Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Varume, Tevedzerai Rudo rwaKristu!

Varume, Tevedzerai Rudo rwaKristu!

Varume, Tevedzerai Rudo rwaKristu!

PAUSIKU hwake hwokupedzisira ari pasi pano, Jesu akaudza vaapostora vake vakatendeka kuti: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:34, 35) VaKristu vechokwadi vanofanira kudanana.

Muapostora Pauro akanyorera varume vechiKristu zvakananga, achiti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo.” (VaEf. 5:25) MuKristu angashandisa sei zano iri mumhuri make, kunyanya kana mudzimai wake ari mushumiri waJehovha akazvitsaurira?

Kristu Aida Ungano

Bhaibheri rinoti: “Varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo. Anoda mudzimai wake anozvida, nokuti hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira, sezvinoitirawo Kristu ungano.” (VaEf. 5:28, 29) Jesu aikoshesa vadzidzi vake uye aivada. Aivaremekedza. Kunyange zvazvo vainge vasina kukwana, aivabata nounyoro uye aivaitira mutsa. Ainyanya kutsvaka unhu hwakanaka hwevadzidzi vake nokuti aida “kuti aise ungano kwaari iine runako rwayo.”—VaEf. 5:27.

Sezvo Kristu airatidza kuti aida ungano, murume anofanira kuratidza uye kuudza mudzimai wake kuti anomuda. Mukadzi anogara achiratidzwa rudo nomurume wake anonzwa achikosheswa chaizvo uye anofara. Asiwo, mukadzi ari kurarama upenyu hwemutambarakede anogona kusatombofara kana murume wake achiratidza kusava nehanya naye kana kuti asingamuratidzi kuti anomuda.

Murume anoratidza sei kuti anoda mudzimai wake? Anomusuma kune vamwe zvine ruremekedzo uye anomurumbidza pane vanhu achiti anomutsigira. Kana mudzimai wake akabatsira kuti chimwe chinhu chibudirire mumhuri, murume haazezi kuudza vamwe nezvazvo. Vari voga mudzimai anozviona kuti murume wake anomuda. Kumubata ruoko, kumunyemwerera, kumumbundira, uye kumurumbidza kungaita sezvinhu zviduku asi mudzimai anozvikoshesa chaizvo.

“Haana Kunyara Kuvati ‘Hama’”

Kristu Jesu akanga ‘asinganyari kudana vateveri vake vakazodzwa kuti hama.’ (VaH. 2:11, 12, 17) Kana iwe uri muKristu, yeukawo kuti mudzimai wako ihanzvadzi yako yechiKristu. Kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha kunokosha kupfuura mhiko yake yomuchato, zvisinei nokuti akabhabhatidzwa wamuroora here kana kuti usati. Hama inenge ichitungamirira pamusangano weungano inodaidza mudzimai wako sezvaanofanira kuitwa ichiti “Hanzvadzi Nhingi” paanenge achipindura. Ihanzvadzi yakowo, kwete paImba yoUmambo chete, asiwo kumba. Zvakakosha kuva nemutsa uye kumuremekedza kumba sezvaunongoitawo kuImba yoUmambo.

Kana uine zvokuita zvakawanda muungano, dzimwe nguva zvingakuomera kuwana nguva yokuita zvose, mabasa eungano nezvaunofanira kuita mumhuri. Kunyatsoshanda pamwe zvakanaka pakati pevakuru nevashumiri vanoshumira uye kupawo vamwe mabasa kunogona kukubatsira kuti uwane nguva nehanzvadzi inoda kuva newe kupfuura vamwe vose, mudzimai wako. Yeuka kuti hama dzakawanda dzinogona kuita mabasa auri kuita muungano, asi iwe ndiwe woga hama yakabatanidzwa nemudzimai wako nemuchato.

Uyezve, ndiwe musoro womudzimai wako. Bhaibheri rinoti: “Musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume.” (1 VaK. 11:3) Unofanira kuratidza sei kuti ndiwe musoro? Nokumuratidza rudo, kwete kungodzokorora rugwaro rwataurwa pamusoro apa uye kuita zvokumuudza kuti akuremekedze. Kutevedzera Jesu Kristu pamabatiro aunoita mudzimai ndiwo musimboti wokuva musoro wemba wakanaka.—1 Pet. 2:21.

“Muri Shamwari Dzangu”

Jesu akadana vadzidzi vake achivati shamwari dzake. Akavaudza kuti: “Handichatizve muri varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndati muri shamwari, nokuti ndakakuzivisai zvinhu zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu.” (Joh. 15:14, 15) Jesu aikurukura nevadzidzi vake vachinzwanana. Uyewo vaiita zvinhu pamwe chete. “Jesu nevadzidzi” vake vakakokwa kuKana kumutambo womuchato. (Joh. 2:2) Pane nzvimbo dzavaifarira, dzakadai sebindu reGetsemane. Bhaibheri rinoti, “Jesu akanga asangana nevadzidzi vake kazhinji ikoko.”—Joh. 18:2.

Mudzimai anofanira kuona kuti murume wake anomutora seshamwari yepamwoyo. Zvinokosha chaizvo kuti imi varume munakidzwe neupenyu pamwe nemadzimai enyu. Shumirai Mwari pamwe chete. Nakidzwai nekudzidza Bhaibheri muri pamwe chete. Ivai nenguva yakawanda muri pamwe chete—muchifamba mose, muchikurukura uye muchidya pamwe chete. Ivai shamwari dzepamwoyo, kwete kungova murume nomukadzi.

“Akavada Kusvikira Kumugumo”

Jesu ‘akada vadzidzi vake kusvikira kumugumo.’ (Joh. 13:1) Vamwe varume vanotadza kutevedzera Kristu panyaya iyi. Vanogona kutosiya ‘mudzimai wouduku hwavo’ kuti varoore mumwe wechiduku.—Mar. 2:14, 15.

Pane vamwe vanotevedzera Kristu, vakadai saWilli. Pamusana pokurwara, mudzimai waWilli aida kugara achitarisirwa kwemakore akawanda. Izvi zvakaita kuti Willi anzwe sei? Anoti: “Ndakagara ndichingoti mudzimai wangu chipo chandakapiwa naMwari uye ndinomuda chaizvo. Uyezve, makore 60 akapfuura ndakanga ndavimbisa kuti ndaizomutarisira mukufara nemukutambudzika. Handimbofi ndakakanganwa vimbiso iyoyo.”

Varume vechiKristu, tevedzerai rudo rwaKristu. Ida mudzimai wako anotya Mwari, hanzvadzi yako uye shamwari yako.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Mudzimai wako ndiye shamwari yako yepamwoyo here?

[Mufananidzo uri papeji 20]

‘Ramba uchida mudzimai wako’