Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Husingaperi Pasi Pano—Tariro Inobva Kuna Mwari

Upenyu Husingaperi Pasi Pano—Tariro Inobva Kuna Mwari

Upenyu Husingaperi Pasi Pano—Tariro Inobva Kuna Mwari

“Zvisikwa zvakaitwa kuti zvive zvisina zvazvinobatsira . . . nokuda kwetariro.”—VAR. 8:20.

1, 2. (a) Nei tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano ichikosha kwatiri? (b) Nei vakawanda vasina chokwadi kana zvichiita kurarama nokusingaperi pasi pano?

PAMWE unoyeuka kufara kwawakaita pawakatanga kuziva kuti mune ramangwana, vanhu vanenge vasingachakweguri nokufa asi vachararama nokusingaperi pasi pano. (Joh. 17:3; Zvak. 21:3, 4) Ungangodaro uri kunakidzwa nokuudzawo vamwe tariro iyoyo yomuMagwaro. Pakuti tariro youpenyu husingaperi ndiyo musimboti wemashoko akanaka atinoparidza. Inotibatsira kuva nemaonero akanaka muupenyu.

2 Chechi dzechiKristudhomu kazhinji hadzitombotauri nezvetariro youpenyu husingaperi pasi pano. Kunyange zvazvo Bhaibheri richidzidzisa kuti mweya unofa, chechi dzakawanda dzinodzidzisa pfungwa isiri mumagwaro yokuti munhu ane mweya usingafi, unoenda kudenga wonoramba uchirarama. (Ezek. 18:20) Saka vanhu vakawanda havana chokwadi kana zvichiita kurarama nokusingaperi pasi pano. Naizvozvo tingabvunza kuti: Bhaibheri rinonyatsotsigira tariro iyoyo here? Kana zvakadaro, Mwari akatanga riini kuiudza vanhu?

“Zvakaitwa Kuti Zvive Zvisina Zvazvinobatsira . . . Nokuda Kwetariro”

3. Mwari akazivisa sei chinangwa chake nezvevanhu kubvira paakavasika?

3 Kubvira paakasika vanhu, Jehovha akazivisa chinangwa chake nezvavo. Mwari akazivisa zvakajeka kuti Adhamu aizorarama nokusingaperi kana akateerera. (Gen. 2:9, 17; 3:22) Hapana mubvunzo kuti vamwe vevazukuru vaAdhamu vangave vakazvinzwira voga kuti vanhu vakanga vasvika sei pakuva vasina kukwana, izvo zvavakanga vava kuzvionera voga. Paipindwa napo mumunda weEdheni pakavharwa, uye vanhu vaikwegura vachifa. (Gen. 3:23, 24) Nokufamba kwenguva, upenyu hwevanhu hwakaramba huchiita hupfupi. Adhamu akararama makore 930. Shemu, uyo akapukunyuka pamafashamo, akararama kwemakore 600 chete, uye mwanakomana wake Apakishadhi makore 438. Tera, baba vaAbrahamu vakararama makore 205. Abrahamu akararama makore 175, mwanakomana wake Isaka makore 180, uye Jakobho makore 147. (Gen. 5:5; 11:10-13, 32; 25:7; 35:28; 47:28) Vanhu vakawanda vanofanira kunge vakanzwisisa kuti kuderera kwairamba kuchiita makore avo ndiko kwaitova kuparara kwetariro youpenyu husingaperi! Vaiva nechikonzero chokuvimba kuti vaigonazve kuzowana upenyu husingaperi here?

4. Chii chaiita kuti varume vekare vakatendeka vatende kuti Mwari aizoita kuti zvikomborero zvakanga zvaraswa naAdhamu zvivepozve?

4 Shoko raMwari rinoti: “Zvisikwa [kureva vanhu] zvakaitwa kuti zvive zvisina zvazvinobatsira, . . . nokuda kwetariro.” (VaR. 8:20) Tariro yei? Uprofita hwokutanga-tanga muBhaibheri hunotaura nezve“mbeu” ‘yaizopwanya nyoka musoro.’ (Verenga Genesisi 3:1-5, 15, mashoko omuzasi.) Vimbiso yeMbeu iyoyo yakaita kuti vanhu vakatendeka vave netariro yokuti Mwari aisazorega kuita chinangwa chake chine chokuita nevanhu. Yakaita kuti varume vakaita saAbheri naNoa vatende kuti Mwari aizoita kuti zvikomborero zvakanga zvaraswa naAdhamu zvivepozve. Varume ava vangadaro vakaziva kuti ‘kupwanywa chitsitsinho kwembeu’ kwaizosanganisira kuteurwa kweropa.—Gen. 4:4; 8:20; VaH. 11:4.

