Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Taura Chokwadi Nomuvakidzani Wako

Taura Chokwadi Nomuvakidzani Wako

Taura Chokwadi Nomuvakidzani Wako

“Zvamakabvisa nhema, mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.”—VAEF. 4:25.

1, 2. Vakawanda vanoona sei chokwadi?

KWENGUVA yakareba vanhu vave vachiitirana nharo nezvokuti zvingaita here kuti vanhu vataure chokwadi. Muzana remakore rechitanhatu B.C.E., mumwe mudetembi wechiGiriki anonzi Alcaeus akati: “Doro rinobudisa chokwadi.” Aireva kuti kana munhu adhakwa ndipo paanotaura chokwadi uye zvichida ndipo paanenge achinyanya kuda kutaura. Gavhuna weRoma wemuzana ramakore rokutanga Pondiyo Pirato akaratidzawo kuti akanga asina maonero akanaka echokwadi paakabvunza Jesu achiita zvokutsvinya achiti: “Chokwadi chii?”—Joh. 18:38.

2 Mazuva ano maonerwo anoitwa chokwadi akasiyana-siyana. Vakawanda vanoti shoko rokuti “chokwadi” rine zvarinoreva zvakasiyana-siyana kana kuti chokwadi chinoenderana neari kutaura wacho. Vamwe vanongotaura chokwadi pazvinenge zvakavanakira kana kuti zvichizovabatsira. Bhuku rinokurudzira kunyepa rinonzi The Importance of Lying rinoti: “Kuvimbika kwakanaka hako paunhu hwomunhu asi hakumubatsiri pakurarama. Munhu haana zvaangaita kunze kwokutonyepa kuti ararame.”

3. Nei Jesu akaita zvakasiyana nevamwe panyaya yokutaura chokwadi?

3 Izvi zvakasiyana chaizvo nemaonero anoita vadzidzi vaKristu. Maonero aiita Jesu chokwadi akasiyana neevanhu. Aigara achitaura chokwadi. Vavengi vake chaivo vakatosvika pakuti: “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri wechokwadi uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi.” (Mat. 22:16) VaKristu vechokwadi nhasi vanotevedzerawo muenzaniso waJesu. Havazezi kutaura chokwadi. Vanobvumirana nemwoyo wose nezvakataurwa nomuapostora Pauro, paakakurudzira vaKristu vaainamata navo achiti: “Zvamakabvisa nhema, mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.” (VaEf. 4:25) Ngatikurukurei zvinhu zvitatu pane zvakataurwa naPauro. Chokutanga, muvakidzani wedu ndiani? Chechipiri, zvinorevei kutaura chokwadi? Uye chechitatu, tingazvishandisa sei muupenyu hwedu?

Muvakidzani Wedu Ndiani?

4. Kusiyana nevatungamiriri vechiJudha vemuzana ramakore rokutanga, Jesu akaratidza sei maonero aJehovha pamusoro pokuti muvakidzani wedu ndiani?

4 Muzana ramakore rokutanga C.E., vamwe vatungamiriri vechiJudha vaidzidzisa kuti vaJudha chete kana kuti shamwari dzavo ndivo bedzi vakanga vakakodzera kunzi “muvakidzani.” Zvisinei Jesu akanyatsoratidza mafungiro nemaonero aBaba vake. (Joh. 14:9) Akatoratidza vadzidzi vake kuti Mwari haasaruri rumwe rudzi kana kuti dzinza kudarika mamwe. (Joh. 4:5-26) Uyezve mudzimu mutsvene wakaratidza muapostora Petro kuti, “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mab. 10:28, 34, 35) Saka tinofanira kuona vanhu vose sevavakidzani vedu, tichida kunyange vaya vangave vachitivenga.—Mat. 5:43-45.

5. Zvinorevei kutaura chokwadi nomuvakidzani wedu?

5 Asi Pauro airevei paakati tinofanira kutaura chokwadi nomuvakidzani wedu? Kutaura chokwadi kunosanganisira kutaura zvinhu sezvazviri, pasina kana kunyengera. VaKristu vechokwadi havamonyanisi mashoko kana kutaura zvisiri izvo kuti vatsause vamwe. ‘Vanosema zvakaipa,’ ‘vonamatira kune zvakanaka.’ (VaR. 12:9) Tichitevedzera “Mwari wechokwadi,” tinofanira kuedza kuva vakavimbika uye kutaura chokwadi pane zvose zvatinoita. (Pis. 15:1, 2; 31:5) Kana tikanyatsongwarira matauriro edu, tinogona kugadzirisa zvinhu zvanga zvichaita kuti tinyare kana kuti tisanzwa zvakanaka tisina hedu kureva nhema.—Verenga VaKorose 3:9, 10.

