Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kumutsidzirwa Kwakaitwa Tariro Yokurarama Nokusingaperi Pasi Pano

Kumutsidzirwa Kwakaitwa Tariro Yokurarama Nokusingaperi Pasi Pano

Kumutsidzirwa Kwakaitwa Tariro Yokurarama Nokusingaperi Pasi Pano

“Iwe Dhanieri, vanza mashoko acho . . . kusvikira kunguva yokuguma. Vazhinji vachamhanya-mhanya, uye zivo yechokwadi ichawanda.”—DHAN. 12:4.

1, 2. Munyaya ino tichakurukura mibvunzo ipi?

MAZUVA ano mamiriyoni evanhu anonyatsonzwisisa panobva tariro yavo muMagwaro yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. (Zvak. 7:9, 17) Pakasikwa vanhu, zvakataurwa naMwari zvinoratidza kuti havana kusikirwa kuti vangorarama makore mashomanana chete vobva vafa asi kuti vararame nokusingaperi.—Gen. 1:26-28.

2 VaIsraeri vaiva netariro yokuti vanhu vaizoitwazve kuti vave vakakwana sezvakanga zvakaita Adhamu. Magwaro echiKristu echiGiriki anotsanangura nzira ichashandiswa naMwari kuti vanhu vawane upenyu husingaperi muParadhiso pasi pano. Saka nei tariro yevanhu yaifanira kumutsidzirwa? Yakaziviswa sei kumamiriyoni evanhu?

Tariro Inovharidzirwa

3. Nei zvisingashamisi kuti tariro yevanhu yokurarama nokusingaperi pasi pano yakavharidzirwa?

3 Jesu akagara ataura kuti vaprofita venhema vaizodzidzisa nepavo dzidziso dzake uye kuti vanhu vakawanda vaizotsauswa. (Mat. 24:11) Muapostora Petro akanyevera vaKristu kuti: “Kuchavawo nevadzidzisi venhema pakati penyu.” (2 Pet. 2:1) Muapostora Pauro akataura ‘nezvenguva yokuti vanhu vaisazoshivirira kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nezvavanoda, vaizozviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo.’ (2 Tim. 4:3, 4) Satani anotsausa vanhu uye akashandisa vaKristu vakapanduka kuti vavharidzire chokwadi chinonyevenutsa mwoyo nezvechinangwa chaMwari nokuda kwevanhu uye kwenyika.—Verenga 2 VaKorinde 4:3, 4.

4. Itariro ipi yevanhu yakarambwa nevatungamiriri vezvitendero vakapanduka?

4 Magwaro anotsanangura kuti Umambo hwaMwari ihurumende yokudenga ichapwanya yogumisa kutonga kwose kwevanhu. (Dhan. 2:44) Kristu paachange achitonga kwemakore ane chiuru, Satani achavharirwa mugomba rakadzikadzika, vakafa vachamutswa, uye vanhu vachaitwa kuti vave vakakwana pasi pano. (Zvak. 20:1-3, 6, 12; 21:1-4) Zvisinei, vatungamiriri vezvitendero zvechiKristudhomu vakapanduka vakatanga kudzidzisa dzimwe pfungwa. Somuenzaniso, mumwe mufundisi womuzana remakore rechitatu anonzi Origen wokuAlexandria akashora chaizvo vaya vaitenda kuti kwaizova noKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaizounza zvikomborero pasi pano. Mumwe mufundisi weRoma anonzi Augustine wokuHippo “akatsigira pfungwa iyoyo yokuti hakuzovi nokutonga kwemakore ane chiuru,” inodaro The Catholic Encyclopedia. *

5, 6. Chii chakaita kuti Origen naAugustine vapikise pfungwa yokuti kuchava nokutonga kwemakore ane chiuru?

