Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwana Pfuma Yakavanzwa

Kuwana Pfuma Yakavanzwa

Kuwana Pfuma Yakavanzwa

WAKAMBOWANA pfuma yakavanzwa panzvimbo yawakanga usingafungiri here? Izvozvo zvakaitika kuna Ivo Laud, mumwe weZvapupu zvaJehovha wokuEstonia, musi waMarch 27, 2005. Akanga achibatsira Alma Vardja, chimwe Chapupu chechikuru, kuputsa kamwe kamba kokuisira zvinhu kakanga kasakara. Pavakanga vachiputsa madziro okunze, vakaona puranga raive rakavhara divi reimwe shongwe. Pavakabvisa puranga racho paiva neziburi rakanga rakapamhama masendimita 10, rakareba mamita 1,27 uye rakadzika masendimita 10, rakavharwa nerimwe puranga. (1) Maive makavanzwa pfuma! Yaive pfuma yerudzii? Ndiani akanga aiviga imomo?

Muziburi racho maiva nezvihomwe zvakanga zvakanyatsoputirwa nepepa rakakora. (2) Zvihomwe zvacho zvaiva nemabhuku eZvapupu zvaJehovha, mazhinji acho ari nyaya dzokudzidza dzeNharireyomurindi, dzaisanganisira dzimwe dza1947. (3) Dzakanga dzakaita zvokunyorwa nemaoko zvakanaka-naka mumutauro wokuEstonia. Muzvihomwe zvacho maiva nezvinyorwa zvairatidza kuti ndiani akazviviga. Izvi zvaiva zvinyorwa zvokubvunzurudzwa kwakaitwa Villem Vardja, murume waAlma. Mamwe mapepa aivawo nemashoko aitaura nezvemakore aakapedza ari mujeri. Akanga asungirwei?

Villem Vardja aitungamirira ungano yeZvapupu yomuTartu uye akazotungamirira ungano yeOtepää muEstonia, imwe yenyika dzaiumba Soviet Union. Anofanira kunge akadzidza chokwadi cheBhaibheri Hondo Yenyika II isati yasvika. Papera makore mashomanana, musi waDecember 24, 1948, hurumende yacho yechikomonisiti yakasungira Hama Vardja kunamata kwavo. Vakabvunzurudzwa vakabatwa zvisina kunaka nemapurisa epachivande achiedza kuvamanikidza kuti vavape mazita ezvimwe Zvapupu. Vakarambirwa mukana wokuti vataure vachizvidzivirira mudare, vakatongerwa makore gumi mujeri kuRussia.

Villem Vardja akazofa akatendeka kuna Jehovha musi waMarch 6, 1990. Mudzimai wake akanga asingatombozivi nezvemabhuku iwayo. Pamwe akamuvanzira achiitira kuti asamuisa pamuedzo wokuzofumura kana abvunzurudzwa. Ko aivigirei mabhuku acho? Aiaviga nokuti mapurisa epachivande eSoviet State Security Committee, KGB, aigara achisvika vasingafungiri achizosecha misha yeZvapupu zvaJehovha, achitsvaka mabhuku esangano. Pamwe Hama Vardja vaiviga mabhuku acho vachiitira kuti pagare paine mamwe mabhuku aizoshandiswa nehama kana kuri kuti KGB yatorera hama mabhuku ose. Mamwe mabhuku akavanzwa saizvozvo akawanikwa muna 1990. Mamwe acho akawanikwa muTartu, kumaodzanyemba kweEstonia. Iwayo akanga avigwawo naVillem Vardja.

Nei tichiti mabhuku aya ipfuma? Nokuti mabhuku aya, akanga akaita zvokunyorwa nemaoko akanyatsovigwa, anoratidza kuti Zvapupu zvaikoshesa zvakadini zvokudya zvinosimbisa pakunamata zvaiwanika panguva iyoyo. (Mat. 24:45) Ko iwe unokoshesa zvokudya zvatinopiwa kuti zvitisimbise pakunamata here zvinowanika kwaunogara? Chimwe chaizvozvi iNharireyomurindi mumutauro wokuEstonia nemimwe mitauro inopfuura 170.