5. Chii chinoratidza kuti Abrahamu aitenda kuti mwana wake aizomutswa?

5 Chimbofunga nezvaAbrahamu. Paakaedzwa, “akaita sokunge akanga atobayira Isaka, . . . mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga.” (VaH. 11:17) Nei aida kubayira mwanakomana wake? (Verenga VaHebheru 11:19.) Aitenda kuti aizomutswa! Pane zvaiita kuti Abrahamu atende kuti aizomutswa. Pakuti Jehovha akanga aita kuti masimba aAbrahamu okubereka ashandezve uye aita kuti iye nomudzimai wake Sara vave nomwanakomana ivo vakwegura. (Gen. 18:10-14; 21:1-3; VaR. 4:19-21) Uyezve Jehovha akanga aita zvokutaura naye chaizvo. Mwari akanga amuudza kuti: “Achanzi mwana wako achavapo nokuna Isaka.” (Gen. 21:12) Saka Abrahamu aiva nezvikonzero zvakanaka zvokutarisira kuti Mwari aizomutsa Isaka.

6, 7. (a) Jehovha akaita sungano yei naAbrahamu? (b) Vimbiso yakaitwa naJehovha kuna Abrahamu inoita kuti vanhu vave netariro yei?

6 Jehovha akaita sungano naAbrahama nezvevana vake, kana kuti “mbeu” nemhaka yokutenda kwakasimba kwaaiva nako. (Verenga Genesisi 22:18.) Jesu Kristu ndiye mukuru pane vanoumba “mbeu” iyoyo. (VaG. 3:16) Jehovha akanga audza Abrahamu kuti “mbeu” yake yaizowanda yova “senyeredzi dzokumatenga, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa,” nhamba yakanga isingatombozivikanwi naAbrahamu. (Gen. 22:17) Zvisinei, nokufamba kwenguva nhamba yacho chaiyo yakazoziviswa. Jesu Kristu nevane 144 000 vachatonga naye muUmambo hwake, ndivo vanoumba “mbeu” yacho. (VaG. 3:29; Zvak. 7:4; 14:1) Umambo hwaMesiya ndihwo huchaita kuti ‘marudzi ose enyika azvikomborere.’

7 Zvakanga zvisingaiti kuti Abrahamu anyatsonzwisisa zvairehwa nesungano yaakanga aita naJehovha. Kunyange zvakadaro, “akanga achimirira guta rine nheyo chaidzo,” rinodaro Bhaibheri. (VaH. 11:10) Guta iroro Umambo hwaMwari. Kuti Abrahamu azowana zvikomborero muUmambo ihwohwo, achafanira kuraramazve. Kuti azorarama nokusingaperi pasi pano, anotofanira kutanga amutswa. Uye vaya vachange vapukunyuka Amagedhoni kana kuti vachamutswa vachakwanisa kurarama nokusingaperi.—Zvak. 7:9, 14; 20:12-14.

“Mudzimu Uri Kundimanikidza”

8, 9. Nei nyaya iri mubhuku raJobho isingangogumiri pamiedzo yakamuwira iye chete?

8 Jobho akararama pakati penguva yakararama Josefa, muzukuru waAbrahamu, nenguva yakararama Mosesi. Bhuku reBhaibheri raJobho, iro rinofanira kunge rakanyorwa naMosesi, rinotsanangura kuti nei Jehovha akarega Jobho achitambura uye kuti zvakazomufambira sei. Zvisinei, nyaya iri mubhuku raJobho haingogumiri pamiedzo yakamuwira iye chete asi inosanganisira vanhu vose pamwe nengirozi. Bhuku racho rinotibatsira kunzwisisa kuti Jehovha anoratidza uchangamire hwake nenzira yakarurama, uye rinoratidza kuti kuperera kuna Mwari uye tarisiro youpenyu hwevashumiri vake vose vepasi pano ine chokuita nenyaya yakatangwa muEdheni. Kunyange zvazvo Jobho asina kunzwisisa nyaya iyi, haana kurega shamwari dzake nhatu dzichiita kuti afunge kuti akanga akundikana kuperera kuna Mwari. (Job. 27:5) Izvi zvinofanira kusimbisa kutenda kwedu uye kutibatsira kuona kuti tinogona kuramba takaperera kuna Jehovha tichitsigira uchangamire.

