Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakarurama Vacharumbidza Mwari Nokusingaperi

Vakarurama Vacharumbidza Mwari Nokusingaperi

Vakarurama Vacharumbidza Mwari Nokusingaperi

“Munhu akarurama achayeukwa . . . Kururama kwake kunogara nokusingaperi.”—PIS. 112:6, 9.

1. (a) Vose vanonzi naMwari vakarurama vachava neramangwana rinofadza zvakadini? (b) Mubvunzo upi unovapo?

VANHU vose vanonzi naMwari vakarurama vanotarisira ramangwana rakanaka chaizvo! Vachafara nokusingaperi pavanenge vachidzidza zvakawanda zvakanaka nezvaJehovha. Mwoyo yavo ichafashukira nokuonga pavachadzidza zvakawanda nezvemabasa aMwari okusika. Chinonyanya kudiwa kuti munhu ave neramangwana iri rinofadza ‘kururama,’ kunosimbiswa muPisarema 112. Asi zvingaita sei kuti Mwari mutsvene uye akarurama, Jehovha, aone vanhu vane chivi sevakarurama? Pasinei nokuedza kuita zvakarurama kwatinoita, tinokanganisa, pamwe pacho zvakatonyanya.—VaR. 3:23; Jak. 3:2.

2. Jehovha akaratidza rudo nokuita zvishamiso zvipi zviviri?

2 Jehovha akaratidza rudo rwake nokugadzirisa dambudziko iri. Akazviita sei? Kutanga, akaita chishamiso chokutamisira upenyu hweMwanakomana wake wokudenga waaida muchibereko chemhandara kuti agoberekwa ari munhu akakwana. (Ruka 1:30-35) Zvadaro, pashure pokunge vavengi vaJesu vamuuraya, Jehovha akaita chimwe chishamiso chikuru. Mwari akamutsa Jesu sechisikwa chomudzimu chinokudzwa.—1 Pet. 3:18.

3. Nei Mwari akakomborera Mwanakomana wake noupenyu hwokudenga achifara?

3 Jehovha akakomborera Jesu nokumupa upenyu husingagoni kuparadzwa kudenga, chinhu chaakanga asina asati auya pasi pano. (VaH. 7:15-17, 28) Jehovha akazviita achifara nokuti Jesu akanga aramba akavimbika paaiedzwa zvisingatauriki. Nokuita izvozvo, Jesu akaita kuti baba vake vakwanise kupindura Satani zvakanakisisa uye zvakakwana panhema dzake dzokuti vanhu vanoshumira Mwari nokuti pane zvavanenge vachida kwaari, kwete nokuti vanonyatsomuda.—Zvir. 27:11.

4. (a) Jesu akanotiitirei paakadzokera kudenga, uye Jehovha akaitei? (b) Iwe unonzwa sei nezvawakaitirwa naJehovha naJesu?

4 Ari kudenga, Jesu akaita zvakawanda. ‘Akaoneka pamberi paiye Mwari nokuda kwedu neropa rake pachake.’ Baba vedu vokudenga vane rudo vakaratidza nyasha nokugamuchira chibayiro chaJesu chinokosha se“chibayiro chokuyananisira zvivi zvedu.” Saka ‘nehana dzakacheneswa,’ tinogona ‘kuitira Mwari mupenyu basa dzvene.’ Izvi zvinoita kuti tibvumirane nemashoko ekutanga aPisarema 112, okuti: “Rumbidzai Jah”!VaH. 9:12-14, 24; 1 Joh. 2:2.

5. (a) Kuti tirambe takarurama pamberi paMwari tinofanira kuitei? (b) Pisarema 111 nePisarema 112 akarongwa sei?

5 Kuti tirambe takarurama pamberi paMwari, tinofanira kuramba tichiratidza kuti tinotenda muropa raJesu rakateurwa. Zuva ngarirege kupfuura tisina kumbotenda Jehovha nokutida kwaakaita. (Joh. 3:16) Tinofanirawo kuramba tichidzidza Shoko raMwari uye tichiedza nepose patinogona kurarama tichitevedzera zvarinotaura. Pisarema 112 rine zano rakanaka kune vose vanoda kuramba vaine hana yakachena pamberi paMwari. Pisarema iri rinotaura zvinoenderana nezviri muPisarema 111. Ose anotanga nokuti “Rumbidzai Jah!” kana kuti “Hareruya!” pozoita mitsetse 22, mumwe nomumwe uchitanga nerimwe remabhii 22 earufabheti yechiHebheru. *

Chikonzero Chokufara

6. “Munhu” anotya Mwari anorondedzerwa muPisarema 112 anokomborerwa sei?

