Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Jehovha Akaita Kuti Chiso Chake Chipenye Kwavari’

‘Jehovha Akaita Kuti Chiso Chake Chipenye Kwavari’

‘Jehovha Akaita Kuti Chiso Chake Chipenye Kwavari’

CHISO chomunhu chine tsandanyama dzinopfuura 30. Kuti ukwanise kunyemwerera zvinoda tsandanyama 14 dzinenge dzichishanda pamwe chete. Chimbofungidzira kuti dai usina tsandanyama idzi kutaura kwaizonakidza here. Kana. Zvisinei, kumatsi tsandanyama dzokumeso hadzisi dzokungoshandisa kuti kutaura kunakidze. Zvinoitwa netsandanyama idzi kana zvikasangana nemasaini edzimwe nhengo, zvinobva zvaita kuti pfungwa dzavanoda kutaura dzinyatsojeka. Vakawanda vanoshamisika chaizvo pavanoona mutauro wemasaini uchikwanisa kutsanangura zvinhu zvakaoma kunzwisisa uye kudonongodza zvimwe zvinhu.

Mazuva ano, pasi rose matsi dzava kugona kuona chiso chinotaura zvavanonzwa uye chakanakisisa kupfuura chomunhu upi zvake. Zvinoita sokuti vava kukwanisa kuona “chiso chaJehovha.” (Dheut. 31:11) Izvi hazvina kungoerekana zvaitika. Jehovha akagara achingoda matsi. Aidzida kubvira munguva dzevaIsraeri vekare. (Revh. 19:14) Nanhasi zviri pachena kuti achiri kuda matsi. “[Mwari] anoda kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Kuwana zivo yakarurama pamusoro paMwari kwaita kuti matsi dzakawanda dziite sedzava kuona chiso chake. Izvi zvinoitika sei idzo matsi dzisingagoni kunzwa? Tisati tapindura mubvunzo iwoyo, ngatimboongororai kuti nei mutauro wemasaini uchikosha kumatsi.

Kunzwa Nemaziso

Pane zvinhu zvakawanda zvisinganzwisiswi pamusoro pematsi uye mutauro wemasaini. Ngatimbojekesai zvimwe zvacho. Matsi dzinogona kutyaira mota. Zvinovaomera chaizvo kuti vanyatsonzwisisa zvinotaurwa vachingotarisa miromo. Mutauro wemasaini wakasiyana zvachose neBraille, uye haisi nyaya yokungotambisa-tambisa nhengo dzomuviri. Mitauro yemasaini yakasiyana-siyana pasi rose. Uyezve kusaina kwacho kunosiyana-siyana zvichienderana nenzvimbo.

Matsi dzinogona kuverenga here? Kunyange zvazvo vamwe vachigona kuverenga, chokwadi ndechokuti vazhinji vavo kuverenga kunovaomera. Nei? Nokuti zvinenge zvakanyorwa zvacho mutauro wevanhu vanonzwa. Chimbofunga kuti mwana anonzwa anodzidza sei mutauro. Kubvira panozvarwa mwana, anenge achigara nevanhu vanotaura mutauro wemunzvimbo iyoyo. Munguva shomanana anenge ava kukwanisa kubatanidza mashoko achiumba mitsara. Izvi zvinongoitika zvoga nokunzwa kwaanenge achiita vanhu vachitaura. Saka, vana vasiri matsi pavanotanga kuverenga, chiripo ndechokuti vanenge vachidzidza kuti mashoko akanyorwa anoenderana nemashoko avanoziva nechekare.

Iye zvino chimbofungidzira uri kune imwe nyika uri muimba yakavakwa nemagirazi yausingakwanisi kunzwa zvinenge zviri panze. Hausati wambonzwa mutauro unotaurwa ikoko. Zuva nezuva vanhu veko vanouya kwauri vachiedza kutaura newe nepagirazi. Haukwanisi kunzwa zvavanenge vachitaura. Chaunongoona chete kufamba kwemiromo yavo. Vaona kuti hausi kunzwa zvavari kutaura, vanobva vanyora mashoko acho pabepa vokuratidza nepagirazi zvavanenge vanyora. Vanofunga kuti unofanira kunge wava kukwanisa kuzvinzwisisa. Unofunga kuti uchazvinzwisisa zvakadini? Pakadaro unoona kuti hapana chinobuda. Nei? Nokuti zvakanyorwa zviri mumutauro wausati wambonzwa uchitaurwa. Izvi ndizvo zvinoitika kumatsi dzakawanda.

