Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Shingairira Mabasa Akanaka”!

“Shingairira Mabasa Akanaka”!

“Shingairira Mabasa Akanaka”!

“[Jesu] akazvipa nokuda kwedu kuti atinunure pakusateerera mutemo kwemarudzi ose ozvichenesera vanhu vake, vanoshingairira mabasa akanaka.”—TITO 2:14.

1. Chii chinoitika mutemberi panosvika Jesu musi waNisani 10, 33 C.E.?

MUSI waNisani 10, 33 C.E., pasara mazuva mashomanana kuti Paseka iitwe. Mutemberi muJerusarema hamusi kudanwa anonzwa negurusvusvu revanhu rakamirira zuva racho. Chii chichaitika kana Jesu asvika? Vanyori vatatu veEvhangeri, Mateu, Mako, naRuka, vanotaura kuti Jesu akadzinga kechipiri vaya vaitenga nokutengesera imomo. Anopidigura tafura dzevanhu vari kuchinja mari nemabhenji evanhu vari kutengesa njiva. (Mat. 21:12; Mako 11:15; Ruka 19:45) Kushingaira kwaJesu hakuna kuchinja kubvira paakambozviita makore matatu apfuura.—Joh. 2:13-17.

2, 3. Tinoziva sei kuti kushingaira kwaJesu hakuna kungogumira pakuchenesa temberi?

2 Nhoroondo yaMateu inoratidza kuti musi iwoyu Jesu haana kungogumira pakuchenesa temberi. Akasvinudzawo mapofu akaporesa vaikamhina vaiuya kwaari. (Mat. 21:14) Nhoroondo yaRuka inotaura nezvemamwe mabasa akaitwa naJesu. “[Jesu] akatanga kudzidzisa zuva nezuva mutemberi.” (Ruka 19:47; 20:1) Saka kushingaira kwaJesu kwainyatsooneka nevanhu vose muushumiri hwake.

3 Pave paya Pauro akazonyorera Tito achitsanangura kuti Jesu “akazvipa nokuda kwedu kuti atinunure pakusateerera mutemo kwemarudzi ose ozvichenesera vanhu vake, vanoshingairira mabasa akanaka.” (Tito 2:14) Ko isu nhasi uno ‘tingashingairira mabasa akanaka’ sei? Uye mienzaniso yemadzimambo eJudha aive akanaka ingatikurudzira sei?

Kushingairira Kuparidza Nokudzidzisa

4, 5. Madzimambo mana eJudha akaratidza sei kuti aishingairira mabasa akanaka?

4 Asa, Jehoshafati, Hezekiya, naJosiya vose vakatungamirira kuti vaite chipatapata chokurambidza vanhu kunamata zvidhori. Asa “akabvisa atari dzevokune dzimwe nyika nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa shongwe tsvene, akatema matanda matsvene.” (2 Mak. 14:3) Jehoshafati, achishingairira kunamatwa kwaJehovha, “akatobvisa nzvimbo dzakakwirira nematanda matsvene pakati paJudha.”—2 Mak. 17:6; 19:3. *

5 Pashure pePaseka yaikosha yemazuva manomwe yakanga yarongwa naHezekiya muJerusarema, “vaIsraeri vose vakanga vari ipapo vakaenda kumaguta aJudha, vakaputsa shongwe tsvene nokutema matanda matsvene nokuputsa nzvimbo dzakakwirira neatari dzacho pakati paJudha wose naBhenjamini naEfremu naManase kusvikira vapedza.” (2 Mak. 31:1) Josiya akava mambo aine makore masere chete. Nhoroondo yacho inoti: “Mugore rechisere rokutonga kwake, paakanga achiri mukomana, akatanga kutsvaka Mwari watateguru vake Dhavhidhi; uye mugore rechigumi nemaviri akatanga kuchenesa Judha neJerusarema achibvisa nzvimbo dzakakwirira nematanda matsvene nemifananidzo yakavezwa nemifananidzo yakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa.” (2 Mak. 34:3) Saka madzimambo acho ose ari mana akashingairira mabasa akanaka.

