Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Uchenjeri hwaJehovha

Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Uchenjeri hwaJehovha

Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Uchenjeri hwaJehovha

“Zvaari zvisingaoneki . . . zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa.”—VAR. 1:20.

1. Vakawanda nhasi vari kukanganiswa sei nouchenjeri hwenyika?

SHOKO rokuti “uchenjeri” rinoshandiswa kureva zvakasiyana-siyana. Vamwe vanoti kana munhu ava kungoziva zvakawanda, akachenjera. Zvisinei, vaya vanonzi nenyika vakachenjera havagoni kutibatsira kuwana chinangwa choupenyu chaicho. Asi vaya vanotevedzera vanhu vakadaro vanoguma vava ‘kukandwa kwose kwose sokunge vanokandwa nemafungu uye kutakurirwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa.’—VaEf. 4:14.

2, 3. (a) Nei Jehovha ariye “akachenjera oga”? (b) Uchenjeri hwaMwari hwakasiyana sei nouchenjeri hwenyika?

2 Izvi zvakasiyana chaizvo nevaya vanowana uchenjeri hwechokwadi, hunobva kuna Jehovha Mwari! Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha ndiye “akachenjera oga.” (VaR. 16:27) Anoziva zvose nezvezvinhu zvakasikwa, kusanganisira masikirwo azvo uye pazvakatangira. Mitemo inodzora zvinhu zvose zvakasikwa, inoita kuti vanhu vakwanise kuongorora, yose yakagadzirwa naJehovha. Saka zvinhu zvinogadzirwa nevanhu hazvishamisiri kwaari, uye zvavanofunga, izvo zvingaonekwa nevakawanda souzivi hwepamusoro, hazvimushamisi. “Uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari.”—1 VaK. 3:19.

3 Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha “anopa uchenjeri” kuvashumiri vake. (Zvir. 2:6) Kusiyana nouzivi hwevanhu, uchenjeri hunobva kuna Mwari hahusi huya husinganzwisisiki. Asi hunoita kuti munhu asarudze zvakanaka uye hunobva pazivo yakarurama nokunzwisisa. (Verenga Jakobho 3:17.) Muapostora Pauro akashamiswa nouchenjeri hwaJehovha. Akanyora kuti: “Haiwa, pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo zvakadzama sei! Kutonga kwake hakugoni kuongororwa sei uye nzira dzake hadzigoni kurondwa sei!” (VaR. 11:33) Jehovha zvaakachenjera kupfuura vanhu vose, tine chivimbo chokuti mitemo yake inotitungamirira kuti tive nemararamiro akanakisisa. Uyewo Jehovha ndiye oga anoziva zvatinofanira kuita kuti tifare.—Zvir. 3:5, 6.

Jesu—“Mhizha”

4. Ndeipi imwe nzira yatingaziva nayo uchenjeri hwaJehovha?

4 Uchenjeri hwaJehovha, pamwe chete nezvimwe zvaari zvisingaenzaniswi, tinozviona pane zvaakasika. (Verenga VaRoma. 1:20.) Mabasa aJehovha, makuru nemaduku, anoratidza zvaari. Pasinei nokuti tingatarira kupi, kumatenga kana kuti pasi, tinowana uchapupu hwakawanda hwokuti pane Musiki akachenjera kupfuura vanhu vose uye ane rudo. Tinogona kudzidza zvakawanda nezvake kana tikaongorora zvinhu zvaakasika.—Pis. 19:1; Isa. 40:26.

5, 6. (a) Kunze kwaJehovha, ndiani mumwe aibatanidzwa pakusika? (b) Iye zvino tichakurukurei, uye nei?

5 Jehovha akanga asiri oga pa“akasika matenga nenyika.” (Gen. 1:1) Bhaibheri rinoratidza kuti asati atombosika zvimwe zvinhu zvose, akasika munhu womudzimu waakazoshandisa kuumba “zvimwe zvinhu zvose.” Chisikwa chomudzimu ichocho chaiva Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga, “dangwe rezvisikwa zvose,” akazorarama pasi pano achinzi Jesu. (VaK. 1:15-17) Jesu ane uchenjeri kufanana naJehovha. Muna Zvirevo chitsauko 8 anotonzi iye wacho uchenjeri. Chitsauko ichocho cheBhaibheri chinotaurawo nezvaJesu chichiti i“mhizha” yaMwari.—Zvir. 8:12, 22-31.

