Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakamboshumira Here? Ungashumirazve Here?

Wakamboshumira Here? Ungashumirazve Here?

Wakamboshumira Here? Ungashumirazve Here?

WAKAMBOVA mushumiri anoshumira kana kuti mukuru muungano yechiKristu here? Ungadaro wakamboita rimwe basa renguva yakazara. Hapana mubvunzo kuti waigutsikana zvikuru uye wainakidzwa nemabasa aya, asi pane chakazoitika chakaita kuti uasiye.

Zvichida wakasiya ropafadzo yawaiva nayo kuitira kuti utarisire vomumhuri. Asiwo ungadaro wakasiyiswa nokukwegura kana kuti kurwara. Kuregedza nezvikonzero izvi hakusi kukanganisa. (1 Tim. 5:8) Muzana remakore rokutanga, Firipi aiva mumishinari, asi akazogara kuKesariya, kwaakanga ava kutarisira mhuri yake. (Mab. 21:8, 9) Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare paakanga akwegura, akaronga kuti mwanakomana wake Soromoni amutsive pachigaro. (1 Madz. 1:1, 32-35) Asi Firipi naDhavhidhi vakanga vachiri kudiwa uye kukosheswa naJehovha uye nanhasi vachiri kuremekedzwa.

Zvisinei, ungadaro wakaita zvokubviswa paropafadzo yebasa yawaiva nayo. Yaiva nyaya yomufambiro usina kunaka here? Kana kuti ungadaro waiva nezvinetso zvomumhuri here? (1 Tim. 3:2, 4, 10, 12) Ungadaro usina kutombobvumirana nokubviswa kwawakaitwa, uye nanhasi ungave uchiri kurwadziwa.

Unogona Kuvavarira Kushumirazve

Kana munhu arasikirwa neropafadzo haakwanisi kuzoiwanazve here? Hazviwanzodaro. Zvisinei kuti ushumirezve, hunge iwe wacho uchitsvaka basa racho. (1 Tim. 3:1) Asi ungadirei kushumirazve? Kuda kwaunoita Jehovha nevaya vanomushumira, uko kwakamboita kuti uzvitsaurire kuna Mwari, ndiko kunoita kuti ude kushumirazve. Kana uri kuda kuratidza rudo irworwo nokushumirazve, izvi zvichaita kuti Jehovha ashandise ruzivo rwawakawana usati warasikirwa neropafadzo yako uye rwauri kutowana.

Yeuka vimbiso yakapiwa vaIsraeri naJehovha pavakarasikirwa neropafadzo dzavo vamukanganisira. Shoko rake rinoti: “Ndini Jehovha; handina kuchinja. Imi ndimi vanakomana vaJakobho; hamuna kupera.” (Mar. 3:6) Jehovha aida vaIsraeri uye aida kuramba achivashandisa. Ndizvo zvaari kungoitawo newe. Saka nezvauri iye zvino, woita sei? Kuita mabasa muungano yechiKristu kune chokuita noukama hwako naJehovha, kwete nemano ako. Saka paunenge usina mabasa auri kuita muungano, simbisa ukama hwako naMwari.

Kuti uve “nesimba” pakutenda, unofanira ‘kutsvaka Jehovha nesimba rake.’ (1 VaK. 16:13; Pis. 105:4) Imwe nzira yaungazviita nayo ndeyokunyengetera nomwoyo wose. Paunoudza Jehovha zviri kuitika kwauri, mutaurire manzwiro ako, wokumbira mudzimu wake. Kana ukaita izvi, uchaswedera pedyo naJehovha, uye zvichakusimbisa. (Pis. 62:8; VaF. 4:6, 13) Imwe nzira yokusimbisa nayo ukama hwako naMwari ndeyokuvandudza madzidziro aunoita Shoko raMwari. Sezvo ungave usina zvakawanda zvokuita, ungakwanisa kuita zvakawanda panyaya yokudzidza woga uye kudzidza semhuri, zvichida ungatokwanisa kuita zvanga zvichikuomera.