6 “Anofara munhu anotya Jehovha, akafarira kwazvo mirayiro yake. Vana vake vachava nesimba panyika. Chizvarwa chevakarurama chichakomborerwa.” (Pis. 112:1, 2) Cherechedza kuti munyori wepisarema anotanga kutaura nezve“munhu” mumwe chete, uye ndima 2 yava kunopera anozochinja otaura nezvevanhu vakawanda achiti “vakarurama.” Izvi zvinoratidza kuti Pisarema 112 rinogona kutaura nezveboka rinoumbwa nevanhu vakawanda. Achitsigira pfungwa iyoyo, muapostora Pauro akafuridzirwa kushandisa Pisarema 112:9 kureva vaKristu vemuzana remakore rokutanga. (Verenga 2 VaKorinde. 9:8, 9) Pisarema iri rinonyatsoratidza kuti vateveri vaKristu vari pasi pano nhasi uno vangaitei kuti vafare.

7. Nei vashumiri vaMwari vachifanira kumutya, uye unofanira kunzwa sei nezvemirayiro yake?

7 Sezvinoratidzwa muPisarema 112:1, vaKristu ava vechokwadi vanowana mufaro mukuru sezvavanofamba ‘vachitya Jehovha.’ Uku kutya kwokusada kumugumbura kunovabatsira kudzivisa mudzimu wenyika yaSatani. ‘Vanofarira kwazvo’ kudzidza Shoko raMwari uye kuteerera mirayiro yake. Izvozvo zvinobatanidza murayiro wokuparidzira mashoko akanaka oUmambo pasi rose. Vanoedza kuita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi uku vachinyevera vakaipa nezvezuva rokutonga kwaMwari riri kuuya.—Ezek. 3:17, 18; Mat. 28:19, 20.

8. (a) Mazuva ano vanhu vaMwari vakazvipira vari kukomborerwa sei pamusana pokushingaira kwavo? (b) Vaya vane tariro yokurarama pasi pano vanotarisira zvikomborero zvipi?

8 Pamusana pokuteerera mirayiro iyoyo, vashumiri vaMwari vari pasi pano vanosvika mamiriyoni manomwe. Ndiani angaramba kuti vanhu vake vava ‘nesimba panyika’? (Joh. 10:16; Zvak. 7:9, 14) Uye ‘vachakomborerwa’ chaizvo Mwari paachaita chinangwa chake! Seboka, vaya vane tariro yokurarama pasi pano vachachengetedzwa ‘pakutambudzika kukuru’ kuri kuuya kuti vaumbe ‘nyika itsva’ umo ‘kururama kuchagara.’ Nokufamba kwenguva, vanenge vapona paAmagedhoni ‘vachakomborerwa’ zvakatowedzera. Vachange vakamirira kugamuchira mamiriyoni evanhu vachamutswa. Iyi itariro inozofadza! Pakupedzisira, vaya ‘vanofarira kwazvo’ mirayiro yaMwari vachava vanhu vakakwana, vonakidzwa nokusingaperi “norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”—2 Pet. 3:13; VaR. 8:21.

Kushandisa Pfuma Nokuchenjera

9, 10. VaKristu vechokwadi vakashandisa sei pfuma yavo yezvokunamata, uye kururama kwavo kuchagara nokusingaperi sei?

9 “Zvinhu zvinokosha nepfuma zviri mumba make; kururama kwake kunogara kuripo nokusingaperi. Akapenya murima sechiedza kune vakarurama. Ane nyasha nengoni uye akarurama.” (Pis. 112:3, 4) Munguva inotaurwa muBhaibheri, vamwe vevashumiri vaMwari vaizivikanwa nekupfuma. Uye neimwe nzira, vaya vanodiwa naMwari vanova vapfumi zvechokwadi, kunyange zvazvo izvozvo zvisingarevi pfuma chaiyo. Chokwadi ndechokuti, vazhinji vanosarudza kuzvininipisa pamberi paMwari vanogona kunge vari varombo uye vachitarisirwa pasi, sezvaingoitikawo muzuva raJesu. (Ruka 4:18; 7:22; Joh. 7:49) Kunyange kana munhu akapfuma kana kuti ari murombo, zvinoita kuti apfume pane zvokunamata.—Mat. 6:20; 1 Tim. 6:18, 19; verenga Jakobho 2:5.

10 VaKristu vakazodzwa, pamwe chete neshamwari dzavo, havangochengeti pfuma yezvokunamata vasingapiwo vamwe. Pane kudaro, ‘vanopenya’ murima renyika yaSatani ‘sechiedza kune vakarurama.’ Izvozvo vanozviita pavanoita kuti vamwe vabatsirwewo nepfuma iyi inokosha youchenjeri nezivo zvaMwari. Vashori vakaedza kumisa basa rokuparidzira Umambo asi vakakundikana. Panzvimbo paizvozvo, zvibereko zvebasa iri rakarurama ‘zvichagara zviripo nokusingaperi.’ Kana vakaramba vachiita zvakarurama, vashumiri vaMwari vanogona kuva nechokwadi chokuti vachararama zvachose, ‘kugara nokusingaperi.’

