Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shandai Nesimba Kuti Muve Vakuru—“zuva Guru raJehovha Rava Pedyo”

Shandai Nesimba Kuti Muve Vakuru—“zuva Guru raJehovha Rava Pedyo”

Shandai Nesimba Kuti Muve Vakuru—“Zuva Guru raJehovha Rava Pedyo”

“Ngatishandei nesimba kuti tive vakuru.”—VAH. 6:1.

1, 2. Mukana upi ‘wokutizira kumakomo’ wakawanikwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva muJerusarema nomuJudhiya?

JESU paaiva pasi pano, vadzidzi vake vakamubvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” Uprofita hwakataurwa naJesu paaipindura mubvunzo wavo hwakatanga kuzadzika muzana remakore rokutanga. Jesu akataura nezvechiitiko chakanga chisina kujairika chaizoratidza kuti kuguma kwava pedyo. Pavaizoona chiitiko ichocho, vaya vaiva “muJudhiya [vaizofanira] kutizira kumakomo.” (Mat. 24:1-3, 15-22) Vadzidzi vaJesu vaizoona chiratidzo chacho voita zvaakanga avarayira here?

2 Kwapera makore anoda kusvika makumi matatu, muna 61 C.E., muapostora Pauro akanyora mashoko okunyevera uye akasimba kuvaKristu vechiHebheru vaigara muJerusarema nemakapoteredza. Pauro nevamwe vake vakanga vasingazivi kuti chiratidzo chokuti “kutambudzika kukuru” kwatanga chakanga changosara nemakore anenge mashanu chete. (Mat. 24:21) Muna 66 C.E. Cestius Gallus akatungamirira mauto eRoma kurwisa Jerusarema, vakapotsa varikunda. Asi akangoerekana arega kurirwisa, zvikapa mukana wokuti vakanga vari pangozi vatize vachienda kwakanga kwakachengeteka.

3. Pauro akakurudzirei vaKristu vechiHebheru, uye nemhaka yei?

3 VaKristu ivavo vaifanira kudzamisa pfungwa dzavo, vonzwisisa zvinhu zvine chokuita nokunamata, voona kuchinja kwezviitiko uye votiza. Zvisinei, vamwe vakanga ‘vagomara pakunzwa kwavo.’ Vakanga vafanana nevacheche vaida “mukaka.” (Verenga VaHebheru 5:11-13.) Kunyange vamwe vakanga vambofamba muchokwadi kwemakumi emakore vakanga vava kuratidza kuti vava ‘kubva pana Mwari mupenyu.’ (VaH. 3:12) Vamwe vakanga vava ‘netsika’ yokurovha misangano yechiKristu panguva iyo ‘zuva rinotyisa rakanga richiswedera pedyo.’ (VaH. 10:24, 25) Panguva yakakodzera Pauro akavakurudzira achiti: “Zvatakasiya dzidziso yokutanga pamusoro paKristu, ngatishandei nesimba kuti tive vakuru.”—VaH. 6:1.

4. Nei zvichikosha kuti tirambe takamuka pane zvokunamata, uye chii chichatibatsira kudaro?

4 Tiri kurarama panguva yokuzadzika kwokupedzisira kwouprofita hwaJesu. “Zuva guru raJehovha,” kureva zuva rokugumisa nyika yose yaSatani, “rava pedyo.” (Zef. 1:14) Tinofanira kuramba takamuka uye tiine chido chokunamata kupfuura zvataiita kare. (1 Pet. 5:8) Ndizvo chaizvo zvatiri kuita here? Kunzwisisa zvinhu zvakadzama zvaMwari kuchatibatsira kuramba tichifunga nezvenguva yatiri.

Zvazvinoreva Kukura Pakunamata

5, 6. (a) Kukura pane zvokunamata kunosanganisirei? (b) Zvinhu zvipi zviviri zvatinofanira kuita kuti tikure pane zvokunamata?

5 Pauro haana kungokurudzira vaKristu vechiHebheru vomuzana remakore rokutanga kuti vakure pakunamata asi akavaudza kuti kukura pakunamata kunosanganisirei. (Verenga VaHebheru 5:14.) “Vanhu vakuru” havagutsikani nokungonwa “mukaka” chete. Vanodya “zvokudya zvikukutu.” Naizvozvo, vanoziva “zvinhu zvokutanga” uye “zvinhu zvakadzama” zvechokwadi. (1 VaK. 2:10) Uyezve masimba avo okunzwisisa anorovedzwa nokushandiswa, kureva kuti kuita zvavanoziva, zvichivabatsira kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. Pavanenge vachida kuita chisarudzo, kurovedzwa uku kunovabatsira kuona kuti magwaro api anoshanda panyaya yacho uye kuti vangaashandisa sei.

