiKristudhomu. Vamwe vanoti vakati taure taure, vobva vati Hareruya. Zvisinei vashomanana vanoziva hutsvene hwezvarinoreva, uye mararamiro evakawanda vanorishandisa haakudzi Mwari. (Tito 1:16) Rimwe duramashoko reBhaibheri rinotsanangura kuti, “Hareruya ishoko rakashandiswa nevanyori vakawanda vemapisarema vachikumbira vanhu vose kuti vabatane navo pakurumbidza Jehovha.” Nyanzvi dzakati kuti dzeBhaibheri dzinoti “Hareruya” zvinoreva kuti “‘Rumbidzai Jah,’ [kureva kuti] Jehovha.”

2 Ndokusaka Shanduro yeNyika Itsva ichishandura mashoko ari pana Pisarema 111:1 kuti, “Rumbidzai Jah!” Mashoko iwayo akashandurirwa muchiGiriki anowanika kana pana Zvakazarurwa 19:1-6 ari okupemberera kuparadzwa kwechitendero chenhema. Kana izvozvo zvaitika, vanamati vechokwadi vachange vava nechikonzero chinokosha chokushandisa “Hareruya” nenzira yokuremekedza.

Mabasa Ake Makuru

3. Chinangwa chedu chokugara tichiungana ndechei?

3 Munyori wePisarema 111 anotaura zvikonzero zvakawanda nei zvakakodzera kuti tose tirumbidze Jehovha. Ndima 1 inoti: “Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose ndiri muboka revakarurama vanoshamwaridzana uye muungano.” Ndiwo manzwiro anoitawo Zvapupu zvaJehovha nhasi uno. Chinangwa chedu chikuru chokugara tichiungana, kuungano kwedu uye kumagungano makuru ndechokurumbidza Jehovha.

4. Vanhu vangatsvaka sei mabasa aJehovha?

4 “Mabasa aJehovha makuru, anotsvakwa navose vaya vanoafarira.” (Pis. 111:2) Cherechedza shoko rokuti “anotsvakwa.” Rimwe bhuku rinotsanangura mashoko rinoti ndima iyi inogona kureva vanhu vanoita kuti mabasa aMwari ave “chinhu chavanofungisisa uye chavanodzidza nezvacho.” Zvisikwa zvaJehovha zvose zvinoratidza chinangwa chinoshamisa. Akaisa zuva, nyika, uye mwedzi panzvimbo yazvo, kuitira kuti nyika ikwanise kudziya, kuwana chiedza, kuva neusiku nemasikati, nemwaka nemafungu egungwa.

5. Vanhu vakawanei pavaiedza kunzwisisa zvinhu zviriko?

5 Vasayendisiti vava kuziva zvakawanda nezvepane nyika yedu uye kuti mwedzi wedu wakakura zvakakwana, unorema zvakakwana uye unotenderera nyika nenzira inoibatsira. Marongerwo akaitwa zvinhu izvi zviri kudenga uye kushanda kwazvinoita pamwe chete ndiko kunoita kuti mwaka ikwanise kuchinja painofanira kuchinja. Uyewo pane zvakawanda zvava kuzivikanwa nezvekurongeka kwakaita zvinhu zvose zviriko. Saka mumwe purofesa wezvesayenzi akanyora munyaya yaiva nomusoro waiti, “Zvinhu Zvose Zviriko Zvakarongwa ‘Nemazvo’” achiti: “Zviri nyore zvikuru kunzwisisa kuti nei vasayendisiti vakawanda vakachinja mafungiro avo mumakore 30 akapfuura, vachibvumirana kuti zvakaoma kuti munhu abvume kuti nyika yakangoerekana yavapo. Pane zvikonzero zvakawanda zvokutodavira kuti nyika yedu yatinogara yakagadzirwa nomunhu akangwara ane unyanzvi.”

6. Unonzwa sei nezvemasikirwo akaitwa munhu naMwari?

6 Rimwe basa guru rakaitwa naMwari masikiro aakatiita. (Pis. 139:14) Paakasika vanhu, akavapa pfungwa, muviri une nhengo dzakakwana dzinodiwa, mano uye kukwanisa kuita basa. Somuenzaniso, mano atakapiwa naMwari okutaura, kunzwa, uyewo kunyora nokuverenga ndechimwe chishamiso. Vanhu vakawanda vanokwanisa kuita zvinhu izvozvo. Kukwanisa kwaunoita kumira nemakumbo maviri ndechimwe chishamiso chaicho. Chokwadi magadzirirwo akaitwa muviri wako nemashandiro aunoita zvinopedza mate mukanwa. Kuwedzera pane izvozvo, hapana wesayenzi ati ambokwanisa kugadzira chinhu chinoita zvakafanana nezvinoitwa nomuviri wako zvinoita kuti nhengo dzawo dzishande neuropi uye dzikwanise kunhuwidza, kubata, kunzwa kana kuona. Kutaura zvazviri, zvose zvakakwanisa kuitwa nevanhu vakazvigona nemhaka yepfungwa dzavakapiwa. Kunyange injiniya wemandorokwati zvakadini aisazombofa akakwanisa kugadzira zvinhu zvakanaka uye zvinoshanda zvinoshamisa zvakadai seminwe yako nezvigunwe zviri mumaoko ako. Zvibvunze kuti, ‘Tingadai tichiita mabasa okudhirowa nokuvaka here dai tisingashandisi nounyanzvi minwe yatakapiwa naMwari?’

