Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichifanira Kutevera “Kristu”?

Nei Tichifanira Kutevera “Kristu”?

Nei Tichifanira Kutevera “Kristu”?

“Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe . . . arambe achinditevera.”—RUKA 9:23.

1, 2. Nei zvichikosha kuti tiongorore kuti nei tichifanira kutevera “Kristu”?

JEHOVHA anofara chaizvo paanoona imi vachangotanga kufarira nevaduku muri mumapoka eungano dzevanamati vake dziri pasi pano. Pamunoramba muchidzidza Bhaibheri, muchipinda misangano yechiKristu nguva dzose, uye muchiwedzera zivo inopa upenyu inowanikwa muShoko raMwari, munofanira kufungisisa mashoko aJesu okuti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, aritakure zuva nezuva, arambe achinditevera.” (Ruka 9:23) Jesu ari kuti unofanira kunge uchida kuzviramba uye kuva muteveri wake. Saka zvinokosha kuti isu tiongorore kuti nei tichifanira kutevera “Kristu.”—Mat. 16:13-16.

2 Zvakadini nevamwe vedu vava kutofamba vachitevera tsoka dzaJesu Kristu? Tinokurudzirwa kuti ‘tirambe tichiwedzera kuzviita zvizere.’ (1 VaT. 4:1, 2) Tingave tichangowana chokwadi kana kuti takachiwana makumi emakore akapfuura, kufungisisa zvikonzero zvokutevera Kristu kuchatibatsira kuita zvakataurwa naPauro uye kunyatsomutevera zvizere muupenyu hwedu. Ngatikurukurei zvikonzero zvishanu nei tichifanira kuda kutevera Kristu.

Kuti Tive Noukama Hwepedyo naJehovha

3. Inzira dzipi mbiri dzingatibatsira kuziva Jehovha?

3 Muapostora Pauro paaitaura nevanhu vokuAtene “akamira pakati peAreyopago” akati: “[Mwari] akatema nguva dzakatarwa nemiganhu yakaiswa yokugara kwevanhu, kuti vatsvake Mwari, vamutsvangadzire, vamuwane, chokwadi, kunyange zvazvo asiri kure nomumwe nomumwe wedu.” (Mab. 17:22, 26, 27) Tinogona kutsvaka Mwari tosvika pakunyatsomuziva. Somuenzaniso, zvinhu zvakasikwa zvinotidzidzisa zvakawanda nezvaMwari uye zvaanokwanisa kuita. Kucherechedza zvinhu zvaakasika tichifungisisa kunogona kutidzidzisa zvakawanda nezvoMusiki. (VaR. 1:20) Jehovha akazivisawo zvakawanda nezvake muShoko rake rakanyorwa, Bhaibheri. (2 Tim. 3:16, 17) Kuwedzera kwatinoita ‘kufungisisa nezvebasa rake’ uye ‘kuva nehanya nezvaakaita,’ ndiko kuwedzera kwatinoitawo kuziva Jehovha.—Pis. 77:12.

4. Kutevera Kristu kungatibatsira sei kuva noukama hwepedyo zvikuru naJehovha?

4 Nzira yakanaka zvikuru yokunyatsoziva Jehovha ndeyokutevera Kristu. Chimbofunga nezvokukudzwa kwaiitwa Jesu paaiva naBaba vake “nyika isati yavapo”! (Joh. 17:5) Ndiye “wokutanga pane zvakasikwa naMwari.” (Zvak. 3:14) Sezvo ari iye “dangwe rezvisikwa zvose,” akararama kwemakore akawanda kudenga aina Baba vake, Jehovha. Asati ava munhu wenyama, Jesu akashandisa zvakanaka nguva yaaiva naBaba vake. Aiva shamwari yaMwari yepedyo, achifara kushanda pamwe chete neWemasimbaose, uye hapana akambova noukama hwepedyo naMwari kumupfuura. Jesu haana kungogumira pakucherechedza nzira yaBaba vake yokuita zvinhu, manzwiro avo uye zvavari, asiwo akanyatsonzwisisa ndokutevedzera zvose zvaakadzidza nezvaBaba vake. Izvi zvakaita kuti Mwanakomana aiteerera uyu agume aita saBaba vake, zvokuti Bhaibheri rinotomuti “mufananidzo waMwari asingaoneki.” (VaK. 1:15) Kana tikanyatsotevera Kristu, tinogona kuva noukama hwepedyo zvikuru naJehovha.

