Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuberekwa Patsva—Tinogona Kuzvisarudzira Here?

Kuberekwa Patsva—Tinogona Kuzvisarudzira Here?

Kuberekwa Patsva—Tinogona Kuzvisarudzira Here?

NDIANI anoita kuti pave nokuberekwa patsva? Vafundisi pavanokurudzira vateereri vavo kuti vave vaKristu vakaberekwazve, vanodzokorora mashoko aJesu okuti: “Imi munofanira kuberekwazve.” (Johani 3:7) Vafundisi vakadaro vanoshandisa mashoko aya somurayiro vachitoti, “Munofanira kuberekwazve!” Saka vanoparidzira kuti zviri kumutendi mumwe nomumwe kuteerera Jesu uye kutora matanho anodiwa kuti aberekwe patsva. Pavanodaro vanenge vachireva kuti munhu anozvisarudzira kuberekwa patsva. Asi pfungwa iyoyo inowirirana nezvakaudzwa Nikodhimo naJesu here?

Kana tikanyatsoverenga mashoko aJesu, tinoona kuti Jesu haana kudzidzisa kuti munhu ndiye anozvisarudzira kana kuramba kuberekwa patsva. Nei tichidaro? Mashoko echiGiriki anoshandurwa kuti ‘akaberekwazve’ anogonawo kushandurwa kuti “anofanira kuberekwa zvichibva kumusoro.” * Saka maererano nokumwe kushandura, kuberekwa patsva kunobva “kumusoro” kureva kuti “zvichibva kuna Baba.” (Johani 19:11; Jakobho 1:17) Chokwadi kunobva kuna Mwari.—1 Johani 3:9.

Kana tikaramba tichiyeuka mashoko okuti “zvichibva kumusoro,” hazvizotiomeri kunzwisisa kuti munhu pachake haangakonzeri kuberekwa patsva kwake. Chimbofunga nezvokuberekwa chaiko kwawakaitwa. Ndiwe here wakasarudza kuti uzoberekwa? Kwete! Wakaberekwa nokuti baba vako ndivo vakakubereka. Saizvozvowo, tinogona kuberekwa patsva kana Mwari chete, Baba vedu vokudenga, vakaita kuti tiberekwe patsva. (Johani 1:13) Ndokusaka Petro akanyatsotaura kuti: “Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu ngaarumbidzwe, nokuti maererano nengoni dzake huru akatibereka patsva.”—1 Petro 1:3.

Murayiro Here?

Vamwe vangafunga kuti, ‘Kana chiri chokwadi kuti hapana anogona kuzvisarudzira kuti anoda kuberekwazve, nei Jesu akapa murayiro wokuti: “Imi munofanira kuberekwazve”?’ Uyu mubvunzo wakakodzera. Nokuti kudai mashoko aJesu aiva murayiro, zvaizoreva kuti aitirayira kuita zvinhu zvatisingagoni kuita. Izvozvo hazvina musoro. Saka shoko rokuti munofanira “kuberekwazve” rinorevei?

Kana tikanyatsoongorora shoko racho mumutauro wokutanga tinoona kuti harina kutaurwa somurayiro. Asi akangotaura zvinhu sezvazviri. Nemamwe mashoko Jesu paakati munofanira “kuberekwazve,” akanga asiri kudzika murayiro asi aingotaura zvaidiwa. Akati: ‘Zvakakodzera kuti uberekwe zvichibva kudenga.’—Johani 3:7, The Holy Bible in Ndau.

Kuti tienzanisire nyaya iyi yokusiyana kwakaita kutaura usiri kupa murayiro uye kutaura uchipa murayiro, funga izvi. Chimbofunga nezveguta rine zvikoro zvakawanda. Chimwe chacho chinongofanira kupindwa nezvizvarwa zvinobva kune imwe nzvimbo iri kure neguta racho. Rimwe zuva mumwe mukomana asiri werudzi rwunodiwa anoudza mukuru wechikoro chacho kuti, “Ndinoda kunyoresa pachikoro chenyu.” Mukuru wechikoro anomuudza kuti, “Kuti unyorese, unofanira kuva worudzi runodiwa pachikoro chino.” Chokwadi, mukuru wechikoro haasi kupa murayiro. Haasi kurayira mwana uyu kuti, “Iva worudzi urwu!” Mukuru wechikoro ari kungotaura zvazviri kana kuti zvinodiwa kuti mwana wacho apinde chikoro chacho. Saizvozvowo Jesu paakati: “Imi munofanira kuberekwazve,” aingotaura zvazviri—zvinodiwa kuti munhu ‘apinde muUmambo hwaMwari.’

Pfungwa yokupedzisira iyoyi yoUmambo hwaMwari, inoenderanawo nechimwe chinhu chine chokuita nokuberekwa patsva. Ine chokuita nomubvunzo wokuti, Chinangwa chokuberekwa patsva ndechei? Kuziva mhinduro yomubvunzo uyu kunotibatsira kunyatsonzwisisa kuti kuberekwazve kunorevei.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Pane shanduro dzeBhaibheri dzakati wandei dzinoshandura Johani 3:3 saizvozvo. Somuenzaniso, The Holy Bible in Ndau rinoti: ‘Kana munhu akasaberekwa zvichibva kudenga, haangaoni umambo hwaMwari.’

[Mufananidzo uri papeji 6]

Kuberekwa patsva uye kuberekwa chaiko kwakafanana pakudii?