Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rambai Muri Murudo rwaMwari”

“Rambai Muri Murudo rwaMwari”

“Rambai Muri Murudo rwaMwari”

“Rambai muri murudo rwaMwari, pamunenge muchimirira ngoni dzaShe wedu Jesu Kristu muchifunga nezvoupenyu husingaperi.”—JUD. 21.

1, 2. Jehovha akaratidza sei kuti anotida, uye tinoziva sei kuti tine zvatinotofanira kuita kuti arambe achitida?

JEHOVHA MWARI akaratidza kuti anotida nenzira dzisingaverengeki. Hapana mubvunzo kuti urongwa hwechibayiro chorudzikinuro ndicho chinhu chikuru pane zvose zvakaitwa naJehovha kuratidza kuti anotida. Anotida zvikuru zvokuti akatumira Mwanakomana wake waanoda pasi pano, kuti azotifira. (Joh. 3:16) Jehovha akaita izvi nokuti anoda kuti tirarame nokusingaperi, uye anoda kuti tibatsirwe norudo rwake nokusingaperi!

2 Zvingaita here kuti Jehovha angotichengeta tiri murudo rwake pasinei nezvatinosarudza kuita? Kwete. Nokuti pana Judhasi 21 tinokurudzirwa kuti: “Rambai muri murudo rwaMwari, pamunenge muchimirira ngoni dzaShe wedu Jesu Kristu muchifunga nezvoupenyu husingaperi.” Mashoko okuti “rambai muri murudo rwaMwari” anoratidza kuti isu ndisu tinotofanira kuita chimwe chinhu. Saka tinofanira kuitei kuti tirambe tiri murudo rwaMwari?

Tingaramba Sei Tiri Murudo rwaMwari?

3. Jesu akati chii chaikosha kuti arambe ari murudo rwaBaba vake?

3 Tinowana mhinduro yomubvunzo uyu mumashoko akataurwa naJesu usiku hwokupedzisira asati afa. Akati: “Kana mukachengeta mirayiro yangu, mucharamba muri murudo rwangu, ini zvandakachengeta mirayiro yaBaba ndikaramba ndiri murudo rwavo.” (Joh. 15:10) Zviri pachena kuti Jesu ainzwisisa kuti kuchengeta mirayiro yaJehovha kwaikosha kuti arambe aine ukama hwakanaka naBaba vake. Zvino kana Mwanakomana waMwari akakwana ainzwisisa kuti kuchengeta mirayiro yaJehovha kwaikosha, zvakadiniwo nesu?

4, 5. (a) Chii chinoratidza kuti tinoda Jehovha? (b) Nei tisina chikonzero chokufunga kuti hazviiti kuti titeerere mirayiro yaJehovha?

4 Chikuru chatinoratidza nacho Jehovha kuti tinomuda kumuteerera. Muapostora Johani akazvitaura achiti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.” (1 Joh. 5:3) Ichokwadi kuti pfungwa yokuteerera haiwanzofarirwi nevanhu vakawanda vari munyika mazuva ano. Asi cherechedza mashoko anoti: “Mirayiro yake hairemi.” Jehovha haasi kutikumbira kuita chinhu chakanyanya kutiomera.

5 Somuenzaniso: Ungakumbira here shamwari yako yepamwoyo kuti itakure chinhu chaunoziva kuti haigoni kuchisimudza? Haungambodaro! Jehovha ane mutsa kutipfuura uye anotonzwisisa zvatisingakwanisi. Bhaibheri rinotivimbisa kuti Jehovha ‘anoyeuka kuti tiri guruva.’ (Pis. 103:14) Haangambotikumbiri kuita zvatisingakwanisi. Saka hatina chikonzero chokufunga kuti hazviiti kuteerera mirayiro yaJehovha. Kusiyana naizvozvo tinotoona kuteerera somukana wakanaka zvikuru wokuratidza Baba vedu vokudenga kuti tinovada zvechokwadi uye tinoda kuramba tiri murudo rwavo.