Kuti Tinyatsotevedzera Jehovha

5. Tingaite sei kuti tinyatsotevedzera Jehovha, uye nei izvozvo zvichiita?

5 Takasikwa ‘nomufananidzo waMwari, takafanana naye,’ saka tinokwanisa kuratidza unhu hwake. (Gen. 1:26) Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti vave “vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.” (VaEf. 5:1) Kutevera Kristu kunotibatsira kutevedzera Baba vedu vokudenga. Izvi zvinoita nokuti Jesu akaratidza mafungiro aMwari, manzwiro ake, uye unhu hwake zvakanaka uye akatsanangura zvakaita Mwari kupfuura zvaizoita mumwe munhu upi zvake. Paaiva pasi pano, Jesu haana kungogumira pakuita kuti zita raJehovha rizivikanwe. Asi akatoita kuti Muridzi wezita iroro azivikanwe zvaari. (Verenga Mateu 11:27.) Izvi akazvidzidzisa vanhu uye akaita zvokuratidza nemabasa ake.

6. Dzidziso dzaJesu dzinoratidzei nezvaJehovha?

6 Jesu akaratidza nezvaaidzidzisa kuti Mwari anodei kwatiri uye kuti anonzwa sei nezvevanhu vanomunamata. (Mat. 22:36-40; Ruka 12:6, 7; 15:4-7) Somuenzaniso, pashure pokudzokorora mumwe weMitemo Gumi wokuti, “usaita upombwe,” Jesu akatsanangura maonero anoita Mwari zvinoitika mumwoyo momunhu asati atomboita upombwe. Akati: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Eks. 20:14; Mat. 5:27, 28) Pashure pokutaura matsanangurirwo aiitwa mamwe mashoko oMutemo nevaFarisi vachiti: “Ida muvakidzani wako uvenge muvengi wako,” Jesu akaratidza maonero anoita Jehovha achiti: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.” (Mat. 5:43, 44; Eks. 23:4; Revh. 19:18) Kunzwisisa maonero anoita Mwari uye manzwiro ake nezvaanoda kunotibatsira kuti tinyatsomutevedzera.

7, 8. Tinodzidzei nezvaJehovha pane zvakaitwa naJesu?

7 Jesu akaratidza zvakaita Baba vake nemuenzaniso wake. Patinoverenga muEvhangeri kuti Jesu aiva netsitsi kuvarombo, ainzwira urombo vaitambura, akashatirirwa vadzidzi vake pavakarambidza vana vaduku kuuya kwaari, hationi here Baba vachinzwa saizvozvo? (Mako 1:40-42; 10:13, 14; Joh. 11:32-35) Funga kuti zvakaita Jesu zvinotibatsira sei kuziva zvinhu zvikuru zvinobatanidzwa muunhu hwaMwari. Zvishamiso zvakaitwa naKristu hazviratidzi here simba guru raaiva naro? Kunyange zvakadaro haana kurishandisa kuita kuti zvinhu zvimufambire iye pachake kana kuti akuvadze vamwe. (Ruka 4:1-4) Kudzingira vatengesi vaikara kunze kwetemberi kwaakaita kunonyatsoratidza pachena maonero okururamisira aaiva nawo. (Mako 11:15-17; Joh. 2:13-16) Dzidziso dzake uye mashoko anofadza aakashandisa kusvika pamwoyo yevanhu zvinoratidza kuti ‘aipfuura Soromoni’ pakuchenjera. (Mat. 12:42) Kuzoti irwo rudo rwaakaratidza nokupa mweya wake kuti vanhu vapone, chii chimwe chatingada kuzotaura kunze kwokungoti “hapana ane rudo rukuru kune urwu”?—Joh. 15:13.

8 Mwanakomana waMwari akanyatsoratidza zvakaita Jehovha pane zvose zvaakataura uye zvaakaita zvokuti aigona kutaura kuti: “Aona ini aonawo Baba.” (Verenga Johani 14:9-11.) Kutevera Kristu kwakangofanana nokutevedzera Jehovha.

