Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kuti Ufare Usina Kuroora Kana Kuroorwa

Zvaungaita Kuti Ufare Usina Kuroora Kana Kuroorwa

Zvaungaita Kuti Ufare Usina Kuroora Kana Kuroorwa

“VAKAZOROORANA ndokubva azongova mafaro oga oga kubvira ipapo.” Mashoko akafanana neaya anowanzopedzisa nyaya dzerudo dzemumabhuku. Mabhuku akadaro nemafirimu anowanzopa vanhu pfungwa yokuti kana waroora kana kuti waroorwa wagara kunaka! Uyezve munzvimbo dzakawanda vanhu vanoita kuti vechiduku vanzwe sevasaririra panyaya yokuva nemba. “Vanhu vanoita kuti unzwe sokuti musikana akangogarira kuroorwa chete,” akadaro Debby paakanga apfuura makore 25. “Vanopa pfungwa yokuti kana vanhu varoorana ndipo panotangira hunonzi upenyu chaihwo.”

Munhu akasimba pakunamata haaoni zvinhu nepfungwa dzakaputirwa kudaro. Kunyange zvazvo vanhu vaitarisirwa kuva nemba muIsraeri, Bhaibheri rinotaura nezvevarume nevakadzi vasina kuva nedzimba asi vaiva noupenyu hunofadza zvikuru. Mazuva ano, kune vamwe vaKristu vanoita zvokusarudza kuramba vasina kuroora kana kuroorwa, asiwo vakawanda vanodaro nemhaka yemamiriro ezvinhu. Pasinei nokuti chikonzero chavo chokusava nemba ndechei, mubvunzo unokosha ndewokuti: MuKristu angafara sei iye asina kuroora kana kuroorwa?

Jesu haana kuroora, uye zvinonzwisisika kana tichifunga nezvebasa raaiva apiwa. Akaudza vadzidzi vake kuti vamwe vateveri vake vaigona “kuwanira nzvimbo” kusaroora. (Mat. 19:10-12) Saka Jesu akaratidza kuti tinofanira kuwanira nzvimbo kusaroora kana kusaroorwa, kureva kuti mwoyo yedu nepfungwa dzedu zvinofanira kugamuchira zvinhu sezvazviri kuti tirambe tichifara.

Zano raJesu rinongoshanda chete pamunhu aita zvokuzvisarudzira kufa asina kuroora kana kuroorwa kuti aise pfungwa dzake dzose pazvinhu zvokunamata here? (1 VaK. 7:34, 35) Kwete hazvo. Mumwe muKristu anogona kunge achida kuroora kana kuroorwa asi asati awana munhu akamukodzera. “Mumwe musi mumwe murume asiri Chapupu wandinoshanda naye akandikanda shoko ndakatovarairwa zvangu,” anodaro Ana, imwe hanzvadzi isina kuroorwa ine makore ari kuma30. “Ndingati ndakanga ndava kutodyira, asi ndakakurumidza kuzvidzora nokuti ndinongoda kuroorwa nomunhu achandiswededza pedyo naJehovha.”

Chido chokuroorwa “munaShe” chinobatsira hanzvadzi dzakawanda dzakafanana naAna kuti dzisaroorwa nevanhu vasingatendi. * (1 VaK. 7:39; 2 VaK. 6:14) Kuremekedza zano raMwari kunoita kuti iye zvino vambosarudza kugara vasina kuroorwa. Vangaita sei kuti vafare pakadai?

Funga Zvazvakanakira

Kazhinji maonero atinoita ndiwo anotibatsira kuti tigamuchire zvinhu kunyange zvisiri izvo zvatanga tichida. “Ndinonakidzwa nezvandiri, uye handiswerofunga nezvezvandisina,” anodaro Carmen, imwe hanzvadzi isina kuroorwa ine makore ari kuma40. Ichokwadi hacho kuti dzimwe nguva unombosurukirwa kana kuti kushungurudzika. Asi kuziva kuti zvinhu zvakadaro zviri kuitikawo kuhama dzedu dzakawanda dziri musangano redu romunyika yose kunotikurudzira kuramba tiine chivimbo tisingadzokeri shure. Jehovha abatsira vanhu vakawanda kuti varambe vachifara vasina kuroora kana kuroorwa uye vakunde mamwe matambudziko.—1 Pet. 5:9, 10.