6 “Zvakakodzera kuti isu titeerere zvinhu zvatakanzwa kupfuura zvatinogara tichiita, kuti tirege kumbokukurwa,” akanyora kudaro Pauro. (VaH. 2:1) Kukukurwa ikoko pakutenda kunogona kuitika takavarairwa. Kuti izvi zvisaitika kwatiri tinofanira ‘kuteerera kupfuura zvatinogara tichiita’ patinenge tichidzidza Bhaibheri. Naizvozvo mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndichiri kungodzidza zvinhu zvokutanga here? Ndiri kungoverenga zvemasiyandaita ndichiita sengarava iri kungokukurwa, mwoyo wangu usiri pachokwadi chacho here? Ndinganyatsofambira mberi sei pane zvokunamata?’ Kukura pane zvokunamata kunoda kuti tishande nesimba pazvinhu zvinenge zviviri. Tinofanira kunyatsoziva Shoko raMwari. Uye tinofanira kudzidza kuteerera.

Nyatsoziva Shoko

7. Kunyatsoziva Shoko raMwari kungatibatsira sei?

7 “Munhu wose anodya mukaka haazivi shoko rokururama, nokuti mucheche,” akanyora kudaro Pauro. (VaH. 5:13) Kuti tikure pane zvokunamata tinofanira kunyatsoziva shoko raMwari. Sezvo mashoko aya ari muShoko rake Bhaibheri, tinofanira kushingaira kudzidza Magwaro uye mabhuku anobudiswa ‘nemuranda akatendeka, akangwara.’ (Mat. 24:45-47) Kudzidza nenzira iyi kuchaita kuti tive nemafungiro aMwari uye kuchatibatsira kuti tirovedze masimba edu okunzwisisa. Ngatimbokurukurai nezvemuenzaniso womuKristu anonzi Orchid. * Anoti: “Kuyeuchidzwa kwatinogara tichiitwa kuti tiverenge Bhaibheri nguva dzose ndiko kwakanyanya kundibatsira muupenyu hwangu. Zvakanditorera makore maviri kuti ndipedze Bhaibheri rose, asi zvakaita sokuti ndakanga ndaziva Musiki wangu kokutanga. Ndakadzidza nzira dzake, zvaanoda uye zvaasingadi, kukura kwesimba rake uye kudzika kweuchenjeri hwake. Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva kwakanditsigisa pandainyanya kuomerwa muupenyu.”

8. Shoko raMwari ringaita kuti tive nesimba rokuitei?

8 Kugara tichiverenga Shoko raMwari kunoita kuti mashoko acho ‘ave nesimba’ muupenyu hwedu. (Verenga VaHebheru 4:12.) Kuverenga kwakadaro kunogona kuumba mwoyo yedu kwoita kuti tinyatsofadza Jehovha. Iwe unoona uchifanira kuwedzera nguva yokuverenga Bhaibheri uye kufungisisa zvarinotaura here?

9, 10. Kuziva zvinotaurwa neShoko raMwari kunosanganisirei? Taura muenzaniso.

9 Kunyatsoziva Bhaibheri hakurevi kungoziva zvarinotaura. Hakusi kuti vacheche pane zvokunamata vemunguva yaPauro vakanga vasingatombozivi zvinotaurwa neShoko raMwari rakafuridzirwa. Asi vakanga vasingarishandisi uye vasingaiti zvarinotaura kuti vaone kuti rinokosha zvakadini. Vakanga vasingaiti kuti mashoko acho avabatsire pakuita zvisarudzo zvokuchenjera muupenyu hwavo.

10 Kunyatsoziva Shoko raMwari zvinoreva kuziva zvarinotaura uye kushandisa zivo iyoyo muupenyu. Muenzaniso wehanzvadzi yechiKristu inonzi Kyle unoratidza kuti tingazviita sei. Kyle akatadza kuwirirana nomumwe waaishanda naye. Chii chaakaita kuti agadzirise kusawirirana uku? Anotsanangura kuti: “Rugwaro rwakakurumidza kuuya mupfungwa dzangu ndiVaRoma 12:18, runoti: ‘Nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.’ Saka ndakaronga kuti tigoonana newandaishanda naye uyu tapedza basa.” Zvakabudirira uye waaishanda naye akafara chaizvo kuti Kyle akanga atora danho rakanaka rokuti vagadzirise kusawirirana kwacho. “Ndakadzidza kuti hapana chakanaka kupfuura kushandisa mazano ari muBhaibheri,” anodaro Kyle.