6. Nei ushumiri hwedu hungafananidzwa nezvakaitwa nemadzimambo akatendeka eJudha?

6 Isuwo nhasi uno tiri kuita chipatapata chokubatsira vanhu kuti vasunungurwe padzidziso dzezvitendero zvenhema, dzinosanganisira kunamata zvifananidzo. Basa redu repaimba neimba rinoita kuti tisangane nevanhu vakasiyana-siyana. (1 Tim. 2:4) Mumwe musikana wechiduku wokuAsia anoyeuka zvirango zvaiitwa naamai vake vari pamberi pezvifananidzo zvakawanda zvaive pamba pavo. Musikana wacho aigara achinyengetera kuti azive Mwari chaiye sezvo ainzwisisa kuti zvifananidzo izvozvo zvaisagona kumiririra Mwari wechokwadi. Mumwe musi pamba pavo pakagogodzwa, akaenda kumusuwo ndokuwana Zvapupu zvakanga zvakagadzirira kumubatsira kudzidza nezvezita raMwari wechokwadi, Jehovha. Hakusi kufara kwaakaita kudzidza chokwadi nezvezvifananidzo! Iye zvino ava kushingaira zvinonwisa mvura mubasa remumunda, achibatsira vamwe vanhu kuti vazive Mwari.—Pis. 83:18; 115:4-8; 1 Joh. 5:21.

7. Tingaitei kuti titevedzere vadzidzisi vaifamba nomunyika muzuva raJehoshafati?

7 Patinenge tichiita ushumiri hwepaimba nemba, tinonyatsoshanda ndima yedu zvakadini? Chimwe chinhu chinofadza chakaitika mugore rechitatu rokutonga kwaJehoshafati ndechokuti akatumira shoko kuti machinda mashanu, vaRevhi vapfumbamwe, uye vapristi vaviri vauye. Akaita kuti vafambe nomumaguta ose vachidzidzisa vanhu mitemo yaJehovha. Basa iri rakabudirira chaizvo zvokuti vanhu vemarudzi akanga akavapoteredza vakatanga kutya Jehovha. (Verenga 2 Makoronike 17:9, 10.) Kana tikashanyira misha panguva dzakasiyana-siyana uye mazuva akasiyana, tingakwanisa kutaura nevanhu vakati wandei vepamba pacho.

8. Tingaita sei kuti tiparidzire vanhu vakawanda?

8 Vashumiri vaMwari vakawanda mazuva ano vanozvipira kusiya misha yavo votamira kunzvimbo dzinodiwa Zvapupu zvinoshingaira. Iwe ungazviitawo here? Vamwe vedu vasingagoni kutamira kune dzimwe nzvimbo vanogona kuedza kuparidzira kuvanhu vari mundima yavo vanotaura mumwe mutauro. Vamwe sekuru vane makore 81 vanonzi Ron vakadzidzira kukwazisa mumitauro 32 pamusana pemarudzi akasiyana-siyana avaisangana nawo. Nguva ichangopfuura vakasangana nemumwe murume nomudzimai wake ndokuvakwazisa nomutauro wavo wechiYoruba. Vakabvunza Ron kana akanga amboenda kuAfrica. Paakapindura kuti kwete vakabva vabvunza kuti sei aigona mutauro wavo. Izvi zvakaita atange kuvaparidzira. Vakabva vatora mamwe magazini ndokubva vamupa kero yepamba pavo, iyo yaakazopa ungano yemundima iyoyo kuitira kuti murume nomukadzi uyu vagodzidza Bhaibheri.

9. Patinenge tiri muushumiri nei kuverenga Bhaibheri kuchikosha? Taura muenzaniso.

9 Vadzidzisi vakarayirwa naJehoshafati kuti vaende munyika yose vaiva ‘nebhuku romutemo waJehovha.’ Sezvo Bhaibheri riri shoko raMwari tinoedza kuridzidzisa vanhu pasi rose. Tinoedza nepatinogona napo kuverengera vanhu mashoko ari muBhaibheri patinenge tiri muushumiri hwedu. Mumwe saimba akatsanangurira Chapupu chinonzi Linda kuti murume wake akanga aita sitiroko uye aida kutarisirwa. Achitaura zvinonzwisa tsitsi akati: “Handizivi kuti chii chandakaita chakaita kuti Mwari abvumire kuti izvi zviitike kwandiri.” Linda akamupindura achiti: “Ungada here kuti ndikuudze chimwe chinhu?” Akabva averenga mashoko ari pana Jakobho 1:13 ndokuwedzera kuti: “Kutambura kwose kwatinoona uye kunoitika kuhama dzedu hakuzi kuti ndiMwari anotiranga.” Saimba wacho akabva ambundira Linda nomufaro. Linda anoti: “Ndakakwanisa kunyaradza mumwe munhu ndichishandisa Bhaibheri. Dzimwe nguva ndima dzatinoverengera saimba muBhaibheri anenge ari kutotanga kudzinzwa.” Kukurukura kwavakaita kwakaita kuti mudzimai uyu atotanga kudzidza Bhaibheri.

Vechiduku Vanoshingaira

10. Josiya muenzaniso wakanaka sei kuvaKristu vechiduku vemazuva ano?

10 Patinodzokera kumuenzaniso waJosiya, tinoona kuti achiri muduku akaita kuti pave nokunamata kwechokwadi uye paakanga ava nemakore anenge 20 akatanga kuparadza vose vainamata zvidhori. (Verenga 2 Makoronike 34:1-3.) Vechiduku vakawanda mazuva ano vanoshingairirawo basa ravo roUmambo sezvaaiita.