11, 12. Vanhu vaMwari vanoshandisa sei pfuma yavo?

11 Vanhu vaMwari vose, vakazodzwa uye vaya vanoumba “boka guru,” vanopa zvinhu zvavo nomwoyo wose. Pisarema 112:9 rinoti: “Akapa norupo rukuru; akapa varombo.” Nhasi vaKristu vechokwadi vanowanzopa pfuma yavo kune vavanonamata navo kunyange kuvavakidzani vanenge vachida kubatsirwa. Vanoshandisawo pfuma yavo kutsigira pakuyamura munguva dzenjodzi. Izvozvo zvinoita kuti vafare chaizvo sezvakataurwa naJesu.—Verenga Mabasa 20:35; 2 VaKorinde 9:7.

12 Kuwedzera pane izvi, funga nezvemari inoshandiswa pakubudisa magazini ino mumitauro 172, yakawanda yacho inoverengwa nevarombo. Funga zvekare, kuti magazini ino inowanika mumitauro yakasiyana-siyana yemasaini inoshandiswa nematsi, uyewo mumitauro yeBraille inoshandiswa nemapofu.

Nyasha Uye Kururamisira

13. Ndivanaani vakaratidza muenzaniso wakanaka panyaya yokupa nenyasha, uye tingavatevedzera sei?

13 “Munhu ane nyasha neanokweretesa akanaka.” (Pis. 112:5) Hapana mubvunzo kuti wakambocherechedza kuti havasi vose vanopa vane nyasha. Vamwe vanopa kuti varatidze kuti vanazvo kana kuti vanosara vachirwadziwa kuti vapirei. Hazvinakidzi kubatsirwa nemunhu anokuita kuti unzwe sokuti hapana zvauri kana kuti anoita kuti uone sokuti wamuremedza. Asi zvinonyevenutsa kubatsirwa nemunhu ane nyasha. Jehovha ndiye muenzaniso mukuru pakupa nenyasha uye nomufaro. (1 Tim. 1:11; Jak. 1:5, 17) Jesu Kristu akanyatsotevedzera Baba vake vane nyasha. (Mako 1:40-42) Naizvozvo, kuti tinzi naMwari takarurama, tinopa tichifara uye nenyasha, kunyanya muushumiri patinenge tichibatsira vavakidzani vedu kuziva nezvaJehovha.

14. Ndedzipi dzimwe nzira ‘dzatingatsigira nadzo mabasa edu nokururamisira’?

14 “Anotsigira mabasa ake nokururamisira.” (Pis. 112:5) Sezvakafanotaurwa, boka remutariri akatendeka rinotarisira zvinhu zvaTenzi richitevedzera kururamisira kwaJehovha. (Verenga Ruka 12:42-44.) Izvi zvinoratidzwa mukutungamirira kunobva muMagwaro kunoitwa nevakuru, avo vanombofanira kutonga nyaya dzevanhu vanenge vaita zvivi zvakakomba muungano. Nzira yakarurama yokuita nayo zvinhu inoonekawo mumirayiridzo yomuBhaibheri inopiwa neboka remuranda, yemashandiro anofanira kuita ungano, misha yemamishinari, uye misha yeBheteri. Vakuru havasivo voga vanofanira kururamisira, asiwo vamwe vaKristu vanofanira kururamisira pane zvavanoitirana uye zvavanoitira vavasinganamati navo, kusanganisira nyaya dzebhizimisi.—Verenga Mika 6:8, 11.

Kukomborerwa Kwevakarurama

15, 16. (a) Zvakaipa zviri kuitika munyika zvinobata-bata vanhu vakarurama sei? (b) Vashumiri vaMwari vakatsunga kuramba vachiitei?

15 “Chokwadi hapana nguva yaachazombozununguswa. Munhu akarurama achayeukwa nokusingagumi. Haazotyi kunyange mashoko akaipa. Mwoyo wake wakasimba, wakaitwa kuti uvimbe naJehovha. Mwoyo wake hauzununguki; haazotyi, kusvikira aona mhandu dzake dziri pasi.” (Pis. 112:6-8) Hakuna kumbobvira kwava nezvinhu zvakaipa zvakadai sehondo, ugandanga, zvirwere zvitsva nezvimwe zvinongoramba zvichidzoka, kuparwa kwemhosva, urombo, uye kusvibiswa kwemhepo kunouraya zvinopfuura zviriko nhasi. Vaya vanonzi naMwari vakarurama vanotamburawo nezvinhu izvi zvakaipa, asi hazvivaiti kuti vatye remangwana. Pane kudaro, mwoyo yavo ‘yakasimba’uye ‘haizununguki’ sezvavanotarisira ramangwana nechivimbo, vachiziva kuti nyika itsva yakarurama yaMwari yava pedyo. Kana njodzi ikaitika, vanokwanisa kutsungirira nokuti vane chivimbo chokuti Jehovha achavatsigira. Haamboregi vakarurama vake ‘vachizununguswa,’ anovabatsira, ovapa simba rokuti vatsungirire.—VaF. 4:13.