6 Saka zvinhu zvakasikwa zvinoratidza uchenjeri hwaJehovha nehweMhizha yake, Jesu. Zvine zvidzidzo zvinokosha kwatiri. Ngatikurukurei mienzaniso mina yezvinhu zvakasikwa zvinorondedzerwa pana Zvirevo 30:24-28 zvichinzi “zvakasikwa zviine uchenjeri.” *

Chidzidzo Panyaya Yokushanda Nesimba

7, 8. Zvii zvinokunakidza nezvesvosve?

7 Patinoongorora magadzirirwo azvo uye zvazvinoita, kunyange zvinhu zvinganzi “zviduku kwazvo panyika” zvine zvidzidzo zvazvinotipa. Somuenzaniso, funga nezvouchenjeri hwokusikwa nahwo hwesvosve.—Verenga Zvirevo 30:24, 25.

8 Vamwe vaongorori vanoti pamunhu mumwe chete aripo, kune masvosve 200 000, ose zvawo anenge achishanda nesimba ari pamusoro nepasi pevhu. Masvosve anogara akaita mapoka mapoka, uye mumapoka akawanda acho munowanikwa mhando nhatu dzemasvosve dzinoti: zimai, mikono, uye vashandi. Mhando imwe neimwe inobatsira kutarisira zvinenge zvichidiwa muboka rayo. Rimwe svosve rokuSouth America rinodya mashizha ringanzi inyanzvi yokutarisira bindu. Svosve iri rinoisa mupfudze, rosima, rochekerera mapindu nenzira inoita kuti zvirimwa zvibereke. Vaongorori vakaona kuti nyanzvi yokutarisira bindu iyi inochinja mashandiro ayo ichiita zvinoenderana nechikafu chinodiwa neboka rayo remasvosve. *

9, 10. Tingatevedzera sei kushanda nesimba kunoitwa nemasvosve?

9 Masvosve ane zvaanotidzidzisa. Anotidzidzisa kuti tinofanira kushanda nesimba kuti tibereke zvibereko zvakanaka. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Iwe simbe, enda kusvosve; ona nzira dzaro uve akachenjera. Kunyange zvazvo risina mutungamiriri, mutariri kana mutongi, rinogadzirira zvokudya zvaro muzhizha; rakaunganidza zvokudya zvaro munguva yokukohwa.” (Zvir. 6:6-8) Jehovha pamwe neMhizha yake Jesu, vanoshanda nesimba. Jesu akati; “Baba vangu vave vachishanda kusvikira zvino, uye ini ndinoramba ndichishanda.”—Joh. 5:17.

10 Sevatevedzeri vaMwari nevaKristu, tinofanirawo kushanda nesimba. Pasinei nokuti tinoita basa rei musangano raMwari, tose tinofanira kuva ne“zvizhinji zvokuita mubasa raShe.” (1 VaK. 15:58) Naizvozvo tingaita zvakanaka kana tikatevera zano raPauro raakapa vaKristu vokuRoma, rokuti: “Musava nousimbe pabasa renyu. Pisai nomudzimu. Shandirai Jehovha.” (VaR. 12:11) Zvatinoita kuti kuda kwaJehovha kuitwe hakusi kufira pasina, nokuti Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VaH. 6:10.

Kudzivirira Ukama Hwedu naMwari

11. Rondedzera zvimwe zvinoitwa nembira.

11 Mbira ndekamwe kachisikwa kangatidzidzisa zvidzidzo zvinokosha. (Verenga Zvirevo 30:26.) Kakada kuti fananei netsuro yakakura asi kane nzeve pfupi dzakaita raundi nemakumbo mapfupi. Kamhuka aka kanogara munzvimbo dzine matombo. Kane maziso akapinza uye izvi zvinokadzivirira, uye mwena nemapako ane mabwe makanogara zvinoita kuti kasadyiwa nezvikara. Mbira dzakasikirwa kuti dzigare dzakawanda, izvo zvinoita kuti dzidzivirirwe uye zvinodzibatsira kudziyirwa muchando. *

12, 13. Tingadzidzei pambira?

12 Tingadzidzei pambira? Chokutanga, cherechedza kuti mhuka iyi haingozviyaniki pane ngozi. Asi inoshandisa maziso ayo akapinza kuti ione zvikara zvichiri kure, uye inogara pedyo nemwena nemapako mainogona kuzovanda. Saizvozvowo, tinofanira kuva nemaziso akapinza panyaya dzokunamata kuitira kuti tione ngozi dziri munyika yaSatani. Muapostora Petro akarayira vaKristu kuti: “Svinurirai, rindai. Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Pet. 5:8) Jesu paaiva pasi pano, akaramba akarinda, achingwarira miedzo yose yaSatani, uyo aida kuti arege kuperera kuna Mwari. (Mat. 4:1-11) Jesu akasiyira vateveri vake muenzaniso wakanaka.