Chipo Chakazonaka Chatakapiwa naJehovha

6, 7. (a) Hana chii? (b) Taura muenzaniso unoratidza kuti hana inogona kutibatsira kuramba tiri murudo rwaMwari.

6 Munyika yatiri kurarama yakaoma kudai tine zvisarudzo zvakawanda zvatinofanira kuita zvinoratidza kuti tinoteerera Mwari. Tingava sei nechokwadi kuti zvisarudzo izvozvo zvinoenderana nokuda kwaMwari? Jehovha akatipa chipo chinotibatsira zvikuru panyaya yokuteerera—hana. Hana chii? Ndeimwe nzira yatinoziva nayo zvatiri. Inoita somutongi ari matiri anoita kuti tione zvatinosarudza kuita muupenyu kana kuti tifunge zvatinenge takatoita tozviona sezvakanaka uye zvakaipa, zvakarurama uye zvisina kururama.—Verenga VaRoma 2:14, 15.

7 Tingashandisa sei zvakanaka hana yedu? Chimbofunga muenzaniso uyu. Munhu ari kuchakaira musango rakakura. Hamuna nzira, kana migwagwa, kana zvikwangwani. Asi anonyatsofamba akananga kwaari kuenda. Sei? Ane kambasi, mudziyo wakaita raundi, wakanyorwa mativi mana enyika uine katsono kanogara kakanongedza kuchamhembe. Pasina kambasi, muchakairi uyu aizorasika zvokusaziva kwaabva. Saizvozvowo, munhu asina hana aizorasika zvokushaya tariro pakuedza kusarudza zvokuita panyaya dzetsika uye nzira dzokuita nadzo zvinhu zvakarurama muupenyu.

8, 9. (a) Zvii zvatinofanira kugara tichiziva kuti hana yedu haikwanisi kuita? (b) Tingaita sei kuti tive nechokwadi chokuti hana yedu inonyatsotibatsira?

8 Kungofanana nekambasi, hana ine zvimwe zvaisingakwanisi kuita. Dai munhu uya ari kufamba aizoisa magineti pedyo nekambasi yake, katsono kayo kaizoitwa kuti kasanongedza kuchamhembe. Saizvozvowo, kana tikanyanya kukoshesa zvido zvemwoyo yedu, chii chingaitika? Kuda kwatinoita zvakangotinakira kungakanganisa hana yedu. Bhaibheri rinotinyevera kuti, “mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo.” (Jer. 17:9; Zvir. 4:23) Uyezve, dai munhu uya ari kufamba aisava nemepu yakarurama uye yakavimbika, kambasi yake yaisazomubatsira zvakanyanya. Saizvozvowo, kana tisingatungamirirwi neBhaibheri Shoko raMwari rakavimbika uye risingachinji, hana dzedu dzinenge dzisisabatsiri. (Pis. 119:105) Zvinosuwisa kuti vanhu vakawanda vari munyika ino vanonyanya kukoshesa zvido zvemwoyo yavo vasingafungi kuti Shoko raMwari rinotii. (Verenga VaEfeso 4:17-19.) Ndosaka vakawanda vachiita zvinhu zvakaipa zvikuru, kunyange zvazvo vaine hana.—1 Tim. 4:2.

9 Isu tinofanira kutsunga kusava sevanhu ivavo! Pane kudaro, tinoita kuti Shoko raMwari ridzidzise hana yedu kuitira kuti inyatsotibatsira. Tinofanira kuteerera hana yedu pane kurega zvido zvedu toga zvichiikurira. Asiwo tinofanira kuedza kuremekedza hana dzehama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu dzinodiwa. Tinoedza nepatinogona napo kusavagumbura, tichiziva kuti hana yehama yedu ingava isina kusimba kana kuti isingaibvumiri kuita zvimwe zvinhu sezvinoita yedu.—1 VaK. 8:12; 2 VaK. 4:2; 1 Pet. 3:16.

