Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usatsauswa ‘Muzuva Rino Remashoko Akanaka!’

Usatsauswa ‘Muzuva Rino Remashoko Akanaka!’

Usatsauswa ‘Muzuva Rino Remashoko Akanaka!’

VARUME vana vaiva nemaperembudzi vakafunga nezvezvavaigona kuita. Hapana aivapa zvipo pagedhi reguta. VaSiriya vakanga vakakomba guta reSamariya vachiitira kuti vanhu vaivamo vafiremo nenzara vagokanda mapfumo pasi. Kupinda muguta racho kwaisabatsira nokuti zvokudya zvacho zvaidhura zvokudhura zviya. Nyaya yokuti pane mumwe akanga adya mwana wake yakanga ichitotaurwa nezvayo.—2 Madz. 6:24-29.

Varume ava vaiva nemaperembudzi vakafunga kuti, ‘Tadii kuenda kumusasa wevaSiriya? Kusiri kufa ndokupi?’ Vakatanga kuverevedza murima vachienda kumusasa wacho usiku ihwohwo. Pavakasvika, makanga makati zii. Pakanga pasina varindiri. Mabhiza nembongoro zvakanga zvakasungirirwa, asi pakanga pasina mauto. Vakadongorera mune rimwe tende. Makanga musina munhu, asi zvokudya nezvokunwa zvakanga zvisingazivani. Vakatanga kudya nokunwa. Vakaonawo ndarama, sirivha, nguo, nezvimwe zvinhu zvinokosha. Vakazvitakura, vakanozviviga, ndokudzokazve kuzotora zvimwe. Musasa wose wakanga usina vanhu. Jehovha akanga aita chishamiso chokuti vaSiriya vanzwe sokunge kwaiuya mauto. Vachiona sokuti vakanga vava kuzorwiswa, vaSiriya vakabva vati tsoka ndibereke. Vakasiya zvinhu zvose.

Varume vaya vaiva nemaperembudzi vakanga vari kuviga zvinhu zvinokosha. Zvisinei, vakatanga kushushikana pavakafunga nezvevavakidzani vavo vomuSamariya vakanga vari kufa nenzara. Vakatanga kutaurirana vachiti: “Zvatiri kuita hazvina kunaka. Nhasi izuva remashoko akanaka!” Vakabva vangodzokera kuSamariya vakanoudza vamwe mashoko akanaka nezvezvavakanga vawana.—2 Madz. 7:1-11.

Isuwo tiri kurarama mune ringanzi “zuva remashoko akanaka.” Achitaura nezvechimwe chinhu chikuru chaizoumba “chiratidzo . . . chokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva” ino, Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mat. 24:3, 14) Izvi zvinofanira kuita kuti tione zvinhu sei?

Kusangofunga Zvakatinakira Chete

Vafarisa nokuwana kwavakanga vaita zvinhu, varume vaya vakambokanganwa nezveSamariya. Pfungwa dzavo dzakanga dzava pazvinhu zvavaigona kuwana. Izvozvo zvingaitikawo kwatiri here? “Kushomeka kwezvokudya” ndechimwe chezvinhu zvinoumba chiratidzo chokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino. (Ruka 21:7, 11) Jesu akanyevera vadzidzi vake kuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu.” (Ruka 21:34) SevaKristu tinofanira kungwarira kuti tisarega kufunga nhamo dzedu dzezuva nezuva kuchiita kuti tikanganwe kuti tiri kurarama muzuva “remashoko akanaka.”

Mumwe muKristu anonzi Blessing haana kurega pfungwa dzake dzichiremerwa nokufunga zvaanoda iye. Akashanda sapiyona, akazopedza chikoro, ndokuzoroorwa nehama yaishanda paBheteri rokuBenin, naiyewo akanzi azoshanda paBheteri. Anoti: “Ndinoita basa rokuchenesa dzimba, uye rinozondinakidza.” Blessing anofara nokuti ava nemakore 12 ari mubasa renguva yakazara uye kuti akaramba akaisa pfungwa dzake ‘pazuva remashoko akanaka’ ratiri kurarama mariri.