Hama nehanzvadzi dzechiKristu dzakawanda dzakazoona kuti kusava nemba kune zvakwakanakira. “Ini ndinofunga kuti chinonyatsoita kuti munhu ufare kuziva kuti mamiriro ezvinhu auri maari akanakira papi, woafarira,” anodaro Ester, imwe hanzvadzi isina kuroorwa ine makore anopfuura 35. “Ndinoziva kuti ndingave ndakaroorwa kana kuti ndisina, kana ndichiisa Umambo pakutanga Jehovha haambondinyimi chinhu chakandinakira,” anodarozve Carmen. (Pis. 84:11) “Upenyu hwangu hauna hahwo kuzoenda nepandaifunga, asi ndiri kufara uye ndicharamba ndichifara.”

Mienzaniso yomuBhaibheri Yevanhu Vasina Kuva Nedzimba

Mwanasikana waJefta akanga asina kuronga kuti aizogara asina kuroorwa. Asi mhiko yakaitwa nababa vake yakazoita kuti aende kunoshumira kutebhenekeri kwoupenyu hwake hwose. Zviri pachena kuti basa iri raakanga asina kutarisira rakachinja zvaakanga aronga nezvoupenyu hwake rikapesana nezvaidiwa nomwoyo wake. Akachema kwemwedzi miviri paakaziva kuti aisazoroorwa ova nemhuri yakewo. Kunyange zvakadaro, akagamuchira zvinhu sezvazvakanga zvava, akanoshumira nemwoyo wose kwoupenyu hwake hwose. Vamwe vakadzi vechiIsraeri vaienda gore negore vachinomurumbidza nokuzvipira kwake.—Vat. 11:36-40.

Mumazuva aIsaya vamwe vaive ngomwa vangava vakaodzwa mwoyo zvikuru nezvavaive. Bhaibheri haritauri kuti chii chakanga chaita kuti vave ngomwa. Nezvavakanga vari, vaisakwanisa kuva nhengo dzeungano yeIsraeri dzakazara, uye vaisakwanisawo kuroora vova nevana. (Dheut. 23:1) Kunyange zvakadaro Jehovha ainzwisisa kuti vainzwa sei, uye akarumbidza kuteerera kwavaiita sungano yake nomwoyo wose. Akavaudza kuti aizovapa “chiyeuchidzo nezita . . . nokusingagumi” muimba yake. Izvi zvinoreva kuti ngomwa idzi dzakatendeka dzaizova netariro yechokwadi yokuwana upenyu husingaperi dzichitongwa noUmambo hwaMesiya. Jehovha aisazombovakanganwa.—Isa. 56:3-5.

Mamiriro ezvinhu aJeremiya akanga akasiyana zvachose neengomwa idzi. Mwari paakapa Jeremiya basa rokuprofita, akamurambidza kuroora nemhaka yokuoma kwakanga kwakaita zvinhu panguva yaairarama uye nemhaka yezvaaizosangana nazvo pabasa rake. Jehovha akati: “Usawana mudzimai, uye usava nevanakomana nevanasikana munzvimbo ino.” (Jer. 16:1-4) Bhaibheri hariratidzi kuti Jeremiya akanzwa sei paakaudzwa izvi, asi rinoratidza kuti munhu aifarira kuita shoko raJehovha. (Jer. 15:16) Makore akazotevera zviri pachena kuti Jeremiya akazoona kuti kuteerera kwaakanga aita murayiro waJehovha wokuti arambe asina kuroora kwaiva kuchenjera, paakatsungirira achiona Jerusarema richikombwa zvinotyisa kwemwedzi 18.—Mari. 4:4, 10.