Yeuka kuti uchiri kumiririra Jehovha seChapupu chake. (Isa. 43:10-12) Hapana ropafadzo yakanaka ingapfuura yokuva mumwe we“vashandi pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9) Kuwedzera nguva mubasa romumunda inzira yakanakisisa yokusimbisa ukama hwako naJehovha uye hwevamwe vako muushumiri.

Usazvidya Mwoyo

Kubvisirwa ropafadzo kungaita kuti unzwe uchinyara kana kuti kuzvidemba. Ungava nekapfungwa kokuona sokunge pasina chakaipa pane zvawakaita. Ko kana kuri kuti vakuru vakanzwa zvawakataura uchizvidzivirira asi vakaona kuti unofanira kubvisirwa ropafadzo yacho? Unogona kuramba wakagumbuka, zvoita kuti usavavarira kuvazve neropafadzo kana kuti zvotokutadzisa kudzidza pane zvawakakanganisa. Ngatimboonai kuti zvakaitika kuna Jobho, Manase, naJosefa zvingabatsira sei munhu ari kurwadziwa kuti akarasikirwa neropafadzo.

Jobho akanga ambomiririra vamwe pamberi paJehovha uye ambova mukuru uye mutongi pakati pevanhu vaaigarisana navo. (Job. 1:5; 29:7-17, 21-25) Asi pane imwe nguva yakanga yakaoma muupenyu hwake, Jobho akarasikirwa nepfuma yake, vana vake, uye akatanga kurwara. Izvi zvakaitawo kuti vamwe vamutore somunhu asina basa. “Vava kundiseka,” akadaro Jobho, “ivo vaduku kwandiri pamazuva.”—Job. 30:1.

Jobho aizviona sokunge akanga asina kana mhosva uye aida kuratidza Mwari kuti akanga akarurama. (Job. 13:15) Asi aida kumirira Jehovha, uye izvi zvakaita kuti akomborerwe. Akazoona kuti aifanira kugadziriswa zvaainge akanganisa, kunyanya zvaakataura paaiedzwa. (Job. 40:6-8; 42:3, 6) Kuzvininipisa kwaJobho kwakaita kuti apedzisire akomborerwa zvikuru naMwari.—Job. 42:10-13.

Kana kuri kuti une chawakakanganisa kuti uzorasikirwa neropafadzo, ungasava nechokwadi kana Jehovha nehama dzako dzechiKristu vachizonyatsokuregerera uye kukanganwa zvawakaita. Asi chimbofunga zvakaitika kuna Mambo Manase weJudha. “Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, kuti amugumbure.” (2 Madz. 21:6) Asi Manase akazofa ava munhu akatendeka, achitonga samambo. Zvakafamba sei kuti zvidaro?

Manase akapedzisira abvuma kurangwa. Paakarega kuteerera zvaainyeverwa, Jehovha akaita kuti arwiswe nevaAsiriya, avo vakamusunga vakamuendesa kure kuBhabhironi ari nhapwa. Ari ikoko, Manase “akaita kuti anzwirwe nyasha naJehovha Mwari wake, akaramba achizvininipisa kwazvo nokuda kwaMwari wemadzitateguru ake. Akaramba achinyengetera kwaari.” Kupfidza nomwoyo wose kwakaita kuti agadzirise zvaakanga akanganisa, uye azokanganwirwa.—2 Mak. 33:12, 13.

Kashoma kuti kana warasikirwa neropafadzo uzodzidzorerwa dzose panguva imwe chete. Zvisinei, nokufamba kwenguva ungapiwa dzimwe ropafadzo shomanana. Kubvuma ropafadzo idzi uye kudziita nepaunogona napo kungaita kuti uzowana dzimwe. Izvi hazvirevi kuti zviri nyore. Pangava nezvimwe zvingakuodza mwoyo. Kunyange zvakadaro, kuva nechido uye kutsunga kunounza zvikomborero.