Ngwarira Zvinhu Zvinodya Nguva

Paakatuma vadzidzi 70 Jesu akati: “Chokwadi, kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Ruka 10:2) Sezvinongoitikawo pakukohwa kuti ukanonoka unorasikirwa nezvirimwa, kuregeredza basa rokuparidza kungaita kuti vamwe vanhu vazoparadzwa. Saka Jesu akawedzera kuti: “Musakwazisa muchimbundira chero munhu upi zvake mumugwagwa.” (Ruka 10:4) Shoko romutauro wakatanga kunyorwa nawo rokuti “kwazisa” rinogona kusangoreva chete kuti “hevoi” kana kuti “masikati.” Rinogona kusanganisirawo kumbundirana uye hurukuro dzingavapo kana wasangana neshamwari. Saka Jesu akarayira vateveri vake kuti vasakanganiswa nezvinhu zvisina basa asi vanyatsoshandisa nguva yavo. Mashoko avaifanira kuparidza aiva okukurumidzira.

Funga nezvezvimwe zvinhu zvinodya nguva. Kwemakore, TV inonzi ndiyo iri pamberi pazvinhu zvinodya nguva kunyika dzakawanda. Asi zvakadini nenhare dzeserura uye makombiyuta omumba? Kwakaongororwa vanhu vakuru 1 000 muBritain kukaonekwa kuti “munhu mumwe chete wokuBritain anopedza maminitsi 88 pazuva ari pafoni dzomumba, nemamwe maminitsi 62 ari pafoni dzeserura, maminitsi 53 ari patsamba dzepakombiyuta uye maminitsi 22 achitumira mashoko paserura.” Nguva yose iyi ikasanganiswa inopfuura nekaviri nguva inopedzwa napiyona webetsero muushumiri pazuva. Ko iwe nguva yaunopedza uchikurukura yakamira sei?

Ernst naHildegard Seliger vaingwarira mashandisiro avaiita nguva yavo. Makore avakapedza vari mumisasa yechibharo yeNazi neyechiKomonisiti kana akasanganiswa anopfuura 40. Pavakabudiswa, vakashanda semapiyona kusvikira pavakazopedza upenyu hwavo pasi pano.

Vakawanda vaida kunyorerana nanaSeligers. Mhuri iyi yaigona kunge yakashandisa nguva yavo vachiverenga kana kuti vachinyora tsamba. Asi, zvinhu zvokunamata ndizvo zvavainyanya kukoshesa muupenyu hwavo.

Ichokwadi kuti tose tinofarira kugara tichikurukura nehama neshamwari uye hapana chakaipa nokudaro. Patinosarudza kuita zvinhu zvakasiyana-siyana zuva nezuva, zvinotibatsira. Kunyange zvakadaro, tinofanira kungwarira kuti tisarega zvinhu zvingatidyira nguva zvichitivhiringidza pazuva iri rokuparidza mashoko akanaka.

Paridza Kwazvo Mashoko Akanaka

Kurarama ‘muzuva remashoko akanaka’ chikomborero chaicho. Ngatisatsauswai sezvakatanga zvaita varume vana vaiva nemaperembudzi. Yeuka kuti vakazopedzisira vati: “Zvatiri kuita hazvina kunaka.” Kunyange mazuva ano, hazvina kunaka kurega zvinhu zvatinoda kana kuti zvinotidyira nguva zvichititadzisa kuita ushumiri hwedu zvizere.

Panyaya iyi, tine muenzaniso wakazonaka wokuti titevedzere. Achifunga zvaakanga aita muushumiri makore 20 akanga adarika, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndakaparidza kwazvo mashoko akanaka pamusoro paKristu.” (VaR. 15:19) Pauro haana kurega chero chii zvacho chichideredza kushingaira kwake. Ngatishingaireiwo sezvaaiita patinenge tichizivisa mashoko oUmambo ‘muzuva rino remashoko akanaka.’

[Mufananidzo uri papeji 28]

Blessing haana kurega zvinhu zvaaida zvichivhiringidza basa rake renguva yakazara

[Mufananidzo uri papeji 29]

Mhuri yokwaSeligers yaingwarira mashandisiro ayaiita nguva yavo