Zvaungaite Kuti Unakidzwe Noupenyu

Vanhu vomuBhaibheri vataurwa pamusoro apa vaive vasina dzimba, asi vakatsigirwa naJehovha uye vakabatikana mubasa rake. Isuwo nhasi tikagara takabatikana nezvinhu zvinovaka tichanakidzwa noupenyu. Bhaibheri rakagara rataura kuti vakadzi vanozivisa mashoko akanaka vaizoita seuto guru. (Pis. 68:11) Muuto iri munewo zviuru zvehanzvadzi dzisina kuroorwa. Vakawanda vakakomborerwa nevanakomana nevanasikana vokufananidzira sezvo ushumiri hwavo hwakaita zvibereko.—Mako 10:29, 30; 1 VaT. 2:7, 8.

“Kupayona kunoita kuti upenyu hwangu huve nechinangwa,” anotsanangura kudaro Loli ava nemakore 14 achiita basa iroro. “Sehanzvadzi isina kuroorwa, ndinogara ndakabatikana kuti ndirege kusurukirwa. Panozovira zuva ndinonyatsonzwa kugutsikana nokuti ndinoziva kuti ushumiri hwangu hunobatsira vanhu. Izvi zvinoita kuti ndifare chaizvo.”

Hanzvadzi dzakawanda dzakakwanisa kudzidza mumwe mutauro uye kuwedzera ushumiri hwadzo kuti dziparidzire vanhu vanotaura mimwe mitauro. “Muguta randinogara, mune zviuru zvevanhu vanobva kune dzimwe nyika,” anodaro Ana, watambotaura nezvake. Anonakidzwa nokuparidzira vanhu vanotaura chiFrench. “Kudzidza mutauro wandinoshandisa kutaura nevanhu vakawanda kwakaita kuti ndiparidzire vamwe vanhu vandaive ndisati ndamboparidzira uye kwakaita kuti basa rangu rokuparidza rinakidze kwazvo.”

Sezvo kazhinji munhu asina imba asina zvakawanda zvaanofanira kuita mumhuri, vamwe vanhu vakashandisa mukana iwoyu kuenda kunonyanya kudiwa vaparidzi. “Ndinoona kuti zvechokwadi kana uchiita zvakawanda mubasa raJehovha, zvinokuitira nyore kuwana shamwari dzepedyo uye unonzwa uchidiwa,” anodaro Lidiana, imwe hanzvadzi isina kuroorwa ine makore anoti pfuurei 35 yakashanda kwainyanya kudiwa vaparidzi kune dzimwe nyika. “Ndava neshamwari dzakawanda dzinobva kwakasiyana-siyana, uye izvi zvinoita kuti upenyu hwangu hunakidze.”

Bhaibheri rinotaura nezvaFiripi muevhangeri aiva nevanasikana vana vaive vasina kuroorwa vaiprofita. (Mab. 21:8, 9) Vanofanira kunge vaishingaira sababa vavo. Kuti vangave vaishandisa chipo chavo chokuprofita kuti vabatsire vamwe vaKristu muKesariya here? (1 VaK. 14:1, 3) Nhasi hanzvadzi dzakawanda dzisina kuroorwa dzinovakawo vamwe nokupinda kwadzinogara dzichiita misangano dzichipa hurukuro nokupindura nezvimwewo.

Ridhiya, mumwe wevakatanga kuva vaKristu kuFiripi, anorumbidzwa neBhaibheri nokugamuchira kwaaiita vaenzi. (Mab. 16:14, 15, 40) Ridhiya, uyo angadaro aive asina kuroorwa kana kuti ari chirikadzi, aiva nerupo, izvo zviita kuti anakidzwe nokutandara nevatariri vanofambira, vakadai saPauro, Sirasi, uye Ruka, zvinova zvaimubatsira zvikuru. Vamwe vari kukomborerwawo nhasi uno nokuti vane rupo rwakadaro.