Chimbofunga nezvomuenzaniso waJosefa mwanakomana waJakobho. Paaiva nemakore 17, Josefa akaitirwa utsinye nevakoma vake, vakamutengesa somuranda. (Gen. 37:2, 26-28) Chokwadi aya haasiwo mabatirwo aaitarisira kuitwa nevanakomana vababa vake. Zvisinei, akaita zvaienderana nemamiriro ake ezvinhu, uye Jehovha akamukomborera “akava mutarisiri weimba yatenzi wake.” (Gen. 39:2) Pave paya, Josefa akaiswa mujeri. Asi akaramba akatendeka uye Jehovha aiva naye zvokuti pakupedzisira akanzi atarisire jeri racho.—Gen. 39:21-23.

Josefa akanga asingazivi kuti zvose izvi zvaiva nechinangwa. Asi akangoramba achiita nepaaigona napo. Saka Jehovha akakwanisa kumushandisa kuti achengetedze dzinza rakazouya neMwana akapikirwa. (Gen. 3:15; 45:5-8) Kunyange zvazvo pasina mumwe wedu anogona kuita zvose zvakaitwa naJosefa, nhoroondo yacho yakafuridzirwa inoratidza kuti Jehovha ndiye anoita kuti vashumiri vake vawane ropafadzo. Ipa Jehovha mukana wacho nokutevedzera Josefa.

Kuwana Zvidzidzo Pazvinhu Zvakaoma

Jobho, Manase, naJosefa vakawirwa nezvinetso zvairwadza. Vose vari vatatu vakagamuchira zvakanga zvabvumirwa naJehovha, uye mumwe nomumwe wavo akadzidza zvidzidzo zvinokosha. Iwe ungadzidzeiwo?

Ongorora kuti Jehovha angave ari kuedza kukudzidzisei. Paakaora mwoyo, Jobho akanga ava kungofunga nezvake iye chete, haana kuzofunga nezvenyaya dzinokosha. Zvisinei, paakaruramiswa naJehovha nenzira yorudo, akagadzirisa maonero ake, akabvuma kuti: “Ndakataura, asi ndakanga ndisinganzwisisi.” (Job. 42:3) Kana uri kurwadziwa nokubvisirwa ropafadzo, ‘usafunga nezvako kupfuura zvaunofanira kufunga; asi funga kuitira kuti uve nepfungwa dzakanaka.’ (VaR. 12:3) Jehovha angave ari kuedza kukugadzirisa nenzira yausati wava kunyatsonzwisisa.

Bvuma kurangwa. Pakutanga Manase angave akafunga kuti kutsiurwa zvakasimba kwaakaitwa kwakanga kusina kunyatsokodzera. Asi akazvigamuchira, akapfidza, akasiya nzira yake yakaipa. Pasinei nemanzwiro aunoita nezvokurangwa kwawakaitwa, ‘zvininipise pamberi paJehovha, uye iye achakukwidziridza.’—1 Pet. 5:6; Jak. 4:10.

Iva nomwoyo murefu nechido chokugadzirisa. Zvakaitika kuna Josefa zvingadai zvakaita kuti arambe aine ruvengo uye achida kutsiva. Asi akanzwisisa uye akaratidza ngoni. (Gen. 50:15-21) Kana wakaodzwa mwoyo, iva nomwoyo murefu. Iva nechido chokudzidziswa naJehovha.

Wakambova mukuru kana mushumiri anoshumira muungano yechiKristu here? Ipa Jehovha mukana wokukupazve ropafadzo mune ramangwana. Simbisa ukama hwako naMwari. Kunyange zvichirwadza iva nomwoyo murefu uye zvininipise. Gamuchira chero mabasa aungapiwa. Iva nechokwadi chokuti “Jehovha haazonyimi vaya vanofamba vasina mhosva chero chinhu chipi zvacho chakanaka.”—Pis. 84:11.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]

Nyengetera nomwoyo wose kuti uve nokutenda kwakasimba

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kuwedzera nguva yaunopedzera mubasa romumunda inzira yakanakisisa yokusimbisa ukama hwako naMwari

[Mufananidzo uri papeji 32]

Ipa Jehovha mukana wokuti akupe dzimwe ropafadzo mune ramangwana