16 Vakarurama vaMwari vanofanirawo kutsungirira kuvengwa uye nhema dzinoparadzirwa nevashori, izvo zvatadza kumisa basa revaKristu vechokwadi uye vashori havazombofi vakabudirira. Vashumiri vaMwari vanoramba vakasimba uye vasingazununguki mubasa ravakapiwa naJehovha, rokuparidzira mashoko akanaka oUmambo uye kuita kuti vose vanoteerera vave vadzidzi. Hapana mubvunzo kuti vakarurama vachatotambudzwa zvakanyanya sezvo mugumo unoswedera. Kuvengwa ikoko kuchatowedzera vashumiri vaMwari vari munyika yose pavachatambudzwa naSatani Dhiyabhorosi, Gogi weMagogi. Zvadaro, pakupedzisira, ‘tichaona mhandu dzedu dziri pasi’ dzichitsakatiswa zvinonyadzisa. Ichange iri nguva yakanaka zvakadini kunyatsoona zita raJehovha richitsveneswa!—Ezek. 38:18, 22, 23.

“Kukwidziridzwa Nokukudzwa”

17. Munhu akarurama “achakwidziridzwa nokukudzwa” sei?

17 Hakusi kufara kwatichaita kurumbidza Jehovha takabatana, pasina kupikiswa naDhiyabhorosi nenyika yake! Iwayo ndiwo achava mararamiro evose vanoramba vakarurama pamberi paMwari. Havazombonyadziswi kana kukurirwa, nokuti Jehovha anovimbisa kuti “nyanga” yeakarurama wake “ichakwidziridzwa nokukudzwa.” (Pis. 112:9) Munhu akarurama waJehovha achapemberera nokufarira kukunda paanoona kukurirwa kwevavengi vose vachangamire Jehovha.

18. Mashoko okugumisa ePisarema 112 achazadzikiswa sei?

18 “Munhu akaipa achazviona onetseka kwazvo. Achageda-geda mazino ake, onyangarika. Zvinodiwa nevakaipa zvichaparara.” (Pis. 112:10) Vose vanoramba vachipikisana nevanhu vaMwari ‘vachanyangarika’ negodo ravo noruvengo rwavo. Chido chavo chokuda kuona basa redu richimira chichaguma pamwe chete navo pavachaparadzwa ‘mukutambudzika kukuru’ kuri kuuya.—Mat. 24:21.

19. Tinogona kuva nechivimbo chei?

19 Uchava mumwe wevachapona pakukunda uku kukuru here? Kana zvikaitika kuti uchafa pamusana pokurwara kana kuti kuchembera nyika yaSatani isati yaguma, uchange uri mumwe ‘wevakarurama’ vachazomutswa here? (Mab. 24:15) Mhinduro inogona kuva hungu kana ukaramba uchitenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu uye uchitevedzera Jehovha, sezvinoitwa nevanofananidzwa ‘nemunhu’ akarurama anorondedzerwa muna Pisarema 112. (Verenga VaEfeso 5:1, 2) Jehovha achava nechokwadi chokuti ‘kuyeukwa’ kwevanhu vakadaro hakuzokanganwiki, uye mabasa avo haazokanganwiki. Vachayeukwa uye vachadiwa naJehovha nokusingagumi.—Pis. 112:3, 6, 9.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Kunyatsopindirana kunoita mapisarema aya kunoonekwa mumarongerwo akaita mashoko awo uye zvaanotaura. Unhu hwaMwari hwakanaka hunoonekwa muPisarema 111 hunotevedzerwa ‘nomunhu’ anotya Mwari anotaurwa nezvake muPisarema 112, sezvinoonekwa kana tikaenzanisa Pisarema 111:3, 4 naPisarema 112:3, 4.

Mibvunzo Yokufungisisa

• Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvatiinazvo zvokudanidzira kuti “Hareruya”?

• Muzuva ranhasi chii chiri kuitika chinoita kuti vaKristu vechokwadi vafare?

• Jehovha anoda munhu anopa sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kuti tirambe tichinzi naMwari takarurama, tinofanira kuva nokutenda muropa raJesu rakateurwa

[Mifananidzo iri papeji 26]

Mipiro inopiwa nokuzvidira inobatsira pakuyamura vanotambura uye kuparadzira mabhuku eBhaibheri