Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mutariri Akatendeka Nedare Rake Rinodzora

Mutariri Akatendeka Nedare Rake Rinodzora

Mutariri Akatendeka Nedare Rake Rinodzora

“Chokwadi ndiani mutariri akatendeka, akangwara, achagadzwa natenzi wake paboka revashandi vake kuti arambe achivapa mugove wavo wezvokudya panguva yakakodzera?”—RUKA 12:42.

1, 2. Mubvunzo upi unokosha wakabvunzwa naJesu paaitsanangura zvinoumba chiratidzo chemazuva okupedzisira?

PAAITSANANGURA zvinhu zvinoumba chiratidzo chemazuva okupedzisira, Jesu akabvunza mubvunzo uyu: “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakakodzera?” Jesu akazoenderera mberi achitsanangura kuti muranda uyu aizopiwa mubayiro wokutarisira zvinhu zvatenzi wake zvose pamusana pokuti anenge aramba akatendeka.—Mat. 24:45-47.

2 Mwedzi mishomanana yakanga yapfuura, Jesu akanga ambobvunza mubvunzo wakada kufanana naiwoyu. (Verenga Ruka 12:42-44.) Akadana muranda kuti “mutariri” uye “veimba” akavati “boka revashandi vake.” Pano mutariri zvinoreva munhu anotarisira imba yomumwe munhu achiona kuti vashandi vemo vari kuita mabasa avo sei. Asi iye mutariri wacho anenge ari mushandiwo. Muranda iyeye kana kuti mutariri ndiani, uye anopa sei “zvokudya panguva yakakodzera”? Zvinokosha kuti tose tizive nzira iri kushandiswa kuti tiwane zvokudya zvokunamata.

3. (a) Vanoongorora Bhaibheri vemachechi echiKristudhomu vanoedza sei kutsanangura zvakataurwa naJesu ‘nezvemuranda’? (b) Ndiani “mutariri,” kana kuti “muranda,” uye “vashandi” kana kuti “veimba” ndivanaani?

3 Vanoongorora Bhaibheri vemachechi echiKristudhomu vanowanzoti mashoko aJesu ari pamusoro apa ari kureva vanhu vanotungamirira mumachechi avo. Asi Jesu, anova ndiye “tenzi” womumufananidzo wacho, haana kuti paizova negurumwandira revaranda vanenge vachiita mazvake mazvake mumachechi ose echiKristudhomu. Asi akatotaura zvakajeka kuti paizova ‘nomutariri’ kana kuti “muranda” mumwe chete, waaizogadza kuti atarisire zvinhu zvake zvose. Saka sezvagara zvichingotsanangurwa nemagazini ino, mutariri wacho anofanira kumiririra “boka duku” revadzidzi vakazodzwa vose vakabatana seboka rimwe. Evhangeri yaRuka inoratidza kuti Jesu akanga achangobva mukutaura nezvaivavo. (Ruka 12:32) Mashoko okuti “vashandi” kana kuti “veimba” anoreva boka iroro zvakare asi pachitaurwa nezvebasa romumwe nomumwe wavo. Panobva pamuka mumwe mubvunzo unoda kufungisiswa wokuti, Zvinoreva here kuti mumwe nomumwe ari muboka iroro anobatsira kuti vanhu vapiwe zvokudya zvokunamata panguva yakafanira? Mhinduro yacho iri pachena kana tikanyatsoongorora zvinotaura Magwaro.

Mushumiri waJehovha Wekare

4. Jehovha aidana rudzi rwevaIsraeri vekare achiti chii, uye chii chinokosha chatinofanira kuziva nezverudzi irworwo?

4 Jehovha aitaura nezvevanhu vake, vaIsraeri vekare vose achivati mushumiri wake. “‘Imi muri zvapupu zvangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘mushumiri wangu wandakasarudza.’” (Isa. 43:10) Munhu wose murudzi irworwo aivawo muboka iroro romushumiri. Zvisinei zvinokosha kuti tizive kuti vapristi pamwe chete nevamwe vaRevhi vaive vasiri vapristi, ndivo chete vaiita basa rokudzidzisa vanhu.—2 Mak. 35:3; Mar. 2:7.

5. Jesu akaratidza kuti kuchinja kupi kukuru kwaizoitika?

5 Rudzi rwevaIsraeri ndirwo muranda aitaurwa nezvake naJesu here? Kwete. Tinoziva izvozvo kubva pane zvakataurwa naJesu kuvaJudha vemazuva ake achiti: “Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.” (Mat. 21:43) Zvaive pachena kuti zvinhu zvaizochinja. Jehovha aizoshandisa rumwe rudzi. Zvisinei, panyaya yokudzidzisa zvokunamata, basa romuranda ari mumufananidzo waJesu raizoitwa sezvaiita ‘mushumiri’ womuIsraeri yekare.