6, 7. (a) Kutaura chokwadi kunoreva here kuti kana paine zvatabvunzwa nemunhu chero upi zvake nezveupenyu hwedu tinofanira kudonongodza zvose? Tsanangura. (b) Ndivanaani vatinofanira kuudza chokwadi?

6 Kutaura chokwadi kune vamwe kunoreva here kuti kana paine zvatabvunzwa nemunhu chero upi zvake tinofanira kudonongodza zvose? Kwete hazvo. Jesu paaiva pasi pano akaratidza kuti vamwe vanhu vakanga vasingakodzeri kuudzwa mhinduro chaiyo kana kuti kuziva zvimwe zvinhu. Vatungamiriri vezvitendero vanonyengera pavakamubvunza kuti aiwana kupi simba rokuita zviratidzo nezvishamiso, Jesu akavati: “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Ndipindurei, uye iniwo ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.” Vanyori nevarume vakuru pavakaramba kupindura, Jesu akavati: “Neniwo handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.” (Mako 11:27-33) Akaona kuti akanga asingafaniri hake kuvapindura pamusana pouori hwavaiita uye kuti vakanga vasina kutenda. (Mat. 12:10-13; 23:27, 28) Zvapupu zvaJehovha mazuva ano zvinofanirawo kungwarira vanhu vakapandukira sangano nevamwe vanhu vakaipa vanonyengera zvisiri nyore kuona vachida kuita zvakangovanakira ivo.—Mat. 10:16; VaEf. 4:14.

7 Pauro akaratidzawo kuti havasi vose vanofanira kupiwa mhinduro yakazara. Akati ‘vanoita makuhwa uye vanopindira munyaya dzevamwe vanhu,’ ‘vanotaura zvinhu zvavasingafaniri kutaura.’ (1 Tim. 5:13) Ndezvechokwadi kuti vaya vanoda kupindira munyaya dzevamwe kana kuti vanofumura pfimbi dzevamwe vachaona kuti vamwe vachazeza kuvaudza nyaya dzavo. Zvingava zvakanaka kuteerera zano rakafuridzirwa raPauro rokuti: “Muvavarire kugara makanyarara, muchiva nehanya nezvinhu zvenyu moga.” (1 VaT. 4:11) Zvisinei dzimwe nguva vakuru veungano vangada kubvunza nezveupenyu hwedu kuti vaite mabasa avo. Pakadaro, vangaonga chaizvo kana tikataura chokwadi uye zvichavabatsira zvikuru.—1 Pet. 5:2.

Taura Chokwadi Mumhuri

8. Kutaura chokwadi kunobatsira sei vemumhuri kuti vawirirane?

8 Vanhu vatinonyanya kuwirirana navo ndevemumhuri yedu. Kuti tisimbise ukama uhwu tinofanira kutaurirana chokwadi. Kusanzwisisana uye zvinetso zvinogona kuva zvishoma kana kuti kusavapo kana tichibudirana pachena, tichitaurirana zviri pamwoyo, uye tichitaura nemutsa. Somuenzaniso, kana takanganisa tinobvuma here kune watakaroorana naye, kuvana vedu kana kuti kune vamwe vomumhuri medu? Kukumbira ruregerero nomwoyo wose kunobatsira kuti mhuri ibatane uye iwirirane.—Verenga 1 Petro 3:8-10.

9. Nei kutaura chokwadi kusingarevi kuti tinofanira kungotaura tisina kufunga?

9 Kana munhu achitaura asina kufunga, kunyange achitaura chokwadi, vanhu havakoshesi zvaanotaura. Pauro akati: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose. Asi itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose Mwari zvaakakukanganwiraiwo nomwoyo wose achishandisa Kristu.” (VaEf. 4:31, 32) Patinotaura zvine mutsa uye zvine ruremekedzo, vanhu vanokoshesa zvatinotaura uye zvinoratidza rukudzo kune vatiri kutaura navo.—Mat. 23:12.

Taura Chokwadi Muungano

10. Vakuru vechiKristu vangadzidzei pamuenzaniso wakanaka waJesu wokutaura chokwadi?

10 Jesu aitaura nevadzidzi vake zviri nyore kunzwisisa uye asingatendereri. Aipa mazano orudo, asiwo haana kudira mvura chokwadi achiitira kuti angofadza vaiteerera. (Joh. 15:9-12) Somuenzaniso, vadzidzi vake pavairamba vachiitirana nharo panyaya yokuti ndiani mukuru, Jesu akavabatsira asingapotereri asi achizviita nemwoyo murefu kuti vanzwisise kukosha kokuzvininipisa. (Mako 9:33-37; Ruka 9:46-48; 22:24-27; Joh. 13:14) Saizvozvowo mazuva ano vakuru vechiKristu havazviiti madzishe kuboka raMwari, kunyange hazvo vachiomerera pane zvakarurama. (Mako 10:42-44) Vanotevedzera Kristu ‘nokuitirana mutsa’ uye ‘kunzwa tsitsi kwazvo’ pakushanda nevamwe.