5 Chii chakaita kuti Origen naAugustine vapikise pfungwa yokuti kuchava nokutonga kwemakore ane chiuru? Origen akadzidziswa naClement wokuAlexandria, uyo akatora pfungwa yevaGiriki yokuti mweya haufi. Nemhaka yokuti Origen akanga achinyatsodavira zvaidzidziswa naPlato nezvemweya, “akabva atanga kuzvidzidzisawo muchechi,” anodaro mumwe mufundisi anonzi Werner Jaeger. Saka Origen akatanga kudzidzisa kuti zvikomborero zvoKutonga Kwemakore Ane Chiuru zvaizowanikwa kudenga kwete pasi pano.

6 Augustine akazotendeuka kuva “muKristu” ava nemakore 33, asi asati adaro aimbova mutsigiri wouzivi hwaPlato hwakatanga kudzidziswa naPlotinus muzana remakore rechitatu. Kunyange paakanga atendeuka, Augustine akaramba aine mafungiro okutsigira uzivi hwaPlato. “Ndiye munhu akatanga kusanganisa dzidziso dziri muTestamende Itsva nedzaPlato dzouzivi hwechiGiriki,” inodaro The New Encyclopædia Britannica. Augustine akati kutsanangurwa kwoKutonga Kwemakore Ane Chiuru kuri muna Zvakazarurwa chitsauko 20 “kwaingova kufananidzira,” inodaro The Catholic Encyclopedia. Inowedzera kuti: “Tsanangudzo iyi . . . yakabvumwawo nevazivi vokuMadokero, uye pfungwa yokutanga yokuti kuchava nokutonga kwemakore ane chiuru yakanga isingachatsigirwi.”

7. Idzidziso ipi yenhema yakavhiringidza tariro yevanhu yokurarama nokusingaperi pasi pano, uye yakavhiringidzwa sei?

7 Tariro yevanhu yokurarama nokusingaperi pasi pano yakavhiringidzwa nepfungwa yokuti munhu ane mweya usingafi kana kuti mudzimu unongogara mumuviri, yaiva yakazara muBhabhironi rekare uye yakazopararira munyika yose. VechiKristudhomu pavakatanga kudzidzisawo pfungwa iyoyo, vafundisi vakatanga kutsanangura Magwaro nepavo, vachiita kuti aya anorondedzera tariro yokudenga aite seanodzidzisa kuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga. Maererano nedzidziso iyi, upenyu pasi pano idandaro, ndehwokungoedza munhu kuti zvakakodzera here kuti azorarama kudenga. Izvozvo ndizvo zvakaitikawo kutariro yevaJudha youpenyu husingaperi pasi pano. Zvishoma nezvishoma vaJudha vakatanga kugamuchira pfungwa yevaGiriki yokuti mweya haufi, zvikabva zvaita kuti tariro yavo yokurarama nokusingaperi pasi pano itange kuparara. Iyi ndiyo inonzi pfungwa yakarasika pane zvinotaurwa muBhaibheri nezvevanhu! Munhu haasi mudzimu, asi ndewenyama. Jehovha akati kumunhu wokutanga: “Uri guruva.” (Gen. 3:19) Nyika ndiyo nzvimbo ichagara vanhu nokusingaperi, kwete kudenga.—Verenga Pisarema 104:5; 115:16.

