Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vamwe Vachatonga, Uye Vakawanda Vachabatsirwa

Vamwe Vachatonga, Uye Vakawanda Vachabatsirwa

Vamwe Vachatonga, Uye Vakawanda Vachabatsirwa

KUBVIRA mumazuva evaapostora, Mwari ave achisarudza kubva pavanhu nhamba duku yevaKristu vakatendeka, achivagamuchira sevanakomana. Kuchinja kunoita vanakomana ava kwakakwana zvokuti Shoko raMwari rinokurondedzera sokuberekwa patsva. Chinangwa chokuberekwa patsva ndechokugadzirira vashumiri ivavo vaMwari vanenge vaberekwazve kuti vave vatongi kudenga. (2 Timoti 2:12) Kuti vave vatongi, vanofanira kumutswa kubva murufu vova vapenyu kudenga. (VaRoma 6:3-5) Kudenga, “vachatonga semadzimambo pamusoro penyika” pamwe chete naKristu.—Zvakazarurwa 5:10; 11:15.

Zvisinei, Shoko raMwari rinotaurawo kuti vamwe vasiri vaya vanoberekwazve vachanunurwa nokusingaperi. MuBhaibheri (muMagwaro echiHebheru uyewo muMagwaro echiKristu echiGiriki), zvinonzi Mwari ane chinangwa chokuponesa mapoka maviri evanhu aya, rimwe boka duku revatongi richange riri kudenga uye rimwe racho revachatongwa richange richirarama pasi pano. Somuenzaniso, ona zvakanyorwa nomuapostora Johani kune vaainamata navo vakanga vaberekwa patsva. NezvaJesu akati: “Iye chibayiro chokuyananisira zvivi zvedu, kwete zvedu chete [boka duku] asiwo zvenyika yose [boka guru].”—1 Johani 2:2.

Saizvozvowo, muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvisikwa [boka guru] zviri kumirira nomwoyo wose zvichitarisira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari [boka duku].” (VaRoma 8:19-21) Mashoko aya omuapostora Johani naPauro anofanira kunzwisiswa sei? Seizvi: Vaya vanoberekwazve vachava muhurumende kudenga. Nechinangwa chei? Kuti vabatsire nokusingaperi mamiriyoni akawanda evanhu, vachatongwa nehurumende yaMwari vachange vachirarama pasi pano. Ndokusaka Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”Mateu 6:10.

Chokwadi ichi nezvokuponeswa kwemapoka maviri aya chinowanikawo muMagwaro echiHebheru. Somuenzaniso, ona zvakaudza Jehovha tateguru waJesu, Abrahamu: “Marudzi ose enyika [boka guru] achazvikomborera nokumwana wako [boka duku] nokuti wateerera inzwi rangu.” (Genesisi 22:18) Chokwadi, zvikomborero zvaifanira kupiwa marudzi ose kuburikidza no“mwana” waAbrahamu.

“Mwana” iyeye ndiani? Jesu Kristu, pamwe chete nevaya vanoberekwa patsva, vanenge vagamuchirwa sevanakomana vaMwari. Muapostora Pauro anoti: “Kana muri vanhu vaKristu, chokwadi muri vana vaAbrahamu.” (VaGaratiya 3:16, 29) Uye zvikomborero zvipi zvichawanwa nevanhu vanobva mumarudzi ose kuburikidza ‘nemwana’ uyu? Chikomborero chokuvazve noukama hwakanaka naMwari uye kurarama nokusingaperi pasi pano muparadhiso. Munyori wepisarema Dhavhidhi akaprofita kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29; Isaya 45:18; Zvakazarurwa 21:1-5.

Zvechokwadi, vamwe vachatonga vari kudenga, asi zvikomborero zvoumambo ihwohwo hwokudenga zvichabatsira vakawanda vachange vachirarama nokusingaperi pasi pano. Dai iwe nemhuri yako mukava pakati pevaya vachawana zvikomborero nokusingaperi zvichaunzwa noUmambo hwaMwari.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Mamiriyoni evanhu achakomborerwa nokusingaperi pasi pano. Uchavapowo here?