Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingamuripa Neiko Jehovha?

Ndingamuripa Neiko Jehovha?

Ndingamuripa Neiko Jehovha?

YAKATAURWA NARUTH DANNER

Vachitamba zvavo amai vaiwanzoti gore ra1933 raive renhamo dzoga dzoga: Ndipo pakatanga Hitler kutonga, papa akariti ritorwe seGore Dzvene, uye ndiro gore randakaberekwa.

VABEREKI vangu vaigara muguta reYutz, muLorraine, nzvimbo iri kuFrance pedyo nomuganhu weGermany. Muna 1921 vabereki vangu vakaroorana, amai vachipinda chechi yeRoma uye baba vachipinda imwe yemachechi akabuda muRoma. Mukoma wangu Helen, akaberekwa muna 1922, uye vabereki vangu vakaita kuti abhabhatidzwe achiri kasvava muchechi yeRoma.

Mumwe musi muna 1925, baba vakapiwa rimwe bhuku rainzi The Harp of God raiva muchiJerimani. Pavakaverenga bhuku iroro vakanyatsoona kuti ndicho chaiva chokwadi. Vakanyorera kune vaibudisa mabhuku aya, avo vakaronga kuti vashanyirwe neZvapupu zvaJehovha, zvainzi Bibelforscher panguva iyoyo muGermany. Baba vakabva vangotanga kuparidzira zvavakanga vadzidza. Izvi hazvina kufadza Amai. Vaiwanzovapopotera nechiJerimani chavo chainakidza kunzwa vachiti: “Ungaite zvako zvose zvaunoda asi usapinda chechi yemaBibelforscher iwayo!” Asi baba vakanga vasingachadzokeri shure, uye muna 1927 vakabhabhatidzwa semumwe wavo.

Izvi zvakaita kuti amai vangu vatange kufurirwa naamai vavo kuti varambane nababa. Mumwe musi vari paMisa mupristi akanyevera vaiva pachechi kuti “chenjererai muprofita wenhema anonzi Danner.” Ambuya pavakadzoka kuMisa vakatema baba negaba remaruva vachiita rokudonhedza vari muimba yepamusoro. Gaba iri rairema rakavapotsa musoro nepaduku rikavatema pabendekete. Izvi zvakaita kuti amai vafunge kuti, ‘Chechi inoita kuti vanhu vave mhondi haina kunaka.’ Vakatanga kuverenga mabhuku eZvapupu zvaJehovha. Pasina nguva vakanyatsoona kuti ichi ndicho chokwadi, vachibva vabhabhatidzwa muna 1929.

Vabereki vangu vakashanda nesimba kuti vaite kuti ini nomukoma wangu tione Jehovha somunhu chaiye. Vaitiverengera nyaya dzomuBhaibheri votibvunza kuti nei vanhu vari muBhaibheri ava vakaita zvavakaita. Panguva iyoyo baba vakaramba kushanda usiku kunyange zvazvo zvaizoita kuti vawane mari shoma yokuriritira mhuri. Vaida nguva yokupinda misangano yechiKristu, kuita ushumiri uye kudzidza nevana vavo.

Nguva Dzakaoma Dzinoswedera

Vabereki vangu vaigara vachigamuchira vatariri vanofambira nevashandi vepaBheteri vaibva kuSwitzerland nevokuFrance avo vaizotiudza zvinetso zvaisangana nevamwe vedu kuGermany, pedyo nekwataigara. Hurumende yeNazi yakanga ichidzinga Zvapupu zvaJehovha ichizviisa mumisasa yechibharo uye ichiparadzanisa vana veZvapupu nevabereki vavo.

Ini naHelen takanga tadzidziswa kuti taizoita sei nematambudziko ataizosangana nawo. Vabereki vedu vakatibatsira kudzidza nomusoro ndima dzeBhaibheri dzaizotitungamirira. Vaigona kuti: “Kana washaya kuti wodii, funga nezvaZvirevo 3:5, 6. Kana uchitya miedzo yokuchikoro, shandisa 1 VaKorinde 10:13. Kana waparadzaniswa nesu, dzokorora nomusoro Zvirevo 18:10.” Ndakabata Pisarema 23 ne91 nomusoro uye ndakasvika pakuvimba kuti Jehovha aizondidzivirira nguva dzose.

