Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vatican Inoedza Kurambidza Kushandiswa kweZita raMwari

Vatican Inoedza Kurambidza Kushandiswa kweZita raMwari

Vatican Inoedza Kurambidza Kushandiswa kweZita raMwari

DARE rinotungamirira reChechi yeRoma riri kuda kurambidza kushandiswa kwezita raMwari paminamato yechechi iyi. Gore rapera, Dare repamusoro reChechi yeRoma rakatumira mirayiro kumisangano yakaitwa pasi rose yevafundisi veChechi yeRoma. Vakatora danho iri “varayirwa” napapa.

Gwaro iri romusi waJune 29, 2008, rinoshora chokwadi chokuti pasinei nemirayiro yakapiwa, “mumakore achangobva kupfuura tsika yokushandisa zita chairo raMwari waIsraeri, rinozivikanwa setetragrammaton tsvene, rinonyorwa nemabhii mana echiHebheru יהוה, YHWH yakatanga.” Gwaro racho rinoti zita raMwari rave richishandurwa sa“Yahweh,” “Yahwè,” “Jahweh,” “Jahwè,” “Jave,” “Yehovah,” zvichingodaro. * Zvisinei, vatungamiriri veVatican vari kuedza kudzokera kumuitiro wavo wekare weChechi iyi wokuti zita raMwari risashandiswe. Izvi zvinoreva kuti Tetragrammaton inofanira kutsiviwa neshoko rokuti “Ishe.” Uyezve, muzvinoitwa muChechi yeRoma, nziyo, uye minamato, zita raMwari “YHWH harifaniri kushandiswa kana kutaurwa.”

Gwaro racho rinotaura nezvo“muitiro wekare” weChechi yeRoma, kuti ritsigire chisarudzo chacho. Murayiro wacho unotaura kuti kunyange mushanduro yeSeptuagint yeMagwaro echiHebheru, yakavapo chiKristu chisati chatanga, zita raMwari raigara richishandurwa kuti Kyʹri·os, shoko rechiGiriki rinoreva kuti “Ishe.” Saka murayiro uyu unoomerera pakuti, “pakutanga vaKristu vakanga vasingatombotauriwo zita raMwari.” Zvisinei, mashoko aya anonyatsopesana nouchapupu huri pachena. Makopi okutanga eSeptuagint aiva nezita raMwari rakanyorwa seizvi, יהוה asina rokuti Kyʹri·os. Vateveri vaKristu vomuzana rokutanga remakore vaiziva uye vaitaura zita raMwari. Jesu pachake akataura mumunyengetero kuna Baba vake achiti: ‘Ndakazivisa zita renyu.’ (Johani 17:26) Uye mumunyengetero wake womuenzaniso unozivikanwa nevakawanda, Jesu akatidzidzisa kunyengetera kuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.”—Mateu 6:9.

VaKristu vose vanofanira kuda kuti zita raMwari ritsveneswe. Kuedza kweVatican kuita kuti zita raMwari risashandiswe kunoratidza kusaremekedza Jehovha, uyo akati: “Iri ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandidaidza naro kusvikira kuzvizvarwa zvichauya.”—Eksodho 3:15, The Jerusalem Bible.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 MuchiShona, zita rokuti “Jehovha” rave richizivikanwa kwemakore akawanda uye rinoshandiswa mushanduro dzakawanda dzeBhaibheri.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]

“Iri ndiro zita rangu nokusingaperi.”—Eksodho 3:15JB

[Mufananidzo uri papeji 30]

Chidimbu che“Septuagint” chomuzana remakore rokutanga C.E. Zita raMwari rinomiririrwa nemabhii mana echiHebheru anoti YHWH, rakatenderedzwa

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of the Egypt Exploration Society