Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Jesu—Dzidzisa Norudo

Tevedzera Jesu—Dzidzisa Norudo

Tevedzera Jesu—Dzidzisa Norudo

“Hapana mumwe munhu akambotaura saizvozvi.”—JOH. 7:46.

1. Vanhu vaiita sei pavainzwa Jesu achidzidzisa?

FUNGIDZIRA kunakidza kwazvaiita kunzwa Jesu achidzidzisa! MuBhaibheri tinoverenga nezvezvakaita vanhu pavakanzwa achitaura. Somuenzaniso Ruka munyori weEvhangeri anoti vanhu vomuguta rakakurira Jesu vakanga “vachishamiswa nemashoko anofadza aibuda mumuromo make.” Mateu anoti vaya vakateerera Jesu achidzidzisa muMharidzo yepaGomo ‘vakashamiswa nemadzidzisiro ake.’ Uye Johani anoti vakuru vakuru vakanga vatumwa kunosunga Jesu vakadzoka vari maoko, vachiti: “Hapana mumwe munhu akambotaura saizvozvi.”—Ruka 4:22; Mat. 7:28; Joh. 7:46.

2. Jesu aidzidzisa sei?

2 Vakuru vakuru ivavo vakataura chokwadi. Hapana mubvunzo kuti Jesu ndiye Mudzidzisi mukuru kune vose vakamborarama. Aidzidzisa zvakajeka, zviri nyore kunzwisisa, uye zvisingarambiki. Aishandisa mifananidzo nemibvunzo zvine unyanzvi. Aidzidzisa zvinoenderana nevanhu vaainge achitaura navo, vangava vaiva nezvinzvimbo kana kuti vari vanhuwo zvavo. Chokwadi chaaidzidzisa chaiva nyore kunzwisisa asi chakadzama zvechokwadi. Zvisinei, izvi handizvo zvoga zvakaita kuti Jesu ave Mudzidzisi mukuru.

Rudo Ndirwo Rwaiva Musimboti

3. Jesu akanga akasiyana papi nevatungamiriri vezvitendero panyaya yokudzidzisa?

3 Hapana mubvunzo kuti paivawo nevamwe vanyori nevaFarisi vaive vakangwara vaine ruzivo uye unyanzvi hwokudzidzisawo vamwe. Chii chakaita kuti kudzidzisa kwaJesu kusiyane zvakadaro nekwavo? Vatungamiriri vezvitendero vemazuva iwayo vakanga vasina rudo nevanhuwo zvavo. Vaitovazvidza vachivati “vanhu vakatukwa.” (Joh. 7:49) Asi Jesu aivanzwira tsitsi sezvo “vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mat. 9:36) Aiva norudo, tsiye nyoro, uye mutsa. Uyezve vatungamiriri vezvitendero vakanga vasingadi Mwari zvechokwadi. (Joh. 5:42) Zvisinei Jesu aida Baba vake uye aida kuita kuda kwavo. Vatungamiriri vezvitendero vaitaura shoko raMwari vachiisa nepavo kuti vaite zvakavanakira ivo, asi Jesu aida “shoko raMwari”—airidzidzisa, airitsanangura, airireverera, uye airarama achiritevedzera. (Ruka 11:28) Rudo ndirwo rwaiva musimboti wezvose zvaiitwa naKristu, kubvira pane zvaaidzidzisa, mabatiro aaiita vamwe vanhu uye kuvarayiridza kwaaiita.

4, 5. (a) Nei zvichikosha kudzidzisa norudo? (b) Pakudzidzisa, nei zivo nounyanzvi zvichikoshawo?

4 Zvakadini nesu? Sezvo tiri vateveri vaKristu tinoda kumutevedzera muushumiri uye pamararamiro edu. (1 Pet. 2:21) Saka chinangwa chedu hachisi chokungoita kuti vanhu vazive Bhaibheri asi ndechokuti vaone unhu hwaJehovha patiri, zvikurukuru rudo rwake. Tingava tichiziva zvakawanda kana kuti zvishoma, tiri shasha yokudzidzisa kana kuti tichingova pakati nepakati, rudo ndirwo rwuchaita kuti tibaye mwoyo yevanhu vatinoparidzira. Kuti tinyatsobudirira pabasa redu rokuita kuti vanhu vave vadzidzi, tinofanira kutevedzera Jesu nokudzidzisa norudo.

5 Ichokwadi hacho kuti kuva mudzidzisi kunoda kuti tizive zvatiri kudzidzisa uye tive nounyanzvi hwokuzvidzidzisa. Jesu akabatsira vadzidzi vake kuti vawane zivo nounyanzvi, uye nhasi Jehovha anoshandisa sangano rake kutibatsira kuva nazvo. (Verenga Isaya 54:13; Ruka 12:42.) Kunyange zvakadaro chinangwa chedu chinofanira kuva chokudzidzisa nemwoyo yedu kwete nepfungwa chete. Kana zivo nounyanzvi zvikasangana norudo, zvatinoita zvinobva zvava muchechetere mvura yeguvi. Saka tingaratidza sei rudo patinodzidzisa? Jesu nevadzidzi vake vakazviita sei? Ngationei.