10. Zvinhu zvipi zvitatu zvinoitwa muupenyu zvatichakurukura nezvazvo?

10 Ngatikurukurei zvinhu zvitatu zvatingaratidza nazvo Jehovha kuti tinomuda nokumuteerera. Pane chimwe nechimwe cheizvi tichaona kuti hana inoshanda sei, asi chokutanga uye chinokosha ndechokuti itungamirirwe nezvakafuridzirwa zvinotaurwa muBhaibheri pamusoro pokuzvibata. Nzira nhatu dzatinoteerera nadzo Jehovha ndeidzi: (1) Tinoda vaya vanodiwa naJehovha, (2) tinoteerera vane masimba, uye (3) tinoedza kuramba takachena mukuona kwaMwari.

Ida Vaya Vanodiwa naJehovha

11. Nei tichifanira kuda vaya vanodiwa naJehovha?

11 Chokutanga, tinofanira kuda vaya vanodiwa naJehovha. Panyaya youshamwari vanhu vakaita sechipanji, chinonwiririra chero mvura iri pachinenge chaiswa. Tinowanzotevedzera zvinoitwa nevanhu vakatipoteredza. Musiki wedu anonyatsoziva kuti shamwari dzingava nengozi zvakadini uye dzinobatsira zvakadini vanhu vasina kukwana. Saka anotipa zano iri rouchenjeri: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvir. 13:20; 1 VaK. 15:33) Hapana ani wedu anoda kuti ‘zvimuipire.’ Tose tinoda ‘kuva vakachenjera.’ Jehovha haangaitwi akachenjera kupfuura zvaari, uyewo haangambokanganiswi nomumwe munhu. Asi anotiratidza muenzaniso wakazonaka panyaya yokusarudza shamwari. Chimbofunga kuti vanhu vapi vasina kukwana vanosarudzwa naJehovha kuti vave shamwari dzake?

12. Jehovha anosarudza shamwari dzakaita sei?

12 Jehovha akadana Abrahamu kuti “shamwari yangu.” (Isa. 41:8) Murume uyu aiva akatendeka zvinoshamisa, akarurama, uye achiteerera. (Jak. 2:21-23) Ndidzo shamwari dzinosarudzwa naJehovha. Kunyange nhasi ndivo vanhu vaanoshamwaridzana navo. Kana Jehovha achisarudza shamwari dzakadaro, hazvikoshi here kuti isu tisarudzewo zvakanaka, kuti tifambe nevanhu vakachenjera uye tive vakachenjera?

13. Chii chingatibatsira kusarudza shamwari nokuchenjera?

13 Chii chingakubatsira kusarudza zvakanaka panyaya iyi? Kudzidza mienzaniso iri muBhaibheri kunogona kukubatsira. Funga nezvoushamwari hwaRute navamwene vake Naomi, hwaDhavhidhi naJonatani, kana kuti hwaTimoti naPauro. (Rute 1:16, 17; 1 Sam. 23:16-18; VaF. 2:19-22) Chinhu chikuru chakaita kuti ushamwari uhwu hubudirire ndeichi: Vanhu vacho vaida Jehovha zvechokwadi. Ungawana here shamwari dzinoda Jehovha sezvaunoita? Unovimbiswa kuti ungano yechiKristu yakazara nemikana yokuwana shamwari dzakadaro. Shamwari idzodzo hadzizoiti kuti zvinhu zvikuipire pane zvokunamata. Dzichatokubatsira kuteerera Jehovha, kuva noukama huri nani naye, uye kudyara nokuda kwomudzimu. (Verenga VaGaratiya 6:7, 8.) Dzichakubatsira kuramba uri murudo rwaMwari.

Remekedza Vane Masimba

14. Zvinhu zvipi zvinowanzoita kuti zvitiomere kuremekedza vane masimba?

14 Nzira yechipiri yatinoratidza nayo Jehovha kuti tinomuda ine chokuita nevane masimba. Tinofanira kuremekedza vaya vane masimba. Asi nei dzimwe nguva izvozvi zvakatiomera zvikuru? Chimwe chinoita kuti zvidaro ndechokuti vanhu vane masimba havana kukwana. Isusuwo hatina kukwana. Tinorwisana nepfungwa yatinozvarwa tinayo yokungoda kupandukira.