11. Kuda hama dzedu kunofanira kuita kuti tishandise rurimi rwedu sei?

11 Kana tichibudirana pachena nehama dzedu asi tisingaiti zvokutaura tisina kufunga, tinogona kubudisa zvatinofunga pasina kugumbura vamwe. Chokwadi hatingambodi kuti rurimi rwedu ‘rupinze sechisvo,’ tichirushandisa kutaura mashoko okurwadzisa vamwe vanhu. (Pis. 52:2; Zvir. 12:18) Kuda hama dzedu kuchaita kuti ‘tichengetedze rurimi rwedu pane zvakaipa, nemiromo yedu pakutaura zvokunyengera.’ (Pis. 34:13) Patinodaro tinenge tichikudza Mwari uye tichiita kuti ungano ibatane.

12. Munhu anenge anyepa angazotongwa nedare kana zvaita sei? Tsanangura.

12 Vakuru vanoshanda nesimba kuti vadzivirire ungano kubva kune vaya vanotaura makuhwa. (Verenga Jakobho 3:14-16.) Makuhwa anotaurwa nechinangwa chokuda kukuvadza mumwe munhu, chokuti ari kurehwa wacho arwadziwe kana kuti ashungurudzike. Izvi hazvirevi kungotaura tunyaya tuduku kana kuti kutaura mashoko asiri iwo kana kuti okuwedzeredza. Chokwadi ndechokuti kunyepa kwose kwakaipa, asi hadzisi nyaya dzose dzokunyepa dzinotongwa nedare. Saka vakuru havangoiti zvokumhanyira nyaya yacho asi vanoratidza nzwisiso uye vanoshandisa uchenjeri kuona kuti munhu wacho ane tsika yokutaura makuhwa here uye akazviita nemaune here zvokuti akakodzera kutongwa nedare. Pamwe zvingada kuti vangomupa zano rerudo rinobva muMagwaro.

Taura Chokwadi Panyaya Dzebhizimisi

13, 14. (a) Vamwe vanhu vanoratidza sei kuti havana kutendeseka kumabasa? (b) Kutendeseka uye kutaura chokwadi pabasa kungabatsirei?

13 Tiri kurarama munguva yakawanda vanhu vasina kuvimbika, saka miedzo yokuita zvinhu zvokusavimbika kumabasa inonetsa kurwisa. Vakawanda vanonyepa pavanonyorera kutsvaka mabasa. Somuenzaniso, pavanonyora magwaro anotaura kukodzera kwavakaita pabasa, vanonyepa uye vanowedzeredza, vachizvipa dzidzo yavasina kana kuti ruzivo rwavasina kuti vawane mabasa anobhadhara. Vamwe vashandiwo vanoita sevari pabasa asi vachiita zvinhu zvavo pachavo, kunyange mitemo yekambani yavo isingazvibvumiri. Vangave vachiverenga mabhuku asina chokuita nebasa, vachifona nezvenyaya dzisinei nebasa, vachitumira mashoko pafoni kana kuti pakombiyuta, kana kuti vachivhura Indaneti.

14 KuvaKristu vechokwadi kutendeseka uye kutaura chokwadi haisi nyaya yokuti unoita kana uchida hako. (Verenga Zvirevo 6:16-19.) Pauro akati: “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.” (VaH. 13:18) Saka vaKristu vanoshanda zvakakwana nguva yavanenge vari pabasa kuti vazobhadharwawo zvakakwana. (VaEf. 6:5-8) Kushanda nesimba kunoita kuti Baba vedu vokudenga varumbidzwe. (1 Pet. 2:12) Somuenzaniso, muridzi wekambani yaishandirwa naRoberto kuSpain akarumbidza Roberto achiti akatendeseka uye anoshanda asingaiti zvokuteverwa. Kambani yacho yakazopinza zvimwe Zvapupu basa yaona kuti Roberto munhu akazvibata. Zvapupu zvachowo zvakashanda nesimba. Izvi zvakaita kuti nokufamba kwenguva Roberto azopedzisira awanira basa hama 23 dzakabhabhatidzwa uye vadzidzi veBhaibheri 8!