Tinofanira Kuda Jehovha

6. Tinotaura sei nezvemunhu watinoda?

6 Tinofarira kutaura nezvezvinhu zvatinoda. Kana tichitaura nezvechimwe chinhu chatinokoshesa, zviso zvedu zvinenge zvakafaranuka zvichiratidza zvoga kuti tinochida uye tinochifarira. Izvi zvinowanzoitika patinotaura nezvemunhu watinoda. Kazhinji kacho tinoda kungotaurira wataona nezvemunhu iyeye. Tinomurumbidza, tinomukudza uye hatidi kunzwa munhu anotaura zvakaipa nezvake. Chinoita kuti tidaro ndechokuti tinoda kuti vamwe vamuonewo semaonero atinomuita.

7. Kuda Mwari kwakaita kuti Jesu aite sei?

7 Tisati tabatsira vamwe kuti vade Jehovha, isu vacho tinofanira kumuziva uye kumuda. Pakuti kunamata kwechokwadi kunobva pakuda Mwari. (Mat. 22:36-38) Jesu akaratidza muenzaniso wakakwana. Aida Jehovha nomwoyo wake wose nomweya wake wose nepfungwa dzake dzose uye nesimba rake rose. Sezvo akanga apedza mabhiriyoni emakore aina Baba vake vokudenga, Jesu aivaziva zvakakwana. Zvakamubatsira sei? Jesu akati, “Ndinoda Baba.” (Joh. 14:31) Rudo irworwo rwaioneka pazvinhu zvose zvakataurwa naJesu nezvaakaita. Rwakaita kuti nguva dzose aite zvinhu zvaifadza Mwari. (Joh. 8:29) Rwakaita kuti atsoropodze vatungamiriri vezvitendero vainyepedzera kumiririra Mwari. Rwakamuitawo kuti ataure nezvaJehovha uye abatsire vamwe kuziva Mwari uye kumuda.

8. Kuda Mwari kwakaita kuti vadzidzi vaJesu vaite sei?

8 Kungofanana naJesu, vadzidzi vake vomuzana remakore rokutanga vaida Jehovha, uye izvi zvakaita kuti vashingairire kuparidza mashoko akanaka noushingi. Vakazadza Jerusarema rose nokuparidza kwavo, kunyange zvazvo vatungamiriri vezvitendero vaiva nesimba vaivapikisa. Zvakanga zvisingaiti kuti vadzidzi vanyarare zvinhu zvavakanga vanzwa nokuona. (Mab. 4:20; 5:28) Vaiziva kuti Jehovha aiva navo uye aizovakomborera, zvinova ndizvo zvaakaitawo zvechokwadi! Kutaura zvazviri pasina makore 30 Jesu afa, muapostora Pauro akanyora kuti mashoko akanaka akanga aparidzirwa “zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.”—VaK. 1:23.

9. Tingasimbisa sei kuda kwatinoita Mwari?

9 Kana tichida kugona kudzidzisa, isuwo tinofanira kuramba tichisimbisa ukama hwedu naMwari. Tingazviita sei? Nokugara tichitaura naMwari tichinyengetera. Tinosimbisawo kuda kwatinoita Mwari nokudzidza Shoko rake, nokuverenga mabhuku anotsanangura Bhaibheri uye nokupinda misangano. Sezvatinowedzera kuziva kwatinoita Mwari, mwoyo yedu inofashukira nokumuda. Saka patinozoratidza kuda kwatinoita Mwari nezvatinotaura uye zvatinoita, vamwe vachazvicherechedza vomudawo.—Verenga Pisarema 104:33, 34.

Tinofanira Kuda Zvatinodzidzisa

10. Chii chinokosha kuti munhu ave mudzidzisi akanaka?

10 Chinokosha pakuva mudzidzisi akanaka kuda zvaunodzidzisa. Unofanira kutenda kuti ndezvechokwadi, zvine basa uye zvinokosha. Kana mudzidzisi achiziva kuti zvinhu zvaari kudzidzisa zvine basa, zvichaoneka pachido chaanoratidza, izvo zvinobva zvaitawo kuti vaari kudzidzisa vazvibvume. Asi kana mudzidzisi asina basa nezvaari kudzidzisa, angatarisira sei kuti vaari kudzidzisa vazvikoshese? Kufarira kwaunoita Shoko raMwari raunodzidzisa kunoshanda somuenzaniso kune vaunodzidzisa. Jesu akati: “Munhu wose anonyatsorayiridzwa achafanana nomudzidzisi wake.”—Ruka 6:40.

