Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Munhu Anoteerera Uye Akashinga Sezvakanga Zvakaita Kristu

Iva Munhu Anoteerera Uye Akashinga Sezvakanga Zvakaita Kristu

Iva Munhu Anoteerera Uye Akashinga Sezvakanga Zvakaita Kristu

“Shingai! Ini ndakunda nyika.”—JOH. 16:33.

1. Jesu akateerera Mwari zvakadini?

JESU KRISTU aigara achiita kuda kwaMwari. Haana kana kumbova nekapfungwa kokurega kuteerera Baba vake vokudenga. (Joh. 4:34; VaH. 7:26) Asi paaiva pasi pano zvakanga zvisiri nyore kuti ateerere. Kubvira achitanga ushumiri hwake, vavengi vake, kusanganisira Satani pachake, vakaedza kumunyengetedza, kumumanikidza kana kuti kumunyengera kuti asiye mararamiro ake okutendeka. (Mat. 4:1-11; Ruka 20:20-25) Vavengi vaJesu vakamushusha, vakamushungurudza uye vakamurwadzisa. Vakazopedzisira vabudirira kumuuraya padanda rokutambudzikira. (Mat. 26:37, 38; Ruka 22:44; Joh. 19:1, 17, 18) Pasinei nezvose zvaakasangana nazvo, uye kutambura kwaakaita, Jesu “akateerera kusvikira parufu.”—Verenga VaFiripi 2:8.

2, 3. Tingadzidzei pakuteerera kwakaitwa naJesu pasinei nokuti akatambura?

2 Zvakasangana naJesu ari pasi pano zvakamudzidzisa kuteerera mumamiriro ezvinhu aakanga asati ambova maari. (VaH. 5:8) Zvingaita sokuti Jesu hapana chaakanga asingazivi nezvokushumira Jehovha. Pakuti kwemakore asingaverengeki, aiva noushamwari hwepedyo naJehovha uye aiva “mhizha” yaMwari pakasikwa zvinhu. (Zvir. 8:30) Kunyange zvakadaro, kutsungirira munhamo achiramba akatendeka kwakaratidza kuti akanga akaperera kuna Mwari. Jesu, Mwanakomana waMwari, akawedzera kusimbisa ukama hwake naMwari. Tinodzidzei pane zvakaitika kwaari?

3 Kunyange zvazvo akanga ari munhu akakwana, Jesu haana kuedza kushandisa uchenjeri hwake kuti arambe achiteerera. Akanyengetera kuti Mwari amubatsire kuramba achiteerera. (Verenga VaHebheru 5:7.) Isuwo kuti tirambe tichiteerera tinotofanira kunyengetera tichizvininipisa. Ndosaka muapostora Pauro akapa vaKristu zano rokuti: “Ivai nemafungiro aya aivawo naKristu Jesu,” uyo, “akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu.” (VaF. 2:5-8) Zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti zvinoita kuti vanhu vateerere kunyange vachigarisana nevanhu vakaipa. Ko vanhu vasina kukwana sesu vangaita zvakaitwa naJesu here, sezvo iye akanga akakwana?

Tinogona Kuteerera Tisina Kukwana

4. Zvinorevei kusikwa tiine rusununguko rwokuzvisarudzira?

4 Mwari akasika Adhamu naEvha vakachenjera, vachikwanisa kuzvisarudzira zvavanoda kuita. Sezvo isu tiri vazukuru vavo, takasunungukawo kuzvisarudzira zvatinoda kuita. Izvozvo zvinorevei? Zvinoreva kuti tinogona kusarudza kuita zvakanaka kana kuti zvakaipa. Izvi zvinoreva kuti Mwari akatipa rusununguko rwokusarudza kumuteerera kana kuti kusamuteerera. Asi tinozozvidavirira pane zvatinenge tasarudza. Chokwadi ndechokuti zvatinosarudza kuita panyaya yokuzvibata zvinogona kutipa upenyu kana kuti kutiurayisa. Zvinogonawo kubatsira kana kuti kukanganisa vamwe vari pedyo nesu.