Jesu Muzodziwa waJehovha

9. Jesu akava Muzodziwa waMwari rini uye zvakaitika sei?

9 Funga zvakaitika mumatsutso a29 C.E. apo Jesu aiva nemakore 30 akaenda kuna Johani Mubhabhatidzi. “Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akabuda mumvura; uye tarira! matenga akavhurika, Johani akaona mudzimu waMwari uchiburuka wakaita senjiva uchiuya paari.” Panguva iyoyo akabva ava Kristu kana kuti Mesiya. Jehovha pachake akabva aita kuti zvizivikanwe kuti Jesu ndiye Muzodziwa Wake, achiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mat. 3:13-17) Ichocho chimwe chikonzero chikuru chaizvo chokuti tide kutevera Kristu.

10, 11. (a) Zita rokuremekedza rokuti “Kristu” rinoshandiswa sei pana Jesu? (b) Nei tisingafaniri kukundikana kutevera Jesu Kristu?

10 MuBhaibheri shoko rokuti “Kristu” rinoshandiswa zvakasiyana-siyana richireva Jesu, zvakadai sokuti Jesu Kristu, Kristu Jesu uye kungoti Kristu chete. Jesu pachake ndiye akatanga kushandisa mashoko okuti “Jesu Kristu,” achitanga nezita chairo kwozotevera rokuremekedza. Paainyengetera kuna Baba vake, akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Joh. 17:3) Mashandisiro aakaita mazita aya anoita kuti tiise pfungwa dzedu pamunhu akatumwa naMwari akazova Muzodziwa wake. Panotanga nokutaurwa zita rokuremekedza, sepanonzi “Kristu Jesu,” panenge pava kunyanya kusimbiswa chinzvimbo chake, kana kuti basa raanoita. (2 VaK. 4:5) Kushandisa zita rokuti “Kristu” riri roga ndeimwe nzira yokusimbisa basa raJesu saMesiya.—Mab. 5:42.

11 Pasinei nokuti zita rokuremekedza rokuti “Kristu” rinoshandiswa sei pana Jesu, rinosimbisa chokwadi ichi chinokosha: Kunyange zvazvo Mwanakomana waMwari akauya pasi pano somunhu achizivisa kuda kwaBaba vake, akanga asiri munhuwo zvake uyewo akanga asiri muprofita chete asi kuti akauya kuzova Muzodziwa waJehovha. Hatimbofaniri kukundikana kutevera Muzodziwa iyeyu.

Jesu Ndiye Chete Nzira Yokuponeswa Nayo

12. Muapostora Tomasi akaudzwa mashoko api anokosha kwatiri?

12 Chimwe chikonzero chinokosha chokuti tirambe tichitevera Mesiya chakataurwa naJesu kuvaapostora vake vakatendeka, kwangosara maawa mashomanana kuti afe. Jesu achipindura mubvunzo wakanga wabvunzwa naTomasi pamusoro pezvaaive ataura zvokuenda kunovagadzirira nzvimbo, akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Joh. 14:1-6) Jesu ipapo aitaura nevaapostora 11 vakatendeka. Akavavimbisa nzvimbo kudenga, asi mashoko ake anokoshawo kuvaya vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. (Zvak. 7:9, 10; 21:1-4) Pakudini?

13. Jesu ‘inzira’ mupfungwa ipi?

13 Jesu Kristu ndiye “nzira.” Kureva kuti tinongogona kutaura naMwari nokwaari chete. Pakunyengetera tinogona kuva nechokwadi chokuti Baba vachatipa chero chii zvacho chatingavakumbira chinoenderana nokuda kwavo kana chete tanyengetera nokuna Jesu. (Joh. 15:16) Zvisinei, Jesu ‘inzira’ mune imwezve pfungwa. Chivi chakaparadzanisa vanhu naMwari. (Isa. 59:2) Jesu akapa “mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” (Mat. 20:28) Saka Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Ropa raJesu . . . rinotichenesa pazvivi zvose.” (1 Joh. 1:7) Saka Mwanakomana akaita kuti pave nomukana wokuyanana naMwari. (VaR. 5:8-10) Tinogona kuva noukama hwakanaka naMwari kana tikatenda muna Jesu uye tikamuteerera.—Joh. 3:36.