Chokwadi Chinopenya Murima

8. Dzimwe nyanzvi dzokuma1600 dzakati kudini nezvetariro yevanhu?

8 Kunyange zvazvo chechi dzakawanda dzinoti dzinotenda muna Kristu dzichiramba tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano, Satani haana kukwanisa kuvharidzira chokwadi zvachose. Kwemakore, vashomanana vainyatsoongorora Bhaibheri vakaona chokwadi chichijeka zvishoma nezvishoma pavakanzwisisa zvimwe zvichaitwa naMwari kuti vanhu vave vakakwana zvekare. (Pis. 97:11; Mat. 7:13, 14; 13:37-39) Pakazosvika makore ekuma1600, kushandurwa uye kudhindwa kweBhaibheri kwakaita kuti Magwaro Matsvene awanike munzvimbo dzakawanda. Muna 1651, imwe nyanzvi yakanyora kuti sezvo Adhamu akaita kuti vanhu “varasikirwe neParadhiso, uye upenyu husingaperi pasi pano,” pachashandiswa Jesu kuti “vanhu vose vakwanise kurarama pasi pano; dai zvisina kudaro vaisazonzi vakaenzana.” (Verenga 1 VaKorinde 15:21, 22.) John Milton, mumwe ainyora nhetembo dzomutauro weChirungu ane mukurumbira, akararama muna 1608 kusvikira muna 1674, akanyora bhuku rinonzi Paradise Lost uye rakazotevera racho Paradise Regained. Mumabhuku ake, Milton aitaura nezvemubayiro uchapiwa vakatendeka muparadhiso pasi pano. Kunyange zvazvo Milton akapedzera nguva yake yakawanda mukudzidza Bhaibheri, akanzwisisa kuti zvaisazoita kuti chokwadi chomuMagwaro chinzwisiswe kusvikira Kristu avapo.

9, 10. (a) Isaac Newton akanyorei nezvetariro yevanhu? (b) Nei Newton aiona nguva yokuvapo kwaKristu seyaiva kure chaizvo?

9 Nyanzvi yemasvomhu inozivikanwa zvikuru vaIsaac Newton, yakararama muna 1642 kusvika muna 1727 yainakidzwawo nokudzidza Bhaibheri. Akanzwisisa kuti vatsvene vachamutswa vachinorarama kudenga uye vachatonga vaina Kristu vasingaoneki. (Zvak. 5:9, 10) Akanyora nezvevachatongwa noUmambo hwacho, achiti: “Pashure pezuva rokutongwa, vanhu vachagara munyika nokusingaperi, kwete kwemakore 1 000 chete.”

10 Newton ainzwisisa kuti kuvapo kwaKristu kwaizoitika mumazana emakore aiva mberi. “Chimwe chaiita kuti Newton aone Umambo hwaMwari huri kure zvikuru kushora kwaaiita dzidziso yenhema yoUtatu yakanga yakapararira,” anodaro mumwe munyori wenhau anonzi Stephen Snobelen. Mashoko akanaka akanga achakavharidzirwa. Uye Newton aiona pasina sangano revaKristu raigona kuaparidza. Akanyora kuti: “Uprofita hwaDhanieri nohwaJohani [huri mubhuku raZvakazarurwa] hahufaniri kunzwisiswa kusvikira panguva yomugumo.” Newton akatsanangura kuti: “‘Panguva iyoyo,’ akadaro Dhanieri, ‘vazhinji vachamhanya pose pose, nezivo ichawanda.’ Nokuti Evhangeri ichaparidzirwa kumarudzi ose kutambudzika kukuru kusati kwasvika, uye mugumo wenyika usati wasvika. Vazhinji-zhinji vanobva mumarudzi ose, vachange vakabata michindwe, vanozopukunyuka kutambudzika kukuru uku, havagoni kuwanda zvokusaverengeka kunze kwokunge Evhangeri yatoparidzwa mugumo usati wasvika.”—Dhan. 12:4; Mat. 24:14; Zvak. 7:9, 10.

11. Mumazuva aMilton naNewton, nei tariro yevanhu yakaramba yakavharidzirwa?

11 Mumazuva aMilton naNewton, kutaura pfungwa dzinopesana nezvaidzidziswa muchechi kwaiva kuigochera pautsi. Izvi zvakaita kuti akawanda emabhuku eBhaibheri avainyora asadhindwa kusvikira vafa. Kubuda kwakaita dzimwe chechi muRoma muzana remakore rechi16 kwakatadza kuchinja dzidziso yokusafa kwomweya, uye huru dzacho dzakaramba dzichidzidzisa pfungwa yaAugustine yokuti Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwakanga kwatoitika, kwete kuti kwaizoitika. Zivo yakawedzera here munguva yokupedzisira?