15, 16. (a) Nei zvichikosha kuti tiremekedze vaya vanenge vakapiwa naJehovha basa rokutarisira vanhu vake? (b) Chidzidzo chipi chinokosha chatinowana pamaonero akaita Jehovha kupandukira Mosesi kwakaitwa nevaIsraeri?

15 Saka ungafunga kuti, ‘Nei tichifanira kuremekedza vane masimba kana zvakaoma kudaro?’ Mhinduro yacho inodzoka panyaya youchangamire. Uchasarudza ani kuti ave changamire wako kana kuti mutongi? Kana tikasarudza kuti Jehovha ave Changamire wedu, tinofanira kuremekedza masimba ake. Kana tisingadaro, tingati ndiye Mutongi wedu zvechokwadi here? Uyezve, Jehovha anowanzotitungamirira achishandisa vanhu vasina kukwana vaanopa basa rokutarisira vanhu vake. Tikapandukira vanhu ivavo, Jehovha angaona sei zvatinenge tichiita?—Verenga 1 VaTesaronika 5:12, 13.

16 Somuenzaniso, vaIsraeri pavakanyunyutira Mosesi vakamupandukira, Jehovha akazvitora sokuti vatopandukira iye pachake. (Num. 14:26, 27) Mwari haana kuchinja. Kana tikangopandukira vaya vaakapa basa rokutarisira, tinenge tatopandukira iye!

17. Tinofanira kuvavarira kuona sei vaya vanotungamirira muungano?

17 Pauro anoratidza maonero anofanira kuitwa vaya vane basa rokutungamirira muungano yechiKristu. Akanyora kuti: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu sevanhu vachazozvidavirira; kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvi zvaizokukuvadzai.” (VaH. 13:17) Ichokwadi kuti kuteerera uye kuzviisa pasi ibasa chairo. Zvisinei yeuka kuti tiri kuvavarira kuramba tiri murudo rwaMwari. Saka hakusi kutamburira zviripo here?

Ramba Wakachena Mukuona kwaJehovha

18. Nei Jehovha achida kuti tigare takachena?

18 Nzira yechitatu yatingaratidza nayo Jehovha kuti tinomuda ndeyokuti tinoedza kuramba takachena mukuona kwake. Vabereki vanowanzoshanda zvakaoma kuti vave nechokwadi chokuti vana vavo vakachena. Vanozviitirei? Chimwe chikonzero ndechokuti kuchena kunokosha kuti mwana agare ari mutano uye achifara. Uyezve, mwana akachena anoratidza kuti anobva kumhuri yakadini, zvichiratidza kudiwa uye kutarisirwa kwaanoitwa nevabereki vake. Sezvinongoitawo mubereki, Jehovha anoda kuti tive vakachena. Anoziva kuti kuchena kunokosha kuti tive vanofara. Anozivawo kuti kuchena kwedu kunoratidza kuti iye, saBaba vedu vokudenga, akachena. Izvozvo zvinokosha zvikuru nokuti zvinoita kuti vanhu vauye kuzoshumira Mwari pavanotiona takasiyana noruzhinji rwuri munyika ino yaora.

19. Tinoziva sei kuti utsanana hunokosha?

19 Tinofanira kuramba takachena munzira dzipi? Tingati muzvinhu zvose. Makarekare muIsraeri, Jehovha akabudisa pachena kuti utsanana hunokosha. (Revh. 15:31) Mutemo waMosesi waibata nyaya dzakadai sokurasa tsvina, kusuka midziyo, kugeza maoko, tsoka uye mbatya. (Eks. 30:17-21; Revh. 11:32; Num. 19:17-20; Dheut. 23:13, 14) VaIsraeri vaiyeuchidzwa kuti Mwari wavo, Jehovha, mutsvene—kureva kuti “akachena.” Vashumiri vaMwari mutsvene vanofanirawo kuva vatsvene.—Verenga Revhitiko 11:44, 45.

