Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kristu Akadzidzisa Kuti Vanhu Vachararama Nokusingaperi Pasi Pano Here?

Kristu Akadzidzisa Kuti Vanhu Vachararama Nokusingaperi Pasi Pano Here?

Kristu Akadzidzisa Kuti Vanhu Vachararama Nokusingaperi Pasi Pano Here?

“[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo.”—ZVAK. 21:4.

1, 2. Tinoziva sei kuti vaJudha vakawanda vomuzana remakore rokutanga vaiva netariro yokurarama nokusingaperi pasi pano?

MUMWE mupfumi wechiduku akanga akakurumbira akamhanyira Jesu, akamupfugamira, akati: “Mudzidzisi Akanaka, chii chandinofanira kuita kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” (Mako 10:17) Murume wacho aibvunza nezvokugara nhaka upenyu husingaperi, asi aireva kudenga here kana kuti pasi pano? Sezvatakakurukura munyaya yakapfuura, mazana emakore izvi zvisati zvaitika, Mwari akanga apa vaJudha tariro yokuti vakafa vaizomutswa vorarama nokusingaperi pasi pano. VaJudha vakawanda vomuzana remakore rokutanga vaiziva nezvetariro iyoyo.

2 Hapana mubvunzo kuti Marita shamwari yaJesu aifunga nezvokumutswa kwaizoita vanhu pasi pano paakati nezvehanzvadzi yake yakanga yafa: “Ndinoziva kuti achamuka pakumuka pazuva rokupedzisira.” (Joh. 11:24) Ichokwadi hacho kuti vaSadhusi vepanguva iyoyo vakanga vasingabvumi kuti vanhu vaizomutswa. (Mako 12:18) Zvisinei, mubhuku rake rinonzi Judaism in the First Centuries of the Christian Era, George Foot Moore anoti: “Zvakanyorwa . . . muzana remakore rokutanga kana kuti rechipiri Jesu asati auya pasi pano zvinopupurira pfungwa yokuti vaidavira kuti paizosvika nguva yokuti vakafa vaizoraramazve pasi pano.” Mupfumi akataura naJesu aida kuwana upenyu husingaperi pasi pano.

3. Munyaya ino tichakurukura mibvunzo ipi?

3 Mazuva ano, vezvitendero zvakawanda nenyanzvi dzeBhaibheri vanoti Jesu haana kudzidzisa kuti vanhu vachararama nokusingaperi pasi pano. Vakawanda vanofunga kuti kana munhu afa mweya wake unonorarama kune imwe nzvimbo. Saka vakawanda vavo pavanoverenga Magwaro echiKristu echiGiriki, vanofunga kuti pose pavaonera mashoko okuti “upenyu husingaperi,” anenge achireva upenyu hwokudenga. Asi ndizvo here? Jesu airevei paakataura nezvoupenyu husingaperi? Vadzidzi vake vakanzwisisei nezvazvo? Magwaro echiKristu echiGiriki anodzidzisa kuti tinogona kuwana upenyu husingaperi pasi pano here?

Upenyu Husingaperi “Pakusikwazve”

4. Zvii zvinofanira kuitika “pakusikwazve”?

4 Bhaibheri rinodzidzisa nezvokumutswa kweboka revaKristu vakazodzwa richazotonga panyika riri kudenga. (Ruka 12:32; Zvak. 5:9, 10; 14:1-3) Zvisinei, Jesu paakataura nezvoupenyu husingaperi, akanga asingangofungi nezveboka iroro chete. Chimbofunga zvaakasara achiudza vadzidzi vake pashure pokunge murume wechiduku mupfumi aenda ashungurudzwa paakakumbirwa kuti asiye zvinhu zvake zvose ova muteveri waKristu. (Verenga Mateu 19:28, 29.) Jesu akaudza vaapostora vake kuti vaizotonga semadzimambo vachitonga “madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri,” kureva vamwe vanhu vose kunze kwevaya vachanotonga kudenga. (1 VaK. 6:2) Akataurawo nezvomubayiro waizowanikwa no“munhu wose” aizomutevera. Vanhu vakadaro vaizo“gara nhaka youpenyu husingaperi.” Zvose izvi zvinofanira kuitika “pakusikwazve.”