5. Idambudziko ripi ratiinaro tose, asi tingarikunda sei?

5 Nemhaka yokuti hatina kukwana, hatizvarwi tiri vanhu vanoteerera. Hapasi pose pazviri nyore kuteerera mitemo yaMwari. Pauro aitoonawo zvichimuomera kuteerera. Akanyora kuti: “Ndinoona munhengo dzangu mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi uri munhengo dzangu.” (VaR. 7:23) Kuteerera kuri nyore kana pasina chaunorasikirwa nacho, kana kuti chinokurwadza. Asi tinoita sei kana “kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso” kuchipesana nechido chokuteerera Mwari? Kuchiva uku kwakasimba kunobva pakuti hatina kukwana uye takapoteredzwa ‘nomudzimu wenyika.’ (1 Joh. 2:16; 1 VaK. 2:12) Kuti tizvikunde tinofanira ‘kugadzirira mwoyo wedu’ tisati tapinda mumamiriro ezvinhu akaoma kana kuti mumuedzo totsidza kuti tichateerera Jehovha chero zvotsvuka sei. (Pis. 78:8) Tine mienzaniso yakawanda yomuBhaibheri yevanhu vakabudirira kuteerera nokuti vakagadzirira mwoyo yavo.—Ezra 7:10; Dhan. 1:8.

6, 7. Taura muenzaniso unoratidza kuti kudzidza tiri toga kunogona kutibatsira kuita zvisarudzo zvakachenjera.

6 Imwe nzira yokugadzirira nayo mwoyo yedu ndeyokushingaira kudzidza Magwaro nemabhuku anotsanangura Bhaibheri. Fungidzira zvinotevera zvichiitika kwauri. Ngatitii manheru awakaronga kuti ndeokudzidza uri woga. Uchangobva kunyengetera kuna Jehovha kuti mudzimu wake ukubatsire kushandisa zvaunodzidza muShoko rake. Wakaronga kuzoona rimwe firimu paTV mangwana acho manheru. Wakanzwa kuti vanoongorora mafirimu uye vamwewo vakataura zvakanaka nezvaro; asi iwe unoziva kuti rinobata-bata nyaya dzinonyadzisira uye dzokurwa.

7 Unofungisisa zano raPauro riri pana VaEfeso 5:3 rokuti: “Ufeve nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose kana kukara ngazvirege kumbotaurwa nezvazvo pakati penyu, sezvinokodzera vanhu vatsvene.” Unoyeukawo zvaakataura pana VaFiripi 4:8. (Verenga.) Paunenge uchidzamisa pfungwa dzako pazano iri rakafuridzirwa, unozvibvunza kuti, ‘Kana ndikarega zvinhu zviri mumapurogiramu akadai zvichipinda mumwoyo mangu nepfungwa ndinenge ndichitevedzera Jesu here pakuteerera zvakakwana?’ Saka woita sei pakadaro? Uchangoramba uchida kuona firimu racho here?

8. Nei tichifanira kugara takangwarira nzira yatinozvibata nayo uye yatinonamata nayo?

8 Kungava kukanganisa kana tikarega kungwarira nzira yatinozvibata nayo uye manamatiro edu, zvichida tichifunga kuti takasimba zvokuti hapana zvinoitika kwatiri kunyange tikashamwaridzana nevanhu vakaipa, izvo zvinosanganisira kufarira vaya vatinoona mumafirimu okurwa uye anonyadzisira. Panzvimbo pokudaro, tinofanira kuzvidzivirira pamwe nevana vedu kuti tisakanganiswa nomudzimu waSatani. Inga wani dzimba dzedu tinoedza kudzivakirira zvakasimba kuti matsotsi asapinda kana kuti asaona zviri mukati? Hatifaniriwo here kungwarira tichizvidzivirira ‘pamanomano’ aSatani?—VaEf. 6:11.

9. Nei tichifanira kuva nechido chokuteerera Jehovha mazuva ose?

9 Zuva nezuva tinotofanira kusarudza kuti tichaita zvinhu nenzira inodiwa naJehovha here kana kuti kwete. Kuti tiponeswe, tinofanira kuteerera Mwari torarama tichitevedzera mitemo yake yakarurama. Tinoratidza kuti kutenda kwedu ndekwechokwadi kana tichitevedzera muenzaniso waKristu wokuteerera kunyange “kusvikira parufu.” Jehovha achatipa mubayiro wokutendeka kwedu. Jesu akavimbisa kuti: “Anenge atsungirira kusvikira pakuguma ndiye achaponeswa.” (Mat. 24:13) Zviri pachena kuti tinotofanira kuratidza ushingi sehwaiva naJesu.—Pis. 31:24.