Muna 1940, Nazi Germany yakatora nharaunda yeAlsace-Lorraine, uye hurumende yacho itsva yaiti vanhu vakuru vose vapinde mubato reNazi. Baba vakaramba, uye mapurisa epachivande eGestapo akavatyisidzira achiti aizovasunga. Amai pavakaramba kusona yunifomu dzechiuto, Gestapo yakatanga kuvatyisidzirawo.

Ndaitozeza kuenda kuchikoro. Zuva nezuva, kirasi yedu yaitanga nokunyengeterera Hitler, voita saruti yainzi “Heil Hitler” vachiimba rwiyo rwenyika yacho ruoko rworudyi rwakatambanudzirwa kumberi. Panzvimbo pokundiudza kuti ndisasaruta Hitler, vabereki vangu vakandibatsira kuti ndishandise hana yangu. Saka ndakazvisarudzira ndoga kuti ndisaita saruti yaiitwa nevaNazi. Vadzidzisi vakandirova uye vakandityisidzira vachiti vaizondidzinga chikoro. Mumwe musi pandaiva nemakore manomwe, ndakamiswa pamberi pevadzidzisi vose 12 vepachikoro chacho. Vakaedza kundimanikidza kusaruta Hitler. Asi ndakaramba ndakasimba ndichibatsirwa naJehovha.

Mumwe mudzidzisi akatanga kunyepera kunge anondifarira. Akandiudza kuti aindida nokuti ndaiva mwana akanaka chaizvo, uye kuti aizorwadziwa kana ndikadzingwa chikoro. Akati: “Hautambanudzi hako ruoko. Ingorusimudza zvishoma. Uye hautauri hako kuti ‘Heil Hitler!’ Unongofambisa miromo yako uchinyepedzera.”

Pandakaudza Amai zvakanga zvataurwa nomudzidzisi wangu, vakandiyeuchidza nhoroondo yomuBhaibheri yevaHebheru vaduku vatatu vakamira pamberi pechifananidzo chakaiswa namambo weBhabhironi. Vakandibvunza kuti: “Vaifanira kuita sei?” Ndakapindura kuti: “Kukotama.” “Kudai panguva yavaifanira kukotamira chifananidzo chacho vakangokotama kuti vasunge shangu dzavo, vangadai vakaita zvakanaka here? Chizvisarudzira; ita zvaunofunga kuti zvakanaka.” Ndakasarudza kuramba ndakavimbika kuna Mwari chete, sezvakaitwa naShadreki, Misheki, naAbhedhinego.—Dhan. 3:1, 13-18.

Vadzidzisi vakandidzinga chikoro kanoverengeka uye vakandityisidzira vachiti vaizondiparadzanisa nevabereki vangu. Ndaitya zvokuti, asi vabereki vangu vakaramba vachindikurudzira. Pandaibva pamba ndichienda kuchikoro, Amai vainyengetera neni, vachikumbira Jehovha kuti andidzivirire. Ndaiziva kuti aizondisimbisa kuti ndirambe ndakasimba ndichitsigira chokwadi. (2 VaK. 4:7) Baba vakandiudza kuti kana ndikaona kuti handichazvikwanisi, ndisatya kuuya kumba. “Tinokuda. Ucharamba uri mwanasikana wedu,” vakadaro. “Nyaya yacho iri pakati pako naJehovha.” Mashoko iwayo akandisimbisa kuti ndirambe ndakaperera kuna Mwari.—Job. 27:5.

Gestapo yaigara ichiuya kumba kwedu kuzotsvaka mabhuku eZvapupu uye kuzobvunzurudza vabereki vangu. Vaitora amai vangu voenda navo kwemaawa vozonotora baba vangu nomukoma wangu kwavaishanda. Pandaidzoka kuchikoro ndakanga ndisingambozivi kuti ndaizowana amai variko here. Dzimwe nguva mumwe muvakidzani wedu aindiudza kuti: “Amai vako vatorwa.” Ndaibva ndavanda mumba, ndichinetseka kuti, ‘Vari kuvatambudza here? Ndichazombovaonazve here?’