13 Imwe nzira yatingarinda nayo ndeyokubvuma kudzivirirwa kwatinoitwa naJehovha panyaya dzokunamata. Hatifaniri kurega kudzidza Shoko raMwari uye kupinda misangano yechiKristu. (Ruka 4:4; VaH. 10:24, 25) Uyezve, sezvo mbira dzichifarira kugara dzakawanda, tinofanirawo kuramba tiri pedyo nevaKristu vatinonamata navo kuitira kuti “tikurudzirane” navo. (VaR. 1:12) Kana tikaita zvatinofanira kuita kuti tidzivirirwe naJehovha, tinoratidza kuti tiri kubvumirana nomunyori wepisarema Dhavhidhi, uyo akati: “Jehovha ndiye ibwe rangu nenhare yangu noMupukunyutsi wangu. Mwari wangu ndiye dombo rangu. Ndichapotera kwaari.”—Pis. 18:2.

Kutsungirira Pasinei Nokushorwa

14. Kunyange zvazvo mhashu imwe chete isiri chinhu chinoshamisa, kana dzava boka tingatii nezvadzo?

14 Pane zvatinogonawo kudzidza pamhashu. Mhashu imwe chete, ingave yakareba masendimita mashanu, haisi chinhu chingashamisa, asi boka remhashu rinoshamisa zvechokwadi. (Verenga Zvirevo 30:27.) Bute remhashu idzi dzisinganeti rinozivikanwa nokudya zvakawanda, pasina nguva rinogona kuparadza munda wava kuda kukohwewa. Bhaibheri rinoti ruzha rweboka rezvipembenene zvinosanganisira mhashu rwakafanana nokutinhira kwengoro uye kutinhira kwomurazvo womoto uri kupisa mashanga. (Joe. 2:3, 5)Vanhu vakavesa moto vachiitira kuti vamise boka remhashu, asi kazhinji moto wacho haushandi. Nei? Dzinenge dzatsva padzinodonhera mumoto wacho dzakawanda, unobva wadzima, dzimwe dzose dzoramba dzichienda. Kunyange risina mambo kana kuti mutungamiriri, bute remhashu rinoita sezvinoita uto rakarongeka, rinokunda chero chipingamupinyi chipi zvacho. *Joe. 2:25.

15, 16. Vazivisi voUmambo vemazuva ano vakaita sebute remhashu pakudini?

15 Muprofita Joeri akaenzanisa basa rinoitwa nevashumiri vaJehovha nezvinoitwa nemhashu. Akanyora kuti: “Vanomhanya sevarume vane simba. Vanokwira madziro sevarume vehondo. Mumwe nomumwe anofamba nenzira dzake, uye havatsauki pamakwara avo. Havasundidzirani. Vanoramba vachienda sezvinoita murume anofamba munzira yake; uye kana vamwe vakafira pakati pezvombo zvehondo zvinenge zvichiita zvokukandwa, vamwe vacho havatsauki.”—Joe. 2:7, 8.

16 Uprofita uhwu hunorondedzera zvakanaka chaizvo vazivisi voUmambo hwaMwari vemazuva ano! Hapana “madziro” okushorwa angavatadzisa kuparidza. Asi vanotevedzera Jesu, akaramba achiita zvaidiwa naMwari kunyange zvazvo akazvidzwa nevakawanda. (Isa. 53:3) Chokwadi, vamwe vaKristu “vakafira pakati pezvombo zvehondo” pavakaurayirwa kutenda kwavo. Kunyange zvakadaro, basa rokuparidza rakaramba richienderera, uye vazivisi voUmambo vakaramba vachiwedzera. Kutaura zvazviri, kazhinji kutambudzwa kwakatoita kuti mashoko akanaka aparadzirwe kuvanhu vangadai vasina kumbonzwa shoko roUmambo. (Mab. 8:1, 4) Iwe unotsungirira muushumiri sezvinoita mhashu, kunyange kana vanhu vacho vasingadi uye vachikushora here?—VaH. 10:39.