Mabasa Makuru aMwari Uye Zvaari Mwari Wacho

7. Nei tichifanira kuona Bhaibheri serimwe remabasa makuru aMwari?

7 Mabasa makuru aJehovha anosanganisira zvimwe zvinhu zvakaisvonaka zvaakaitira vanhu, zvinorondedzerwa muBhaibheri. Bhuku iri rounyanzvi rinotaura zvinopindirana. Kusiyana nemamwe mabhuku ose, chokwadi ‘rakafuridzirwa naMwari uye rinobatsira pakudzidzisa.’ (2 Tim. 3:16) Somuenzaniso, bhuku rokutanga reBhaibheri, Genesisi, rinotsanangura kuti Mwari akachenesa sei nyika yakaipa yemazuva aNoa. Rechipiri, Eksodho, rinotaura kuti Jehovha akaratidza sei kuti ndiye Mwari paakanunura vaIsraeri pauranda muIjipiti. Munyori wepisarema angangodaro aifunga nezvezviitiko izvi paakafuridzirwa kutaura kuti: “Basa rake [Jehovha] ndiko kukudzwa nokubwinya, kururama kwake kunogara nokusingaperi. Akaita chiyeuchidzo nokuda kwemabasa ake anoshamisa. Jehovha ane nyasha nengoni.” (Pis. 111:3, 4) Haubvumi here kuti mabasa anga achiitwa naJehovha kubvira kare, kusanganisira zvaakakuitira iwe pakurarama kwako, anokuyeuchidza “kukudzwa nokubwinya” kwake?

8, 9. (a) Mabasa aMwari akasiyana sei nemabasa evanhu akawanda? (b) Ndezvipi zvimwe zvaunoyemura pane zvakaita Mwari?

8 Cherechedza kuti munyori wepisarema anotaura kuti Jehovha akarurama, ane nyasha, uye ngoni. Unoziva kuti vanhu vane chivi havawanzoiti zvinhu zvakarurama. Kazhinji vanoita zvemakaro, shanje, uye kuzvitutumadza. Izvozvo zvinoonekwa pazvombo zvoutsinye zvinogadzirwa nevanhu vachiitira hondo dzavanodenha uye vachiitira kuti vawane mari. Izvi zvinokonzera nhamo isingatauriki kumamiriyoni evanhu vasina mhosva. Uyewo, zvakawanda zvakagonekwa nevanhu vakazviita vachidzvinyirira varombo. Muenzaniso ungataurwa nevakawanda ndewokushandiswa kwaiitwa varanda kuti vavake mapiramidhi. Mapiramidhi aya ainyanya kushandiswa semakuva avanaFarao vaidada. Uyezve, mabasa akawanda pane anoitwa mazuva ano anodzvinyirira uyewo ari ku“paradza nyika.”—Verenga Zvakazarurwa 11:18.

9 Mabasa aya akasiyana chaizvo neaJehovha nokuti iye agara achiita zvakarurama. Mabasa ake anosanganisira urongwa hwake hwengoni hwokuponesa vanhu vane chivi. Paakapa rudzikinuro, Mwari ‘akanga achiratidza kururama kwake.’ (VaR. 3:25, 26) Chokwadi, “kururama kwake kunogara nokusingaperi”! Mwari akaratidza nyasha paakaitira mwoyo murefu vanhu vane chivi. Dzimwe nguva aitoshandisa shoko rokuti “ndapota” paaivateterera kuti vasiye nzira dzavo dzakaipa vaite zvakanaka.—Verenga Ezekieri 18:25.

