Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shingairira Imba yaJehovha!

Shingairira Imba yaJehovha!

Shingairira Imba yaJehovha!

“Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”—JOH. 2:17.

1, 2. Jesu akaitei mutemberi muna 30 C.E., uye akazviitirei?

FUNGIDZIRA zviri kuitika. Inguva yePaseka, muna 30 C.E. Mwedzi mitanhatu yakapfuura, Jesu akatanga ushumiri hwake pasi pano. Iye zvino ava kuenda kuJerusarema. Asvika, ava mutemberi muChivanze cheVemamwe Marudzi, Jesu anowana “vaya vakanga vachitengesa mombe nemakwai nenjiva uye vatsinhanisi vemari vari pazvigaro zvavo.” Achishandisa chamboko chakagadzirwa netambo, anotinhira zvipfuwo zvacho zvose panze, uye vatengesi vanobva vazvitevera. Jesu anodurura mari yevari kuchinja mari, opidigura tafura dzavo. Anoudza vaya vari kutengesa njiva kuti vatute twavo vabvepo.—Joh. 2:13-16.

2 Zvakaitwa naJesu zvinonyatsoratidza kuti aiva nehanya sei netemberi. Anovaudza kuti: “Regai kuita imba yaBaba vangu imba yokutengesera!” Vadzidzi vaJesu pavanoona izvi, vanoyeuka mashoko akanyorwa mazana emakore akanga apfuura nomunyori wepisarema Dhavhidhi okuti: “Kushingairira imba yenyu kwandipedza.”—Joh. 2:16, 17; Pis. 69:9.

3. (a) Kushingaira kudii? (b) Mubvunzo upi watingazvibvunza?

3 Kuda kwaiita Jesu imba yaMwari uye kuishingairira ndiko kwakaita kuti aite zvaakaita. Kushingaira kuratidza chido chemwoyo wose pakuita chinhu. Muzana rino remakore rechi21, vaKristu vanopfuura mamiriyoni manomwe vanoshingairira imba yaMwari. Mumwe nomumwe wedu angazvibvunza kuti, ‘Ndingawedzera sei kushingairira kwandinoita imba yaJehovha?’ Chingatibatsira kupindura mubvunzo iwoyo kutanga taongorora kuti chii chinonzi imba yaMwari nhasi uno. Kana tadaro tozoongorora mienzaniso yomuBhaibheri yevarume vakatendeka vakashingairira imba yaMwari. Mienzaniso yavo yakanyorwa “kuti tirayiridzwe” uye inogona kutikurudzira kuti tiwedzere kushingaira.—VaR. 15:4.

Imba yaMwari—Yekare Neyazvino

4. Chii chaiitwa patemberi yakavakwa naSoromoni?

4 MuIsraeri yekare, yainzi imba yaMwari itemberi yaiva muJerusarema. Jehovha akanga asingagari hake imomo. Akazivisa kuti: “Matenga ndiwo chigaro changu choumambo uye nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu. Saka, imba yamungandivakira iri kupi, uye nzvimbo yangu yokuzororera iri kupi?” (Isa. 66:1) Kunyange zvakadaro, temberi yakavakwa paitonga Soromoni yaiva muzinda wokunamatwa kwaJehovha, paipirwa minyengetero.—1 Madz. 8:27-30.

5. Urongwa hupi huriko nhasi hwaifananidzirwa nokunamata kwaiitwa patemberi yaSoromoni?

5 Nhasi uno imba yaJehovha haisisiri chivako chematombo chiri muJerusarema kana kuti kupi zvako. Asi urongwa hwatakaitirwa hwokuti tikwanise kumunamata tichibatsirwa nechibayiro chaKristu chorudzikinuro. Vashumiri vaMwari vose vakatendeka vari pasi pano vanobatana mukunamata Jehovha mutemberi yake iyi isingaoneki.—Isa. 60:4, 8, 13; Mab. 17:24; VaH. 8:5; 9:24.

6. Madzimambo api eJudha akanyatsoratidza kushingairira kunamata kwechokwadi?

6 Pamadzimambo 19 akatonga umambo hwokumaodzanyemba hwaJudha pashure pekukamurwa kweIsraeri muna 997 B.C.E., 4 vavo vakanyatsoratidza kuti vaishingairira kunamata kwechokwadi. Ivava vaiva Asa, Jehoshafati, Hezekiya, naJosiya. Zvidzidzo zvei zvinokosha zvatingawana pane zvavakaita?

Kushumira Nemwoyo Wose Kunounza Zvikomborero

7, 8. (a) Jehovha anokomborera kunamata kwerudzii? (b) Chidzidzo chipi chinotiyambira chatinowana pane zvakaitwa naMambo Asa?