“Namatirai Kune Zvakanaka”

17. Nei tsoka dzechipfira dzichikwanisa kufamba panzvimbo dzinotsvedzerera?

17 Simba rinokwevera zvinhu pasi rinoita sokuti harishandi pachipfira. (Verenga Zvirevo 30:28.) Kutaura zvazviri, vasayendisiti vanoshamiswa nokukwanisa kunoita chipfira kumhanya pamadziro kunyange kufamba pasirin’i inotsvedzerera chisingadonhi. Chinozviita sei? Hakusi kuti chinonamira kana kuti chinenge chiine guruu. Asi zvigunwe zvechipfira zvine miganhu miganhu ine mvere dzakawanda zvikuru. Mvere imwe neimwe inewo tumwe tumvere nechepakati twakakombama nechekwokupedzisira twakawanda. Simba rinobva pane izvi ndiro rinotsigira muviri wechipfira, kunyange kana chichifamba chakaita manhede pagirazi! Vanakidzwa nezvinokwanisa kuitwa nechipfira, vaongorori vanoti zvinhu zvinogadzirwa zvichitevedzera tsoka dzechipfira zvingashandiswa senamo yakasimba. *

18. Tingava sei nechokwadi chokuti nguva dzose ‘tinonamatira kune zvakanaka’?

18 Tingadzidzei pachipfira? Bhaibheri rinotirayira kuti: “Semai zvakaipa, namatirai kune zvakanaka.” (VaR. 12:9) Zvinhu zvakaipa zvinofurira zviri munyika yaSatani zvingaita kuti tiregedze mitemo yaMwari. Somuenzaniso, kushamwaridzana nevaya vasinganamatiri kumitemo yaMwari, kungava kuchikoro kana kumabasa kana kuti kuvaraidzwa nezvinhu zvinokanganisa ukama hwedu naMwari, zvingakanganisa kutsunga kwedu kuramba tichiita zvakanaka. Usarega izvozvo zvichiitika kwauri! Shoko raMwari rinonyevera kuti: “Usazviti wakachenjera.” (Zvir. 3:7) Asi tevera zano rokuchenjera rakapiwa vanhu vaMwari kare naMosesi, rokuti: “Unofanira kutya Jehovha Mwari wako. Umushumire, unamatire kwaari.” (Dheut. 10:20) Kana tikanamatira kuna Jehovha, tichange tichitevedzera Jesu, uyo akanzi: “Iwe wakada kururama, ukavenga kusateerera mutemo.”—VaH. 1:9.

Zvatinodzidza Pazvinhu Zvakasikwa

19. (a) Iwe unoona unhu hwaJehovha hupi mune zvaakasika? (b) Uchenjeri hwaMwari hungatibatsira sei?

19 Sezvataona, unhu hwaJehovha hunonyatsooneka muzvinhu zvaakaita, uye zvaakasika zvine zvazvinotidzidzisa zvinokosha. Kana tikaramba tichiongorora mabasa aJehovha, ticharamba tichishamiswa nouchenjeri hwake. Kuteerera uchenjeri hwaMwari kuchadzamisa mufaro wedu iye zvino uye kuchatidzivirira mune remangwana. (Mup. 7:12) Chokwadi, tichazvionera kuti vimbiso iri pana Zvirevo 3:13, 18 ndeyechokwadi, inoti: “Munhu anowana uchenjeri ndiye anofara, nomunhu anowana ungwaru, ihwo muti woupenyu kune vaya vanohubata, uye vaya vanohubata zvakasimba vachanzi vanofara.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Vaduku ndivo vanganyanya kunakidzwa nokutsvakurudza zvakanyorwa pamashoko omuzasi anotevera vozopindura zvavanenge vawana nyaya ino painenge ichikurukurwa paChidzidzo cheNharireyomurindi cheungano.

^ ndima 8 Kuti uwane mamwe mashoko nezvesvosve iri rinodya mashizha, ona Awake! yaMarch 22, 1997, peji 31, neMukai! yaJune 8, 2002, peji 18.

^ ndima 11 Kuti uwane mamwe mashoko nezvembira, ona Awake! yaSeptember 8, 1990, mapeji 15-16.

^ ndima 14 Kuti uwane mamwe mashoko nezvemhashu, ona Awake! yaOctober 22, 1976, peji 11.

^ ndima 17 Kuti uwane mamwe mashoko nezvechipfira, ona Awake! yaApril 2008, peji 26.

Unoyeuka Here?

Zvidzidzo zvipi zvinokosha zvatinowana pa . . .

• svosve?

• mbira?

• mhashu?

• chipfira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Unoshanda nesimba sezvinoita svosve rinodya mashizha here?

[Mifananidzo iri papeji 17]

Mbira dzinodzivirirwa nokugara pamwe chete dzakawanda. Ndizvo zvaunoitawo here?

[Mifananidzo iri papeji 18]

Sezvinoita mhashu, vashumiri vechiKristu vanotsungirira

[Mufananidzo uri papeji 18]

Sezvinoita chipfira chinonamatira pakasiyana-siyana, vaKristu vanonamatira pane zvakanaka

[Kwazvakatorwa]

Stockbyte/​Getty Images