11. Nei Jesu aida zvaaidzidzisa?

11 Jesu aida zvaaidzidzisa. Aiziva kukosha kwezvaaidzidzisa zvakadai sechokwadi nezvaBaba vake vokudenga, “mashoko aMwari” uye “mashoko oupenyu husingaperi.” (Joh. 3:34; 6:68) Kufanana nechiedza chinopenya, chokwadi chaidzidziswa naJesu chakafumura zvakaipa chikakwidziridza zvakanaka. Chaipa tariro uye chainyaradza vanhu vakaderera vaive vanyengedzwa nevatungamiriri vezvitendero zvenhema uye vaidzvinyirirwa naDhiyabhorosi. (Mab. 10:38) Kuda kwaiita Jesu chokwadi kunooneka pane zvaaidzidzisa nezvaaiita.

12. Muapostora Pauro ainzwa sei nezvemashoko akanaka?

12 Kufanana naJesu, vadzidzi vake vaida uye vaikoshesa chokwadi pamusoro paJehovha naKristu zvokuti vaivapikisa vakanga vasingakwanisi kuvarambidza kuchiudza vamwe. Pauro akanyorera vamwe vaKristu vokuRoma kuti: “Ndinoda kwazvo kuzivisawo mashoko akanaka . . . Nokuti handinyari nemashoko akanaka; iwo chokwadi, isimba raMwari rinoponesa kumunhu wose anotenda.” (VaR. 1:15, 16) Pauro aiona kuzivisa chokwadi sokukudzwa. Akanyora kuti: “Ndakaitirwa mutsa uyu usina kukodzera kuwanwa, . . . kuti ndizivise mamwe marudzi mashoko akanaka pamusoro pepfuma isinganzwisisiki yaKristu.” (VaEf. 3:8) Zviri nyore kuona kuti Pauro aifarira zvakadini kudzidzisa vamwe nezvaJehovha nezvinangwa zvake.

13. Tine zvikonzero zvipi zvokuda mashoko akanaka?

13 Mashoko akanaka ari muShoko raMwari anotibatsira kuziva Musiki uye kuva noukama hwakanaka naye. Mashoko iwayo akanaka anopindura zvinogutsa mibvunzo inokosha youpenyu uye ane simba rokuchinja upenyu hwedu, nokutipa tariro uye kutitsigira panguva dzakaoma. Uyezve, anoratidza nzira inoenda kuupenyu hunogutsa husingazogumi. Hapana zivo inokosha kupfuura mashoko akanaka. Iwo chipo chinokosha zvikuru chatakapiwa chinoita kuti tifare kwazvo. Uye mufaro wedu unotowedzera patinopawo vamwe chipo ichocho.—Mab. 20:35.

14. Tingasimbisa sei kuda kwatinoita zvatinodzidzisa?

14 Ungaitei kuti uwedzere kuda kwaunoita mashoko akanaka? Paunenge uchiverenga Shoko raMwari, imbomira uchifungisisa zvaunenge uchiverenga. Somuenzaniso fungidzira uina Jesu muushumiri paaive pasi pano kana kuti uchifamba naPauro. Fungidzira uri munyika itsva uchiona kusiyana kunenge kwaita upenyu nezvahuri iye zvino. Fungisisa nezvezvikomborero zvauri kuwana nokuteerera kwaunoita mashoko akanaka. Kana kuda kwaunoita mashoko akanaka kwakasimba, vanhu vaunodzidzisa vachazviona. Saka zvinokosha kuti tinyatsofungisisa zvinhu zvatinenge tadzidza uye tichenjerere kudzidzisa kwedu.—Verenga 1 Timoti 4:15, 16.

Tinofanira Kuda Vanhu

15. Nei mudzidzisi achifanira kuda vaanodzidzisa?

15 Kuti munhu ave mudzidzisi akanaka anofanira kuita kuti vaanodzidzisa vanzwe vakasununguka kuitira kuti pavanenge vachidzidza vave nechido chokupindura mibvunzo nomufaro. Mudzidzisi ane rudo anodzidzisa nokuti anoda vanhu vaanodzidzisa nomwoyo wose. Anodzidzisa zvinoenderana nezvavasingazivi uye nokunzwisisa kwavo. Anonzwisisa zvinokwaniswa nevaanodzidzisa uye mamiriro avo ezvinhu. Kana mudzidzisi aine rudo rwakadaro, ari kudzidza achazviona uye chidzidzo chacho chichavanakidza vose.