9 Pashure pokunge vaizviti vanyaradzi vaJobho vatatu vapedza kutaura, “Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akapindura.” Chii chakaita kuti ataure? Akati: “Ndazara nemashoko; mudzimu uri kundimanikidza mudumbu mangu.” (Job. 32:5, 6, 18) Kunyange zvazvo mashoko akataurwa naErihu achifuridzirwa akazadzika Jobho paakadzorerwa zvinhu zvake, ane zvaanorevawo kune vamwe. Anoita kuti vaya vakaperera kuna Mwari varambe vaine tariro.

10. Chii chinoratidza kuti dzimwe nguva mashoko anenge audzwa munhu mumwe chete naJehovha anenge achizoshanda kuvanhu vose?

10 Dzimwe nguva Jehovha anoudza munhu mumwe chete mashoko anenge achizoshandawo kuvanhu vose. Izvi tinozviona pauprofita hwaDhanieri hune chokuita nehope dzaMambo Nebhukadhinezari dzokutemwa kwomuti mukuru kwazvo. (Dhan. 4:10-27) Kunyange zvazvo hope idzodzo dzakazadzika kuna Nebhukadhinezari, dzine zvimwe zvadzaireva zvinokosha. Dzakaratidza kuti kutonga kwaMwari kune chokuita nepasi pano, uko kwaimiririrwa noumambo hwomudzinza raMambo Dhavhidhi, kwaizoratidzwazve pashure pemakore 2 520, kutangira muna 607 B.C.E. * Uchangamire hwaMwari panyika yedu hwakatanga kuratidzwa patsva pakagadzwa Jesu Kristu saMambo wokudenga mugore ra1914. Chimbofunga kuti munguva pfupi iri kuuya kutonga kwoUmambo kuchazadzisa sei tariro ine vanhu vanoteerera!

“Ngaarege Kuburukira Mugomba!”

11. Mashoko aErihu akaratidzei nezvaMwari?

11 Achipindura Jobho, Erihu anotaura nezve“nhume, . . . mutauriri, mumwe chete pane vane chiuru, kuti azoudza munhu kururama kwake.” Ko kana nhume iyoyo ika“teterera Mwari kuti amufarire”? Erihu anoti: “[Mwari] anobva amunzwira nyasha oti, ‘Ngaarege kuburukira mugomba! Ndawana rudzikinuro! Nyama yake ngaive itsva kupfuura paaiva muduku; ngaadzokere kumazuva esimba rouduku hwake.’” (Job. 33:23-26) Mashoko aya anoratidza kuti Mwari anoda kugamuchira “rudzikinuro” kana kuti muripo wokusunungura vanhu vanopfidza.—Job. 33:24.

12. Mashoko aErihu anoita kuti vanhu vose vave netariro yei?

12 Pamwe Erihu haana kutombonyatsonzwisisa zvairehwa norudzikinuro, sezvakangoitawo vaprofita vasina kunyatsonzwisisa zvose zvaivainyora. (Dhan. 12:8; 1 Pet. 1:10-12) Kunyange zvakadaro, mashoko aErihu anoratidza kuti vanhu vaiva netariro yokuti rimwe zuva Mwari aizogamuchira rudzikunuro ovasunungura pakukwegura nokufa. Mashoko aErihu akaita kuti vave netariro yakaisvonaka youpenyu husingaperi. Bhuku raJobho rinoratidzawo kuti vanhu vachamutswa.—Job. 14:14, 15.

13. Mashoko aErihu anorevei kuvaKristu?

13 Nanhasi mashoko aErihu ane zvaanoreva kumamiriyoni evaKristu vane tariro yokupukunyuka kuparadzwa kwenyika ino. Pane vachapukunyuka vacho, vakwegura vachadzokera kumazuva esimba rouduku hwavo. (Zvak. 7:9, 10, 14-17) Uyezve, kutarisira kuzoona vanhu vanenge vadzorerwa kumazuva esimba rouduku hwavo chinhu chinofadza vanhu vakatendeka. Asi kuti vaKristu vakazodzwa vawane upenyu hwokusafa kudenga uye kuti “mamwe makwai” aJesu awane upenyu husingaperi pasi pano, vanofanira kutenda muchibayiro chorudzikinuro chaKristu.—Joh. 10:16; VaR. 6:23.

Rufu Ruchaparadzwa Panyika

14. Chii chinoratidza kuti Mutemo waMosesi wakanga usina kukwana kuti vaIsraeri vave netariro youpenyu husingaperi?

14 Vana vaAbrahamu vakava rudzi rwakasununguka pavakaita sungano naMwari. Jehovha paaivapa Mutemo wacho, akati: “Munofanira kuchengeta mirau yangu nezvandakatonga, izvo kana munhu akazviita, achararamawo maererano nazvo.” (Revh. 18:5) Zvisinei, sezvo vaIsraeri vakanga vasingakwanisi kunyatsotevedzera Mutemo zvakakwana, wakaita kuti vave nemhosva, saka vaitoda kununurwa pamhosva iyoyo.—VaG. 3:13.