5. Ungatsanangura sei “kusikwazve”?

5 Jesu paakati “kusikwazve” airevei? MuBhaibheri Rinoera uye muBhaibheri Dzvene shoko racho rinoshandurwa kuti “pasi idzva.” Sezvo Jesu asina kutsanangura shoko racho paakaritaura, zviri pachena kuti aireva tariro yakanga yava nemakore ichizivikanwa nevaJudha. Zvinhu zvaifanira kusikwazve pasi pano, kuitira kuti zviite sezvazvakanga zvakaita mumunda weEdheni Adhamu naEvha vasati vatadza. Kusikwazve kuchazadzika vimbiso yaMwari yo“kusika matenga matsva nenyika itsva.”—Isa. 65:17.

6. Mufananidzo wemakwai nembudzi unotidzidzisei pamusoro petariro yekurarama nokusingaperi?

6 Jesu akataurazve nezvoupenyu husingaperi paaitaura nezvokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino. (Mat. 24:1-3) Akati, “Mwanakomana womunhu paanosvika achibwinya, aine ngirozi dzose, achabva agara pachigaro chake choumambo chinobwinya. Zvino marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi.” Vaya vachatongwa zvakaipa “vachaenda mukugurwa kusingaperi, asi vakarurama muupenyu husingaperi.” “Vakarurama” vachawana upenyu husingaperi ndevaya vanotsigira nokuvimbika “hama” dzaKristu dzakazodzwa nomudzimu. (Mat. 25:31-34, 40, 41, 45, 46) Sezvo vakazodzwa vari ivo vakasarudzwa kuti vave vatongi muUmambo hwokudenga, “vakarurama” vanofanira kunge vari ivo vachatongwa noUmambo ihwohwo. Bhaibheri rakafanotaura kuti: “[Mambo waJehovha] achatonga vanhu kubvira kugungwa kusvikira kugungwa uye kubvira kuRwizi kusvikira kumigumo yenyika.” (Pis. 72:8) Vanhu ava vachararama nokusingaperi pasi pano.

Evhangeri yaJohani Inoratidzei?

7, 8. Jesu aitaura nezvetariro dzipi mbiri dzakasiyana paaitaura naNikodhimo?

7 Maererano neEvhangeri dzaMateu, Mako naRuka, Jesu anoshandisa mashoko okuti “upenyu husingaperi” munhoroondo dzambotaurwa. Evhangeri yaJohani inoratidza kuti Jesu akashandisa mashoko okuti kurarama nokusingaperi kanenge ka178. Ngatimboongororai pamwe pacho paanowanikwa toona kuti Jesu akatii nezvetariro yokurarama nokusingaperi pasi pano.

8 Maererano naJohani, Jesu akatanga kutaura nezvekurarama nokusingaperi paaitaura nomuFarisi ainzi Nikodhimo. Akamuudza kuti, “Kana munhu akasaberekwa nemvura nomudzimu, haangapindi muumambo hwaMwari.” Vaya vanopinda muUmambo hwokudenga vanofanira ‘kuberekwazve.’ (Joh. 3:3-5) Jesu haana kugumira ipapo. Akabva ataura nezvetariro inogona kuwanikwa nenyika yose. (Verenga Johani 3:16.) Jesu aireva tariro yevateveri vake vose, vakazodzwa vachirarama kudenga uye vamwe vanhu vose vachirarama pasi pano.

9. Jesu akataura nezvetariro yei paaitaura nomukadzi weSamariya?

9 Apedza kutaura naNikodhimo kuJerusarema, Jesu akabva aenda kuchamhembe akananga kuGarireya. Ari munzira akasangana nomumwe mukadzi patsime raJakobho raiva pedyo neguta reSikari kuSamariya. Akamuudza kuti: “Munhu wose anonwa mvura yandichamupa haazombovizve nenyota, asi mvura yandichamupa ichava maari tsime remvura inotubuka kuti ipe upenyu husingaperi.” (Joh. 4:5, 6, 14) Mvura iyi inomiririra urongwa hwaMwari hwokudzorera upenyu husingaperi kuvanhu vose, kusanganisira vaya vachararama pasi pano. Mubhuku raZvakazarurwa, Mwari pachake akati: “Munhu wose anonzwa nyota ndichamupa mvura inobva muchitubu chemvura youpenyu asingatengi.” (Zvak. 21:5, 6; 22:17) Saka Jesu haana kungotaura nomukadzi weSamariya nezvokurarama nokusingaperi kwevakazodzwa vachatonga naye muUmambo asiwo kwevanotenda kuna Mwari vane tariro yokurarama pasi pano.