Kudzingwa Munyika

Musi waJanuary 28, 1943, Gestapo yakatimutsa kuma3 kwava kunoedza. Vakatiudza kuti kana tikapinda mubato reNazi, taisazodzingwa munyika. Takapiwa maawa matatu okuti tigadzirire kubuda munyika. Amai vakanga vagara vakagadzirira izvi uye vakanga varongedza hembe dzokuchinja neBhaibheri mumabhegi edu, saka nguva iyi takaishandisa kunyengetera nokukurudzirana. Baba vakatiyeuchidza kuti ‘hapana chaizotiparadzanisa norudo rwaMwari.’—VaR. 8:35-39.

Gestapo yakadzoka. Handizombofi ndakakanganwa Hanzvadzi Anglade vakanga vakwegura, pavakationeka vachichema. Gestapo yakatiendesa kuchiteshi chechitima kuMetz. Takapedza mazuva matatu tichifamba nechitima, tikazosvika kuKochlowice, mumwe musasa weAuschwitz waiva kuPoland. Kwapera mwedzi miviri, takatamisirwa kuGliwice, imwe chechi yakanga yachinjwa kuva musasa wevasungwa. VaNazi vakatiudza kuti kana mumwe nomumwe wedu akasaina gwaro rokuti hatichadi kuva Zvapupu, vaizotisunungura votidzosera zvinhu zvedu. Baba naAmai vakaramba, uye masoja acho akati, “Hamuzombofi makadzokera kumba.”

Muna June takatamisirwa kuSwietochlowice, kwandakatangira kutemwa nomusoro uchiri kundinetsa nanhasi. Ndakapindwa noutachiona muminwe, uye mumwe chiremba akandibvisa nzara muminwe yakati wandei ndisina kubatiswa nechiveve. Asiwo zvakanga zvakanaka ndezvokuti nzvimbo dzandaiwanzotumwa nevarindi dzaisanganisira kubhekari. Mumwe mukadzi wokubhekari ikoko aindipa zvokudya.

Nguva yose iyi taigara semhuri takaparadzaniswa nevamwe vasungwa. Muna October 1943 takaendeswa kumusasa waiva kuZąbkowice. Tairara pamibhedha yakaturikana mune kamwe kamba kaiva nevamwe varume, vakadzi, nevana vangasvika 60. Sangano reSS raiita kuti tipiwe zvokudya zvakaora zvisingadyiki.

Pasinei nematambudziko ose aya, takaramba tiine tariro. Takanga taverenga muNharireyomurindi nezvebasa guru rokuparidza raifanira kuitwa pashure pehondo. Saka taiziva kuti nei takanga tiri kutambura uye kuti munguva pfupi nhamo yedu yaizopera.

Patakanzwa kuti mubatanidzwa wemauto airwisa Germany wakanga uchiuya, takaziva kuti Nazi yakanga yava kukurirwa. Nechokwokutanga kwegore ra1945, SS yakasarudza kusiya musasa wedu. Musi waFebruary 19, takatanga kumanikidzwa kufora kwemakiromita anenge 240. Mushure memavhiki mana, takasvika kuSteinfels, kuGermany, varindi vachibva vatinhira vasungwa mumugodhi. Vakawanda vakafunga kuti taizourayiwa. Asi musi iwoyo mubatanidzwa wemauto airwisa Germany wakasvika, uye SS yakatiza, nhamo yedu ichibva yapera.

Kubudirira Kuita Zvinangwa Zvangu

Musi waMay 5, 1945, kwapera makore anenge maviri nehafu, takasvika kumba kuYutz, tiine tsvina uye takazara inda. Takanga tisina kumbochinja mbatya kubvira muna February, saka takafunga kupisa mbatya idzodzo. Ndichiri kuyeuka amai vangu vachitiudza kuti: “Musambofa makakanganwa zuva ranhasi muupenyu hwenyu. Hatina chatiinacho. Kunyange hembe dzatakapfeka hadzisi dzedu. Asi tose tiri vana tadzoka takatendeka. Takaramba takavimbika.”