Mutauro wemasaini ndiwo unoshandiswa nematsi pakukurukura. Munhu anosainira pfungwa dzakasiyana-siyana munzvimbo yakamupoteredza. Kusaina kwaanenge achiita ipapo pamwe chete nezvinoitwa nechiso chake zvinoratidza mitemo yematauriro emutauro wemasaini. Izvi zvinobva zvabudisa mutauro unooneka unoita kuti zvive nyore kuona mashoko anenge achisainwa.

Kutaura zvazviri, kufambisa chero nhengo yomuviri kunoitwa nematsi painenge ichisaina kune zvakunotoreva. Zvinoitwa chiso hazvingoitirwi kuti zviri kutaurwa zvinakidze. Asi kuti zvinotokosha pakutevedzera mitemo yemutauro wemasaini. Somuenzaniso: Kubvunza mubvunzo maziso akati kwidzwei, pahuma pakaunyana kungaratidza kuti mubvunzo wacho haudi mhinduro kana kuti unoda yokungoti hongu kana kuti kwete. Kana maziso akati tarisei pasi, pahuma pakaunyana zvingaratidza mubvunzo wokuti ndiani, chii, kupi, rini, nei, kana kuti sei. Zvinoitwa muromo zvinogona kuratidza kukura kwechinhu chiri kutaurwa kana kuti kukosha kwenyaya yacho. Zvose zvinoitwa nenhengo dzemuviri kusanganisira musoro, mapendekete, matama nemaziso zvinowedzera kujeka kwezvinenge zvichitaurwa.

Zvose izvi zvinoita kuti ari kutarisa anakidzwe nezvaari kuona. Matsi dzinonyatsogona mutauro wemasaini padzinoshandisa nzira idzi, dzinogona kutaura chero kanhu kapi zvako kubvira kunhetembo, magadzirirwo ezvinhu, mashoko erudo kana kuti anosetsa kunyange kutsanangura zvimwe zvinhu zvisingaoneki.

MaDVD Emutauro Wemasaini Anobatsira

Kana zivo pamusoro paJehovha ikaitwa zvokusainwa, matsi inogona kuzvinzwisisa ‘yova nokutenda’ kuMuridzi wemashoko acho. Saka, Zvapupu zvaJehovha zviri kushanda nesimba kuparidzira matsi munyika yose uye kubudisa maDVD achadzibatsira. (VaR. 10:14) Iye zvino, kune mapoka 58 eshanduro yomutauro wemasaini pasi rose, uye mabhuku anenge ari pamaDVD ava kuwanikwa mumitauro 40 yemasaini. Zvose izvi zvakaitwa zvine zvazvakabatsira here?

Jeremy, ane vabereki matsi, anoti: “Ndinoyeuka kuti mumwe musi baba vangu vakapedza maawa akawanda vari muimba yavo yokurara vachidzidza ndima shomanana dzeNharireyomurindi, vachiedza kudzinzwisisa. Vakabva vangobuda mumba vachifara chaizvo vakasaina kuti: ‘Yaa, ndazozvinzwisisa!’ Vakabva vanditsanangurira zvavaiti vakanga vanzwisisa. Panguva iyoyo ndaingova nemakore 12. Ndakabva ndaverenga ndima dzacho ndikavasainira kuti: ‘Baba handifungi kuti zvamuri kutaura ndizvo zviri kurehwa. Zviri kunzi . . . ’ Vakabva vanditi ndimire ndokubva vadzokera mumba mavo kuti vazvionere kuti zvakanyorwa zvinorevei. Handikanganwi kuora mwoyo kwavakaita. Asi ndakavayemura pandakaona vachidzokera mumba mavo. Zvisinei iye zvino kuva nemabhuku omutauro wemasaini ari paDVD kwavabatsira kunzwisisa zviri nani chaizvo. Chinhu chinondifadza kuona chiso chavo chichifara pavanotsanangura madiro avanoita Jehovha.”