7 Paitonga Mambo Asa, Jehovha akaita kuti kuve nevaprofita vaitungamirira rudzi rwake kuti rwuite zvakanaka. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotiudza kuti Asa akateerera muprofita Azariya, mwanakomana waOdhedhi. (Verenga 2 Makoronike 15:1-8.) Zvinhu zvakachinjwa naAsa zvakaita kuti vanhu vaJudha vabatane, zvikatoita kuti vamwe voumambo hwaIsraeri vauye kuzobatana nevamwe pagungano guru rakaitirwa muJerusarema. Vose pamwe chete vakati vakanga vatsunga kunamata Jehovha vakavimbika. Bhaibheri rinoti: “Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru nokushevedzera kwokufara nemabhosvo nehwamanda. VaJudha vose vakafarira zvakanga zvapikwa; nokuti vakanga vapika nemwoyo yavo yose vachifara kwazvo kuti vakanga vamutsvaka, zvokuti iye akaita kuti vamuwane; uye Jehovha akaramba achivapa zororo kumativi ose.” (2 Mak. 15:9-15) Jehovha achatikomborerawo kana tikamushumira nemwoyo wose.—Mako 12:30.

8 Chinosuwisa ndechokuti Asa akazoramba kuudzwa nomuoni Hanani zvaakanga akanganisa. (2 Mak. 16:7-10) Ko isu tinoita sei kana Jehovha akatipa zano kana kuti akatiudza zvokuita achishandisa vakuru vechiKristu? Tinobva takurumidza kuita zvavanenge vataura zvichibva muMagwaro torega kuvagumbukira here?

9. Idambudziko ripi rakatarisana naJehoshafati nenyika yaJudha, uye vakaita sei naro?

9 Jehoshafati akatonga samambo weJudha muzana remakore rechigumi B.C.E. Iye nenyika yose yeJudha vakanga varongerwa kuzorwiswa nemauto omubatanidzwa eAmoni, Moabhi, uye vanhu vomunzvimbo ine makomo yeSeiri. Kunyange zvazvo aitya, mambo wacho akaita sei? Iye nevarume vake pamwe nemadzimai avo nevana vakaungana paimba yaJehovha kuti vanyengetere. (Verenga 2 Makoronike 20:3-6.) Achiita zvakanga zvambotaurwa naSoromoni mumunyengetero wokutsaurira temberi, Jehoshafati akateterera Jehovha achiti: “Haiwa Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti isu hatina simba rokurwa neboka guru revanhu iri riri kuuya kuzotirwisa; uye isu hatizivi chatingaita, asi maziso edu akatarira kwamuri.” (2 Mak. 20:12, 13) Pashure pokunge Jehoshafati anyengetera “ari pakati peungano,” mudzimu waJehovha wakaita kuti muRevhi ainzi Jahazieri ataure mashoko okunyaradza akaita kuti vanhu vave nechivimbo.—Verenga 2 Makoronike 20:14-17.

10. (a) Jehoshafati noumambo hweJudha vaiwana sei mirayiridzo? (b) Tingaratidza sei kuti tinokoshesa mirayiridzo yatinopiwa naJehovha nhasi uno?

10 Kare ikako Jehoshafati noumambo hweJudha vakaudzwa zvokuita naJehovha achishandisa Jahazieri. Nhasi uno anotinyaradza uye anotiudza zvokuita achishandisa boka romuranda akatendeka akangwara. Zvechokwadi tinoda kugara tichiita zvinenge zvataurwa nevakuru vakagadzwa uye tichivaremekedza nokuti vari kushanda zvakaoma vachitifudza uye vachiita zvinenge zvataurwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara.’—Mat. 24:45; 1 VaT. 5:12, 13.

11, 12. Tinodzidzei pane zvakaitika kuna Jehoshafati nevanhu veJudha?

11 Sokungoungana kwakaita Jehoshafati nevanhu vake kuti vabvunze Jehovha zvokuita, ngatigarei tichipinda misangano yeungano nehama dzedu nehanzvadzi. Kana tichimboona nhamo dzatimomotera, tapererwa, ngatitevedzerei zvakanaka zvakaitwa naJehoshafati nevanhu veJudha, toudza Jehovha mumunyengetero tichivimba naye zvizere. (Zvir. 3:5, 6; VaF. 4:6, 7) Kunyange kana tiri kwedu toga, kuteterera kwatinoita kuna Jehovha kunotibatanidza ‘nesangano rose rehama dzedu munyika.’—1 Pet. 5:9

12 Jehoshafati nevanhu vake vakatevedzera zvavakaudzwa naMwari achishandisa Jahazieri. Zvikavabatsira sei? Vakazokunda muhondo yacho vakadzokera “vachifara” kuJerusarema, “kuimba yaJehovha, vaine zviridzwa zvine tambo noudimbwa nemabhosvo.” (2 Mak. 20:27, 28) Isuwo tinoremekedza zvatinoudzwa naJehovha achishandisa vanhu vaakasarudza tobatana nevamwe pakumurumbidza.