15. MuKristu ane bhizimisi angaratidza sei kuti anotaura chokwadi?

15 Kana tichizviitira basa redu toga, takatendeseka here pamabasa edu, kana kuti dzimwe nguva tinotadza kutaura chokwadi nemuvakidzani wedu? MuKristu ane bhizimisi haafaniri kuwedzeredza paanotaura nezvezvinhu zvaanogadzira kana kuti basa raanoita achiitira kuti vanhu vamhanyire kwaari; haafaniriwo kuita zvechiokomuhomwe. Tinoda kubata vamwe semabatiro atinoda kuti vatiite.—Zvir. 11:1; Ruka 6:31.

Taura Chokwadi Kuhurumende

16. VaKristu vanozviisa sei pasi (a) pehurumende? (b) paJehovha?

16 Jesu akati: “Naizvozvo, dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mat. 22:21) “Zvinhu” zvipi zvatinofanira kudzorera kuna Kesari, kureva kuhurumende? Pakataurwa naJesu mashoko iwayo, paitaurwa nenyaya yemitero. Saka kuti vaKristu varambe vaine hana yakachena pamberi paMwari nevanhu, vanofanira kuteerera mitemo yemunyika yavanogara, inosanganisira kubhadharwa kwemitero. (VaR. 13:5, 6) Asi tinoziva kuti Jehovha ndiye Changamire, Mwari wechokwadi, watinoda nemwoyo wedu wose, mweya, pfungwa, nesimba. (Mako 12:30; Zvak. 4:11) Saka tinozviisa pasi paJehovha Mwari nemwoyo wose.—Verenga Pisarema 86:11, 12.

17. Vanhu vaJehovha vanoona sei nyaya yokuwana rubatsiro kuhurumende?

17 Nyika dzakawanda dzine urongwa hwehurumende hwokubatsira vanoshayiwa. Hapana chakaipa kuti muKristu abatsirwe nourongwa hwakadaro, chero bedzi akakodzera kuwana rubatsiro rwacho. Kana tichitaura chokwadi nomuvakidzani wedu hatizonyeperi hurumende kuti tiwane rubatsiro rwakadaro.

Zvikomborero Zvinobva Mukutaura Chokwadi

18-20. Zvikomborero zvipi zvinobva mukutaura chokwadi nomuvakidzani?

18 Kutaura chokwadi kunounza zvikomborero zvakawanda. Tinogara tiine hana yakachena, izvo zvinoita kuti tigare tisina zvinotinetsa mupfungwa nemwoyo. (Zvir. 14:30; VaF. 4:6, 7) Mwari anokoshesa zvikuru munhu ane hana yakachena. Chimwezve ndechokuti kana tiri vanhu vanoita zvinhu zvavo zvose nenzira yakati twasu, hatigari tichingotyira kuti tichawanikidzwa kana kuti tichafumurwa nevanhu.—1 Tim. 5:24.

19 Funga nezvechimwe chikomborero. Pauro akati: “Munzira dzose tinoratidza kuti tiri vashumiri vaMwari, . . . nokutaura kwechokwadi.” (2 VaK. 6:4, 7) Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika kuchimwe Chapupu chinogara kuBritain. Paaiedza kutengesera mumwe munhu motokari, akamutsanangurira zvakanaka pairi nezvimwe zvakanga zvakafa, zvimwe zvacho zvaisambooneka. Munhu wacho aida kutenga paakatyaira motokari yacho achida kunzwa kuti yakadini, akazobvunza hama yacho kana yaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Chii chakaita kuti afunge saizvozvo? Akanga aona kutendeseka kwehama yacho uye kuchena kwayakanga yakaita. Nyaya dzakazotsva paya, akaparidzirwa zvakazonaka.

20 Isuwo tine tsika dzinonwisa mvura here dzinoita kuti Musiki wedu arumbidzwe? Pauro akati: “Takaramba zvinhu zvakavanzika zvatinonyara nazvo, tisingafambi nemanomano.” (2 VaK. 4:2) Saka ngatiitei zvose zvatinogona kuti titaure chokwadi nevavakidzani. Kana tikadaro tinoita kuti Baba vedu vokudenga vakudzwe pamwe nesangano ravo.

Ungapindura Sei?

• Muvakidzani wedu ndiani?

• Zvinorevei kutaura chokwadi nomuvakidzani wedu?

• Kutaura chokwadi kunoita sei kuti Mwari akudzwe?

• Zvikomborero zvipi zvinobva pakutaura chokwadi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Unokurumidza kubvuma zvinhu zviduku zvaunenge wakanganisa here?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Paunenge uchitsvaka basa unotaura chokwadi here?