15. Dhavhidhi akafuridzirwa kunyora nezvezvikomborero zvipi zveramangwana?

15 Mosesi anyora nezvetariro youpenyu husingaperi, Jehovha akazofuridzirawo vamwe vanyori veBhaibheri kuti vataurewo nezvayo. (Pis. 21:4; 37:29) Somuenzaniso, munyori wepisarema Dhavhidhi akagumisa rimwe pisarema raitaura nezvokubatana kwevanamati vechokwadi kuZiyoni achiti: “Jehovha akarayira kuti chikomborero chive ipapo, kunyange upenyu nokusingagumi.”—Pis. 133:3.

16. Achishandisa Isaya, Jehovha akavimbisei nezveramangwana re“nyika yose”?

16 Jehovha akafuridzira Isaya kuti aprofite nezvoupenyu husingaperi pasi pano. (Verenga Isaya 25:7, 8.) Kufanana ne“chifukidziro” chakaita segumbeze rinotadzisa munhu kufema, chivi norufu zviri kuremera vanhu. Jehovha anovimbisa vanhu vake kuti chivi norufu zvichaparadzwa kana kuti kubviswa “panyika yose.”

17. Ibasa ripi rouprofita raizoitwa naMesiya raizoita kuti pave nomukana woupenyu husingaperi?

17 Fungawo nezvokuti Mutemo waMosesi waiti chii nezvembudzi yairasirirwa yeAzazeri. Kamwe chete pagore, paZuva Rokuyananisira, mupristi mukuru ‘aiisa maoko ake ose pamusoro wembudzi yacho mhenyu, oreururira pamusoro payo kukanganisa kwose kwevanakomana vaIsraeri nokumukira kwavo kwose pazvivi zvavo zvose, uye aizviisa pamusoro wembudzi yacho, oirega kuti iende kurenje.’ (Revh. 16:7-10, 21, 22) Isaya akafanotaura nezvokuuya kwaMesiya, uyo aizoita basa rakafanana nairoro otakura “urwere,” “marwadzo,” uye “chivi chevanhu vakawanda,” izvo zvaizoita kuti pave nomukana woupenyu husingaperi.—Verenga Isaya 53:4-6, 12.

18, 19. Pana Isaya 26:19 uye Dhanieri 12:13 panotaurwa nezvetariro ipi?

18 Jehovha akashandisa Isaya kuudza vanhu vake vaIsraeri kuti: “Vakafa venyu vachararama. Zvitunha zvedu—zvichamuka. Mukai mushevedzere muchifara, imi vagari vari muguruva! Nokuti dova renyu rakaita sedova rekamuti komumaro, uye nyika icharegawo vaya vasina simba vari murufu vachiberekwa.” (Isa. 26:19) Magwaro echiHebheru anonyatsojekesa kuti pane tariro yokuti vanhu vachamutswa vorarama pasi pano. Somuenzaniso, Dhanieri paakanga ava kuda kusvika makore 100, Jehovha akamuvimbisa kuti: “Uchazorora, asi uchazomukira mugove wako pachapera mazuva acho.”—Dhan. 12:13.

19 Nokuti Marita aiva netariro yokuti vanhu vachamutswa, akataura naJesu nezvehanzvadzi yake yakanga yafa achiti: “Ndinoziva kuti achamuka pakumuka pazuva rokupedzisira.” (Joh. 11:24) Zvakadzidziswa naJesu nezvakanyorwa nevadzidzi vake vachifuridzirwa zvakazochinja tariro iyi here? Jehovha achiri kupa vanhu tariro youpenyu husingaperi pasi pano here? Tichakurukura mhinduro dzemibvunzo iyi munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Ona chitsauko 6 chebhuku raFungisisa Uprofita hwaDhanieri!

Ungatsanangura Here?

• Itariro yei yakaita kuti vanhu vaitwe kuti ‘vave vasina zvavanobatsira’?

• Chii chinoratidza kuti Abrahamu aitenda kuti vanhu vaizomutswa?

• Mashoko akataurwa naErihu kuna Jobho anopa vanhu tariro yei?

• Magwaro echiHebheru anosimbisa sei tariro yokumutswa kwevanhu uye youpenyu husingaperi pasi pano?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 5]

Mashoko akataurwa naErihu kuna Jobho anopa vanhu tariro yokuti vanenge vasingachakweguri uye kufa

[Mufananidzo uri papeji 6]

Dhanieri akavimbiswa kuti ‘aizomukira mugove wake paizopera mazuva acho’