Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Nguva Yokunyarara”

“Nguva Yokunyarara”

“Nguva Yokunyarara”

“KUTAURA isirivha, kunyarara indarama.” Ichi chirevo chekare chinonzi chakatangwa nevanhu vokuMabvazuva. Chirevo ichi chakafanana nechechiShona chinoti: “Kunyarara kunokunda kutaura.” Mambo akanga akachenjera Soromoni weIsraeri yekare akanyora kuti: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, uyewo zvose zvinoitwa pasi pematenga zvine nguva yazvo . . . nguva yokunyarara nenguva yokutaura.”—Mup. 3:1, 7.

Asi ndepapi pakakodzera kuti unyarare pane kutaura? Mashoko okuti “nyarara” uye “runyararo” anowanika kakawanda muBhaibheri. Kuongorora nzvimbo dzaakashandiswa kunotibatsira kuona kuti zvakakodzera kunyarara pazvinhu zvitatu zvoupenyu. Ngatimboongororai kunyarara sechiratidzo chokuremekedza, souchapupu hwokunzwisisa, uye kubatsira kwakunoita pakufungisisa.

Kuratidza Ruremekedzo

Kunyarara kunoratidza ruremekedzo kana kuti rukudzo. Muprofita Habhakuki akati: “Jehovha ari mutemberi yake tsvene. Nyika yose ngairambe yakanyarara pamberi pake!” (Hab. 2:20) Vanamati vechokwadi vanofanira ‘kumirira ruponeso rwaJehovha, vakanyarara.’ (Mari. 3:26) Munyori wepisarema akaimba kuti: “Ramba wakanyarara pamberi paJehovha, umumirire uchimusuwa. Usatsamwira munhu wose anoita kuti nzira yake ibudirire.”—Pis. 37:7.

Zvingaita here kuti tirumbidze Jehovha tisingaiti zvokutaura? Zvinoita, pakuti dzimwe nguva kunaka kwezvinhu zvakasikwa kunoita kuti tiome mate mukanwa tobva tashaya neromuromo. Kufunga nezvezvinhu zvinoshamisa zvakadaro haisi imwe nzira yokurumbidza nayo Musiki mumwoyo medu here? Munyori wepisarema Dhavhidhi akatanga rumwe rwiyo rwake achiti: “Haiwa Mwari, muZiyoni mune kurumbidza—runyararo—, nokuda kwenyu; uye mucharipirwa mhiko.”—Pis. 65:1.

Sezvo Jehovha akakodzera kuti timurekedze, tinofanirawo kuremekedza zvaanotaura. Somuenzaniso, muprofita waMwari Mosesi paakataura mashoko ake okuonekana norudzi rwaIsraeri, iye nevapristi vakarayira vanhu vose vaivapo vachiti: “Ramba wakanyarara, . . . , unofanira kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako.” Vanakomana vaIsraeri pavaiungana Mutemo waMwari uchiverengwa, kunyange vana vaduku vaifanira kunyatsoteerera. Mosesi akati: “Unganidza vanhu, varume nevakadzi nevana . . . kuti vadzidze.”—Dheut. 27:9, 10; 31:11, 12.

Zvakakodzera chaizvo kuti vanamati vaJehovha vemazuva ano vateerere noruremekedzo mirayiridzo yavanopiwa pamisangano yechiKristu, kusanganisira pamagungano! Hazvingaratidzi kusaremekedza Shoko raMwari nesangano rake here kana tikange tichitaura hedu zvisina basa apo chokwadi chinokosha chiri muBhaibheri chinenge chichitaurwa pachikuva? Nguva yepurogiramu inguva yokunyarara uye kuteerera.

Kunyange patinenge tichitaura nomunhu mumwe chete, kuva muteereri akanaka kunoratidza ruremekedzo. Somuenzaniso, murume airemekedzwa Jobho akati kune vaimupomera nhema: “Ndirayiridzei, uye ini ndichange ndakanyarara.” Jobho akateerera chinyararire pavaitaura. Uye pakasvika mukana wokuti iye ataurewo, akakumbira kuti: “Rambai makanyarara pamberi pangu, kuti ini nditaure.”—Job. 6:24; 13:13.

Kunoratidza Kuti Tinonzwisisa Uye Tine Ungwaru

Bhaibheri rinoti: “Munhu anodzora miromo yake anoita nokungwara.” “Munhu ane ungwaru kwazvo ndiye anoramba akanyarara.” (Zvir. 10:19; 11:12) Ngatimboonai kuti Jesu akaratidza sei kunzwisisa noungwaru paakaramba akanyarara. Paakaona kuti kutaura nevavengi vake vakanga vakashatirwa kwaisazobatsira, “Jesu akaramba akanyarara.” (Mat. 26:63) Pave paya, paakanga ava kutongwa naPirato, Jesu “haana kupindura.” Akashandisa ungwaru achiita kuti mabasa ake aizivikanwa nevanhu ataure oga.—Mat. 27:11-14.