“Zivo Yechokwadi Ichawanda”

12. Zivo yechokwadi yaizofanira kuwanda rini?

12 Dhanieri akagara ataura zvakanaka zvaizoitika ‘munguva yomugumo.’ (Verenga Dhanieri 12:3, 4, 9, 10.) Jesu akati, “Panguva iyoyo vakarurama vachapenya zvakajeka sezuva.” (Mat. 13:43) Zivo yechokwadi yawanda sei munguva yomugumo? Funga zvinokosha zvakaitika makumi emakore gore ra1914 risati rasvika, rinova ndiro rakatanga nguva yomugumo.

13. Pashure pokunge Charles Taze Russell aongorora nyaya yokuti vanhu vachazoitwazve vakakwana, chii chaakazonyora?

13 Nechokunopera kwema1800, vakati wandei vaitsvaka kunzwisisa “muenzaniso wemashoko anopa utano” nemwoyo wose. (2 Tim. 1:13) Charles Taze Russell aiva mumwe wavo. Mugore ra1870 iye nevamwe vashomanana vaida kuziva chokwadi vakatanga boka raiongorora Bhaibheri. Muna 1872 vakaongorora nyaya yokuti vanhu vachazova vakakwana sezvaiva zvakaita Adhamu. Pava paya Russell akanyora kuti: “Kusvika panguva iyoyo takanga tatadza kunyatsoona kusiyana kwomubayiro waizowanikwa nechechi yaiedzwa nomubayiro waizowanikwa nevamwe vakatendeka vari panyika.” Mubayiro wevakatendeka vari panyika uchava “wokuitwa kuti vavezve vakakwana sezvaiva zvakaita baba vavo Adhamu muEdheni.” Russell akabvuma kuti akabatsirwa nevamwe pakudzidza kwaaiita Bhaibheri. Ndivanaani vakamubatsira?

14. (a) Henry Dunn ainzwisisa sei Mabasa 3:21? (b) Ndivanaani vakanzi naDunn vachararama nokusingaperi pasi pano?

14 Henry Dunn ndemumwe wacho. Akanga anyora ‘nezvokudzorerwa kwezvinhu zvose izvo Mwari akataura nezvazvo achishandisa miromo yevaprofita vake vatsvene vomunguva yekare.’ (Mab. 3:21) Dunn aiziva kuti kudzorerwa uku kwaisanganisira kuti vanhu vave vakakwana pasi pano muKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru. Dunn akaongororawo mubvunzo wakanga watemesa vakawanda musoro wokuti, Ndivanaani vachararama nokusingaperi pasi pano? Akadzidzisa kuti mamiriyoni achamutswa, odzidziswa chokwadi, ova nemukana wokutenda muna Kristu.

15. Chii chakanzwisiswa naGeorge Storrs nezvekumutswa?

15 Muna 1870, George Storrs akazoonawo kuti vasina kururama vachamutswa kuti vave nomukana wokurarama nokusingaperi. Akanzwisisawo kuti Magwaro anoti mutadzi anenge amutswa akatadza kushandisa mukana uyu zvakanaka “achatukwa ‘kunyange ava nemakore zana.’” (Isa. 65:20) Storrs aigara kuBrooklyn, New York, uye aiva mupepeti wemagazini yainzi Bible Examiner.