16. Jesu akaratidza sei kuti aida vanhu?

16 Jesu aiva norudo rwakadaro. Akanyanya kuratidza rudo rwake pakupa upenyu hwake hwakakwana kuti vamwe vapone. (Joh. 15:13) Paaiita ushumiri hwake, Jesu akashanda nesimba achibatsira vanhu pane zvavaida muupenyu hwavo, zvikurukuru pane zvokunamata. Panzvimbo pokutarisira kuti vanhu vauye kwaari, akafamba mazana emakiromita achinovaudza mashoko akanaka. (Mat. 4:23-25; Ruka 8:1) Aiva nemwoyo murefu uye ainzwisisa. Vadzidzi vake pavaifanira kutsiurwa, akazviita norudo. (Mako 9:33-37) Akavakurudzira nokuvaudza kuti aiva nechivimbo chokuti vaizobudirira kuparidza mashoko akanaka. Hapana munhu ati ambova mudzidzisi ane rudo saJesu. Rudo rwaakaratidza vadzidzi vake rwakaita kuti naivowo vamude uye vachengete mirayiro yake.—Verenga Johani 14:15.

17. Vadzidzi vaJesu vakaratidza sei kuti vaida vamwe?

17 Sezvakangoitwa naJesu, vadzidzi vake vakaratidzawo kuti vaida vanhu vavaiparidzira. Vakabudirira kuparidza mashoko akanaka uye kushumira vamwe pasinei nokuti vaitambudzwa uye kuti zvaigona kuvaurayisa. Hakusi kuda kwavaiita vanhu vavakabatsira kugamuchira mashoko akanaka! Izvozvo tinozviona pamashoko omuapostora Pauro aakanyora okuti: “Takava norupfave pakati penyu, sezvinoita amai vanoyamwisa kana vachitarisira vana vavo. Naizvozvo, zvataikudai kwazvo, hatina kungofara kukupai mashoko akanaka aMwari chete, asiwo mweya yedu, nokuti makadiwa nesu.”—1 VaT. 2:7, 8.

18, 19. (a) Nei tichida kupa nguva yedu, simba redu uye pfuma yedu kuti tiite basa rokuparidza? (b) Taura muenzaniso unoratidza kuti rudo rwatinoratidza rwunocherechedzwa nevamwe.

18 Zvapupu zvaJehovha mazuva anowo zvinopedza nyika yose zvichitsvaka vaya vanoda kuziva uye kushumira Mwari. Kutaura zvazviri, kwemakore 17 apfuura tanga tichisvitsa mabhiriyoni emaawa gore negore mubasa rokuparidza uye rokuita kuti vanhu vave vadzidzi, uye tiri kuramba tichiita basa iroro. Kunyange zvazvo basa racho richida nguva yedu, simba redu uye pfuma yedu hatiiti zvokutumwa kuriita. Tinonzwisisa sezvaiita Jesu kuti Baba vedu vokudenga vanoda kuti vanhu vawane zivo inoita kuti vawane upenyu husingaperi. (Joh. 17:3; 1 Tim. 2:3, 4) Rudo rwunoita kuti tibatsire vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti vasvike pakuziva Jehovha sezvatinoitawo.

19 Rudo rwatinoratidza rwunocherechedzwa nevamwe. Somuenzaniso imwe hanzvadzi inopayona yokuUnited States inonyora tsamba ichinyaradza vanenge vafirwa. Mumwe murume akapindura tsamba yakadaro achiti: “Pandakaiverenga ndakashamiswa kuti munhu angazvinetsa zvakadaro achinyorera munhu waasingazivi zvachose kuti amubatsire kutsungirira matambudziko. Izvi zvaita kuti ndione kuti munoda vamwe vanhu uye munoda Mwari uyo anokuitai kuti mufambe munzira youpenyu.”

20. Kudzidzisa norudo kunokosha zvakadini?

20 Mumwe murume akati unyanzvi hukasangana norudo chatinoita chacho chinova maoresa. Patinodzidzisa tinoedza kubatsira vatinodzidzisa kuti vazive Jehovha uye vamude. Kuti tinyatsova vadzidzisi vanobudirira tinofanira kuda Mwari, kuda chokwadi, uye kuda vanhu. Patinova norudo rwakadaro torwuratidza muushumiri, tinowana mufaro unobva mukupa uye tinogutsikana nokuziva kuti tiri kutevedzera Jesu uye tiri kufadza Jehovha.

Ungapindura Sei?

• Sezvatinodzidzisa vanhu mashoko akanaka, nei zvichikosha kuti . . .

tide Mwari?

tide zvatinodzidzisa?

tide vatinodzidzisa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Chii chakaita kuti kudzidzisa kwaJesu kusiyane nekwevanyori nevaFarisi?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kudzidzisa kwakanaka kunoda kuti munhu uve nezivo, unyanzvi uye chinokosha kupfuura zvose, rudo