Jesu—Muenzaniso Mukuru Wokushinga

10. Matambudziko api atingasangana nawo, uye tinofanira kuita sei?

10 Sezvo tiri munyika izere nevanhu vane mafungiro netsika dzakaipa, tinotofanira kushinga kuti tisafanana navo. VaKristu vanosangana nematambudziko anogona kuita kuti vasiye nzira dzaJehovha dzakarurama, akadai setsika dzavanofanira kuva nadzo, vanhu vavanoshamwaridzana navo, nyaya dzemari, uye dzezvokunamata. Vakawanda vanoshorwa nevanhu vomumhuri dzavo. Mune dzimwe nyika, zvikoro zviri kuwedzera kudzidzisa dzidziso yokushanduka-shanduka, uye dzidziso yokuti hakuna Mwari yava kudavirwa nevakawanda. Pakadaro hatingopeti maoko. Tinotofanira kuona zvokuita kuti tisazviita uye tizvidzivirire. Muenzaniso waJesu unoratidza kuti tingazviita sei.

11. Kufungisisa zvakaitwa naJesu kunogona sei kuita kuti tiwedzere kushinga?

11 Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Munyika munotambudzika, asi shingai! Ini ndakunda nyika.” (Joh. 16:33) Haana kumbobvuma kufurirwa nenyika. Tinofanira kumutevedzera nokuti haana kumborega nyika ichimutadzisa kuita basa rake rokuparidza kana kumutadzisa kukoshesa kunamata kwechokwadi uye kuva netsika dzakanaka. Achinyengetera, Jesu akati nezvevadzidzi vake: “Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.” (Joh. 17:16) Kudzidza uye kufungisisa ushingi hwaiva naKristu kunogona kutipa ushingi hwokuramba takaparadzana nenyika.

Tevedzera Ushingi Hwaiva naJesu

12-14. Taura mienzaniso yokuratidza ushingi kwakaitwa naJesu.

12 Jesu akaratidza ushingi zvikuru paaiita ushumiri hwake. Achishandisa simba rake soMwanakomana waMwari, akapinda mutemberi asingatyi “akadzingira kunze vose vaya vaitengesa nokutenga mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari nemabhenji evaya vaitengesa njiva.” (Mat. 21:12) Varwi pavakauya kuzosunga Jesu usiku hwake hwokupedzisira ari pasi pano, akashinga akabva afamba achienda kwavaiva kuti adzivirire vadzidzi vake, achiti: “Kana ndiri ini wamuri kutsvaka, regai ava vaende.” (Joh. 18:8) Izvi zvichangoitika, akaudza Petro kuti adzorere bakatwa rake, zvichiratidza kuti Jesu aivimba naJehovha, kwete nezvombo.—Joh. 18:11.

13 Jesu haana kutombotya kufumura vadzidzisi venhema vakanga vasina rudo vomuzuva rake. Akavaudza kuti: “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nokuti munovharira vanhu umambo hwokumatenga. . . . Makarega nyaya dzakakura kwazvo dzoMutemo, dzinoti, kururamisira nengoni uye kutendeka. . . . Munochenesa kunze kwekapu nokwedhishi, asi mukati makazara nezvakapambwa nokunyanyisa.” (Mat. 23:13, 23, 25) Vadzidzi vaJesu vaizofanirawo kuva noushingi hwakadaro nokuti vatungamiriri vezvitendero zvenhema vaizotambudza uye vaizouraya vamwe vavo.—Mat. 23:34; 24:9.

14 Jesu akashinga kunyange paairwisana nemadhimoni. Mumwe musi akasangana nomumwe murume aiva nemadhimoni akanga akasimba zvokuti hapana kana aikwanisa kumusunga necheni. Asingamboratidzi kutya, Jesu akadzinga madhimoni akawanda akanga akagara murume iyeye. (Mako 5:1-13) Mazuva ano Mwari haana hake kupa vaKristu simba rokuita zvishamiso zvakadaro. Kunyange zvakadaro, mubasa redu rokuparidza nokudzidzisa, tinofanirawo kurwisana naSatani, uyo ‘akapofumadza pfungwa dzevasingatendi.’ (2 VaK. 4:4) Kungofanana naJesu, zvombo zvedu “hazvisi zvenyama, asi zvinosimbiswa naMwari kuti zviputse zvinhu zvakadzika midzi,” kureva dzidziso dzisina kururama dzezvitendero dzakadzika midzi. (2 VaK. 10:4) Pakushandisa zvombo izvi zvine chokuita nokunamata, tinotevedzera zvakaitwa naJesu.