Anoita Zvaanenge Avimbisa

10. Jehovha akaratidza sei kuti anoita zvaanenge avimbisa panyaya yesungano yake naAbrahamu?

10 “Akapa vaya vanomutya zvokudya. Achayeuka sungano yake nokusingagumi.” (Pis. 111:5) Zvinoita sokuti pano munyori wepisarema aireva sungano yaAbrahamu. Jehovha akavimbisa kuti aizokomborera vana vaAbrahamu uye akati vaizoita kuti gedhi revavengi vavo rive ravo. (Gen. 22:17, 18; Pis. 105:8, 9) Pakatanga kuzadzika vimbiso idzi, vana vaAbrahamu vakava rudzi rwaIsraeri. Rudzi irworwo rwakanga rwava nenguva rwuri muuranda muIjipiti, asi “Mwari akayeuka sungano yake naAbrahamu” akavanunura. (Eks. 2:24) Zvavakazoitirwa naJehovha zvinoratidza kuti ane rupo sei. Akavapa zvokudya kuti miviri yavo ive noutano uye akavaudza zvavaifanira kuita kuti mwoyo yavo nepfungwa zviite zvaanoda. (Dheut. 6:1-3; 8:4; Neh. 9:21) Mumazana emakore akazotevera, rudzi rwacho rwaiwanzosiya Mwari, kunyange zvazvo aivatumira vaprofita kuti vavakurudzire kudzoka kwaari. Kwapera makore 1 500 kubva paakanunura vaIsraeri muIjipiti, Mwari akatumira panyika Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga. Ruzhinji rwevaJudha rwakaramba Jesu uye rwakabvuma kuti aurayiwe. Jehovha akazotanga rudzi rutsva, rwokufananidzira, “Israeri waMwari.” Rudzi irworwo pamwe chete naKristu ndirwo runoumba mwana waAbrahamu wokufananidzira, akafanotaurwa naJehovha kuti aizokomborera vanhu.—VaG. 3:16, 29; 6:16.

11. Jehovha anoramba ‘achiyeuka sungano yake’ naAbrahamu sei?

11 Jehovha anoramba ‘achiyeuka sungano yake’ nezvikomborero zvaakavimbisa achiishandisa. Iye zvino, ari kutipa zvokudya zvokunamata zvakawanda mumitauro inopfuura 400. Uyewo anoramba achiteerera minyengetero yezvatinoda, zvinoenderana nemashoko okuti: “Tipeiwo zvokudya zvedu zvanhasi maererano nezvinodiwa zvezuva racho.”—Ruka 11:3; Pis. 72:16, 17; Isa. 25:6-8.

Simba raJehovha Rinoshamisa

12. VaIsraeri vekare vakapiwa sei “nhaka yemamwe marudzi”?

12 “Akaudza vanhu vake simba remabasa ake, paakavapa nhaka yemamwe marudzi.” (Pis. 111:6) Munyori wepisarema angadaro aifunga nezvechiitiko chakasiyana nezvimwe munhoroondo yevaIsraeri, chokununurwa kunoshamisa kwavakaitwa muIjipiti. Jehovha paakazoita kuti vaIsraeri vapinde muNyika Yakapikirwa, vakakwanisa kukunda umambo hwaiva kumabvazuva uye kumadokero kwoRwizi rwaJodhani. (Verenga Nehemiya 9:22-25.) Chokwadi, Jehovha akapa vaIsraeri “nhaka yemamwe marudzi.” Izvi zvakaratidza simba raMwari.

13, 14. (a) Munyori wepisarema angadaro aifunga nezvokuratidzwa kwesimba raMwari kupi kune chokuita neBhabhironi? (b) Ndeapi mamwe mabasa okununura akaitwa naJehovha?

13 Zvisinei, tose tinoziva kuti pasinei nezvose zvakaitirwa vaIsraeri naJehovha, havana kumuremekedza kana kuremekedza madzitateguru avo Abrahamu, Isaka, naJakobho. Vakaramba vachipandukira Mwari kusvikira ashandisa Bhabhironi kuti rivabvise munyika yavo, vakanova nhapwa. (2 Mak. 36:15-17; Neh. 9:28-30) Kana kuri kuti munyori wePisarema 111 akararama vaIsraeri vadzoka kubva kuutapwa kuBhabhironi, sezvinotaurwa nedzimwe nyanzvi dzeBhaibheri, aiva nechimwe chikonzero chokurumbidza Jehovha nokuti akavimbika uye ane simba. Mwari akaratidza kuvimbika nesimba paakanunura vaJudha kuBhabhironi, umambo hwaizivikanwa netsika yokusasunungura nhapwa.—Isa. 14:4, 17.