14. Jesu ‘ichokwadi’ pakudii?

14 Jesu ‘ichokwadi’ kwete bedzi nokuti aigara achitaura kana kuti achirarama maererano nechokwadi asiwo kuti uprofita hwose hwakanyorwa nezvaMesiya, hwakawanda hwakazadzika maari. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvisinei nokuti zvipikirwa zvaMwari zvizhinji sei, izvo zvakava Hungu pachishandiswa iye.” (2 VaK. 1:20) Kunyange “mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya” uri muMutemo waMosesi wakazova chinhu chaicho muna Kristu Jesu. (VaH. 10:1; VaK. 2:17) Jesu ndiye musimboti wokuzadzika kwouprofita hwose, uye hunojekesa basa rake rinokosha muchinangwa chaJehovha. (Zvak. 19:10) Kuti tizowana zvinhu zvatakagadzirirwa naMwari kana chinangwa chake chava kuzozadziswa, tinofanira kutevera Mesiya.

15. Jesu ndiye “upenyu” pakudii?

15 Jesu ndiye “upenyu” nokuti akatenga vanhu neropa rake, uye upenyu husingaperi chipo chinopiwa naMwari “achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu.” (VaR. 6:23) Uyewo Jesu ndiye “upenyu” kune vakafa. (Joh. 5:28, 29) Fungidzira zvaachaita soMupristi Mukuru paachange achitonga kwemakore ane chiuru. Achasunungura zvachose vanhu vaanenge achitonga pasi pano pachivi norufu.—VaH. 9:11, 12, 28.

16. Chikonzero chipi chokutevera Jesu chatinacho?

16 Saka mhinduro yaJesu kumubvunzo waTomasi inokosha zvikuru kwatiri. Jesu ndiye nzira nechokwadi noupenyu. Ndiye akatumwa naMwari panyika kuti anunure vanhu. (Joh. 3:17) Uye hapana anouya kuna Baba asingasviki nokwaari. Bhaibheri rinonyatsojekesa kuti: “Hapana mumwe angaponesa vanhu, nokuti hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.” (Mab. 4:12) Pasinei nezvatakadzidziswa kare, kuchenjera kuti titende muna Jesu, tomutevera uye totungamirirwa kuupenyu.—Joh. 20:31.

Takarayirwa Kuti Titeerere Kristu

17. Nei zvichikosha kuti titeerere Mwanakomana waMwari?

17 Petro, Johani, naJakobho vakaona Jesu achichinja chitarisiko. Panguva iyoyo, vakanzwa inzwi raibva kudenga richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, akasarudzwa. Muteererei.” (Ruka 9:28, 29, 35) Murayiro wokuti titeerere Mesiya haisi nyaya yokutamba nayo.—Verenga Mabasa 3:22, 23.

18. Tingateerera sei Jesu Kristu?

18 Kuteerera Jesu kunosanganisira ‘kuramba takamutarira tichinyatsofunga muenzaniso wake.’ (VaH. 12:2, 3) Saka tinofanira ‘kunyatsoteerera zvinhu’ zvatinoverenga pamusoro pake muBhaibheri uye mumabhuku anobudiswa ‘nemuranda akatendeka, akangwara’ uyewo zvatinonzwa nezvake pamisangano yechiKristu. (VaH. 2:1; Mat. 24:45) Semakwai ake ngatimuteererei nemwoyo wose tobva tamutevera.—Joh. 10:27.

19. Chii chichatibatsira kuramba tichitevera Kristu?

19 Tingabudirira kuramba tichitevera Kristu pasinei nezvingaitika muupenyu here? Hungu tinogona, kana ‘tikaramba takabata muenzaniso wemashoko anopa utano’ nokuita zvatinodzidza “nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu.”—2 Tim. 1:13.

Wadzidzei?

• Nei kutevera “Kristu” kuchigona kuita kuti tive neukama hwapedyo naJehovha?

• Nei kutevedzera Jesu kwakangofanana nokutevedzera Jehovha?

• Jesu ndiye “nzira nechokwadi noupenyu” pakudii?

• Nei tichifanira kuteerera Muzodziwa waJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 29]

Zvaidzidziswa naJesu zvakaratidza mafungiro aJehovha akakwirira

[Mufananidzo uri papeji 30]

Tinofanira kutevera Muzodziwa waJehovha takatendeka

[Mufananidzo uri papeji 32]

Jehovha akazivisa kuti: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu, muteererei’