Ndazorora kwemwedzi mitatu ndiri kuSwitzerland, ndakadzokera kuchikoro, ndisingachatyi kudzingwa. Takanga tava kukwanisa kuungana nehama dzedu dzatainamata nadzo uye kuparidza pachena. Musi waAugust 28, 1947, ndiine makore 13, ndakaratidza pachena mhiko yandakanga ndaita kuna Jehovha makore akanga apfuura. Baba vangu vakandibhabhatidza muRwizi rwaMoselle. Ndaida kubva ndangova piyona, asi Baba vakati ndidzidzire rimwe basa. Saka ndakadzidzira zvokusona. Muna 1951, ndava nemakore 17, ndakagadzwa sapiyona, ndikaendeswa kuThionville yaive pedyo nekwataigara.

Gore iroro ndakapinda gungano kuParis ndichibva ndanyorera kuti ndaida kuita mumishinari. Makore angu akanga asati akwana, asi Hama Nathan Knorr vakati vaizochengeta tsamba yangu “vozoiona gare gare.” Muna June 1952, ndakakokwa kuti ndipinde kirasi yechi21 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi kuSouth Lansing, New York, U.S.A.

Giriyedhi Uye Zvakazoitika

Uku ndiko kunonzi kuomerwa! Zvaiwanzondiomera kutaura pane vanhu mumutauro waamai vangu. Zvino ndakanga ndava kufanira kutaura neChirungu. Asi varayiridzi vacho vakanditsigira norudo. Imwe hama yakandipa zita reChirungu remadunhurirwa rokuti Kingdom Smile zvichibva pakunyemwerera kwandaiita nokunyara.

Musi waJuly 19, 1953, takapedza kudzidza uye takapirwa zvitupa zvedu kuYankee Stadium muNew York, uye ndakanzi ndinoshandira kuParis pamwe chete naIda Candusso (akazopedzisira ava kunzi Ida Seignobos). Zvaityisa kuparidzira mbozha dzokuParis, asi ndakakwanisa kudzidza Bhaibheri nevakawanda vaizvininipisa. Ida akaroorwa ndokuenda kuAfrica muna 1956, asi ini ndakaramba ndiri kuParis.

Muna 1960, ndakaroorwa neimwe hama yokuBheteri, tikashanda semapiyona chaiwo kuChaumont uye kuVichy. Kwapera makore mashanu, ndakabatwa netibhii ndokubva ndambomira kupayona. Izvi zvakandirwadza nokuti kubvira ndichiri muduku chinangwa changu chaiva chokuita ushumiri hwenguva yakazara kwoupenyu hwose. Kwapera kanguva, murume wangu akandisiya akatora mumwe mukadzi. Panguva iyoyo yakanga yakaoma ndakabatsirwa nokutsigirwa kwandakaitwa nehama nehanzvadzi dzandainamata nadzo, uye Jehovha akaramba achinditakurira mutoro wangu.—Pis. 68:19.

Iye zvino ndava kugara kuLouviers, Normandy, pedyo nehofisi yebazi yokuFrance. Pasinei noutano husina kunaka, ndinofara kuona kutsigirwa kwandaitwa naJehovha muupenyu hwangu. Marererwo andakaitwa achiri kundibatsira kuramba ndiine maonero akanaka. Vabereki vangu vakandidzidzisa kuti Jehovha munhu chaiye wandinogona kuda, kutaura naye, uye anopindura minyengetero yangu. Chokwadi, “ndicharipa Jehovha nechii nokuda kwezvose zvaakandibatsira nazvo?”—Pis. 116:12.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

“Ndinofara kuona kutsigirwa kwandaitwa naJehovha muupenyu hwangu”

[Mufananidzo uri papeji 5]

Pandaive nemakore matanhatu

[Mufananidzo uri papeji 5]

Pandaiva nemakore 16, ndiine mamishinari nemapiyona kuLuxembourg tichiita mushandirapamwe wokuparidza

[Mufananidzo uri papeji 5]

Ndiina Baba naAmai pagungano reruwa muna 1953