Muranda Akatendeka Anovapo

6. Rudzi rwupi rutsva rwakatanga kuvapo paPendekosti ya33 C.E., uye ndivanaani vairwuumba?

6 Rudzi rutsva, “Israeri waMwari,” runoumbwa nevaIsraeri vomudzimu. (VaG. 6:16; VaR. 2:28, 29; 9:6) Rwakatanga kuvapo pakadururwa mudzimu waMwari paPendekosti ya33 C.E. Kubvira ipapo, vaKristu vose vakazodzwa nomudzimu vakava rudzi, urwo rwava kushanda seboka romuranda akagadzwa naTenzi, Jesu Kristu. Munhu wose murudzi irworwo akapiwa basa rokuparidza mashoko akanaka nokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Asi munhu wose muboka iroro aizobatsira pakuita kuti zvokudya zvokunamata zviwanikwe panguva yakakodzera here? Ngationei kuti Magwaro anopindura sei mubvunzo uyu.

7. Pakutanga, nderipi raiva basa guru revaapostora, uye basa iroro rakazopedzisira rava kusanganisira rei?

7 Jesu paakatanga kugadza vaapostora vake 12, basa ravo guru raisanganisira kutumwa kunoparidza mashoko akanaka. (Verenga Mako 3:13-15.) Basa iri raienderana nezvinonyatsoreva shoko rechiGiriki rokuti apostolos, iro rakatorwa pachiito chinongoreva kuti “tuma.” Zvisinei nokufamba kwenguva, ungano yechiKristu yava kuda kuvambwa, basa rokuva muapostora rakazova ‘nzvimbo youtariri.’—Mab. 1:20-26.

8, 9. (a) Vaapostora 12 vainyanya kuisa pfungwa dzavo pachii? (b) Ndivanaani vamwe vakapiwa mamwe mabasa zvikabvumwa nedare rinodzora?

8 Vaapostora 12 vainyanya kuisa pfungwa dzavo pachii? Mhinduro yacho inogona kuonekwa pane zvakaitika pashure pePendekosti. Pakatanga kuitiranwa nharo nezvezvokudya zvaipiwa chirikadzi zuva nezuva, vaapostora 12 vakaunganidza vadzidzi ndokuti: “Hazvitifadzi kuti tisiye shoko raMwari kuti tigovere zvokudya patafura.” (Verenga Mabasa 6:1-6.) Vaapostora vakabva vagadza dzimwe hama dzaive dzakakodzera panyaya dzokunamata kuti dziite ‘basa iri raifanira kuitwa’ kuitira kuti ivo vawane nguva yakakwana “paushumiri hweshoko.” Izvi zvakaita kuti pave nechikomborero chaJehovha nokuti “shoko raMwari rakaramba richikura, uye vadzidzi vakaramba vachiwedzera kwazvo muJerusarema.” (Mab. 6:7) Saka basa rokuita kuti vanhu vawaniswe zvokudya zvokunamata raiitwa nevaapostora.—Mab. 2:42.

9 Nokufamba kwenguva vamwewo vakapiwa mamwe mabasa okutungamirira. Mudzimu mutsvene wakatungamirira kuti Pauro naBhanabhasi vatumwe neungano yeAndiyoki kuti vanoshanda semamishinari. Vakazozivikanwawo sevaapostora, kunyange zvazvo vaisava pakati pe12 vokutanga. (Mab. 13:1-3; 14:14; VaG. 1:19) Dare rinodzora raiva muJerusarema rakabvuma kuti vaiva vaapostora. (VaG. 2:7-10) Izvi zvichangoitika, Pauro akatanga kubatsira pakugovera zvokudya zvokunamata. Ndipo paakanyora tsamba yake yokutanga yakafuridzirwa.

10. Muzana remakore rokutanga vaKristu vose vakazodzwa vaigovera vanhu zvokudya zvokunamata here? Tsanangura.

10 Asi zvinoreva here kuti vaKristu vose vakazodzwa vaitungamirira basa rokuparidzira vachigovera vanhu zvokudya zvokunamata? Kwete. Muapostora Pauro anotiudza kuti: “Vose vaapostora here? Vose vaprofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vanoita mabasa esimba here?” (1 VaK. 12:29) Kunyange zvazvo vaKristu vose vakazodzwa nomudzimu vaiita basa rokuparidza, vasere chete ndivo vakashandiswa pakunyora mabhuku 27 eMagwaro echiKristu echiGiriki.