Dzidza Kuteerera

11. Chii chinoratidza kuti kuteerera hakusi nyore kana mamiriro ezvinhu akaoma?

11 Kuita zvatinodzidza muMagwaro hakusi nyore, kunyanya kana zvinhu zvakaoma. Somuenzaniso, Jehovha achangosunungura vanakomana vaIsraeri pakuva varanda muIjipiti, “vakapopotera Mosesi” uye ‘vakaramba vachiedza Jehovha.’ Nei vakadaro? Nokuti vakanga vasina mvura yokunwa. (Eks. 17:1-4) Pasina kana mwedzi miviri vaita sungano naMwari uye vabvumirana kuti ‘vachaita mashoko ose akataurwa naJehovha,’ vakaputsa mutemo wake nokunamata zvidhori. (Eks. 24:3, 12-18; 32:1, 2, 7-9) Vangave vakatya pamusana pokuti Mosesi akanga asipo kwenguva yakareba here paaidzidziswa ari mugomo reHorebhi? Kana kuti vangava vaifunga kuti kusavapo kwaMosesi, uyo akanga ambosimudza maoko ake zvikaita kuti vakunde hondo yakanga yapfuura, kwaizoita kuti vaAmareki vavarwise zvekare uye vavakunde here? (Eks. 17:8-16) Pasinei nokuti chii chakaita kuti vadaro, chiripo ndechokuti vaIsraeri ‘vakaramba kumuteerera.’ (Mab. 7:39-41) Pauro akakurudzira vaKristu ‘kuita zvose zvavanogona’ kuti ‘vasawira mumuitiro wokusateerera’ waiva nevaIsraeri pavaitya kupinda muNyika Yakapikirwa.—VaH. 4:3, 11.

12. Jesu akadzidza sei kuteerera, uye zvakamubatsira sei?

12 Kuti tikure pane zvekunamata tinofanira kuedza nepatinogona napo kuteerera Jehovha. Sezvakaratidzwa naJesu Kristu, matambudziko anodzidzisa kuteerera. (Verenga VaHebheru 5:8, 9.) Asati auya pasi pano Jesu aiteerera Baba vake. Zvisinei, kuita kuda kwaBaba vake pasi pano kwaisanganisira kurwadziwa panyama uye kushungurudzika. Paakaramba achiteerera mumamiriro ezvinhu akanga akaoma chaizvo, Jesu ‘akaitwa akakwana’ nokuda kwenzvimbo itsva, iyo Mwari akanga amugadzirira yokuva Mambo uye Mupristi Mukuru.

13. Chii chinoratidza kuti takadzidza kuteerera?

13 Zvakadini nesu? Takatsunga kuteerera Jehovha kunyange zvotsvuka sei here? (Verenga 1 Petro 1:6, 7.) Zano raMwari rakajeka panyaya dzetsika, kuvimbika, kushandisa rurimi zvakanaka, kuverenga woga uye kudzidza Magwaro, kupinda misangano yechiKristu, uye kuparidzira. (Josh. 1:8; Mat. 28:19, 20; VaEf. 4:25, 28, 29; 5:3-5; VaH. 10:24, 25) Tinoteerera Jehovha panyaya idzi kunyange pazvinenge zvakaoma here? Kuteeerera kwedu chiratidzo chokuti tiri kukura pane zvokunamata.

Nei Kukura Pane Zvokunamata Kuchibatsira?

14. Tsanangura kuti kukura pakunamata kungatidzivirira sei.

14 Kana muKristu akava nemasimba okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa munyika ‘isisina kana nepfungwa yose zvayo yetsika,’ anenge achizvichengetedza zvechokwadi. (VaEf. 4:19) Somuenzaniso, hama inonzi James iyo yaigara ichiverenga uye ichikoshesa mabhuku anotsanangura Magwaro, yakapinda basa payaishanda nevakadzi chete. “Kunyange zvazvo vakawanda vacho vairatidza kuti havana tsika zvachose,” anodaro James, “pane mumwe aiita seane tsika uye aifarira chokwadi cheBhaibheri. Zvisinei, mumwe musi tiri toga mune imwe imba kubasa akatanga kuita zvinhu zvairatidza kuti aida kuti ndirare naye. Ndakafunga kuti aitamba asi zvakanga zvakandiomera chaizvo kuti ndimuudze kuti asadaro. Ndakabva ndayeuka imwe nyaya yakarondedzerwa muNharireyomurindi yaitaura nezveimwe hama yakasangana nomuedzo wakadaro kubasa. Nyaya yacho yakashandisa muenzaniso waJosefa nomudzimai waPotifari. * Ndakabva ndamusundira kure, achibva abuda achimhanya. (Gen. 39:7-12) James anotenda kuti hapana chimwe chakazoitika uye kuti akaramba aine hana yakanaka.—1 Tim. 1:5.