10. Arapa mumwe murume padziva reBhetizata, Jesu akatii panyaya youpenyu husingaperi kune vezvitendero vakanga vachimushora?

10 Gore rakatevera racho, Jesu akanga ari kuJerusarema zvekare. Ari ikoko akarapa murume airwara aiva padziva rainzi Bhetizata. Jesu akatsanangurira vaJudha vaishora zvaakanga aita achiti, “Mwanakomana haagoni kuita chinhu chimwe chete chaanozvitangira oga, asi chaanoona Baba vachiita chete.” Pashure pokuvaudza kuti Baba “vakapa Mwanakomana kutonga kwose,” Jesu akazovaudza kuti: “Anonzwa shoko rangu akatenda iye akandituma, ane upenyu husingaperi.” Jesu akatiwo: “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [roMwanakomana womunhu], vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.” (Joh. 5:1-9, 19, 22, 24-29) Jesu akanga ari kuudza vaJudha vakanga vachimutambudza kuti ndiye akanga agadzwa naMwari kuti azadzise tariro yevaJudha yokurarama nokusingaperi pasi pano uye kuti aizozviita nokumutsa vakafa.

11. Tinoziva sei kuti tariro youpenyu husingaperi pasi pano inobatanidzwa pane zvakataurwa naJesu zvakanyorwa pana Johani 6:48-51?

11 KuGarireya zviuru zvevanhu zvakanga zvaona Jesu achiita chishamiso chokupa vanhu chingwa zvakatanga kumutevera. Jesu akavaudza nezvechimwe chingwa, kureva “chingwa choupenyu.” (Verenga Johani 6:40, 48-51.) Akati: “Chingwa chandichapa inyama yangu.” Jesu haana kungopa upenyu hwake kune vaya vachatonga naye muUmambo hwake hwokudenga asiwo “nokuda kwoupenyu hwenyika” ine vanhu vanoda kudzikinurwa. “Kana munhu akadya chingwa ichi,” kureva kuti akava nokutenda musimba rechibayiro chaJesu chokudzikinura, achava netariro youpenyu husingaperi. Chokwadi, mashoko okuti ‘kurarama nokusingaperi’ aisanganisira tariro yakanga yagara iine vaJudha yokurarama nokusingaperi pasi pano panguva inenge ichitonga Mesiya.

12. Jesu paakaudza vaimushora kuti ‘aizopa makwai ake upenyu husingaperi,’ aireva tariro ipi?

12 Pave paya, paMutambo Wokutsaurira wakaitirwa kuJerusarema, Jesu akaudza vaimushora kuti: “Hamutendi, nokuti hamusi makwai angu. Makwai angu anoteerera inzwi rangu, uye ini ndinoaziva, uye anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi.” (Joh. 10:26-28) Jesu aingoreva upenyu hwokudenga here, kana kuti aifungawo nezvoupenyu husingaperi munyika inenge yava paradhiso? Jesu akanga achangobva kunyaradza vateveri vake nemashoko okuti: “Musatya, imi boka duku, nokuti Baba venyu vakabvumira kukupai umambo.” (Ruka 12:32) Zvisinei, panguva iyi yoMutambo Wokutsaurira, Jesu akati: “Ndine mamwe makwai, asiri edanga rino; iwayowo ndinofanira kuuya nawo.” (Joh. 10:16) Saka Jesu paakataura nevaimushora, mashoko ake aireva tariro youpenyu hwokudenga nokuda kwe“boka duku” uye tariro youpenyu husingaperi pasi pano nokuda kwemamiriyoni e“mamwe makwai.”

Tariro Yaizivikanwa Nomunhu Wose

13. Jesu paakati: “Uchava neni muParadhiso,” airevei?

13 Paaiyaura ari padanda rokutambudzikira, Jesu akataura zvisingasiyi mubvunzo nezvetariro yevanhu. Mumwe aiita zvakaipa aiva padivi pake akati: “Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.” Jesu akamuvimbisa kuti: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:42, 43) Sezvo pasina mubvunzo kuti murume uyu aiva muJudha, akanga asingafaniri hake kutsanangurirwa nezveParadhiso. Aiziva nezvetariro youpenyu husingaperi pasi pano mune ramangwana.