Muranda Akatendeka Wemazuva Ano

11. Muranda akagadzwa kuti atarisire “zvinhu” zvipi?

11 Mashoko aJesu ari pana Mateu 24:45 anoratidza zvakajeka kuti paizenge pachine boka romuranda akatendeka akangwara pasi pano panguva yomugumo. Zvakazarurwa 12:17 inotaura nezvaivava ichivati “vasara” vemwana womukadzi. Vari seboka, vasara ivava vakagadzwa naKristu kuti vatarisire zvinhu zvake zvose pasi pano. “Zvinhu” zvakanzi mutariri akatendeka atarisire zvinhu zvaTenzi zvine chokuita noUmambo pasi pano, zvinosanganisira vanhu vachatongwa noUmambo uye nzvimbo dzinoshandiswa kuti basa rokuparidza riitwe.

12, 13. MuKristu anoziva sei kuti akadanwa kudenga?

12 MuKristu anoziva sei kuti ane tariro yokuenda kudenga uye kuti ndemumwe wevasara vaIsraeri womudzimu? Mhinduro yacho inowanika pane zvakataurwa nomuapostora Pauro kune vaya vaiva netariro yakaita seyake yokuenda kudenga zvokuti: “Vose vanotungamirirwa nomudzimu waMwari, ivava ndivo vanakomana vaMwari. Nokuti hamuna kugamuchira mudzimu wouranda unokonzera kutya zvakare, asi makagamuchira mudzimu wokugamuchirwa sevanakomana, iwo mudzimu watinoshevedzera nawo, kuti: ‘Abha, Baba!’ Iwo mudzimu wacho unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino, kana tiri vana, tiri vagari venhakawo: chokwadi vagari venhaka vaMwari, asi vagari venhaka pamwe chete naKristu, chero bedzi tichitambura pamwe chete kuti tikudzwe pamwe chete.”—VaR. 8:14-17.

13 Zvichingotaurwa zviri nyore, vanhu ava vanozodzwa nomudzimu waMwari uye ‘vanodanwa’ kana kuti vanokokwa kudenga. (VaH. 3:1) Mumwe nomumwe wavo anokokwa naMwari. Ivowo vanobva vangobvuma vasingazenguriri uyewo vasingatyi kuberekwa uku sevanakomana vaMwari. (Verenga 1 Johani 2:20, 21.) Saka havaiti zvokuzvisarudzira tariro iyi, asi kuti Jehovha ndiye anoisa pavari chisimbiso chake kana kuti mudzimu wake mutsvene.—2 VaK. 1:21, 22; 1 Pet. 1:3, 4.

Maonero Akanaka

14. Vakazodzwa vanoona sei kudanwa kwavakaitwa?

14 Vakazodzwa ava vanofanira kuzviona sei pavanenge vakamirira mubayiro wavo wokudenga? Vanoziva kuti kunyange zvazvo vakawana ropafadzo inoshamisa, kunongova kukokwawo. Vanofanira kuramba vakatendeka kusvikira parufu kuti vawane mubayiro uyu. Vachizvininipisa, vanodzokorora mashoko omuapostora Pauro okuti: “Hama, handizvioni sendatoubata; asi kune chinhu chimwe chete pamusoro pawo: Ndichikanganwa zvinhu zviri shure, uye ndichisveerera zvinhu zviri mberi, ndiri kuvavarira kuti ndiwane mubayiro wokudanwa kumusoro naMwari achishandisa Kristu Jesu.” (VaF. 3:13, 14) Vasara vakazodzwa vanofanira kuita zvose zvavanogona kuti varambe ‘vachifamba zvakakodzera kudanwa kwavakadanwa nako, nepfungwa dzinozvininipisa,’ vachizviita “nokutya nokudedera.”—VaEf. 4:1, 2; VaF. 2:12; 1 VaT. 2:12.

15. VaKristu vanoona sei vaya vanodya zviratidzo paChirangaridzo, uye vanodya vacho vanoona sei kuzodzwa kwavo?

15 Ko vamwe vaKristu vanofanira kuona sei munhu anoti azodzwa otanga kudya zviratidzo paChirangaridzo? Haafaniri kutongwa. Nyaya yacho iri pakati pake naJehovha. (VaR. 14:12) Zvisinei, vaKristu vakazodzwa zvechokwadi havaudzi vanhu kuti vavabate zvakasiyana nevamwe. Havafaniri kufunga kuti zvavari vakazodzwa vanonzwisisa zvinhu kupfuura vamwe ‘veboka guru’ vangave vachitoziva zvakawanda. (Zvak. 7:9) Havafaniri kufunga kuti vane mudzimu mutsvene wakawanda kupfuura vamwe vavo ‘vemamwe makwai.’ (Joh. 10:16) Havatarisiri kubatwa zvakasiyana nevamwe; uyewo havatauri kuti kudya kwavanoita zviratidzo kunovaisa pamusoro pevakuru vakagadzwa muungano.