Kupedza Shungu Dzokuda Kudiwa

Kunyange zvazvo kuita mabasa anogutsa kuchiita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa, tose zvedu tinoda kudiwawo nevamwe vanhu. Vanhu vasina imba vangapedza sei shungu dzacho? Chokutanga, Jehovha aripo nguva dzose kuti atide, atisimbise, uye atiteerere. Mambo Dhavhidhi dzimwe nguva ainzwa ‘ari oga uye achitambudzika,’ asi aiziva kuti pose paada aigona kukumbira Jehovha kuti amutsigire. (Pis. 25:16; 55:22) Akanyora kuti: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.” (Pis. 27:10) Mwari anokumbira vashumiri vake vose kuti vaswedere pedyo naye, kuti vave shamwari dzake dzepedyo.—Pis. 25:14; Jak. 2:23; 4:8.

Uyezve pakati pehama dzedu dzakazara nyika yose tinogona kuwana vanababa, vanaamai, vakoma, uye hanzvadzi vachaita kuti upenyu hwedu hunakidze. (Mat. 19:29; 1 Pet. 2:17) VaKristu vakawanda vasina kuroorwa vanogutsikana zvikuru pavanotevedzera muenzaniso waDhokasi, uyo “aiita mabasa mazhinji akanaka okupa varombo zvipo zvokuvanzwira ngoni.” (Mab. 9:36, 39) “Muungano dzose dzandinopinda ndinotsvaka shamwari dzechokwadi dzichandida uye dzichanditsigira pandinenge ndakasurukirwa,” anotsanangura kudaro Loli. “Kuti ushamwari hwakadaro husimbe, ndinoedza kuratidza vamwe rudo uye kuvafarira. Ndakapinda neungano sere, uye kwose ikoko ndakawana shamwari dzechokwadi. Zhinji dzacho hadzisi hanzvadzi dzezera rangu asi kuti vamwe vacho ndavanaambuya kana kuti vanun’una.” Muungano dzose mune vanhu vanoda kudiwa uye vanoda shamwari. Kufarira vanhu vakadaro nemwoyo wose kunovabatsira zvikuru uye kunoita kuti iwewo upedze shungu dzako dzokuda kudiwa uye kuda vamwe.—Ruka 6:38.

Mwari Haazokanganwi

Bhaibheri rinoratidza kuti nemhaka yokuoma kwenguva yatiri kurarama, muKristu wose ane paanotofanira kuzvipira. (1 VaK. 7:29-31) Zvakakodzera kuti tiremekedze uye tikudze vaya vanoramba vasina kuroorwa nemhaka yechido chavo chokuteerera murayiro waMwari wokuti varoorwe munaShe bedzi. (Mat. 19:12) Asi kuzvipira kwavo uku hakurevi kuti havagoni kunakidzwa zvizere noupenyu.

“Ukama hwakanaka naJehovha uye kumushumira kwandinoita ndizvo zvinoita kuti upenyu hwangu hugutse,” anodaro Lidiana. “Pane vanhu vakaroorwa vandinoziva vanofara uye pane vamwe vasingafari. Kuziva izvi kunoita kuti ndive nechokwadi chokuti kuroorwa hakusi iko kunoita kuti ndifare.” Sezvakataurwa naJesu, mufaro unobva pakupa uye pakushumira vamwe, izvo zvinogona kuitwa nevaKristu vose.—Joh. 13:14-17; Mab. 20:35.

Hapana mubvunzo kuti chinhu chikuru chinoita kuti tifare kuziva kuti Jehovha achatikomborera nokuzvipira kupi zvako kwatingaita tichida kuita kuda kwake. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VaH. 6:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kunyange zvazvo pano tiri kutaura nezvehanzvadzi dzechiKristu, mazano acho anoshandawo kuhama.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 25]

“Ndinonakidzwa nezvandiri, uye handiswerofunga nezvezvandisina.”—Carmen

[Mufananidzo uri papeji 26]

Loli naLidiana vanonakidzwa nokushumira kunonyanya kudiwa vaparidzi

[Mufananidzo uri papeji 27]

Mwari anokumbira vashumiri vake vose kuti vaswedere pedyo naye