Fungawo zvakaitika kune zvimwe Zvapupu murume nomukadzi vakataura nomumwe mukadzi wechiduku ari kunyika yeChile anonzi Jessenia. Pavakabvumidzwa naamai vake kuratidza Jessenia Bhuku Rangu Renhau DzeBhaibheri riri paDVD mumutauro wemasaini weChile, vakazotaura kuti: “Jessenia paakatanga kuriona, akatanga kuseka ndokuzobudisa misodzi. Amai vake pavakamubvunza kuti aichemei, akavaudza kuti akanga anakidzwa nezvaaiona. Amai vake vakabva vaona kuti akanga akwanisa kunzwisisa zvose zvaiva paDVD.”

Mumwe mukadzi matsi anogara kumaruwa okuVenezuela aiva nemwana mumwe chete uye akanga ava nepamuviri pechipiri. Nokuoma kwakaita upenyu, iye nomurume wake vakaona zvisingaiti kuti vave nomumwe mwana saka vakanga vachifunga zvokubvisa pamuviri pacho. Zvapupu zvaJehovha zvakangopfuurawo nepamba apa zvisina zvazvaiziva, ndokubva zvavaratidza chidzidzo 12 chevhidhiyo yebhurocha raMwari Anodei Kwatiri? romutauro wemasaini wekuVenezuela. Chidzidzo ichi chinotsanangura maonero anoita Mwari kubvisa pamuviri uye kuponda. Pava paya mukadzi uyu akatenda Zvapupu nokudzidza kwaaiva aita chidzidzo ichi. Akati vakazosarudza kusabvisa pamuviri pacho. Bhuku romutauro wemasaini riri paDVD rakabatsira kuti mwana ari mudumbu asaurayiwa!

Chimwe Chapupu matsi chinonzi Lorraine, chakafananidza kudzidza Bhaibheri kwachakaita nokubatanidza zvidimbu zvakasiyana-siyana kuti zviumbe chinhu chinooneka. Akati paimbosara mamwe maburi achishaya kuti oisa chii kuti chinhu chaaiumba chinyatsooneka. Asi pakatanga kudzidziswa chokwadi cheBhaibheri mumutauro wemasaini, maburi aya akabva avharika. George, matsi uye ava nemakore 38 ari Chapupu anoti: “Hapana mubvunzo kuti kunzwisisa chimwe chinhu pasina munhu anokubatsira kunoita kuti uzviremekedze uye uve nechivimbo. Ndinoona kuti maDVD omutauro wemasaini andibatsira chaizvo kunyatsonzwisisa nyaya dzokunamata.”

“Musangano, Mumutauro Wangu Chaiwo!”

Kuwedzera pama DVD emutauro wemasaini, Zvapupu zvaJehovha zvakaronga kuti kuve neungano dzinoita misangano mumutauro wemasaini chete. Iye zvino pasi rose kune ungano dzemutauro wemasaini dzinopfuura 1 100. Matsi dzinotaurwa nadzo nemutauro wadzo, uye chokwadi cheBhaibheri chinodzidziswa mumutauro wadzo pachishandiswa nzira yadzinofunga nayo. Chinodzidziswa nenzira inoratidza kuremekedza tsika dzavo uye zvavari.

Kuumbwa kweungano dzomutauro wemasaini kuri kubatsira here? Funga nezvaCyril, uyo akabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha muna 1955. Kwemakore aiedza nepaaigona kudzidza mabhuku akaita zvokunyorwa uye aipinda misangano yechiKristu nguva dzose. Dzimwe nguva paiva neaimusainira asiwo dzimwe nguva pakanga pasina. Kana pasina, aitobatsirwa neZvapupu zvaiva nerudo zvaimunyorera zvaidzidziswa pamisangano. Ungano yomutauro wemasaini yakatozovapo kuUnited States muNew York City muna 1989 paakanga ava nemakore 34 ari Chapupu. Cyril paakanga ava muungano iyoyo ainzwa sei? “Zvaiita sokuti ndabuda musango, murima, ndichipinda muchiedza. Kupinda musangano unoshandiswa mutauro wangu chaiwo!”