16-18. (a) Vakazodzwa vose vanoita basa rokubudisa chokwadi chitsva here? Taura muenzaniso. (b) Nei Dare Rinodzora risingafaniri haro kubvunza vose vanoti vakazodzwa risati raita zvisarudzo?

16 Ko vakazodzwa vose pasi pano vane nzira yavanokurukurirana nayo kuti vabudise chokwadi chitsva here? Kwete. Kunyange zvazvo zvokudya zvokunamata zvichipiwa veimba neboka romuranda, hazvirevi hazvo kuti vose vari muboka iroro vanoita mabasa akafanana. (Verenga 1 VaKorinde 12:14-18.) Sezvambotsanangurwa, muzana remakore rokutanga munhu wose aiita basa rinokosha rokuparidza. Asi vashomanana chete ndivo vakashandiswa kunyora mabhuku eBhaibheri uye kutungamirira ungano yechiKristu.

17 Somuenzaniso, Magwaro anotaura achiti “ungano” inotonga munhu anenge atadza. (Mat. 18:17) Asi chokwadi ndechokuti vakuru ndivo vanotonga vachimiririra ungano. Vakuru havabvunzi munhu wose ari muungano kuti vanzwe kuti anofungei vasati vaita chisarudzo. Vanoita basa ravakapiwa vachimiririra ungano yose.

18 Nhasiwo varume vashomanana vakazodzwa ndivo vanomiririra boka romuranda. Vanoumba Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Ava varume vakazodzwa nomudzimu ndivo vanotungamirira pabasa roUmambo uye rokupa vanhu zvokudya zvokunamata. Asi sezvaingoitwa muzana remakore rokutanga, Dare Rinodzora haribvunzi vose veboka romuranda risati raita zvisarudzo. (Verenga Mabasa 16:4, 5.) Zvisinei, Zvapupu zvose zvakazodzwa zviri kushingaira mubasa rokukohwa riri kuitwa iye zvino. Kunyange zvazvo “muranda akatendeka akangwara” riri boka rimwe, vanhu vanoriumba vanoita mabasa akasiyana-siyana.—1 VaK. 12:19-26.

19, 20. Veboka guru vanofanira kuva nemaonero api akanaka ‘nezvemuranda akatendeka akangwara’ neDare rake Rinodzora?

19 Zvataurwa pamusoro apa zvinofanira kuita kuti veboka guru vane tariro yokurarama pasi pano nokusingaperi avo vari kuramba vachingowedzera vanzwe sei? Sezvo vachibatanidzwa pane zvinonzi zvinhu zvaMambo, vanofara kuita zvose zvinenge zvarongwa neDare Rinodzora, iro rinomiririra “muranda akatendeka akangwara.” Veboka guru vanoonga zvokudya zvokunamata zvinobudiswa neDare Rinodzora. Asiwo kunyange zvazvo vachiremekedza boka iri, veboka guru vanongwarira kuti vasakwidziridza ani naani zvake anoti mumwe weboka romuranda iyeye. Hapana muKristu akazodzwa nomudzimu waMwari zvechokwadi angatarisira kubatwa saizvozvo.—Mab. 10:25, 26; 14:14, 15.

20 Tingave tiri “veimba” asi tiri vamwe vevasara vakazodzwa, kana kuti tiri veboka guru, ngatitsidzei mumwoyo medu kuti tichashandira pamwe nemutariri akatendeka neDare rake Rinodzora. Tose ‘ngatirambei takarinda’ tiratidze kuti takatendeka kusvika kumugumo.—Mat. 24:13, 42.

Unoyeuka Here?

• Ndiani anonzi “muranda akatendeka akangwara,” uye veimba ndivanaani?

• Munhu anoziva sei kuti ndemumwe wevakadanwa kudenga?

• Basa rokubudisa zvokudya zvokunamata zvitsva rinoitwa naani?

• Munhu akazodzwa anofanira kuona sei kuzodzwa kwake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Nhasi uno Dare Rinodzora rinomiririra boka romuranda akatendeka akangwara. Ndizvo zvazvakanga zvakaita muzana remakore rokutanga