11-13. Tingadzidzei kubva pane zvakaitwa nevechiduku vemazuva ano vari kushingaira kushumira Jehovha?

11 Mumwe musikana anonzi Hannah anogara kuEngland, paaiva nemakore 13 akanga achidzidza chiFrench kuchikoro paakanzwa kuti boka rinotaura chiFrench rakanga raumbwa mutaundi yaiva pedyo navo. Baba vake vakabvuma kumuperekedza kunopinda misangano ikoko. Iye zvino Hannah ava nemakore 18 uye ava kushingairira kuparidzira nechiFrench sapiyona wenguva dzose. Iwewo ungadzidza mumwe mutauro kuti ubatsire vamwe vanhu kudzidza nezvaJehovha here?

12 Rachel akanakidzwa zvikuru nokuona vhidhiyo inonzi, Pursue Goals That Honor God. Achitaura nezvemafungiro aaiva nawo paakatanga kushumira Jehovha muna 1995, anoti: “Ndaifunga kuti chokwadi chanyatsopinda mandiri.” Anowedzera kuti: “Ndapedza kuona mutambo wacho ndakabva ndaona kuti kwemakore akawanda ndakanga ndichingoita gundamusaira. Ndinofanira kunyatsoshanda kuti chokwadi chinyatsodzika mandiri uye kunyatsoisa pfungwa dzangu dzose pandinenge ndichidzidza ndiri ndoga uye ndiri muushumiri.” Iye zvino Rachel anoona kuti ava kushumira Jehovha achinyatsoshingaira. Pakupedzisira chii chakaitika kwaari? “Ukama hwangu naJehovha hwanyatsosimba. Minyengetero yangu yava nezvainoreva, kudzidza kwandinoita kwava kunakidza, uye nyaya dziri muBhaibheri ndava kudziona sezvinhu chaizvo zvakaitika. Izvi zvakabva zvaita kuti ndinakidzwe noushumiri hwangu chaizvo uye ndigutsikane sezvandinoona mashoko aJehovha achinyaradza vamwe.”

13 Luke ndemumwe wechiduku akakurudzirwa nevhidhiyo inonzi, Young People Ask—What Will I Do With My Life? Apedza kuona vhidhiyo yacho Luke anoti: “Ndakaona kuti ndinofanira kuongorora zvandiri kuita muupenyu hwangu.” Anobvuma kuti: “Munguva yakapfuura ndainyanya kukurudzirwa kuti nditange ndaenda kuchikoro chepamusoro, ndowana basa rine mari, ndochizofunga nezvezvinangwa zvokunamata. Izvozvo hazvingovhiringidzi kufambira mberi pakunamata asi zvinotokugarisa pasi.” Hama nehanzvadzi dzechiduku madii kuona kana muchigona kushandisa zvamakadzidza kuchikoro kuti muwedzere ushumiri hwenyu sezvakaita Hannah? Uye madii matevedzera muenzaniso waRachel, nokushingairira kuva nezvinangwa zvinonyatsokudza Mwari? Tevedzerai muenzaniso waLuke, kuti musawirwa nematambudziko anowira vechiduku vakawanda.

Shingairirai Kuteerera Zvamunonyeverwa

14. Jehovha anogamuchira kunamata kworudzii, uye nei mazuva ano zvakaoma kuramba tichinamata saizvozvo?

14 Vanhu vaJehovha vanofanira kuva vakachena kana vachida kuti agamuchire kunamata kwavo. Isaya anonyevera kuti: “Ibvai, ibvai, budai imomo musabata chinhu chisina kuchena; budai pakati paro [Bhabhironi], rambai makachena, imi munotakura midziyo yaJehovha.” (Isa. 52:11) Pachine makore akawanda Isaya asati anyora mashoko iwayo, mambo akanaka Asa akashanda nesimba kuti abvise zvose zvine chokuita neunzenza muJudha. (Verenga 1 Madzimambo 15:11-13.) Papera mazana amakore muapostora Pauro akaudza Tito kuti Jesu akazvipa kuti achenese vateveri vake ovaita “vanhu vake, vanoshingairira mabasa akanaka.” (Tito 2:14) Munyika yanhasi izere unzenza kudai, zvakanyanya kuomera vechiduku kuti varambe vane tsika dzakanaka. Somuenzaniso, vashumiri vaMwari vose vakuru nevaduku vanofanira kutorwisa zvakasimba kuti varambe vasingasvibiswi nezvinhu zvinonyadzisira zvinoratidzwa pazvikwangwani zvemashoko, paTV, mumafirimu, kunyanya paIndaneti.