16. Vadzidzi veBhaibheri vakanga vakasiyana papi nechechi dzechiKristudhomu?

16 Russell akanzwisisa kubva muBhaibheri kuti nguva yokuti mashoko akanaka azivikanwe munyika yose yakanga yakwana. Saka muna 1879, akatanga kubudisa Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence, yava kunzi Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha. Izvi zvisati zvaitika, chokwadi pamusoro petariro yevanhu chainzwisiswa nevanhu vashomanene, asi panguva iyi mapoka eVadzidzi veBhaibheri munyika dzakawanda akanga ava kuwana uye kudzidza Nharireyomurindi. Dzidziso yokuti vashomanene chete ndivo vachaenda kudenga, uye mamiriyoni achaitwa kuti ave akakwana pasi pano, yakabva yasiyanisa Vadzidzi veBhaibheri nechechi dzakawanda dzechiKristudhomu.

17. Zivo yechokwadi yakasvika sei pakuwanda?

17 “Nguva yokuguma” yakanga yagara yataurwa yakatanga muna 1914. Zivo yechokwadi pamusoro petariro yevanhu yakazowanda here? (Dhan. 12:4) Pakazosvika 1913, mharidzo dzaRussell dzakanga dzadhindwa mumapepanhau 2 000 aiverengwa nevaisvika 15 000 000. Pakazopera 1914, vanopfuura 9 000 000 munyika dzakawanda vakanga vaona bhaisikopo rinotsanangura Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru rinonzi “Photo-Drama of Creation.” Kubva muna 1918 kusvikira muna 1925, hurukuro yaitsanangura tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano inoti “Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi,” yakapiwa nevashumiri vaJehovha mumitauro inopfuura 30 pasi rose. Pakazosvika 1934, Zvapupu zvaJehovha zvakaziva kuti vaya vane tariro yokuzorarama nokusingaperi pasi pano vanofanira kubhabhatidzwa. Kunzwisisa uku kwakaita kuti vawedzere kushingaira kwavo kuparidza mashoko akanaka oUmambo. Mazuva ano, tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano inoita kuti mamiriyoni akawanda atende Jehovha nemwoyo wose.

“Rusununguko Runobwinya” Ruri Mberi!

18, 19. Upenyu hwakaita sei hwakagara hwataurwa pana Isaya 65:21-25?

18 Muprofita Isaya akafuridzirwa kuti anyore zvinenge zvakaita upenyu hwuchararamwa nevanhu vaMwari pasi pano. (Verenga Isaya 65:21-25.) Mimwe miti yaivapo makore 2 700 apfuura apo Isaya akanyora mashoko aya nanhasi ichiripo. Chimbofungidzira uchirarama wakasimba uye une utano hwakanaka kwenguva yakareba kudaro!

19 Panzvimbo pokungovapo kwenguva duku sezvinoita mumvuri, upenyu huchanakidza zvokunakidza zviya, tichivaka, tichidyara uye tichidzidza. Funga nezveshamwari dzauchava nadzo. Ushamwari ihwohwo hworudo hucharamba huripo nokusingaperi. Urwu ndirwo runonzi “rusununguko runobwinya” rwuchava ne“vana vaMwari” pasi pano panguva iyoyo!—VaR. 8:21.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Augustine aidzidzisa kuti Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwoUmambo hwaMwari kwakanga kwatotanga pakavambwa chechi, kwete kuti kwaizova mune ramangwana.

Ungatsanangura Here?

• Tariro yevanhu yokurarama nokusingaperi pasi pano yakavharidzirwa sei?

• Kuma1600 vamwe vaiverenga Bhaibheri vakanzwisisei?

• Gore ra1914 paraiswedera, tariro yevanhu yechokwadi yakajekeswa sei?

• Zvakafamba sei kuti zivo pamusoro petariro yokurarama pasi pano iwande?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 13]

Mudetembi John Milton (kuruboshwe) nenyanzvi yemasvomhu Isaac Newton (kurudyi) vaiziva nezvetariro yokurarama nokusingaperi pasi pano

[Mifananidzo iri papeji 15]

Vadzidzi veBhaibheri vokutanga vakanzwisisa kubva muMagwaro kuti yakanga yava nguva yokuti tariro yevanhu yechokwadi iziviswe munyika yose