15. Kuramba tichikura pakunamata kunosimbisa sei mwoyo yedu yokufananidzira?

15 Kukura pakunamata kunobatsirawo pakuti kunosimbisa mwoyo yedu yokufananidzira uye kunoita kuti ‘tisatsauswa nedzidziso dzakasiyana-siyana uye dzisingazivikanwi.’ (Verenga VaHebheru 13:9.) Patinoedza kufambira mberi pakunamata, pfungwa dzedu dzinoramba dzichifunga “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaF. 1:9, 10) Saka tinowedzera kuonga kwatinoita Mwari nokuda kwezvose zvaakatiitira zvinotibatsira. (VaR. 3:24) MuKristu ‘akakura zvakakwana pasimba rokunzwisisa’ anowedzera kuonga kwakadaro uye anova noushamwari hwepedyo naJehovha.—1 VaK. 14:20.

16. Chii chakabatsira imwe hanzvadzi ‘kusimbisa mwoyo’ wayo?

16 Imwe hanzvadzi inonzi Louise yakabvuma kuti mushure mokunge yabhabhatidzwa, kwekanguva yainyanya kuva nehanya nokuti vamwe vaiiona sei. Anoti, “Hapana chakaipa chandaiita, asi ndakanga ndisina chido chepamwoyo chokushumira Jehovha. Ndakazoona kuti pane zvandaifanira kuchinja kuti ndinzwe kuti ndiri kupa Jehovha zvose zvandaigona. Chikuru chacho chakanga chiri chokuti ndaifanira kumunamata nomwoyo wose.” Paakadaro, Louise ‘akasimbisa mwoyo’ wake, uye paakazowirwa nedambudziko raishungurudza rourwere zvakaratidza kuti zvinokosha. (Jak. 5:8) Louise anoti, “Ndakatambura chaizvo nourwere, asi ndakava noukama hwepedyo zvikuru naJehovha.”

‘Teerera Zvinobva Pamwoyo’

17. Nei kuteerera kwainyanya kukosha muzana remakore rokutanga?

17 Zano raPauro ‘rokukura pane zvokunamata’ rakaponesa vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaigara muJerusarema neJudhiya. Vaya vakateerera zano iri vakanzwisisa zvinhu zvokunamata vakaona kukosha kwokuteerera chiratidzo chakanga chapiwa naJesu chokuti “vatange kutizira kumakomo.” Pavakaona “chinhu chinonyangadza chinokonzera kuparadzwa . . . chimire panzvimbo tsvene,” kureva mauto eRoma akakomberedza Jerusarema, vakaziva kuti yakanga yava nguva yokuti vatize. (Mat. 24:15, 16) Munyori wenhau dzezvitendero anonzi Eusebius akati VaKristu vakatiza muguta reJerusarema risati raparadzwa, vachiteerera zvavakanga vagara vaudzwa naJesu, vakanogara muguta rePella riri munzvimbo ine makomo yeGiriyedhi. Izvi zvakaita kuti vapukunyuke kutambudzika kwakaipisisa kwakanga kusati kwamboitika muJerusarema.

18, 19. (a) Mazuva ano nei zvichikosha kuti titeerere? (b) Zvii zvichakurukurwa munyaya inotevera?

18 Kuteerera kunobva pakukura pane zvokunamata kuchatiponesawo patichaona kuzadzika kwouprofita hwaJesu hwokuti “pachava nokutambudzika kukuru” kusina kana kunoenzana nako. (Mat. 24:21) Ticharamba tichiteerera chero mitemo yatichazowana inobva ku“mutariri akatendeka” here? (Ruka 12:42) Zvinokosha chaizvo kuti tidzidze ‘kuteerera zvichibva pamwoyo.’—VaR. 6:17.

19 Kuti tikure pane zvokunamata, tinofanira kurovedza masimba edu okunzwisisa. Tinoita izvi nokushanda nesimba kuti tinyatsoziva Shoko raMwari uye nokudzidza kuteerera. Kukura pane zvokunamata kwakanyanya kuomera vechiduku. Nyaya inotevera ichakurukura kuti vangaita sei kuti vasanyanya kuomerwa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 14 Ona nyaya ine musoro unoti “Kusimbiswa Kuti Urambe Kuita Zvakaipa,” iri muNharireyomurindi yaOctober 1, 1999.

Wadzidzei?

• Kukura pakunamata kudini, uye tingakura sei?

• Kunyatsoziva Shoko raMwari kunei nokukura pakunamata?

• Tinodzidza sei kuteerera?

• Kukura pakunamata kunotibatsira sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kushandisa mazano ari muBhaibheri kunotibatsira kukunda zvinetso nenzira inoratidza kuti takura pane zvokunamata

[Mufananidzo uri papeji 12]

Kuteerera zano raJesu kwakaponesa vaKristu vepakutanga