15. Chii chingatibatsira kuvenga zvakaipa?

15 Kushingairira kuteerera zvatinonyeverwa naMwari kunogona kutibatsira kuti tivenge zvakaipa. (Pis. 97:10; VaR. 12:9) Mumwe muKristu akati tinofanira kuvenga zvinhu zvinonyadzisira kuitira kuti “tiwane simba rokuzvitakanura pazviri.” Kana chipfuwo chikabatwa nechikara, simba rinodiwa kuchitakanura rinofanira kupfuura simba rechikara chacho. Saizvozvowo ibasa chairo kuti tirwise pfungwa yokuona zvinonyadzisira. Uye kunyatsonzwisisa chazvakaipira kuona zvinonyadzisira kuchatibatsira kuti tizviseme. Imwe hama yakaita zvose zvayaigona kuti irege tsika yayaiva nayo yokuona zvinonyadzisira paIndaneti. Akaisa kombiyuta yake payaionekwa nemhuri yake yose. Adaro akatsunga kuzvichenesa uye kushingairira mabasa akanaka. Pane chimwezve chaakaita. Sezvo aifanira kushandisa Indaneti kuti aite zvimwe zvebasa rake, akasarudza kuti aizoishandisa kana mudzimai wake aripo chete.

Chakanakira Kuva Netsika Dzakanaka

16, 17. Kuzvibata kwedu zvakanaka kunoita kuti vanotiona vaite sei? Taura muenzaniso.

16 Vakomana nevasikana vanoshumira Jehovha vanoratidza mafungiro akazonaka chaizvo uye izvi zvinoyemurwa nevanoona! (Verenga 1 Petro 2:12.) Mumwe murume akashanyira Bheteri rokuLondon akachinja maonero aaiita Zvapupu zvaJehovha pashure pokunge aswera achigadzira muchina wokudhinda ipapo. Mudzimai wake aidzidza Bhaibheri neChapupu chaigara kwavaigara akaona kuti murume wake akanga achinja maonero ake. Izvi zvisati zvaitika, akanga asingadi kuti Zvapupu zvishanye kumba kwake. Asi paakadzoka kumba apedza kuita basa rake kuBheteri, akarumbidza chaizvo mabatirwo aakanga aitwa ikoko. Akati hapana aitaura mashoko akashata. Munhu wose aiva nemwoyo murefu uye paiva norunyararo. Chaakanyanya kuyemura kushanda kwaiita hama nehanzvadzi dzechiduku nemwoyo wose vasingabhadharwi, vachishandisa nguva yavo nesimba ravo kubatsira pakuparadzira mashoko akanaka.

17 Saizvozvowo hama nehanzvadzi dzinoshanda kuti dziriritire mhuri dzadzo dzinoita basa radzo nomwoyo wose. (VaK. 3:23, 24) Izvi zvinowanzoita kuti vachengetedze mabasa avo, sezvo varidzi vebasa vachifarira mashandiro avo akavimbika uye vasingadi kurasikirwa navo.

18. ‘Tingashingarira mabasa akanaka’ sei?

18 Kuvimba kwatinoita naJehovha, kuteerera zvaanotaura uye kutarisira nzvimbo dzedu dzatinonamatira ndezvimwe zvinoratidza kuti tinoshingairira imba yaJehovha. Kuwedzera pane izvi, tinofanira kushanda nesimba pabasa redu rokuparidzira Umambo uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi. Tingave tiri vaduku kana kuti vakuru, patinoita zvose zvatinogona kuti tirambe tiine tsika dzakanaka dzine chokuita nokunamata kwedu tichawana zvikomborero zvakawanda. Uye ticharamba tichizivikanwa sevanhu “vanoshingairira mabasa akanaka.”—Tito 2:14.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Asa angave akabvisa nzvimbo dzakakwirira dzainamatirwa vanamwari venhema asi kwete dzainamatirwa Jehovha. Kana kuti pamwe nzvimbo dzakakwirira dzakazovakwazve makore okutonga kwaAsa ava kuda kunopera uye dzakazobviswa nemwanakomana wake Jehoshafati.—1 Madz. 15:14; 2 Mak. 15:17.

Kubva pamienzaniso iri muBhaibheri neyemazuva ano wadzidzei pamusoro pe-

• maratidziro aungaita kushingairira pakuparidzira nokudzidzisa?

• zvingaitwa nevaKristu kuti ‘vashingairire mabasa akanaka’?

• zvaungaita kuti urege tsika dzakaipa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Unogara uchishandisa Bhaibheri muushumiri hwako here?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kudzidza mumwe mutauro paunenge uri kuchikoro kunogona kukubatsira kuwedzera ushumiri hwako