15. Ushingi hwaJesu hwaibva pai?

15 Ushingi hwaJesu hwaibva pakutenda, kwete kuti chaingova hacho chivindi. Ndizvo zvatinofanirawo kuita. (Mako 4:40) Tingaita sei kuti tive nokutenda kwechokwadi? Panyaya iyi, zvakaitwa naJesu zvinogonazve kutibatsira. Akaratidza kuti ainyatsoziva Magwaro uye aivimba nawo zvizere. Chombo chake chaiva bakatwa romudzimu, Shoko raMwari, kwete bakatwa chairo. Aigara achiratidza kuti aitora dzidziso dzake muMagwaro. Aiwanzotanga kutaura achiti: “Zvakanyorwa kuti,” achireva zvakanyorwa muShoko raMwari. *

16. Tingaita sei kuti tive nokutenda kwakasimba?

16 Kuti tive nokutenda kunokurira miedzo inovapo kana tava vadzidzi, tinofanira kuverenga uye kudzidza Bhaibheri zuva nezuva tichipinda misangano yechiKristu, tichiita kuti chokwadi chinovaka kutenda chive mupfungwa dzedu. (VaR. 10:17) Tinofanirawo kudzamisa pfungwa dzedu pane zvatinenge tadzidza kuti zvidzike midzi mumwoyo medu. Kutenda kune mabasa chete ndiko kunotibatsira kuti tive noushingi. (Jak. 2:17) Uye tinofanira kunyengeterera mudzimu mutsvene nokuti kutenda ndechimwe chezvinhu zvinoumba chibereko chomudzimu.—VaG. 5:22.

17, 18. Imwe hanzvadzi yechiduku yakaratidza sei ushingi kuchikoro?

17 Imwe hanzvadzi yechiduku inonzi Kitty yakazvionera kuti kutenda kwakasimba kunoita sei kuti munhu ave noushingi. Kubvira achiri muduku, aiziva kuti akanga asingafaniri ‘kunyara nemashoko akanaka’ kuchikoro, uye aida kunyatsoparidzira vaaidzidza navo. (VaR. 1:16) Gore negore, aivavarira kuudza vamwe mashoko akanaka, asi aizeza nokuti akanga asina ushingi. Paakanga ava kuda kusvitsa makore okuma20, akachinja chikoro. Akati, “Iye zvino ndichashandisa mikana yose yandakarega ichipfuura.” Kitty akanyengeterera kuti ave noushingi hwakaita sohwaKristu, ungwaru, uye kuti awane mukana wakakodzera.

18 Musi wakavhurwa zvikoro, vana vakapiwa mukana wokutaura nezveupenyu hwavo. Vakawanda vakataura chechi dzavanopinda, asi vakawedzera kuti havawanzoenda kuchechi kwacho. Kitty akabva ati dzawira mutswanda sezvo zviri izvo zvaainyengeterera. Mukana wake pawakasvika, nechivimbo akabva ati, “Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye mararamiro angu uye zvandinoita pakunamata zvinobva muBhaibheri.” Paaitaura, vamwe vana vakafinyamisa kumeso. Asi vamwe vakateerera ndokuzomubvunza mibvunzo apedza. Mudzidzisi wacho akarumbidza Kitty nokushinga kutaura zvaanotenda. Kitty anofara chaizvo kuti akatevedzera ushingi hwaiva naJesu.

Iva Nokutenda uye Ushingi Sehwaiva naKristu

19. (a) Kuva nokutenda kwechokwadi kunosanganisirei? (b) Tingaita sei kuti Jehovha afare?

19 Vaapostora vaizivawo kuti ushingi hwavo hunofanira kubva pakutenda. Vakateterera Jesu kuti: “Tiwedzereiwo kutenda.” (Verenga Ruka 17:5, 6.) Kutenda kwechokwadi kunopfuura kungoziva kuti Mwari ariko. Kunosanganisira kuva noukama hwepedyo naJehovha, sezvinongoita mwana muduku nababa vake vane rudo. Achifuridzirwa, Soromoni akanyora kuti: “Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako ukava wakachenjera, mwoyo wangu ini uchafara. Itsvo dzangu dzichapembera nomufaro miromo yako painotaura zvakarurama.” (Zvir. 23:15, 16) Isuwo ushingi hwatinoratidza patinenge tichitsigira mitemo yaMwari yakarurama hunofadza Jehovha, uye kuziva izvozvo kunobva kwawedzerawo ushingi hwedu. Saka ngatigarei tichitevedzera Jesu, tichitsigira kururama tisingatyi.

[Mashoko Omuzasi]

Ungatsanangura Here?

• Chii chichatibatsira kuramba tichiteerera pasinei nokuti hatina kukwana?

• Kutenda kwechokwadi kunobva pachii, uye kungatibatsira sei kuti tive noushingi?

• Kana tikateerera uye tikaratidza ushingi hwakaita sehwaKristu tichabatsirwa sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Uri ‘kugadzirira mwoyo’ wako kuti ukunde miedzo here?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Tinogona kuratidza ushingi hunobva pakutenda, sezvakaita Jesu