14. (a) Chii chinoratidza kuti vaapostora vakaomerwa nokunzwisisa zvakataurwa nezvetariro yokudenga? (b) Vadzidzi vaJesu vakazonyatsonzwisisa tariro yokudenga rini?

14 Zvisinei, chaitoda kutsanangurwa mashoko akataurwa naJesu nezvetariro yokudenga. Paakataura nevadzidzi vake nezvokuti aizoenda kudenga kunovagadzirira nzvimbo, havana kunzwisisa zvaaireva. (Verenga Johani 14:2-5.) Pave paya akazovaudza kuti: “Ndichiine zvinhu zvizhinji zvokutaura nemi, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa panguva ino. Zvisinei, panosvika iyeye, iwo mudzimu wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose.” (Joh. 16:12, 13) Vateveri vaJesu vakatozoziva kuti zvigaro zvavo zvaizova kudenga pashure pePendekosti ya33 C.E. pavakazodzwa nomudzimu mutsvene kuti vazova madzimambo eramangwana. (1 VaK. 15:49; VaK. 1:5; 1 Pet. 1:3, 4) Tariro yokugara nhaka yokudenga chaitova chinhu chitsva, uye ndiyo yakanga yava kunyanya kutaurwa nezvayo mutsamba dzakafuridzirwa dziri muMagwaro echiKristu echiGiriki. Asi tsamba idzi dzinosimbisa tariro yevanhu yokurarama nokusingaperi pasi pano here?

Tsamba Dzakafuridzirwa Dzinotii?

15, 16. Tsamba yakafuridzirwa yakanyorerwa vaHebheru uye mashoko aPetro anoratidza sei tariro youpenyu husingaperi pasi pano?

15 Mutsamba yaakanyorera vaHebheru, muapostora Pauro akadana vaainamata navo achiti “hama tsvene, dzinogoverana pamwe chete kudanwa kwokudenga.” Asi akataura kuti Mwari akaisa pasi paJesu “nyika inogarwa iri kuuya.” (VaH. 2:3, 5; 3:1) Mashoko okuti “nyika inogarwa iri kuuya” ari kureva kuchinja kuchange kwaita nyika kana yava kutongwa naJesu Kristu. Panguva iyoyo Jesu achazadzisa vimbiso yaMwari yokuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pis. 37:29.

16 Muapostora Petro akafuridzirwawo kuti anyore nezveramangwana revanhu. Akanyora kuti: “Matenga nenyika zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kuchengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.” (2 Pet. 3:7) Chii chichatsiva hurumende dzinomiririrwa nematenga uye vanhu vakaipa varipo mazuva ano? (Verenga 2 Petro 3:13.) Dzichatsiviwa ‘nematenga matsva,’ kureva Umambo hwaMwari hunotungamirirwa naMesiya, uye “nyika itsva,” kureva vanamati vechokwadi vakarurama.

17. Tariro yevanhu inorondedzerwa sei pana Zvakazarurwa 21:1-4?

17 Zvinoratidzwa mubhuku rokupedzisira reBhaibheri nezvokukwana kunenge kwaita vanhu zvinofadza mwoyo yedu. (Verenga Zvakazarurwa 21:1-4.) Iyi ndiyo yakagara iri tariro yevanhu vanotenda muna Mwari kubvira pakatadza vanhu vokutanga mumunda weEdheni. Vanhu vakarurama vachagara muParadhiso pasi pano nokusingaperi vasingakweguri. Tariro iyi yakavakirwa muMagwaro echiHebheru neechiGiriki, uye nanhasi ichiri kusimbisa vashumiri vaJehovha.—Zvak. 22:1, 2.

Ungatsanangura Here?

• Jesu airevei paakati “kusikwazve”?

• Jesu aitaura nezvei naNikodhimo?

• Jesu akavimbisei murume akaipa akarovererwa pedyo naye?

• Tsamba yakanyorerwa vaHebheru uye mashoko aPetro anotsigira sei tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Vanhu vakaita semakwai vachawana upenyu husingaperi pasi pano

[Mufananidzo uri papeji 10]

Jesu akataura nevamwe nezvekurarama nokusingaperi pasi pano