Ngatinyatsotarisirai Patinonamatira

13. Ibasa rei rakatangwa naHezekiya paakatanga kutonga?

13 Mwedzi waakatanga kutonga, Hezekiya akaratidza kuti aishingairira kunamatwa kwaJehovha paakavhurazve temberi ndokugadzirisa zvinhu zvakanga zvaparara. Akaronga kuti vapristi nevaRevhi vachenese imba yaMwari. Zvakavatorera mazuva 16. (Verenga 2 Makoronike 29:16-18.) Zvavakaita zvinotiyeuchidza nezvebasa rokuita kuti nzvimbo dzatinonamatira dzigare dzichiratidzika zvoratidza kuti tinoshingairira kunamatwa kwaJehovha. Hausati wambonzwawo here nezvekuyemura kunoita vanhu pavanoona kushingairira kunoita hama nehanzvadzi basa rakadaro? Zvechokwadi basa rakadaro rinoita kuti Jehovha arumbidzwe zvikuru.

14, 15. Ibasa ripi mazuva ano riri kuita kuti Jehovha arumbidzwe? Taura mienzaniso.

14 Murimwe guta nechokuchamhembe kweEngland, mumwe murume akanga asingabvumirani nezvakanga zvarongwa zvokuti Imba yoUmambo yaive yakabatana nemba yake igadziridzwe. Hama dzaipindira ipapo dzakataura naye zvakanaka-naka. Vacherechedza kuti mudhuri waiva pakati peImba yoUmambo nemba yomuvakidzani wacho waida kugadziridzwa, vakamuudza kuti vaida zvavo kuugadzira pasina kubhadharwa. Vakashanda nesimba zvokuti vakatoita sevava kutanga kuvaka mudhuri wacho wose. Zvavakaita zvakaita kuti muvakidzani wacho achinje mwoyo. Iye zvino anogara achibatsira nokutarira kuti hapana anokanganisa Imba yoUmambo.

15 Vanhu vaJehovha vari kuita basa rokuvaka munyika yose. Hama dzinozvipira dzinobatana nedzimwe dzinobva kune dzimwe nyika dzichivaka Dzimba dzoUmambo nedzeMagungano uye misha yeBheteri. Sam akadzidzira basa rokugadzira nokuisa zvinhu zvemagetsi zvinoita kuti mumba mudziye kana kuti mutonhorere. Iye nomudzimai wake Ruth, vaenda kunyika dzakawanda muEurope nomuAfrica kunobatsira mubasa rokuvaka. Kwose kwavanoenda, vanonakidzwawo nebasa rokuparidza muungano dzavanenge vari. Sam anotsanangura chakaita kuti ade kuita basa rokuvaka munyika dzakasiyana-siyana achiti: “Ndakakurudzirwa nevamwe vakamboshanda mumisha yeBheteri nokune dzimwe nyika. Kushingaira uye kufara kwavaiita kwakaita kuti ndidewo kuita basa racho.”

Teerera Zvinotaurwa naMwari

16, 17. Ibasa ripi rinokosha riri kuitwa nevanhu vaMwari nemwoyo wose, uye riri kubudirira zvakadini?

16 Kuwedzera pakugadziridza temberi, Hezekiya akaita kuti Paseka yakanga yarayirwa naJehovha itangezve kuitwa gore negore. (Verenga 2 Makoronike 30:1, 4, 5.) Hezekiya nevagari vomuJerusarema vakakoka vagari vomunyika iyoyo vose, kunyange vokuumambo hwokuchamhembe, kuti vauyewo. Nhume dzakamhanya-mhanya nenyika yose netsamba dzokukoka vanhu.—2 Mak. 30:6-9.

17 Makore ano tiri kuitawo zvakada kufanana naizvozvo. Tiri kushandisa mapepa anoyevedza okukoka vanhu vari mundima dzedu kuti vauyewo patinenge takaungana tichicherechedza Kudya kwaShe Kwemanheru, tichiteerera zvakataurwa naJesu. (Ruka 22:19, 20) Tinoshingairira basa iri tichitevedzera zvatinenge taudzwa paMusangano Webasa. Uye hakusi kukomborera kuri kuita Jehovha basa iri! Pakuti gore rakapera chairo, isu tiri mamiriyoni manomwe takapa vanhu mapepa okukoka, zvikaita kuti vanhu vanosvika 17 790 631 vapinde musangano iwoyu!