Ungano dzemutauro wemasaini dzeZvapupu zvaJehovha inzvimbo dzokuti matsi dzinogara dzichiungana kuti dzidzidze nezvaMwari uye dzimunamate. Ndiko kwavanoshamwaridzana vachikurudzirana. Munyika yadzisinganzwi zviri kutaurwa nevamwe uye yadzinoshaya shamwari, matsi dzinoona ungano idzi dziri muzinda wokukurukurirana uye wokushamwaridzana. Imomo matsi dzinogona kudzidza, kukura, uye kuvavarira kuitawo mamwe mabasa aJehovha. Matsi dzakawanda dziri kukwanisa kuita basa renguva yakazara. Vamwe vakatamira kune dzimwe nyika kunobatsira matsi kudzidza nezvaJehovha. Matsi dzechirume dzinodzidza kuva vadzidzisi vanokwanisa, kuronga uye kufudza, uye vakawanda vanozokodzera kupiwa mamwe mabasa muungano.

MuUnited States mune ungano dzomutauro wemasaini dzinopfuura 100 uye mapoka anenge 80. MuBrazil mune ungano dzomutauro wemasaini dzinenge 300 nemapoka anopfuura 400. MuMexico mune dzinoda kusvika 300. Russia ine dzinopfuura 30 nemapoka 113. * Iyi mienzaniso mishomanana inoratidza kuwedzera kuri kuita ungano idzi pasi pose.

Zvapupu zvaJehovha zvinopindawo magungano edunhu neeruwa mumutauro wemasaini. Gore rakapera kwakaitwa magungano eruwa anopfuura 120 pasi pose mumitauro yemasaini yakasiyana-siyana. Magungano aya anoita kuti Zvapupu izvi pazvinosangana nevamwe zvichidya zvokudya zvinotsigira pakunamata, zvione kuti zvakangofananawo nevamwe vaKristu vari munyika yose.

Leonard imatsi uye ava nemakore anopfuura 25 ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Anoti: “Ndagara ndichiziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi. Asi handina kumbobvira ndanyatsonzwisisa kuti nei achirega vanhu vachitambura. Izvi zvaiita kuti dzimwe nguva ndimushatirirwe. Asi imwe hurukuro yakapiwa pagungano reruwa remutauro wemasaini, yakazondibatsira kunzwisisa kuti inyaya dzipi dzinobatanidzwa. Pakapera hurukuro iyoyo, mudzimai wangu akandigumha negokora achiti, ‘Wagutsikana?’ Ndakabvuma nomwoyo wose! Ndinotenda kuti mumakore 25 ose aya handina kumbosiya Jehovha. Ndagara ndichimuda asi ndanga ndisinganyatsomunzwisisi. Iye zvino ndava kumunzwisisa!”

Kutenda Nemwoyo Wose

Matsi dziri kuonei padzinotarisa chiso chaJehovha kana dzadzidza nezvake? Rudo, tsitsi, ruramisiro, kuvimbika, mutsa werudo, nezvimwe zvakawanda.

Matsi dziri munyika yose muungano dzeZvapupu dziri kuona chiso chaJehovha uye dzicharamba dzichijekerwa nezvachakaita. Nokuda kwaanoita matsi, ‘Jehovha aita kuti chiso chake chipenye kwadziri.’ (Num. 6:25) Matsi idzodzo dzinofara zvokufara zviya nokuti dzava kuziva Jehovha!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 21 MuZimbabwe mune ungano dzemutauro wemasaini 11 nemapoka 8.

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Kune ungano dzinopfuura 1 100 dzomutauro wemasaini pasi pose

[Mifananidzo iri papeji 26]

Chiso chaJehovha chiri kupenyera matsi