20. Tinofanira kuramba takachena muzvinhu zvipi?

20 Saka tinofanira kuva vakachena kunze nomukati. Tinoedza kungofunga zvinhu zvakachena chete. Tinotevera nokuvimbika mitemo yaJehovha yetsika dzakachena, pasinei nokuti tsika dzevaya vari munyika dzaora sei panyaya dzepabonde. Zvinonyanya kukosha, tinovavarira kuti kunamata kwedu kurambe kwakachena, tisingasvibiswi nezvitendero zvenhema. Tinogara tichiyeuka yambiro yakafuridzirwa iri pana Isaya 52:11, yokuti: “Ibvai, ibvai, budai imomo, musabata chinhu chisina kuchena; budai pakati paro, rambai makachena.” Nhasi tinoramba takachena nokusatombobata zvinhu zvinonzi naBaba vedu vokudenga hazvina kuchena panyaya dzokunamata. Somuenzaniso, ndicho chikonzero nei tichiedza nepose patinogona kusachengeta mhemberero uye mazororo echitendero chenhema akakurumbira zvikuru munyika nhasi. Ichokwadi kuti zvakaoma chaizvo kuramba takachena. Asi vanhu vaJehovha vanoedza kuvavarira kuita izvozvo, nokuti zvinovabatsira kuramba vari murudo rwaMwari.

21. Tingava sei nechokwadi chokuti ticharamba tiri murudo rwaMwari?

21 Jehovha anoda kuti tirambe tiri murudo rwake nokusingaperi. Asi mumwe nomumwe wedu anofanira kuva nechokwadi kuti ari kuita zvaanogona kuti arambe ari murudo rwaMwari. Izvozvo tinogona kuzviita nokutevera muenzaniso waJesu uye nokuratidza kuti tinoda Jehovha nokumuteerera. Kana tikadaro tichava nechokwadi chokuti hapana chinokwanisa “kutiparadzanisa norudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.”—VaR. 8:38, 39.

Unoyeuka Here?

• Hana yedu ingatibatsira sei kuramba tiri murudo rwaMwari?

• Nei tichifanira kuda vaya vanodiwa naJehovha?

• Nei zvichikosha kuti tiremekedze vane masimba?

• Kuchena kunokosha zvakadini kuvanhu vaMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 20]

BHUKU RINOKURUDZIRA KUZVIBATA

Papurogiramu yegungano reruwa ra2008/2009, pakabudiswa bhuku rine mapeji 224 rine musoro unoti, “Rambai Muri Murudo rwaMwari.” Chinangwa chebhuku idzva iri ndechei? Rakagadzirirwa kubatsira vaKristu kuti vasvike pakuziva uye kuda mitemo yaJehovha, richinyanya kutaura nezvokuti vanofanira kuzvibata sei. Kunyatsodzidza bhuku ra“Rambai Muri Murudo rwaMwari” kuchaita kuti tinyatsonzwisisa kuti kurarama zvinoenderana nemitemo yaJehovha ndiwo mararamiro akanakisisa iye zvino uye anoita kuti tizowana upenyu husingaperi mune ramangwana.

Uyezve, bhuku iri rakagadzirirwa kutibatsira kuona kuti kuteerera Jehovha hakuremi, asi inotova nzira yokuratidza Jehovha kuti tinomuda zvakadini. Saka bhuku iri richaita kuti tizvibvunze kuti, ‘Sei ndichiteerera Jehovha?’

Vamwe pavanoita chikanganiso chokusiya rudo rwaJehovha, kazhinji dambudziko racho rine chokuita nokuzvibata, kwete dzidziso dzesangano. Saka zvinokosha kuti tisimbise rudo rwedu uye tikoshese mitemo yaJehovha nezvaanotaura zvinotitungamirira muupenyu hwedu mazuva ose! Tine chivimbo chokuti bhuku idzva iri richabatsira makwai aJehovha munyika yose kutsigira zvakarurama, uye zvinotokosha, kuramba ari murudo rwaMwari, oratidza kuti Satani anoreva nhema!—Jud. 21.

[Mufananidzo uri papeji 18]

“Kana mukachengeta mirayiro yangu, mucharamba muri murudo rwangu, ini zvandakachengeta mirayiro yaBaba ndikaramba ndiri murudo rwavo”