14 Kwapera mazana emakore anenge mashanu, Jehovha akashandisa simba rake nenzira yakatokura paakanunura vanhu vanopfidza kuti vasaramba vari varanda vechivi norufu. (VaR. 5:12) Izvi zvakapa vanhu 144 000 mukana wokuti vave vateveri vaKristu vakazodzwa nomudzimu. Muna 1919, Jehovha akashandisa simba rake kununura boka duku revasara ava vakazodzwa kubva muutapwa hwechitendero chenhema. Simba raMwari chete ndiro rakaita kuti vabudirire kuita zvavari kuita munguva ino yomugumo. Kana vakaramba vakatendeka kusvikira parufu, vachatonga nyika ino pamwe naJesu Kristu kudenga uye zvichabatsira vanhu vanenge vapfidza. (Zvak. 2:26, 27; 5:9, 10) Vachagara nhaka yenyika nenzira yakakura zvikuru kupfuura zvakaitwa nevaIsraeri vekare.—Mat. 5:5.

Mirau Isingaperi, Yakavimbika

15, 16. (a) Zvii zvinobatanidzwa pamabasa emaoko aMwari? (b) Mwari akapa vaIsraeri vekare mirayiro ipi?

15 “Mabasa emaoko ake ichokwadi nokururamisira; mirayiro yose yaanopa yakavimbika, inonyatsotsigirwa nokusingaperi, nokusingagumi, inoitwa muchokwadi nokururama.” (Pis. 111:7, 8) Mahwendefa maviri ematombo pakanyorwa mitemo gumi inokosha yakanyorerwa vaIsraeri nderimwe re“mabasa emaoko” aJehovha. (Eks. 31:18) Mitemo iyi pamwe chete nemimwe mirayiro yose yakazova musungano yoMutemo yaMosesi, inotorwa pamirau isingaperi, yakavimbika.

16 Somuenzaniso, mumwe wemirayiro kana kuti mitemo yaiva pamahwendefa iwayo waiti: “Ini Jehovha Mwari wako ndiri Mwari anoda kuzvipira kwakazara.” Unoenderera uchiti Jehovha “ane mutsa worudo kuzviuru zvezvizvarwa zvevaya vano[mu]da uye vanochengeta mirayiro ya[ke].” Mahwendefa ematombo aiva nemirayiro inoshanda pose yakadai sewokuti “kudza baba vako naamai vako” uye “usaba,” uyewo mutemo waida kunzwisisa kwakadzama wairambidza kuchochora.—Eks. 20:5, 6, 12, 15, 17.

Mununuri Wedu Mutsvene, Anotyisa

17. Zvii zvaifanira kuita kuti vaIsraeri vaone kuti zita raMwari idzvene?

17 “Akatumira vanhu vake rudzikinuro. Akarayira kuti sungano yake ivepo nokusingagumi. Zita rake idzvene uye rinotyisa.” (Pis. 111:9) Panozve, munyori wepisarema angadaro aifunga nezvokuti Jehovha aizoita zvaakanga avimbisa pasungano yaakaita naAbrahama. Maererano naizvozvo, Jehovha haana kusiya vanhu vake pavaive varanda muIjipiti yekare uye pavakazova nhapwa muBhabhironi. Pose ipapo Mwari akanunura vanhu vake. Zviitiko zviviri izvi chete zvinofanira kunge zvakaita kuti vaIsraeri vaone kuti zita raMwari idzvene.—Verenga Eksodho 20:7; VaRoma 2:23, 24.

18. Nei uchifunga kuti kudanwa nezita raMwari iropafadzo?

18 Ndizvo zvinofanira kuitawo vaKristu vechokwadi nhasi, avo vakanunurwa muuranda hwechivi norufu zvavaisava netariro yokubuda mazviri. Tinofanira kuedza nepatinogona napo kurarama maererano nechikumbiro chokutanga chomumunyengetero womuenzaniso, chokuti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mat. 6:9) Kufungisisa nezvezita iroro rinokudzwa kunofanira kuita kuti titye Mwari. Munyori wePisarema 111 aiva nemaonero akanaka okutya Mwari, uye akati: “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri. Vose vanoita mirayiro yake vane njere dzakanaka.”Pis. 111:10.

19. Chii chatichakurukura munyaya inotevera?

19 Kutya Mwari kuchatibatsira kuti tivenge zvakaipa. Kuchatibatsirawo kutevedzera zvakaita Mwari zvakanyorwa muPisarema 112, ratichakurukura munyaya inotevera. Pisarema iroro rinoratidza kuti tingaita sei kuti tivewo vamwe vemamiriyoni acharumbidza Mwari nokusingaperi. Akakodzera kurumbidzwa. “Kurumbidzwa kwake kunogara nokusingaperi.”Pis. 111:10.

Mibvunzo Yokufungisisa

• Nei Jehovha akakodzera kurumbidzwa nesu tose?

• Mabasa aJehovha anoratidzei nezvezvaari?

• Unoona sei ropafadzo yokudanwa nezita raMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 20]

Chinangwa chedu chikuru chokugara tichiungana ndechokurumbidza Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mitemo yaJehovha yose inobva pamirau isingaperi, yakavimbika