Isuwo tinofanira kubata muromo, kunyanya patinenge tagumburwa. Chimwe chirevo chinoti: “Munhu anononoka kutsamwa ane ungwaru kwazvo, asi asingashiviriri anokwidziridza upenzi.” (Zvir. 14:29) Kukurumidza kupindura kana zvinhu zvakaoma kungaguma nokutaura zvatinozodemba. Pakadaro munhu watiri kutaura naye angaona setiri kutaura zvoupenzi, zvoita kuti isuwo tishushikane.

Tinofanira kungwarira zvatinotaura panenge paine vanhu vakaipa. Patinosangana nevanotishora muushumiri, kazhinji kunyarara ndiwo mushonga. Uyezve, kungava kuchenjera kuramba takanyarara kuitira kuti tisaita setiri kuzvifarira kana vatinodzidza navo kana kuti vatinoshanda navo vakataura majee anonyadzisira kana kuti mashoko okutuka. (VaEf. 5:3) Munyori wepisarema akanyora kuti: “Ndichaisa tomu kuti rive murindi womuromo wangu, chero bedzi munhu akaipa ari pamberi pangu.”—Pis. 39:1.

Munhu “ane ungwaru kwazvo” haafumuri pfimbi yomumwe. (Zvir. 11:12) MuKristu wechokwadi haazotauri achipfuura miganhu ofumura zvakavanzika. Vakuru vechiKristu vanofanira kunyanya kungwarira panyaya iyi kuitira kuti vanhu vari muungano varambe vachivimba navo.

Kunyange zvazvo kunyarara kusingabudisi mashoko, kunogona kuva nezvakunobatsira. Mumwe munyori wokuEngland womuzana remakore rechi19 anonzi Sydney Smith akati nezvemumwe waakararama panguva imwe chete naye: “Dzimwe nguva anomboramba akanyarara, izvo zvinoita kuti paanozotaura, mashoko ake anakidze zvokuti.” Shamwari mbiri padzinenge dzichikurukura, dzinofanira kupanana mukana wokutaura. Mukurukuri akanaka anofanira kuva muteereri akanaka.

“Pamashoko mazhinji hapashayikwi kudarika,” akanyevera kudaro Soromoni, “asi munhu anodzora miromo yake anoita nokungwara.” (Zvir. 10:19) Saka kana ukasataurisa, kashoma kuzotaura zvinhu zvisina kunaka. Kutaura zvazviri “kunyange benzi, parinenge rakanyarara, richanzi rakachenjera; munhu anovhara miromo yake, achanzi anonzwisisa.” (Zvir. 17:28) Saka ngatinyengeterei tichikumbira Jehovha kuti ‘aise murindi pasuo remiromo yedu.’—Pis. 141:3.

Kunobatsira Pakufungisisa

Magwaro anotiudza nezvomurume anotevera nzira yokururama kuti “anoverenga mutemo wa[Mwari] nenzwi riri pasi masikati nousiku.” (Pis. 1:2) The Bible in Union Shona rinoti: “Unofungisisa murayiro wake masikati nousiku.” Zvii zvingaita kuti munhu afungisise saizvozvo?

Isaka, mwanakomana womusoro wemhuri Abrahamu, “akanga ari kunze achifamba kuti afungisise ari kusango panenge panguva yemanheru.” (Gen. 24:63) Akasarudza kufungisisa panguva yakwaiva kusina ruzha uye ari kunzvimbo yakanyarara. Mambo Dhavhidhi aifungisisa panguva yokurinda kwousiku. (Pis. 63:6) Jesu munhu akanga akatokwana akaita zvose zvaaigona kuti afungisise ari oga, kure neruzha rwaiitwa nevanhu, ari oga kumakomo, mumarenje, nomune dzimwe nzvimbo dzaiva dzisina vanhu.—Mat. 14:23; Ruka 4:42; 5:16.

Kunyarara kwakanakirawo utano hwedu. Kunogona kuita kuti tiwane mukana wokuzviongorora, chinova chinhu chinokosha chaizvo kana tichida kuzvivandudza. Kunyarara kunobatsira kuti tisashushikana. Kufungisisa panguva inenge isina ruzha kungaita kuti tizvininipise uye kungawedzera kukoshesa kwatinoita zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu.

Kunyange zvazvo kunyarara kwakanaka, panewo “nguva yokutaura.” (Mup. 3:7) Vanamati vechokwadi nhasi uno vari kushingaira kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari “munyika yose inogarwa.” (Mat. 24:14) Ruzha rwokufara kwavo rwuri kuramba rwuchiwedzera sezvo vari kuramba vachiwanda. (Mika 2:12) Saka nepatinogona napo ngatishingairei pamwe chete nevamwe kuzivisa mashoko akanaka oUmambo uye kutaura nezvemabasa aMwari anoshamisa. Patinenge tichiita basa iri rinokosha, dai mararamiro edu akaratidza kuti tinoziva kuti dzimwe nguva kunyarara indarama.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Patinenge tichiita misangano yedu yechiKristu, tinofanira kuteerera todzidza

[Mufananidzo uri papeji 4]

Kana tikatukwa muushumiri, zvingava zvakakodzera kuti tingonyarara

[Mufananidzo uri papeji 5]

Runyararo runobatsira pakufungisisa