Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuberekwa Patsva—Kunogadzirisei?

Kuberekwa Patsva—Kunogadzirisei?

Kuberekwa Patsva—Kunogadzirisei?

NEI Jesu akashandisa mashoko okuti ‘kuberekwa nomudzimu’ paaitaura nezvokubhabhatidzwa nomudzimu mutsvene? (Johani 3:5) Shoko rokuti “kuberekwa” rinoreva kuti “kutanga” parinoshandiswa mumashoko okufananidzira. Saka, mashoko okuti “kuberekwa patsva” anoratidza “kutanga patsva.” Naizvoizvo, mashoko okufananidzira okuti “kuberekwa” uye “kuberekwa patsva” anoratidza kuti vaya vanobhabhatidzwa nomudzimu mutsvene vachatanga ukama hutsva naMwari. Ukama uhu hunombochinja sei?

Paaitsanangura kuti Mwari anogadzirira sei vanhu kuti vazotonga vari kudenga, muapostora Pauro akashandisa muenzaniso wezvinoitika muupenyu hwemhuri. Akanyorera tsamba vaKristu vomunguva yaakararama achiti ‘vaizogamuchirwa sevanakomana’ uye kuti Mwari aizovabata “sezvaanoita vanakomana.” (VaGaratiya 4:5; VaHebheru 12:7) Kuti uone kuti muenzaniso uyu wokugamuchira munhu somwanakomana unobatsira sei kuti unzwisise kuchinja kunoitika panobhabhatidzwa munhu nomudzimu mutsvene, chimbofungazve nezvomuenzaniso uya womukomana anenge achida kunyoresa pachikoro chevana vorudzi rumwe chete.

Kuchinja Kunokonzerwa Nokugamuchirwa

Mumuenzaniso wacho, mukomana wacho haakwanisi kunyoresa pachikoro chacho nokuti haasi worudzi runodiwa ipapo. Zvino chifungidzira rimwe zuva zvinhu zvichichinja zvikuru. Agamuchirwa zviri pamutemo nevamwe baba vorudzi ruya runodiwa. Izvozvo zvinochinja here mukomana wacho? Nokuti iye zvino agamuchirwa somwanakomana, anenge ava nekodzero dzakafanana nedzevana vorudzi rwacho kusanganisira kodzero yokukwanisa kunyoresa pachikoro chacho. Kugamuchirwa kwaanenge aitwa kunenge kwachinja zvachose remangwana rake.

Izvi zvinoratidza zvinoitika chaizvo kune vaya vanoberekwa patsva. Chimboona kufanana kwazvakaita. Mukomana womumuenzaniso uya achawana nzvimbo pachikoro chacho kana ava nezvinodiwa, kuva worudzi runodiwa pachikoro chacho. Asi, iye pachake asina rubatsiro rwomumwe munhu haagoni kuva pachikoro ichi. Saizvozvowo, vamwe vanhu vachawanirwa nzvimbo muUmambo hwaMwari, kana kuti muhurumende yokudenga, kana chete vaine zvinodiwa kuti vapinde, kureva kuti ku“berekwazve.” Asi, ivo pachavo havagoni kuva nezvinodiwa nokuti zvokuberekwa patsva zvinobva kuna Mwari.

Chii chakachinja remangwana romukomana uyu? Matanho epamutemo okumugamuchira somwanakomana. Zvechokwadi, matanho iwayo haamuchinji zvaari. Agamuchirwa, aingova munhu mumwe chete iyeye. Kunyange zvakadaro, pashure pokunge matanho epamutemo aitwa, mukomana wacho akanga awana kodzero itsva. Zvechokwadi, kwaari zvinhu zvakanga zvaita sezvatanga patsva, seaberekwa patsva. Akava mwanakomana, zvakamupa kodzero yokuva pachikoro uye kuti ave mwana womumhuri yababa vacho.

Saizvozvowo, Mwari akachinja boka revamwe vanhu vasina kukwana nokutora matanho epamutemo kuti avagamuchire sevanakomana. Muapostora Pauro, aiva muboka iroro, akanyorera vaainamata navo kuti: “Makagamuchira mudzimu wokugamuchirwa sevanakomana, iwo mudzimu watinoshevedzera nawo, kuti: “Abha, Baba!” Iwo mudzimu wacho unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari.” (VaRoma 8:15, 16) Chokwadi, kuburikidza nedanho rokugamuchira, vaKristu vaya vakava vemhuri yaMwari, kana kuti “vanakomana vaMwari.”—1 Johani 3:1; 2 VaKorinde 6:18.

Zvechokwadi, kugamuchirwa kunoitwa vanhu vanenge vagamuchirwa naMwari hakuchinji zvavari, nokuti vanoramba vasina kukwana. (1 Johani 1:8) Kunyange zvakadaro, sokutsanangura kwakaita Pauro, kana vagamuchirwa zviri pamutemo, zvinhu zvinenge zvachinja. Panguva iyiwo, mudzimu waMwari unoita kuti vanakomana vanenge vagamuchirwa vatende zvakasimba kuti vachararama naKristu kudenga. (1 Johani 3:2) Mudzimu mutsvene zvaunoita kuti vave nechokwadi, zvinoita kuti vaone upenyu nenzira yakasiyana. (2 VaKorinde 1:21, 22) Chokwadi, vanova nokutanga kutsva—zvinoita sokuti vanenge vaberekwa patsva.

Richitaura nezvevana vaMwari vakagamuchirwa, Bhaibheri rinoti: “Vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.” (Zvakazarurwa 20:6) Vaina Kristu, vana vaMwari vakagamuchirwa vachaitwa madzimambo oUmambo hwaMwari, kana kuti hurumende yokudenga. Muapostora Petro akaudza vaainamata navo kuti vaizogamuchira, “nhaka isingaori isina kusvibiswa uye isingasvavi” yavaka“chengeterwa kudenga.” (1 Petro 1:3, 4) Chokwadi inhaka inokosha!

Zvisinei, nyaya youmambo iyi inomutsawo mumwe mubvunzo. Kana vaya vanoberekwazve vachizotonga semadzimambo kudenga, vachange vachitonga vanaani? Mubvunzo iwoyo uchakurukurwa munyaya inotevera.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Pauro akatii nezvokugamuchirwa sevanakomana?