18. Nei uchikoshesa zvikuru kushingairira kunamata kwechokwadi?

18 Hezekiya akanzi nezvake: “Akavimba naJehovha Mwari waIsraeri; uye hakuna kana nomumwe akamutevera akaita saiye pamadzimambo ose aJudha, kunyange pane aya akanga amutangira. Akaramba akanamatira kuna Jehovha. Haana kutsauka pakumutevera, asi akaramba achichengeta mirayiro yake yakanga yarayirwa Mosesi naJehovha.” (2 Madz. 18:5, 6) Dai zvakadaro zvikataurwawo nezvedu. Kushingairira kwedu imba yaMwari kuchatibatsira ‘kunamatira kuna Jehovha’ tiine tariro yokuzowana upenyu husingaperi.—Dheut. 30:16.

Kurumidza Kuita Zvinenge Zvataurwa

19. Vanhu vanoshingaira zvakadini panguva yeChirangaridzo?

19 Josiya paakava mambo akarongawo kuti Paseka iitwe, akaita zvakawanda achiigadzirira. (2 Madz. 23:21-23; 2 Mak. 35:1-19) Isuwo tinoshingairira kugadzirira kupinda magungano eruwa, edunhu, ezuva chairo, pamwe neChirangaridzo. Kune dzimwe nyika hama dzinotoisa upenyu pamutanhiko dzichiedza kuenda kunoungana nevamwe kuti dzipinde Chirangaridzo. Vakuru vanoshingaira vanova nechokwadi chokuti hapana ari muungano anokanganwika. Vachembera nevanorwara vanobatsirwa kuti vavepo.

20. (a) Chii chakaitika paitonga Mambo Josiya, uye iye akaita sei? (b) Chidzidzo chipi chatinoda kufungisisa?

20 Paiitwa basa rokuti kunamata kwakachena kutangwezve rakanga rarongwa naMambo Josiya, Mupristi Mukuru Hirikiya “akawana bhuku romutemo waJehovha wakapiwa pachishandiswa Mosesi.” Akaripa Shafani munyori wamambo, uyo akabva atanga kuriverengera Josiya. (Verenga 2 Makoronike 34:14-18.) Zvakaita kuti aite sei? Mambo akabva abvarura nguo dzake akati vanhu ngavabvunze Jehovha. Mwari akashandisa muprofitakadzi Huridha kuudza vanhu kuti mamwe manamatiro aiitwa muna Judha akanga akaipa. Asi zvakaitwa naJosiya achiedza kubvisa kunamatwa kwezvidhori zvakacherechedzwa naJehovha zvokuti akaita kuti nyika yacho izowirwa nedambudziko iye asisipo. (2 Mak. 34:19-28) Izvi zvinotidzidzisei? Zvechokwadi chido chedu chakangofanana nechaJosiya. Tinoda kubva tangoita zvinenge zvataurwa naJehovha, tichifungisisa muenzaniso wokuti chii chingaitika kana tikarega pfungwa dzokupandukira sangano uye kusatendeka zvichikanganisa kunamata kwedu. Uye tinogona kuva nechivimbo kuti Jehovha anocherechedza kushingairira kwatinoita kunamata kwechokwadi sezvaakaita pana Josiya.

21, 22. (a) Nei tichifanira kushingairira imba yaJehovha? (b) Tichakurukura chii munyaya inotevera?

21 Madzimambo iwayo mana aJudha, Asa, Jehoshafati, Hezekiya, naJosiya, vakaratidza muenzaniso wakanaka wokushingairira imba yaMwari uye kunamatwa kwake. Kushingaira kwedu kunofanirawo kuita kuti tivimbe naJehovha uye tishande nesimba tichitsigira kunamatwa kwake. Zvechokwadi chinhu chakanaka uye chinofadza kuteerera zvinotaurwa naMwari uye kubvumawo kugadziriswa nerudo kwatinoitwa neungano uye nevakuru vari mairi.

22 Nyaya inotevera ichanyanya kukurukura nezvokushingairira basa romumunda uye ichakurudzira vechiduku kuti vashumire Baba vedu vane rudo vachishingaira. Tichakurukurawo kuti tingaita sei kuti tisakanganiswa naSatani achishandisa imwe yenzira dzake dzakaipisisa. Sezvatinoteerera zviyeuchidzo zvose zvakadaro zvinobva kuna Jehovha, tinenge tichitevedzera muenzaniso weMwanakomana wake, Jesu, uyo akanzi nezvake: “Kushingairira imba yenyu kwa[mu]pedza.”—Pis. 69:9; 119:111, 129; 1 Pet. 2:21.

Unoyeuka Here?

• Jehovha anokomborera kushumira kwerudzii, uye nei?

• Tingaratidza sei kuti tinovimba naJehovha?

• Kushingaira kungaita sei kuti titeerere zvatinenge taudzwa naMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 9]

Asa, Jehoshafati, Hezekiya, uye Josiya vakaratidza sei kuti vaishingairira imba yaJehovha?